2 Samuel 16 (BOSCB)

1 Dhavhidhi akati afamba chinhambwe chiduku pamusoro pegomo, akaona Zibha, muranda waMefibhosheti akamumirira. Akanga ane mbongoro mbiri dzakanga dzakatakudzwa mazana maviri ezvingwa, nezana ramakeke amaonde nedende rewaini. 2 Mambo akabvunza Zibha akati, “Ko, wauyirei nezvinhu izvi?”Zibha akapindura akati, “Mbongoro ndedzeveimba yamambo kuti vatasve, zvingwa nemichero ndezvavarume kuti vadye, uye waini ndeyokupedza nyota yeavo vanga vaneta nokuda kwerenje.” 3 Mambo akabvunza akati, “Ko, muzukuru watenzi wako aripi?”Zibha akati kwaari, “Ari kugara muJerusarema, nokuti anoti iye, ‘Nhasi veimba yaIsraeri vachandidzorera umambo hwasekuru vangu.’ ” 4 Ipapo mambo akati kuna Zibha, “Tarira, zvose zvanga zviri zvaMefibhosheti zvava zvako.”Zibha akati, “Ndinozvideredza. Dai ndawana nyasha pamberi penyu, ishe wangu mambo.” 5 Mambo Dhavhidhi paakanga ava kusvika kuBhahurimi, mumwe murume aibva kurudzi rumwe chete nemhuri yaSauro akabudamo. Zita rake ainzi Shimei mwanakomana waGera, uye aituka paaibuda. 6 Akapotsera mabwe kuna Dhavhidhi namakurukota ose amambo, kunyange zvazvo varwi vose navachengeti vake vakanga vari kurudyi nokuruboshwe rwake. 7 Shimei akatuka achiti, “Ibva kuno, ibva kuno, iwe munhu weropa, munhu akaipa! 8 Jehovha akuripira ropa rose rawakadeura muimba yaSauro, uyo wawakatorera chigaro chokutonga. Jehovha apa ushe kumwanakomana wako Abhusaromu. Wasvika pakuparara nokuti uri munhu weropa!” 9 Ipapo Abhishai mwanakomana waZeruya akati kuna mambo, “Ko, iyi imbwa yakafa ingatukirei ishe mambo wangu? Regai ndiende ndinodimura musoro wake.” 10 Asi mambo akati, “Ko, ini nemi takafanana pakudii, imi vanakomana vaZeruya? Ko, kana achituka nokuti Jehovha ati kwaari, ‘Tuka Dhavhidhi,’ ndiani angati, ‘Ko, unoitirei izvi?’ ” 11 Ipapo Dhavhidhi akati kuna Abhishai namakorokota ake ose, “Mwana wangu, anova wenyama yangu chaiyo, ari kuda kundiuraya. Ko, kuzoti uyu zvake, muBhenjamini! Musiyei akadaro; regai atuke, nokuti Jehovha amutuma. 12 Zvichida Jehovha angaona kutambura kwangu uye zvimwe angandiripira zvakanaka nokuda kwokutukwa kwandiri kugamuchira nhasi.” 13 Ipapo Dhavhidhi navanhu vake vakaramba vachifamba nenzira, Shimei paakanga achifamba ari kuno rumwe rutivi rwegomo, achituka achingoenda achipotsera matombo kwaari achimupfumburira guruva. 14 Mambo navanhu vose vaiva naye vakasvika kwavaienda vaneta. Akazororapo. 15 Panguva iyi, Abhusaromu navarume vose veIsraeri vakasvika muJerusarema, uye Ahitoferi aiva naye. 16 Zvino Hushai muAriki, shamwari yaDhavhidhi, akaenda kuna Abhusaromu akandoti kwaari, “Mambo ngaararame nokusingaperi! Mambo ngaararame nokusingaperi!” 17 Abhusaromu akabvunza Hushai akati, “Urwu ndirwo rudo rwaunoratidza shamwari yako here? Sei usina kuenda neshamwari yako?” 18 Hushai akati kuna Abhusaromu, “Kwete, iye akasarudzwa naJehovha, navanhu ava uye navarume vose veIsraeri, ini ndichava wake, uye ndicharamba ndinaye. 19 Zvakarezve, ndingagoshandira aniko? Ko, handifaniri kushandira mwanakomana? Sezvandaishandira baba venyu, saizvozvo ndichakushandirai.” 20 Abhusaromu akati kuna Ahitoferi, “Tipewo zano rako. Toita sei?” 21 Ahitoferi akapindura akati, “Vatai navarongo vababa venyu avo vakasiyiwa vakachengeta muzinda wamambo. Ipapo Israeri yose ichanzwa kuti mazviita chinhu chinonhuhwa mumhuno dzababa venyu, uye maoko avanhu vose vanokutsigirai achasimbiswa.” 22 Ipapo vakamisira Abhusaromu tende pamusoro pedenga remba, uye akavata navarongo vababa vake vaIsraeri vose vachiona. 23 Zvino mumazuva iwayo zano raipiwa naAhitoferi raiita seromunhu anobvunza kuna Mwari. Ndizvozvo zvaifungwa naDhavhidhi pamwe chete naAbhusaromu pamusoro pamazano aipiwa naAhitoferi.

