2 Kings 16 (BOSCB)
1 Mugore regumi namanomwe raPeka mwanakomana waRemaria, Ahazi mwanakomana waJotamu mambo weJudha akatanga kutonga uye akatonga muJerusarema kwamakore gumi namatanhatu. 2 Ahazi akanga ava namakore makumi maviri paakava mambo. Haana kuita zvakarurama pamberi paJehovha Mwari wake, sababa vake Dhavhidhi. 3 Akafamba munzira dzamadzimambo eIsraeri, akasvika pakubayira vanakomana vake mumoto achitevera zvainyangadza zvedzimwe ndudzi dzakanga dzadzingwa naJehovha pamberi pavaIsraeri. 4 Akabayira zvibayiro uye akapisa zvinonhuhwira pamatunhu akakwirira, pamusoro pezvikomo napasi pemiti yose yakapfumvutira. 5 Ipapo Rezini mambo weAramu naPeka mwanakomana waRemaria mambo weIsraeri vakauya kuzorwa neJerusarema vakakomba Ahazi, asi havana kugona kumukunda. 6 Panguva iyoyo, Rezini mambo weAramu akadzorera Erati kuna Aramu nokudzinga varume veJudha. VaEdhomu vakapinda muErati uye ndimo mavanogara kusvikira nhasi. 7 Ahazi akatuma nhume kuna Tigirati-Pireseri mambo weAsiria akati, “Ndiri muranda wenyu nomwanakomana wenyu. Uyai kuno mundinunure kubva muruoko rwamambo weAramu norwamambo weIsraeri vari kundirwisa.” 8 Ahazi akatora sirivha negoridhe zvakanga zvawanikwa mutemberi yaJehovha nomumatura omuzinda wamambo akazvitumira sechipo kuna mambo weAsiria. 9 Mambo weAsiria akamunzwa ndokubva andorwisa Dhamasiko akarikunda. Akaendesa vanhu varo kuKiri uye akauraya Rezini. 10 Ipapo Mambo Ahazi akaenda kuDhamasiko kundosangana naTigirati-Pireseri mambo weAsiria. Akaona aritari muDhamasiko ndokubva atumira mufananidzo wearitari kuna Uria muprista, nerondedzero yamavakirwo ayo. 11 Saka muprista Uria akavaka aritari maererano namavakirwo ose akanga atumwa naMambo Ahazi kubva kuDhamasiko, akaipedza Mambo Ahazi asati adzokako. 12 Mambo akati adzoka kubva kuDhamasiko akaona aritari akasvika pairi akapa zvipiriso pairi. 13 Akapa chipiriso chinopiswa, rechipiriso chezviyo, akadururapo chipiriso chake chokunwa uye akasasa ropa nezvipiriso zvokuwadzana pamusoro pearitari. 14 Aritari yendarira yakanga yakamiswa pamberi paJehovha, akaibvisa kumberi kwetemberi kuti abve pakati pearitari itsva netemberi yaJehovha, uye akaiisa kudivi rokumusoro kwearitari itsva. 15 Ipapo Mambo Ahazi akarayira muprista Uria mirayiro iyi akati, “Pamusoro pearitari huru, upe chipiriso chinopiswa chamangwanani, uye manheru chipiriso chezviyo, chipiriso chinopiswa chamambo nechipiriso chake chezviyo, uye chipiriso chinopiswa chavanhu vose venyika, nechipiriso chavo chezviyo, nezvipiriso zvavo zvokunwa. Usase paaritari, ropa rose rezvipiriso zvinopiswa nezvibayiro. Asi ndichashandisa aritari yendarira pakutsvaka kutungamirirwa.” 16 Naizvozvo muprista Uria akaita sezvaakanga arayirwa naMambo Ahazi. 17 Ipapo mambo Ahazi akabvisa mapuranga omumativi uye akabvisawo madhishi pazvigadziko zvinofambiswa. Akabvisa Gungwa kubva panzombe dzendarira dzairitsigira akarigadzika pahwaro hwedombo. 18 Akabvisa denga reSabata rakanga rambovakwa patemberi uye akabvisa suo ramambo kunze kwetemberi yaJehovha, kuti akudze mambo weAsiria. 19 Zvino zvimwe zvakaitika pakutonga kwaAhazi, uye zvaakaita iye, hazvina kunyorwa here mubhuku renhoroondo dzamadzimambo eJudha? 20 Ahazi akazorora namadzibaba ake akavigwa pamwe chete navo muGuta raDhavhidhi. Hezekia mwanakomana wake akamutevera paumambo.
