1 Chronicles 29 (BOSCB)

1 Ipapo Mambo Dhavhidhi akati kuungano yose, “Mwanakomana wangu Soromoni uyo asarudzwa naMwari mudiki uye haasati ava kunyatsogona. Basa iri iguru kwazvo nokuti muzinda uyu hausi womunhu asi ndowaJehovha Mwari. 2 Nokuwana kwangu kwose ndapa kutemberi yaMwari wangu goridhe pabasa regoridhe, sirivha pabasa resirivha, ndarira pabasa rendarira, simbi pabasa resimbi uye matanda pabasa ramatanda, pamwe chete neonikisi, namabwe okuisa mukati namatombo amavara akasiyana-siyana, namamwe mabwe akaurungana amarudzi ose namamwe machena, zvose izvi zvakawanda kwazvo. 3 Pamusoro pezvo mukuzvipira kwangu kutemberi yaMwari wangu zvino ndava kupa upfumi hwangu pachangu hwegoridhe nesirivha kutemberi yaMwari wangu, ndichiwedzera pamusoro pezvose zvandakapa kutemberi iyi tsvene zvinoti: 4 Matarenda zviuru zvitatu egoridhe (goridhe reOfiri) namatarenda zviuru zvinomwe esirivha yakanatswa yokufukidza madziro edzimba, 5 kuitira basa regoridhe, nebasa resirivha uye kuti basa rose riitwe navarume voumhizha. Zvino ndiani anoda kuzvitsaurira kuna Jehovha nhasi!” 6 Ipapo vatungamiri vemhuri, vakuru vamarudzi eIsraeri, vatungamiri vezviuru, vatungamiri vamazana namachinda aitungamirira basa ramambo vakapa nomwoyo unoda. 7 Vakapa kubasa rapatemberi matarenda zviuru zvishanu namadhariki zviuru gumi egoridhe, matarenda zviuru gumi esirivha, matarenda zviuru gumi nezvisere endarira, namatarenda zviuru zana esimbi. 8 Ani naani akanga ane matombo anokosha akapa ose kuimba yokuchengeta pfuma yetemberi yaJehovha zvichichengetwa naJehieri muGerishoni. 9 Vanhu vakapembera nomufaro pavakaona kuti vatungamiri vavo vakanga vapa nomwoyo unoda, nokuti vakanga vapa kuna Jehovha vakasununguka uye nomwoyo wose. Mambo Dhavhidhi akafarawo zvikuru. 10 Dhavhidhi akarumbidza Jehovha pamberi peungano yose achiti,“Rumbidzwai imi Jehovha,Mwari wababa vedu Israeri,kubva kusingaperi kusvika kusingaperi. 11 Ukuru nesimba ndezvenyu, imi Jehovha,kukudzwa noushe nokubwinya,nokuti zvose zviri kudenga napasi ndezvenyu.Umambo ndohwenyu,imi Jehovha munokudzwa somusoro wezvose. 12 Upfumi nokuremekedzwa zvinobva kwamuri;ndimi mutongi wezvinhu zvose.Mumaoko enyu mune simba noushekuti musimudzire uye musimbise vanhu vose. 13 Zvino, Mwari wedu, tinokuvongai,uye tinorumbidza zita renyu rakanakisa. 14 “Asi ini ndini aniko, uye vanhu vangu ndivanaaniko kuti tingakwanisa kupa zvakawanda kudai? Zvose zvinobva kwamuri, uye tangokupai chete zvinobva mumaoko enyu. 15 Tiri vatorwa navapfuuri pamberi penyu, sezvakanga zvakaita madzibaba edu ose. Mazuva edu panyika akaita somumvuri, asina tariro. 