1 Corinthians 9 (BOSCB)

1 Handina kusununguka here? Handizi mupostori here? Handina kuona Jesu Kristu Ishe wedu here? Imi hamusi chibereko chebasa rangu muna She here? 2 Kunyange zvangu ndisiri mupostori kuna vamwe, zvirokwazvo ndiri mupostori kwamuri! Nokuti imi ndimi chisimbiso choupostori hwangu muna She. 3 Uku ndiko kuzvidavirira kwangu kuna avo vanondigarira matare. 4 Hatina kodzero yokuva nezvokudya nezvokunwa here? 5 Hatina kodzero yokufamba nomukadzi mutendi here sezvinoita vamwe vapostori navanunʼuna vaShe naKefasi? 6 Kana kuti ini ndoga naBhanabhasi ndisu tinofanira kushanda kuti tirarame? 7 Ndianiko angandorwa muhondo achizviripira mubayiro? Ndianiko angasima munda wamazambiringa uye akasadya mazambiringa acho? Ndianiko angafudza makwai uye akasanwa mukaka wawo? 8 Ko, ndinotaura izvo nokutaura kwavanhu here? Ko, murayiro haurevi zvimwe chetezvo here? 9 Nokuti zvakanyorwa mumurayiro waMozisi, zvichinzi, “Usasunga muromo wenzombe kana ichipura zviyo.” Ko, Mwari ane hanya nenzombe here? 10 Zvirokwazvo anotaura izvi kwatiri, hazvisizvo here? Hongu, zvakanyorerwa isu, nokuti kana murimi achirima, nomupuri achipura, anofanira kuita izvi netariro yokuti achagoverwawo gohwo. 11 Kana isu takadyara zvinhu zvomweya pakati penyu, chingava chinhu chikuru here kana tikakohwa zvinhu zvenyu zvenyama? 12 Kana vamwe vane kodzero iyi yokuwana rubatsiro kubva kwamuri, hatifaniri kutowana zvikuru here?Asi hatina kushandisa kodzero iyi. Asi tinotambudzika pane zvose kuitira kuti tirege kukanganisa vhangeri raKristu. 13 Hamuzivi here kuti vaya vanoshumira mutemberi vanowana zvokudya zvavo mutemberi, uye vanoshumira paaritari vanodya zvearitari? 14 Saizvozvowo, Ishe akarayira kuti vanoparidza vhangeri vanofanira kuwana zvinovararamisa kubva pavhangeri. 15 Asi handina kushandisa kana imwe yekodzero idzi. Uye handisi kunyora izvi ndine tariro yokuti muchandiitira zvinhu zvakadai. Zviri nani kuti ndife zvangu pano kuti mumwe munhu anditorere chinhu ichi chandinozvirumbidza nacho. 16 Asi kana ndichiparidza vhangeri, handingazvirumbidzi, nokuti ndinosungirwa kuti ndiparidze. Ndine nhamo, kana ndisingaparidzi vhangeri! 17 Kana ndichiparidza nokuda kwangu, ndino mubayiro; kana ndichiita ndisingadi, ndiri kungoita chete izvo zvandakapiwa kuti ndiite. 18 Zvino mubayiro wangu ndoweiko? Ndiwo uyu, kuti mukuparidza vhangeri ndizviite pasina muripo, uye ndisingashandisi kodzero dzangu mukuriparidza. 19 Kunyange zvangu ndakasununguka uye ndisiri muranda womunhu, ndakazviita muranda wavose, kuti ndiwane vazhinji kwazvo. 20 KuvaJudha ndakava somuJudha, kuti ndiwane vaJudha. Kuna vari pasi pomurayiro ndakava somunhu ari pasi pomurayiro (kunyange ini ndisiri pasi pomurayiro), kuti ndiwane vari pasi pomurayiro. 21 Kuna vasina murayiro, ndakava somunhu asina murayiro (kunyange zvangu ndisina kusununguka kubva pamurayiro waMwari, ndiri pasi pomurayiro waKristu), kuti ndiwane vaya vasina murayiro. 22 Kuna vasina simba ndakava sendisina simba, kuti ndiwane vaya vasina simba. Ndakava zvose kuvanhu vose kuitira kuti ndiponese vamwe nemitoo yose inogoneka. 23 Ndinoita zvose izvi nokuda kwevhangeri, kuti ndigovere maropafadzo aro. 24 Hamuzivi here kuti panhangemutange vanhu vose vanomhanya, asi mumwe chete ndiye anopiwa mubayiro? Mhanyai zvokuti mugowana mubayiro. 25 Vanhu vose vanopinda mumutambo vanozvirovedza zvakaoma. Vanoita izvi kuti vawane korona isingagari; asi isu tinozviita kuti tiwane korona inogara nokusingaperi. 26 Naizvozvo handimhanyi somunhu asina chinangwa; handirwi somunhu anorova mhepo. 27 Kwete, ndinorovedzera muviri wangu uye ndinouita muranda wangu kuitira kuti mushure mokunge ndapedza kuparidzira vamwe, ini pachangu ndirege kushayiwa mubayiro.