In Other Versions

2 Samuel 16 in the ANGEFD

2 Samuel 16 in the ANTPNG2D

2 Samuel 16 in the AS21

2 Samuel 16 in the BAGH

2 Samuel 16 in the BBPNG

2 Samuel 16 in the BBT1E

2 Samuel 16 in the BDS

2 Samuel 16 in the BEV

2 Samuel 16 in the BHAD

2 Samuel 16 in the BIB

2 Samuel 16 in the BLPT

2 Samuel 16 in the BNT

2 Samuel 16 in the BNTABOOT

2 Samuel 16 in the BNTLV

2 Samuel 16 in the BOATCB

2 Samuel 16 in the BOATCB2

2 Samuel 16 in the BOBCV

2 Samuel 16 in the BOCNT

2 Samuel 16 in the BOECS

2 Samuel 16 in the BOGWICC

2 Samuel 16 in the BOHCB

2 Samuel 16 in the BOHCV

2 Samuel 16 in the BOHLNT

2 Samuel 16 in the BOHNTLTAL

2 Samuel 16 in the BOICB

2 Samuel 16 in the BOILNTAP

2 Samuel 16 in the BOITCV

2 Samuel 16 in the BOKCV

2 Samuel 16 in the BOKCV2

2 Samuel 16 in the BOKHWOG

2 Samuel 16 in the BOKSSV

2 Samuel 16 in the BOLCB

2 Samuel 16 in the BOLCB2

2 Samuel 16 in the BOMCV

2 Samuel 16 in the BONAV

2 Samuel 16 in the BONCB

2 Samuel 16 in the BONLT

2 Samuel 16 in the BONUT2

2 Samuel 16 in the BOPLNT

2 Samuel 16 in the BOSNC

2 Samuel 16 in the BOTLNT

2 Samuel 16 in the BOVCB

2 Samuel 16 in the BOYCB

2 Samuel 16 in the BPBB

2 Samuel 16 in the BPH

2 Samuel 16 in the BSB

2 Samuel 16 in the CCB

2 Samuel 16 in the CUV

2 Samuel 16 in the CUVS

2 Samuel 16 in the DBT

2 Samuel 16 in the DGDNT

2 Samuel 16 in the DHNT

2 Samuel 16 in the DNT

2 Samuel 16 in the ELBE

2 Samuel 16 in the EMTV

2 Samuel 16 in the ESV

2 Samuel 16 in the FBV

2 Samuel 16 in the FEB

2 Samuel 16 in the GGMNT

2 Samuel 16 in the GNT

2 Samuel 16 in the HARY

2 Samuel 16 in the HNT

2 Samuel 16 in the IRVA

2 Samuel 16 in the IRVB

2 Samuel 16 in the IRVG

2 Samuel 16 in the IRVH

2 Samuel 16 in the IRVK

2 Samuel 16 in the IRVM

2 Samuel 16 in the IRVM2

2 Samuel 16 in the IRVO

2 Samuel 16 in the IRVP

2 Samuel 16 in the IRVT

2 Samuel 16 in the IRVT2

2 Samuel 16 in the IRVU

2 Samuel 16 in the ISVN

2 Samuel 16 in the JSNT

2 Samuel 16 in the KAPI

2 Samuel 16 in the KBT1ETNIK

2 Samuel 16 in the KBV

2 Samuel 16 in the KJV