16 Imi Jehovha, Mwari wedu, izvi zvose zvakawanda kudai zvatapa kuti temberi yenyu ivakwe nokuda kweZita renyu Dzvene zvinobva muruoko rwenyu uye zvose ndezvenyu. 17 Ndinoziva, Mwari wangu, kuti munoedza mwoyo uye munofadzwa nokururama. Zvinhu zvose izvi ndakupai ndichida uye nomwoyo wakatendeka. Uye zvino ndaona ndikafadzwa namapiro aita vanhu venyu vari pano kwamuri nomwoyo unoda. 18 Imi Jehovha, Mwari wamadzibaba edu Abhurahama, Isaka, naIsraeri, chengetedzai kudokwairira kwakadai mumwoyo yavanhu venyu nokusingaperi, uye muite kuti mwoyo yavo irambe yakazvipira kwamuri. 19 Uye ipai mwanakomana wangu Soromoni mwoyo wakaperera kuti achengete mirayiro yenyu, zvose zvamunoda nemitemo yenyu uye kuti aite zvose kuti avake muzinda wandagadzirira zvose izvi.” 20 Ipapo Dhavhidhi akati kuungano yose, “Rumbidzai Jehovha Mwari wenyu.” Saka vose vakarumbidza Jehovha, Mwari wamadzibaba avo; vakakotamira pasi vakawira pasi nezviso pamberi paJehovha naMambo. 21 Zuva raitevera vakapa zvipiriso kuna Jehovha vakapa zvipiriso zvinopiswa kwaari zvinoti: hando chiuru, makondobwe chiuru, namakwayana makono chiuru, pamwe chete nezvipiriso zvavo zvokunwa, nezvimwe zvibayiro zvakawanda zveIsraeri. 22 Vakadya uye vakanwa nomufaro mukuru pamberi paJehovha zuva iroro.Ipapo vakazogamuchira Soromoni mwanakomana waDhavhidhi samambo kechipiri, vakamuzodza pamberi paJehovha kuti ave mutongi, uye Zadhoki ave muprista. 23 Saka Soromoni akagara pachigaro choushe chaJehovha samambo panzvimbo yababa vake Dhavhidhi. Akabudirira uye Israeri yose yakamuteerera. 24 Vatungamiri vose pamwe chete navarume voumhare, pamwe chete navanakomana vose vaMambo vaDhavhidhi vakavimbisa kuzviisa pasi paMambo Soromoni. 25 Jehovha akasimudzira Soromoni kwazvo pamberi peIsraeri yose akaisa paari kukudzwa kwoumambo kusina kumbopiwa mumwe mambo weIsraeri akamutangira. 26 Dhavhidhi mwanakomana waJese aiva mambo pamusoro peIsraeri yose. 27 Akatonga Israeri kwamakore makumi mana, manomwe muHebhuroni uye makumi matatu namatatu muJerusarema. 28 Akafa akwegura zvikuru ararama upenyu hurefu, hune upfumi nokukudzwa. Mwanakomana wake Soromoni akamutevera paumambo. 29 Kana zviri zvinhu zvakaitika panguva yokutonga kwaMambo Dhavhidhi kubva pakutanga kusvika kumagumo, zvakanyorwa muzvinyorwa zvaSamueri muoni, zvinyorwa zvaNatani muprofita, uye nomuzvinyorwa zvaGadhi muoni, 30 pamwe chete nenhoroondo dzokutonga kwake, uye nesimba, nezvinhu zvakaitika kwaari iye neIsraeri noumambo hwedzimwe nyika dzose.