In Other Versions

1 Corinthians 9 in the ANGEFD

1 Corinthians 9 in the ANTPNG2D

1 Corinthians 9 in the AS21

1 Corinthians 9 in the BAGH

1 Corinthians 9 in the BBPNG

1 Corinthians 9 in the BBT1E

1 Corinthians 9 in the BDS

1 Corinthians 9 in the BEV

1 Corinthians 9 in the BHAD

1 Corinthians 9 in the BIB

1 Corinthians 9 in the BLPT

1 Corinthians 9 in the BNT

1 Corinthians 9 in the BNTABOOT

1 Corinthians 9 in the BNTLV

1 Corinthians 9 in the BOATCB

1 Corinthians 9 in the BOATCB2

1 Corinthians 9 in the BOBCV

1 Corinthians 9 in the BOCNT

1 Corinthians 9 in the BOECS

1 Corinthians 9 in the BOGWICC

1 Corinthians 9 in the BOHCB

1 Corinthians 9 in the BOHCV

1 Corinthians 9 in the BOHLNT

1 Corinthians 9 in the BOHNTLTAL

1 Corinthians 9 in the BOICB

1 Corinthians 9 in the BOILNTAP

1 Corinthians 9 in the BOITCV

1 Corinthians 9 in the BOKCV

1 Corinthians 9 in the BOKCV2

1 Corinthians 9 in the BOKHWOG

1 Corinthians 9 in the BOKSSV

1 Corinthians 9 in the BOLCB

1 Corinthians 9 in the BOLCB2

1 Corinthians 9 in the BOMCV

1 Corinthians 9 in the BONAV

1 Corinthians 9 in the BONCB

1 Corinthians 9 in the BONLT

1 Corinthians 9 in the BONUT2

1 Corinthians 9 in the BOPLNT

1 Corinthians 9 in the BOSNC

1 Corinthians 9 in the BOTLNT

1 Corinthians 9 in the BOVCB

1 Corinthians 9 in the BOYCB

1 Corinthians 9 in the BPBB

1 Corinthians 9 in the BPH

1 Corinthians 9 in the BSB

1 Corinthians 9 in the CCB

1 Corinthians 9 in the CUV

1 Corinthians 9 in the CUVS

1 Corinthians 9 in the DBT

1 Corinthians 9 in the DGDNT

1 Corinthians 9 in the DHNT

1 Corinthians 9 in the DNT

1 Corinthians 9 in the ELBE

1 Corinthians 9 in the EMTV

1 Corinthians 9 in the ESV

1 Corinthians 9 in the FBV

1 Corinthians 9 in the FEB

1 Corinthians 9 in the GGMNT

1 Corinthians 9 in the GNT

1 Corinthians 9 in the HARY

1 Corinthians 9 in the HNT

1 Corinthians 9 in the IRVA

1 Corinthians 9 in the IRVB

1 Corinthians 9 in the IRVG

1 Corinthians 9 in the IRVH

1 Corinthians 9 in the IRVK

1 Corinthians 9 in the IRVM

1 Corinthians 9 in the IRVM2

1 Corinthians 9 in the IRVO

1 Corinthians 9 in the IRVP

1 Corinthians 9 in the IRVT

1 Corinthians 9 in the IRVT2

1 Corinthians 9 in the IRVU

1 Corinthians 9 in the ISVN

1 Corinthians 9 in the JSNT

1 Corinthians 9 in the KAPI

1 Corinthians 9 in the KBT1ETNIK

1 Corinthians 9 in the KBV

1 Corinthians 9 in the KJV

