1 Timothy 6 (BOSCB)

1 Vose varanda vari pasi pejoko rouranda vanofanira kukudza vatenzi vavo zvizere, kuitira kuti zita raMwari nedzidziso yedu zvirege kumhurwa. 2 Avo vana vatenzi vanotenda ngavarege kuvazvidza nokuda kwokuti ihama. Asi kutoti vanofanira kuvashumira zviri nani, nokuti vaya vanobatsirwa nebasa ravo vatendi, uye vadikanwi kwavari. Izvi ndizvo zvinhu zvaunofanira kuvadzidzisa uye nokuvarayira. 3 Kana munhu achidzidzisa dzidziso dzenhema uye asingabvumi dzidziso yakanaka yaIshe wedu Jesu Kristu uye nedzidziso youmwari, 4 anongozvikudza uye haazivi chinhu. Anongofarira nharo nokukakavara pamusoro pamashoko asingabatsiri, anongomutsa godo, gakava, kutukana nokufungirana zvakaipa, 5 uye nokupesana kusingaperi pakati pavanhu vane murangariro wakaora, vakabirwa zvokwadi uye vanofunga kuti umwari inzira yokuwana nayo mari. 6 Asi umwari nokugutsikana nezvatinazvo zvinopfumisa kwazvo. 7 Nokuti hatina kuuya nechinhu panyika, uye hatigoniwo kubuda nechinhu kubva mairi. 8 Asi kana tine zvokudya nezvokupfeka, tichagutsikana nazvo. 9 Vanhu vanotsvaka kupfuma vanowira mukuedzwa nomumusungo uye nomukuchiva kwoupenzi kuzhinji kunokuvadza uye kunoisa vanhu mukuparadzwa nokuraswa. 10 Nokuti kuda mari ndiwo mudzi wezvakaipa zvose. Vamwe vanhu vanoda mari zvikuru, vakatsauka kubva pakutenda uye vakazvibaya neshungu zhinji. 11 Asi iwe, munhu waMwari, tiza kubva pane izvi zvose, uye utevere kururama, umwari, kutenda, rudo, kutsungirira nounyoro. 12 Irwa kurwa kwakanaka kwokutenda. Ubatisise upenyu husingaperi hwawakadanirwa kwahuri pawakapupura kupupura kwakanaka pamberi pezvapupu zvizhinji. 13 Ndinokurayira, pamberi paMwari, anopa upenyu kuzvinhu zvose, napamberi paKristu Jesu akapupura zvakanaka paakapa uchapupu pamberi paPondio Pirato, 14 kuti uchengete murayiro uyu, usina chinongo kana chaungapomerwa kusvikira pakuonekwa kwaIshe wedu Jesu Kristu, 15 uyo achazoratidzwa naMwari panguva yake iye Mwari, iye oga Mutongi akaropafadzwa, Mambo wamadzimambo naIshe wamadzishe. 16 Iye oga ndiye asingafi uye agere pachiedza chisina angaswedera pachiri, uyo asina akambomuona kana angamuona. Kukudzwa nesimba ngazvive kwaari nokusingaperi. Ameni. 17 Rayira vapfumi panyika ino kuti varege kuzvikudza kana kuisa tariro yavo mupfuma, isingagari, asi kuti vaise tariro yavo kuna Mwari, anotipa zvose zvizhinji kuti tifare nazvo. 18 Varayire kuti vaite zvakanaka, uye kuti vafarire kupa vamwe uye nokugoverana. 19 Vachazviunganidzira pfuma senheyo yakasimba kunguva dzinouya, kuti vagobatisisa upenyu hunova upenyu kwechokwadi. 20 Timoti, chengeta icho chawakapiwa. Furatira zvokutaura mashoko asina umwari nepfungwa dzinopikisa, dzezvinonzi pakutaura kwenhema zivo, 21 idzo dzakapupurwa navamwe uye nokudaro vakatsauka kubva pakutenda. Nyasha ngadzive newe.