In Other Versions

1 Chronicles 29 in the ANGEFD

1 Chronicles 29 in the ANTPNG2D

1 Chronicles 29 in the AS21

1 Chronicles 29 in the BAGH

1 Chronicles 29 in the BBPNG

1 Chronicles 29 in the BBT1E

1 Chronicles 29 in the BDS

1 Chronicles 29 in the BEV

1 Chronicles 29 in the BHAD

1 Chronicles 29 in the BIB

1 Chronicles 29 in the BLPT

1 Chronicles 29 in the BNT

1 Chronicles 29 in the BNTABOOT

1 Chronicles 29 in the BNTLV

1 Chronicles 29 in the BOATCB

1 Chronicles 29 in the BOATCB2

1 Chronicles 29 in the BOBCV

1 Chronicles 29 in the BOCNT

1 Chronicles 29 in the BOECS

1 Chronicles 29 in the BOGWICC

1 Chronicles 29 in the BOHCB

1 Chronicles 29 in the BOHCV

1 Chronicles 29 in the BOHLNT

1 Chronicles 29 in the BOHNTLTAL

1 Chronicles 29 in the BOICB

1 Chronicles 29 in the BOILNTAP

1 Chronicles 29 in the BOITCV

1 Chronicles 29 in the BOKCV

1 Chronicles 29 in the BOKCV2

1 Chronicles 29 in the BOKHWOG

1 Chronicles 29 in the BOKSSV

1 Chronicles 29 in the BOLCB

1 Chronicles 29 in the BOLCB2

1 Chronicles 29 in the BOMCV

1 Chronicles 29 in the BONAV

1 Chronicles 29 in the BONCB

1 Chronicles 29 in the BONLT

1 Chronicles 29 in the BONUT2

1 Chronicles 29 in the BOPLNT

1 Chronicles 29 in the BOSNC

1 Chronicles 29 in the BOTLNT

1 Chronicles 29 in the BOVCB

1 Chronicles 29 in the BOYCB

1 Chronicles 29 in the BPBB

1 Chronicles 29 in the BPH

1 Chronicles 29 in the BSB

1 Chronicles 29 in the CCB

1 Chronicles 29 in the CUV

1 Chronicles 29 in the CUVS

1 Chronicles 29 in the DBT

1 Chronicles 29 in the DGDNT

1 Chronicles 29 in the DHNT

1 Chronicles 29 in the DNT

1 Chronicles 29 in the ELBE

1 Chronicles 29 in the EMTV

1 Chronicles 29 in the ESV

1 Chronicles 29 in the FBV

1 Chronicles 29 in the FEB

1 Chronicles 29 in the GGMNT

1 Chronicles 29 in the GNT

1 Chronicles 29 in the HARY

1 Chronicles 29 in the HNT

1 Chronicles 29 in the IRVA

1 Chronicles 29 in the IRVB

1 Chronicles 29 in the IRVG

1 Chronicles 29 in the IRVH

1 Chronicles 29 in the IRVK

1 Chronicles 29 in the IRVM

1 Chronicles 29 in the IRVM2

1 Chronicles 29 in the IRVO

1 Chronicles 29 in the IRVP

1 Chronicles 29 in the IRVT

1 Chronicles 29 in the IRVT2

1 Chronicles 29 in the IRVU

1 Chronicles 29 in the ISVN

1 Chronicles 29 in the JSNT

1 Chronicles 29 in the KAPI

1 Chronicles 29 in the KBT1ETNIK

1 Chronicles 29 in the KBV

1 Chronicles 29 in the KJV

1 Chronicles 29 in the KNFD

1 Chronicles 29 in the LBA

1 Chronicles 29 in the LBLA

1 Chronicles 29 in the LNT

1 Chronicles 29 in the LSV

1 Chronicles 29 in the MAAL

1 Chronicles 29 in the MBV

1 Chronicles 29 in the MBV2

1 Chronicles 29 in the MHNT

1 Chronicles 29 in the MKNFD

1 Chronicles 29 in the MNG

1 Chronicles 29 in the MNT

1 Chronicles 29 in the MNT2

1 Chronicles 29 in the MRS1T

1 Chronicles 29 in the NAA

1 Chronicles 29 in the NASB

1 Chronicles 29 in the NBLA

1 Chronicles 29 in the NBS

1 Chronicles 29 in the NBVTP

1 Chronicles 29 in the NET2

1 Chronicles 29 in the NIV11

1 Chronicles 29 in the NNT

1 Chronicles 29 in the NNT2

1 Chronicles 29 in the NNT3

1 Chronicles 29 in the PDDPT

1 Chronicles 29 in the PFNT

1 Chronicles 29 in the RMNT

1 Chronicles 29 in the SBIAS

1 Chronicles 29 in the SBIBS

1 Chronicles 29 in the SBIBS2

1 Chronicles 29 in the SBICS

1 Chronicles 29 in the SBIDS

1 Chronicles 29 in the SBIGS

1 Chronicles 29 in the SBIHS

1 Chronicles 29 in the SBIIS

1 Chronicles 29 in the SBIIS2

1 Chronicles 29 in the SBIIS3

1 Chronicles 29 in the SBIKS

1 Chronicles 29 in the SBIKS2

1 Chronicles 29 in the SBIMS

1 Chronicles 29 in the SBIOS

1 Chronicles 29 in the SBIPS

1 Chronicles 29 in the SBISS

1 Chronicles 29 in the SBITS

1 Chronicles 29 in the SBITS2

1 Chronicles 29 in the SBITS3

1 Chronicles 29 in the SBITS4

1 Chronicles 29 in the SBIUS

1 Chronicles 29 in the SBIVS

1 Chronicles 29 in the SBT

1 Chronicles 29 in the SBT1E

1 Chronicles 29 in the SCHL

1 Chronicles 29 in the SNT

1 Chronicles 29 in the SUSU

1 Chronicles 29 in the SUSU2

1 Chronicles 29 in the SYNO

1 Chronicles 29 in the TBIAOTANT

1 Chronicles 29 in the TBT1E

1 Chronicles 29 in the TBT1E2

1 Chronicles 29 in the TFTIP

1 Chronicles 29 in the TFTU

1 Chronicles 29 in the TGNTATF3T

1 Chronicles 29 in the THAI

1 Chronicles 29 in the TNFD

1 Chronicles 29 in the TNT

1 Chronicles 29 in the TNTIK

1 Chronicles 29 in the TNTIL

1 Chronicles 29 in the TNTIN

1 Chronicles 29 in the TNTIP

1 Chronicles 29 in the TNTIZ

1 Chronicles 29 in the TOMA

1 Chronicles 29 in the TTENT

1 Chronicles 29 in the UBG

1 Chronicles 29 in the UGV

1 Chronicles 29 in the UGV2

1 Chronicles 29 in the UGV3

1 Chronicles 29 in the VBL

1 Chronicles 29 in the VDCC

1 Chronicles 29 in the YALU

1 Chronicles 29 in the YAPE

1 Chronicles 29 in the YBVTP

1 Chronicles 29 in the ZBP