1 Corinthians 9 in the KNFD

1 Corinthians 9 in the LBA

1 Corinthians 9 in the LBLA

1 Corinthians 9 in the LNT

1 Corinthians 9 in the LSV

1 Corinthians 9 in the MAAL

1 Corinthians 9 in the MBV

1 Corinthians 9 in the MBV2

1 Corinthians 9 in the MHNT

1 Corinthians 9 in the MKNFD

1 Corinthians 9 in the MNG

1 Corinthians 9 in the MNT

1 Corinthians 9 in the MNT2

1 Corinthians 9 in the MRS1T

1 Corinthians 9 in the NAA

1 Corinthians 9 in the NASB

1 Corinthians 9 in the NBLA

1 Corinthians 9 in the NBS

1 Corinthians 9 in the NBVTP

1 Corinthians 9 in the NET2

1 Corinthians 9 in the NIV11

1 Corinthians 9 in the NNT

1 Corinthians 9 in the NNT2

1 Corinthians 9 in the NNT3

1 Corinthians 9 in the PDDPT

1 Corinthians 9 in the PFNT

1 Corinthians 9 in the RMNT

1 Corinthians 9 in the SBIAS

1 Corinthians 9 in the SBIBS

1 Corinthians 9 in the SBIBS2

1 Corinthians 9 in the SBICS

1 Corinthians 9 in the SBIDS

1 Corinthians 9 in the SBIGS

1 Corinthians 9 in the SBIHS

1 Corinthians 9 in the SBIIS

1 Corinthians 9 in the SBIIS2

1 Corinthians 9 in the SBIIS3

1 Corinthians 9 in the SBIKS

1 Corinthians 9 in the SBIKS2

1 Corinthians 9 in the SBIMS

1 Corinthians 9 in the SBIOS

1 Corinthians 9 in the SBIPS

1 Corinthians 9 in the SBISS

1 Corinthians 9 in the SBITS

1 Corinthians 9 in the SBITS2

1 Corinthians 9 in the SBITS3

1 Corinthians 9 in the SBITS4

1 Corinthians 9 in the SBIUS

1 Corinthians 9 in the SBIVS

1 Corinthians 9 in the SBT

1 Corinthians 9 in the SBT1E

1 Corinthians 9 in the SCHL

1 Corinthians 9 in the SNT

1 Corinthians 9 in the SUSU

1 Corinthians 9 in the SUSU2

1 Corinthians 9 in the SYNO

1 Corinthians 9 in the TBIAOTANT

1 Corinthians 9 in the TBT1E

1 Corinthians 9 in the TBT1E2

1 Corinthians 9 in the TFTIP

1 Corinthians 9 in the TFTU

1 Corinthians 9 in the TGNTATF3T

1 Corinthians 9 in the THAI

1 Corinthians 9 in the TNFD

1 Corinthians 9 in the TNT

1 Corinthians 9 in the TNTIK

1 Corinthians 9 in the TNTIL

1 Corinthians 9 in the TNTIN

1 Corinthians 9 in the TNTIP

1 Corinthians 9 in the TNTIZ

1 Corinthians 9 in the TOMA

1 Corinthians 9 in the TTENT

1 Corinthians 9 in the UBG

1 Corinthians 9 in the UGV

1 Corinthians 9 in the UGV2

1 Corinthians 9 in the UGV3

1 Corinthians 9 in the VBL

1 Corinthians 9 in the VDCC

1 Corinthians 9 in the YALU

1 Corinthians 9 in the YAPE

1 Corinthians 9 in the YBVTP

1 Corinthians 9 in the ZBP