Psalms 93 (BOSCB)
1 Jehovha anobata ushe, akashongedzwa noumambo;Jehovha akashongedzwa noumambo uye akafukidzwa nesimba.Nyika yakateyiwa zvakasimba; haingazungunuswi. 2 Chigaro chenyu choushe chakasimbiswa kare kare;imi muripo nokusingaperi. 3 Haiwa Jehovha, makungwa akasimudza,makungwa akasimudza manzwi awo;makungwa akasimudza mafungu anotinhira. 4 Mukuru kukunda kutinhira wemvura zhinji,mukuru kukunda mafungu egungwa,Jehovha ari kumusoro ndiye mukuru. 5 Zvamakatema hazvishanduki;utsvene hunofukidza imba yenyu imi Jehovha,kwamazuva asingaperi.