1 Timothy 5 (BOSCB)

1 Usatsiura murume mukuru nehasha, asi utaure naye sounotaura nababa vako. Vaduku uvabate savanunʼuna vako. 2 Vakadzi vakuru savanamai, uye vakadzi vaduku sehanzvadzi, nokuchena kwose kwomwoyo. 3 Ipa rukudzo rwakafanira kuchirikadzi dziri chirikadzi chaidzo. 4 Asi kana chirikadzi ina vana kana vazukuru, ava ngavatange ivo kudzidza kurarama chinamato chavo kumhuri dzavo uye vadzosere zvakafanira kuvabereki vavo uye navakwegura, nokuti izvi zvinofadza Mwari. 5 Chirikadzi iri chirikadzi chaiyo uye yakasara ichingova yoga inoisa tariro yayo kuna Mwari uye inogara ichinyengetera nokukumbira kuna Mwari usiku namasikati. 6 Asi chirikadzi inoraramira kuzvifadza yakafa ichiri mhenyu. 7 Rayirawo vanhu zvinhu izvi, kuitira kuti kurege kuva nomunhu angapomerwa. 8 Kana munhu asingachengeti hama dzake, uye zvikuru sei veimba yake, arasa kutenda, uye akaipa kukunda asingatendi. 9 Hakuna chirikadzi inganyorwa pamazita echirikadzi kana isina makore anopfuura makumi matanhatu, yakanga yakatendeka kumurume wayo, 10 uye ichinyatsozivikanwa pamabasa ayo akanaka, akafanana nokurera vana, nokubata vaeni zvakanaka, kushambidza tsoka dzavatsvene, kubatsira vaya vari mumatambudziko, uye yakazvipira kuita pamabasa ose akanaka. 11 Asi kana dziri chirikadzi duku usadzinyora pamazita aya. Nokuti kana nyama yadzo yakunda kuzvipira kwadzo kuna Kristu, dzichazotsvaka kuwanikwa. 12 Naizvozvo dzichazvivigira kutongwa, nokuti dzinenge dzaputsa kutenda kwadzo kwokutanga. 13 Pamusoro pezvo, dzinoita tsika dzokuva nousimbe uye dzichipota nedzimba. Uye hadzizi simbe bedzi, asi vaitiwo vamakuhwa, uye vasina basa ravanoita, vachitaura zvisakafanira. 14 Naizvozvo ndinoti kuchirikadzi duku ngadziwanikwe, kuti dzibereke vana, dzichengete dzimba dzadzo uye kuti dzisapa muvengi mukana wokupomera nawo. 15 Vamwe vakatotsauka kare vachitevera Satani. 16 Kana mukadzi upi zvake mutendi aine chirikadzi mumhuri yake, anofanira kudzibatsira uye arege kuita kuti kereke iremedzwe nadzo, kuitira kuti kereke igone kubatsira chirikadzi dziri kushayiwa zvechokwadi. 17 Vakuru vanobata kereke zvakanaka vakafanira kukudzwa zvakapetwa kaviri, zvikuru sei vaya vanoita basa rokuparidza nokudzidzisa. 18 Nokuti Rugwaro runoti, “Usasunga muromo wenzombe kana ichipura zviyo,” uye “Mushandi akafanirwa nomubayiro wake.” 19 Usagamuchira mhaka inopomerwa mukuru kunze kwokunge yauyiswa nezvapupu zviviri kana zvitatu. 20 Avo vanotadza vanofanira kutsiurwa pamberi pavanhu, kuitira kuti vamwe vagoyambirwa. 21 Ndinokurayira, pamberi paMwari naKristu Jesu uye napamberi pavatumwa vakasanangurwa, kuti uchengete mirayiro iyi zvakanaka, uye usingaiti uchitsaura vanhu. 22 Usakurumidza kuisa maoko pamusoro pomunhu, uye usabatana nezvivi zvavamwe. Zvichengete kuti uve wakachena. 23 Rega kunwa mvura yoga, uye unwe waini shoma nokuda kwomudumbu mako uye nokurwara-rwara kwako. 24 Zvivi zvavamwe vanhu zvinoonekwa pachena, zvichivatangira kusvika panzvimbo yokutongwa; zvivi zvavamwe zvinotevera mushure mavo. 25 Nenzira imwe cheteyo, mabasa akanaka anoonekwawo pachena, uye kunyange naasina kudaro haangavanziki.

