Zechariah 14 (BOSCB)

1 Zuva raJehovha richauya zvawakapamba pazvichagoverwa pakati penyu. 2 Ndichaunganidza ndudzi dzose kuJerusarema kuti dzirwise; guta richatorwa, dzimba dzigopambwa, uye vakadzi vachachinyiwa. Hafu yeguta ichatapwa, asi vamwe vanhu vose havazobviswi muguta. 3 Ipapo Jehovha achabuda kuti andorwisa ndudzi idzodzo, sokurwa kwaanoita pazuva rehondo. 4 Pazuva iroro tsoka dzake dzichamira paGomo reMiorivhi, kumabvazuva kweJerusarema, uye Gomo reMiorivhi richapamuka napakati kubva kumabvazuva kusvikira kumadokero, pagoita mupata mukuru kwazvo, imwe hafu yegomo ichatsedukira kurutivi rwokumusoro uye imwe hafu ichatsedukira zasi. 5 Muchatiza nomumupata wegomo rangu, nokuti uchasvika kuAzeri. Muchatiza sokutiza kwamakaita pakudengenyeka kwenyika pamazuva aUzia mambo weJudha. Ipapo Jehovha Mwari wangu achauya, uye navatsvene vose pamwe chete naye. 6 Pazuva iroro hakuzovi nechiedza, kutonhora kana chando. 7 Richava zuva rakasiyana namamwe, risina nguva dzousiku kana nguva dzamasikati, zuva rinozivikanwa naJehovha. Kana madekwana asvika, chiedza chichavapo. 8 Pazuva iroro mvura mhenyu ichayerera ichibuda muJerusarema, hafu kugungwa rokumabvazuva uye imwe hafu kugungwa rokumadokero, muzhizha nomuchando. 9 Jehovha achava mambo panyika yose. Pazuva iroro pachava naJehovha mumwe chete, uye zita rake rigova zita rimwe chete roga. 10 Nyika yose kubva kuGebha kusvikira kuRimoni, nechezasi kweJerusarema, ichava seArabha. Asi Jerusarema richasimudzirwa rigogara panzvimbo paro, kubva kuSuo raBhenjamini kusvikira kuSuo Rokutanga, kusvikirawo kuSuo Repakona, uye kubva kuShongwe yaHananeri kusvikira kuzvisviniro zvewaini zvamambo. 11 Ichagarwa; haichazoparadzwizve. Jerusarema richachengetedzeka. 12 Iri ndiro denda Jehovha raacharova naro ndudzi dzose dzakarwisa Jerusarema: Nyama yavo ichaora vachakamira namakumbo avo, maziso avo achaorera mumakomba awo, uye rurimi rwomumwe nomumwe wavo ruchaorera mumukanwa make. 13 Pazuva iroro varume vacharohwa naJehovha nokutya kukuru. Murume mumwe nomumwe achabata ruoko rwomumwe wake, vagorwisana. 14 Judhawo icharwa paJerusarema. Upfumi hwendudzi dzose dzakakomberedza Jerusarema huchatorwa, goridhe rakawanda, sirivha yakawanda nenguo zhinji. 15 Denda rakafanana nairori richarova mabhiza namanyurusi, ngamera nembongoro, uye nezvipfuwo zvose zviri mumisasa iyoyo. 16 Ipapo vachararama kubva kundudzi dzose dzakarwisa Jerusarema vachaenda gore negore kundonamata Mambo, Jehovha Wamasimba Ose, uye nokundopemberera Mutambo waMatumba. 17 Kana marudzi ose avanhu vapanyika akasaenda kuJerusarema kundonamata Mambo, Jehovha Wamasimba Ose, mvura hainganayi munyika dzavo. 18 Kana vaIjipita vakasaenda uye vakasandonamatawo, mvura hainganayi munyika yavo. Jehovha achauyisa denda pamusoro pavo, denda raanorova naro ndudzi dzisingaendi kundopemberera Mutambo waMatumba. 19 Ichi ndicho chichava chirango cheIjipiti uye nechirango chendudzi dzose dzisingaendi kundopemberera Mutambo waMatumba. 20 Pazuva iroro pamabhero amabhiza pachanyorwa kuti, UTSVENE KUNA JEHOVHA, uye hari dzokubikira dziri mumba maJehovha dzichafanana nembiya tsvene dziri pamberi pearitari. 21 Hari imwe neimwe iri muJerusarema nomuJudha ichava tsvene kuna Jehovha Wamasimba Ose, uye vose vachauya kuzobayira vachatora dzimwe hari vagodzibikira. Uye pazuva iro hakuchazovazve nomuKenani muimba yaJehovha Wamasimba Ose.