2 Samuel 16 in the KNFD

2 Samuel 16 in the LBA

2 Samuel 16 in the LBLA

2 Samuel 16 in the LNT

2 Samuel 16 in the LSV

2 Samuel 16 in the MAAL

2 Samuel 16 in the MBV

2 Samuel 16 in the MBV2

2 Samuel 16 in the MHNT

2 Samuel 16 in the MKNFD

2 Samuel 16 in the MNG

2 Samuel 16 in the MNT

2 Samuel 16 in the MNT2

2 Samuel 16 in the MRS1T

2 Samuel 16 in the NAA

2 Samuel 16 in the NASB

2 Samuel 16 in the NBLA

2 Samuel 16 in the NBS

2 Samuel 16 in the NBVTP

2 Samuel 16 in the NET2

2 Samuel 16 in the NIV11

2 Samuel 16 in the NNT

2 Samuel 16 in the NNT2

2 Samuel 16 in the NNT3

2 Samuel 16 in the PDDPT

2 Samuel 16 in the PFNT

2 Samuel 16 in the RMNT

2 Samuel 16 in the SBIAS

2 Samuel 16 in the SBIBS

2 Samuel 16 in the SBIBS2

2 Samuel 16 in the SBICS

2 Samuel 16 in the SBIDS

2 Samuel 16 in the SBIGS

2 Samuel 16 in the SBIHS

2 Samuel 16 in the SBIIS

2 Samuel 16 in the SBIIS2

2 Samuel 16 in the SBIIS3

2 Samuel 16 in the SBIKS

2 Samuel 16 in the SBIKS2

2 Samuel 16 in the SBIMS

2 Samuel 16 in the SBIOS

2 Samuel 16 in the SBIPS

2 Samuel 16 in the SBISS

2 Samuel 16 in the SBITS

2 Samuel 16 in the SBITS2

2 Samuel 16 in the SBITS3

2 Samuel 16 in the SBITS4

2 Samuel 16 in the SBIUS

2 Samuel 16 in the SBIVS

2 Samuel 16 in the SBT

2 Samuel 16 in the SBT1E

2 Samuel 16 in the SCHL

2 Samuel 16 in the SNT

2 Samuel 16 in the SUSU

2 Samuel 16 in the SUSU2

2 Samuel 16 in the SYNO

2 Samuel 16 in the TBIAOTANT

2 Samuel 16 in the TBT1E

2 Samuel 16 in the TBT1E2

2 Samuel 16 in the TFTIP

2 Samuel 16 in the TFTU

2 Samuel 16 in the TGNTATF3T

2 Samuel 16 in the THAI

2 Samuel 16 in the TNFD

2 Samuel 16 in the TNT

2 Samuel 16 in the TNTIK

2 Samuel 16 in the TNTIL

2 Samuel 16 in the TNTIN

2 Samuel 16 in the TNTIP

2 Samuel 16 in the TNTIZ

2 Samuel 16 in the TOMA

2 Samuel 16 in the TTENT

2 Samuel 16 in the UBG

2 Samuel 16 in the UGV

2 Samuel 16 in the UGV2

2 Samuel 16 in the UGV3

2 Samuel 16 in the VBL

2 Samuel 16 in the VDCC

2 Samuel 16 in the YALU

2 Samuel 16 in the YAPE

2 Samuel 16 in the YBVTP

2 Samuel 16 in the ZBP