In Other Versions

1 Timothy 5 in the ANGEFD

1 Timothy 5 in the ANTPNG2D

1 Timothy 5 in the AS21

1 Timothy 5 in the BAGH

1 Timothy 5 in the BBPNG

1 Timothy 5 in the BBT1E

1 Timothy 5 in the BDS

1 Timothy 5 in the BEV

1 Timothy 5 in the BHAD

1 Timothy 5 in the BIB

1 Timothy 5 in the BLPT

1 Timothy 5 in the BNT

1 Timothy 5 in the BNTABOOT

1 Timothy 5 in the BNTLV

1 Timothy 5 in the BOATCB

1 Timothy 5 in the BOATCB2

1 Timothy 5 in the BOBCV

1 Timothy 5 in the BOCNT

1 Timothy 5 in the BOECS

1 Timothy 5 in the BOGWICC

1 Timothy 5 in the BOHCB

1 Timothy 5 in the BOHCV

1 Timothy 5 in the BOHLNT

1 Timothy 5 in the BOHNTLTAL

1 Timothy 5 in the BOICB

1 Timothy 5 in the BOILNTAP

1 Timothy 5 in the BOITCV

1 Timothy 5 in the BOKCV

1 Timothy 5 in the BOKCV2

1 Timothy 5 in the BOKHWOG

1 Timothy 5 in the BOKSSV

1 Timothy 5 in the BOLCB

1 Timothy 5 in the BOLCB2

1 Timothy 5 in the BOMCV

1 Timothy 5 in the BONAV

1 Timothy 5 in the BONCB

1 Timothy 5 in the BONLT

1 Timothy 5 in the BONUT2

1 Timothy 5 in the BOPLNT

1 Timothy 5 in the BOSNC

1 Timothy 5 in the BOTLNT

1 Timothy 5 in the BOVCB

1 Timothy 5 in the BOYCB

1 Timothy 5 in the BPBB

1 Timothy 5 in the BPH

1 Timothy 5 in the BSB

1 Timothy 5 in the CCB

1 Timothy 5 in the CUV

1 Timothy 5 in the CUVS

1 Timothy 5 in the DBT

1 Timothy 5 in the DGDNT

1 Timothy 5 in the DHNT

1 Timothy 5 in the DNT

1 Timothy 5 in the ELBE

1 Timothy 5 in the EMTV

1 Timothy 5 in the ESV

1 Timothy 5 in the FBV

1 Timothy 5 in the FEB

1 Timothy 5 in the GGMNT

1 Timothy 5 in the GNT

1 Timothy 5 in the HARY

1 Timothy 5 in the HNT

1 Timothy 5 in the IRVA

1 Timothy 5 in the IRVB

1 Timothy 5 in the IRVG

1 Timothy 5 in the IRVH

1 Timothy 5 in the IRVK

1 Timothy 5 in the IRVM

1 Timothy 5 in the IRVM2

1 Timothy 5 in the IRVO

1 Timothy 5 in the IRVP

1 Timothy 5 in the IRVT

1 Timothy 5 in the IRVT2

1 Timothy 5 in the IRVU

1 Timothy 5 in the ISVN

1 Timothy 5 in the JSNT

1 Timothy 5 in the KAPI

1 Timothy 5 in the KBT1ETNIK

1 Timothy 5 in the KBV

1 Timothy 5 in the KJV

1 Timothy 5 in the KNFD

1 Timothy 5 in the LBA

1 Timothy 5 in the LBLA

1 Timothy 5 in the LNT

1 Timothy 5 in the LSV

1 Timothy 5 in the MAAL

1 Timothy 5 in the MBV

1 Timothy 5 in the MBV2

1 Timothy 5 in the MHNT

1 Timothy 5 in the MKNFD

1 Timothy 5 in the MNG

1 Timothy 5 in the MNT

1 Timothy 5 in the MNT2

1 Timothy 5 in the MRS1T

1 Timothy 5 in the NAA

1 Timothy 5 in the NASB

1 Timothy 5 in the NBLA

1 Timothy 5 in the NBS

1 Timothy 5 in the NBVTP

1 Timothy 5 in the NET2

1 Timothy 5 in the NIV11

1 Timothy 5 in the NNT

1 Timothy 5 in the NNT2

1 Timothy 5 in the NNT3

1 Timothy 5 in the PDDPT

1 Timothy 5 in the PFNT

1 Timothy 5 in the RMNT

1 Timothy 5 in the SBIAS

1 Timothy 5 in the SBIBS

1 Timothy 5 in the SBIBS2

1 Timothy 5 in the SBICS

1 Timothy 5 in the SBIDS

1 Timothy 5 in the SBIGS

1 Timothy 5 in the SBIHS

1 Timothy 5 in the SBIIS

1 Timothy 5 in the SBIIS2

1 Timothy 5 in the SBIIS3

1 Timothy 5 in the SBIKS

1 Timothy 5 in the SBIKS2

1 Timothy 5 in the SBIMS

1 Timothy 5 in the SBIOS

1 Timothy 5 in the SBIPS

1 Timothy 5 in the SBISS

1 Timothy 5 in the SBITS

1 Timothy 5 in the SBITS2

1 Timothy 5 in the SBITS3

1 Timothy 5 in the SBITS4

1 Timothy 5 in the SBIUS

1 Timothy 5 in the SBIVS

1 Timothy 5 in the SBT

1 Timothy 5 in the SBT1E

1 Timothy 5 in the SCHL

1 Timothy 5 in the SNT

1 Timothy 5 in the SUSU

1 Timothy 5 in the SUSU2

1 Timothy 5 in the SYNO

1 Timothy 5 in the TBIAOTANT

1 Timothy 5 in the TBT1E

1 Timothy 5 in the TBT1E2

1 Timothy 5 in the TFTIP

1 Timothy 5 in the TFTU

1 Timothy 5 in the TGNTATF3T

1 Timothy 5 in the THAI

1 Timothy 5 in the TNFD

1 Timothy 5 in the TNT

1 Timothy 5 in the TNTIK

1 Timothy 5 in the TNTIL

1 Timothy 5 in the TNTIN

1 Timothy 5 in the TNTIP

1 Timothy 5 in the TNTIZ

1 Timothy 5 in the TOMA

1 Timothy 5 in the TTENT

1 Timothy 5 in the UBG

1 Timothy 5 in the UGV

1 Timothy 5 in the UGV2

1 Timothy 5 in the UGV3

1 Timothy 5 in the VBL

1 Timothy 5 in the VDCC

1 Timothy 5 in the YALU

1 Timothy 5 in the YAPE

1 Timothy 5 in the YBVTP

1 Timothy 5 in the ZBP