In Other Versions

Zechariah 14 in the ANGEFD

Zechariah 14 in the ANTPNG2D

Zechariah 14 in the AS21

Zechariah 14 in the BAGH

Zechariah 14 in the BBPNG

Zechariah 14 in the BBT1E

Zechariah 14 in the BDS

Zechariah 14 in the BEV

Zechariah 14 in the BHAD

Zechariah 14 in the BIB

Zechariah 14 in the BLPT

Zechariah 14 in the BNT

Zechariah 14 in the BNTABOOT

Zechariah 14 in the BNTLV

Zechariah 14 in the BOATCB

Zechariah 14 in the BOATCB2

Zechariah 14 in the BOBCV

Zechariah 14 in the BOCNT

Zechariah 14 in the BOECS

Zechariah 14 in the BOGWICC

Zechariah 14 in the BOHCB

Zechariah 14 in the BOHCV

Zechariah 14 in the BOHLNT

Zechariah 14 in the BOHNTLTAL

Zechariah 14 in the BOICB

Zechariah 14 in the BOILNTAP

Zechariah 14 in the BOITCV

Zechariah 14 in the BOKCV

Zechariah 14 in the BOKCV2

Zechariah 14 in the BOKHWOG

Zechariah 14 in the BOKSSV

Zechariah 14 in the BOLCB

Zechariah 14 in the BOLCB2

Zechariah 14 in the BOMCV

Zechariah 14 in the BONAV

Zechariah 14 in the BONCB

Zechariah 14 in the BONLT

Zechariah 14 in the BONUT2

Zechariah 14 in the BOPLNT

Zechariah 14 in the BOSNC

Zechariah 14 in the BOTLNT

Zechariah 14 in the BOVCB

Zechariah 14 in the BOYCB

Zechariah 14 in the BPBB

Zechariah 14 in the BPH

Zechariah 14 in the BSB

Zechariah 14 in the CCB

Zechariah 14 in the CUV

Zechariah 14 in the CUVS

Zechariah 14 in the DBT

Zechariah 14 in the DGDNT

Zechariah 14 in the DHNT

Zechariah 14 in the DNT

Zechariah 14 in the ELBE

Zechariah 14 in the EMTV

Zechariah 14 in the ESV

Zechariah 14 in the FBV

Zechariah 14 in the FEB

Zechariah 14 in the GGMNT

Zechariah 14 in the GNT

Zechariah 14 in the HARY

Zechariah 14 in the HNT

Zechariah 14 in the IRVA

Zechariah 14 in the IRVB

Zechariah 14 in the IRVG

Zechariah 14 in the IRVH

Zechariah 14 in the IRVK

Zechariah 14 in the IRVM

Zechariah 14 in the IRVM2

Zechariah 14 in the IRVO

Zechariah 14 in the IRVP

Zechariah 14 in the IRVT

Zechariah 14 in the IRVT2

Zechariah 14 in the IRVU

Zechariah 14 in the ISVN

Zechariah 14 in the JSNT

Zechariah 14 in the KAPI

Zechariah 14 in the KBT1ETNIK

Zechariah 14 in the KBV

Zechariah 14 in the KJV

Zechariah 14 in the KNFD

Zechariah 14 in the LBA

Zechariah 14 in the LBLA

Zechariah 14 in the LNT

Zechariah 14 in the LSV

Zechariah 14 in the MAAL

Zechariah 14 in the MBV

Zechariah 14 in the MBV2

Zechariah 14 in the MHNT

Zechariah 14 in the MKNFD

Zechariah 14 in the MNG

Zechariah 14 in the MNT

Zechariah 14 in the MNT2

Zechariah 14 in the MRS1T

Zechariah 14 in the NAA

Zechariah 14 in the NASB

Zechariah 14 in the NBLA

Zechariah 14 in the NBS

Zechariah 14 in the NBVTP

Zechariah 14 in the NET2

Zechariah 14 in the NIV11

Zechariah 14 in the NNT

Zechariah 14 in the NNT2

Zechariah 14 in the NNT3

Zechariah 14 in the PDDPT

Zechariah 14 in the PFNT

Zechariah 14 in the RMNT

Zechariah 14 in the SBIAS

Zechariah 14 in the SBIBS

Zechariah 14 in the SBIBS2

Zechariah 14 in the SBICS

Zechariah 14 in the SBIDS

Zechariah 14 in the SBIGS

Zechariah 14 in the SBIHS

Zechariah 14 in the SBIIS

Zechariah 14 in the SBIIS2

Zechariah 14 in the SBIIS3

Zechariah 14 in the SBIKS

Zechariah 14 in the SBIKS2

Zechariah 14 in the SBIMS

Zechariah 14 in the SBIOS

Zechariah 14 in the SBIPS

Zechariah 14 in the SBISS

Zechariah 14 in the SBITS

Zechariah 14 in the SBITS2

Zechariah 14 in the SBITS3

Zechariah 14 in the SBITS4

Zechariah 14 in the SBIUS

Zechariah 14 in the SBIVS

Zechariah 14 in the SBT

Zechariah 14 in the SBT1E

Zechariah 14 in the SCHL

Zechariah 14 in the SNT

Zechariah 14 in the SUSU

Zechariah 14 in the SUSU2

Zechariah 14 in the SYNO

Zechariah 14 in the TBIAOTANT

Zechariah 14 in the TBT1E

Zechariah 14 in the TBT1E2

Zechariah 14 in the TFTIP

Zechariah 14 in the TFTU

Zechariah 14 in the TGNTATF3T

Zechariah 14 in the THAI

Zechariah 14 in the TNFD

Zechariah 14 in the TNT

Zechariah 14 in the TNTIK

Zechariah 14 in the TNTIL

Zechariah 14 in the TNTIN

Zechariah 14 in the TNTIP

Zechariah 14 in the TNTIZ

Zechariah 14 in the TOMA

Zechariah 14 in the TTENT

Zechariah 14 in the UBG

Zechariah 14 in the UGV

Zechariah 14 in the UGV2

Zechariah 14 in the UGV3

Zechariah 14 in the VBL

Zechariah 14 in the VDCC

Zechariah 14 in the YALU

Zechariah 14 in the YAPE

Zechariah 14 in the YBVTP

Zechariah 14 in the ZBP