In Other Versions

1 Timothy 6 in the ANGEFD

1 Timothy 6 in the ANTPNG2D

1 Timothy 6 in the AS21

1 Timothy 6 in the BAGH

1 Timothy 6 in the BBPNG

1 Timothy 6 in the BBT1E

1 Timothy 6 in the BDS

1 Timothy 6 in the BEV

1 Timothy 6 in the BHAD

1 Timothy 6 in the BIB

1 Timothy 6 in the BLPT

1 Timothy 6 in the BNT

1 Timothy 6 in the BNTABOOT

1 Timothy 6 in the BNTLV

1 Timothy 6 in the BOATCB

1 Timothy 6 in the BOATCB2

1 Timothy 6 in the BOBCV

1 Timothy 6 in the BOCNT

1 Timothy 6 in the BOECS

1 Timothy 6 in the BOGWICC

1 Timothy 6 in the BOHCB

1 Timothy 6 in the BOHCV

1 Timothy 6 in the BOHLNT

1 Timothy 6 in the BOHNTLTAL

1 Timothy 6 in the BOICB

1 Timothy 6 in the BOILNTAP

1 Timothy 6 in the BOITCV

1 Timothy 6 in the BOKCV

1 Timothy 6 in the BOKCV2

1 Timothy 6 in the BOKHWOG

1 Timothy 6 in the BOKSSV

1 Timothy 6 in the BOLCB

1 Timothy 6 in the BOLCB2

1 Timothy 6 in the BOMCV

1 Timothy 6 in the BONAV

1 Timothy 6 in the BONCB

1 Timothy 6 in the BONLT

1 Timothy 6 in the BONUT2

1 Timothy 6 in the BOPLNT

1 Timothy 6 in the BOSNC

1 Timothy 6 in the BOTLNT

1 Timothy 6 in the BOVCB

1 Timothy 6 in the BOYCB

1 Timothy 6 in the BPBB

1 Timothy 6 in the BPH

1 Timothy 6 in the BSB

1 Timothy 6 in the CCB

1 Timothy 6 in the CUV

1 Timothy 6 in the CUVS

1 Timothy 6 in the DBT

1 Timothy 6 in the DGDNT

1 Timothy 6 in the DHNT

1 Timothy 6 in the DNT

1 Timothy 6 in the ELBE

1 Timothy 6 in the EMTV

1 Timothy 6 in the ESV

1 Timothy 6 in the FBV

1 Timothy 6 in the FEB

1 Timothy 6 in the GGMNT

1 Timothy 6 in the GNT

1 Timothy 6 in the HARY

1 Timothy 6 in the HNT

1 Timothy 6 in the IRVA

1 Timothy 6 in the IRVB

1 Timothy 6 in the IRVG

1 Timothy 6 in the IRVH

1 Timothy 6 in the IRVK

1 Timothy 6 in the IRVM

1 Timothy 6 in the IRVM2

1 Timothy 6 in the IRVO

1 Timothy 6 in the IRVP

1 Timothy 6 in the IRVT

1 Timothy 6 in the IRVT2

1 Timothy 6 in the IRVU

1 Timothy 6 in the ISVN

1 Timothy 6 in the JSNT

1 Timothy 6 in the KAPI

1 Timothy 6 in the KBT1ETNIK

1 Timothy 6 in the KBV

1 Timothy 6 in the KJV

1 Timothy 6 in the KNFD

1 Timothy 6 in the LBA

1 Timothy 6 in the LBLA

1 Timothy 6 in the LNT

1 Timothy 6 in the LSV

1 Timothy 6 in the MAAL

1 Timothy 6 in the MBV

1 Timothy 6 in the MBV2

1 Timothy 6 in the MHNT

1 Timothy 6 in the MKNFD

1 Timothy 6 in the MNG

1 Timothy 6 in the MNT

1 Timothy 6 in the MNT2

1 Timothy 6 in the MRS1T

1 Timothy 6 in the NAA

1 Timothy 6 in the NASB

1 Timothy 6 in the NBLA

1 Timothy 6 in the NBS

1 Timothy 6 in the NBVTP

1 Timothy 6 in the NET2

1 Timothy 6 in the NIV11

1 Timothy 6 in the NNT

1 Timothy 6 in the NNT2

1 Timothy 6 in the NNT3

1 Timothy 6 in the PDDPT

1 Timothy 6 in the PFNT

1 Timothy 6 in the RMNT

1 Timothy 6 in the SBIAS

1 Timothy 6 in the SBIBS

1 Timothy 6 in the SBIBS2

1 Timothy 6 in the SBICS

1 Timothy 6 in the SBIDS

1 Timothy 6 in the SBIGS

1 Timothy 6 in the SBIHS

1 Timothy 6 in the SBIIS

1 Timothy 6 in the SBIIS2

1 Timothy 6 in the SBIIS3

1 Timothy 6 in the SBIKS

1 Timothy 6 in the SBIKS2

1 Timothy 6 in the SBIMS

1 Timothy 6 in the SBIOS

1 Timothy 6 in the SBIPS

1 Timothy 6 in the SBISS

1 Timothy 6 in the SBITS

1 Timothy 6 in the SBITS2

1 Timothy 6 in the SBITS3

1 Timothy 6 in the SBITS4

1 Timothy 6 in the SBIUS

1 Timothy 6 in the SBIVS

1 Timothy 6 in the SBT

1 Timothy 6 in the SBT1E

1 Timothy 6 in the SCHL

1 Timothy 6 in the SNT

1 Timothy 6 in the SUSU

1 Timothy 6 in the SUSU2

1 Timothy 6 in the SYNO

1 Timothy 6 in the TBIAOTANT

1 Timothy 6 in the TBT1E

1 Timothy 6 in the TBT1E2

1 Timothy 6 in the TFTIP

1 Timothy 6 in the TFTU

1 Timothy 6 in the TGNTATF3T

1 Timothy 6 in the THAI

1 Timothy 6 in the TNFD

1 Timothy 6 in the TNT

1 Timothy 6 in the TNTIK

1 Timothy 6 in the TNTIL

1 Timothy 6 in the TNTIN

1 Timothy 6 in the TNTIP

1 Timothy 6 in the TNTIZ

1 Timothy 6 in the TOMA

1 Timothy 6 in the TTENT

1 Timothy 6 in the UBG

1 Timothy 6 in the UGV

1 Timothy 6 in the UGV2

1 Timothy 6 in the UGV3

1 Timothy 6 in the VBL

1 Timothy 6 in the VDCC

1 Timothy 6 in the YALU

1 Timothy 6 in the YAPE

1 Timothy 6 in the YBVTP

1 Timothy 6 in the ZBP