In Other Versions
2 Kings 16 in the ANGEFD
2 Kings 16 in the ANTPNG2D
2 Kings 16 in the AS21
2 Kings 16 in the BAGH
2 Kings 16 in the BBPNG
2 Kings 16 in the BBT1E
2 Kings 16 in the BDS
2 Kings 16 in the BEV
2 Kings 16 in the BHAD
2 Kings 16 in the BIB
2 Kings 16 in the BLPT
2 Kings 16 in the BNT
2 Kings 16 in the BNTABOOT
2 Kings 16 in the BNTLV
2 Kings 16 in the BOATCB
2 Kings 16 in the BOATCB2
2 Kings 16 in the BOBCV
2 Kings 16 in the BOCNT
2 Kings 16 in the BOECS
2 Kings 16 in the BOGWICC
2 Kings 16 in the BOHCB
2 Kings 16 in the BOHCV
2 Kings 16 in the BOHLNT
2 Kings 16 in the BOHNTLTAL
2 Kings 16 in the BOICB
2 Kings 16 in the BOILNTAP
2 Kings 16 in the BOITCV
2 Kings 16 in the BOKCV
2 Kings 16 in the BOKCV2
2 Kings 16 in the BOKHWOG
2 Kings 16 in the BOKSSV
2 Kings 16 in the BOLCB
2 Kings 16 in the BOLCB2
2 Kings 16 in the BOMCV
2 Kings 16 in the BONAV
2 Kings 16 in the BONCB
2 Kings 16 in the BONLT
2 Kings 16 in the BONUT2
2 Kings 16 in the BOPLNT
2 Kings 16 in the BOSNC
2 Kings 16 in the BOTLNT
2 Kings 16 in the BOVCB
2 Kings 16 in the BOYCB
2 Kings 16 in the BPBB
2 Kings 16 in the BPH
2 Kings 16 in the BSB
2 Kings 16 in the CCB
2 Kings 16 in the CUV
2 Kings 16 in the CUVS
2 Kings 16 in the DBT
2 Kings 16 in the DGDNT
2 Kings 16 in the DHNT
2 Kings 16 in the DNT
2 Kings 16 in the ELBE
2 Kings 16 in the EMTV
2 Kings 16 in the ESV
2 Kings 16 in the FBV
2 Kings 16 in the FEB
2 Kings 16 in the GGMNT
2 Kings 16 in the GNT
2 Kings 16 in the HARY
2 Kings 16 in the HNT
2 Kings 16 in the IRVA
2 Kings 16 in the IRVB
2 Kings 16 in the IRVG
2 Kings 16 in the IRVH
2 Kings 16 in the IRVK
2 Kings 16 in the IRVM
2 Kings 16 in the IRVM2
2 Kings 16 in the IRVO
2 Kings 16 in the IRVP
2 Kings 16 in the IRVT
2 Kings 16 in the IRVT2
2 Kings 16 in the IRVU
2 Kings 16 in the ISVN
2 Kings 16 in the JSNT
2 Kings 16 in the KAPI
2 Kings 16 in the KBT1ETNIK
2 Kings 16 in the KBV
2 Kings 16 in the KJV
2 Kings 16 in the KNFD
2 Kings 16 in the LBA
2 Kings 16 in the LBLA
2 Kings 16 in the LNT
2 Kings 16 in the LSV
2 Kings 16 in the MAAL
2 Kings 16 in the MBV
2 Kings 16 in the MBV2
2 Kings 16 in the MHNT
2 Kings 16 in the MKNFD
2 Kings 16 in the MNG
2 Kings 16 in the MNT
2 Kings 16 in the MNT2
2 Kings 16 in the MRS1T
2 Kings 16 in the NAA
2 Kings 16 in the NASB
2 Kings 16 in the NBLA
2 Kings 16 in the NBS
2 Kings 16 in the NBVTP
2 Kings 16 in the NET2
2 Kings 16 in the NIV11
2 Kings 16 in the NNT
2 Kings 16 in the NNT2
2 Kings 16 in the NNT3
2 Kings 16 in the PDDPT
2 Kings 16 in the PFNT
2 Kings 16 in the RMNT
2 Kings 16 in the SBIAS
2 Kings 16 in the SBIBS
2 Kings 16 in the SBIBS2
2 Kings 16 in the SBICS
2 Kings 16 in the SBIDS
2 Kings 16 in the SBIGS
2 Kings 16 in the SBIHS
2 Kings 16 in the SBIIS
2 Kings 16 in the SBIIS2
2 Kings 16 in the SBIIS3
2 Kings 16 in the SBIKS
2 Kings 16 in the SBIKS2
2 Kings 16 in the SBIMS
2 Kings 16 in the SBIOS
2 Kings 16 in the SBIPS
2 Kings 16 in the SBISS
2 Kings 16 in the SBITS
2 Kings 16 in the SBITS2
2 Kings 16 in the SBITS3
2 Kings 16 in the SBITS4
2 Kings 16 in the SBIUS
2 Kings 16 in the SBIVS
2 Kings 16 in the SBT
2 Kings 16 in the SBT1E
2 Kings 16 in the SCHL
2 Kings 16 in the SNT
2 Kings 16 in the SUSU
2 Kings 16 in the SUSU2
2 Kings 16 in the SYNO
2 Kings 16 in the TBIAOTANT
2 Kings 16 in the TBT1E
2 Kings 16 in the TBT1E2
2 Kings 16 in the TFTIP
2 Kings 16 in the TFTU
2 Kings 16 in the TGNTATF3T
2 Kings 16 in the THAI
2 Kings 16 in the TNFD
2 Kings 16 in the TNT
2 Kings 16 in the TNTIK
2 Kings 16 in the TNTIL
2 Kings 16 in the TNTIN
2 Kings 16 in the TNTIP
2 Kings 16 in the TNTIZ
2 Kings 16 in the TOMA
2 Kings 16 in the TTENT
2 Kings 16 in the UBG
2 Kings 16 in the UGV
2 Kings 16 in the UGV2
2 Kings 16 in the UGV3
2 Kings 16 in the VBL
2 Kings 16 in the VDCC
2 Kings 16 in the YALU
2 Kings 16 in the YAPE
2 Kings 16 in the YBVTP
2 Kings 16 in the ZBP