Colossians 2 (BOSCB)

1 Ndinoda kuti muzive kuti ndiri kurwa sei pamusoro penyu nepaavo vari paRaodhikea, navose vasina kuonana neni pachangu. 2 Vavariro yangu ndeyokuti vakurudzirwe mumwoyo uye vabatane murudo, kuitira kuti vave nepfuma izere yokunzwisisa kwakakwana, kuti vagoziva chakavanzika chaMwari, iye Kristu, 3 maari ndimo makachengetwa pfuma yose youchenjeri nokuziva. 4 Ndinokuudzai izvi kuitira kuti parege kuva nomunhu anokunyengerai namashoko anobata kumeso. 5 Nokuti kunyange ndisipo pamuri panyama, mumweya ndinemi uye ndinofara ndichiona kuti mugere zvakanaka sei uye kuti makasimba sei mukutenda kwenyu muna Kristu. 6 Saka zvino, sezvamakagamuchira Kristu Jesu saShe, rambai muchifamba maari, 7 mune midzi uye makavakwa maari, makasimbiswa mukutenda sezvamakadzidziswa, uye muzere nokuvonga. 8 Muone kuti parege kuva nomunhu anokutapai nokutaura kusina maturo kunonyengera, kunosendamira patsika dzavanhu nezvokuvamba kwenyika ino, asingateveri Kristu. 9 Nokuti muna Kristu kuzara kwouMwari kunogara maari pamuviri, 10 nemiwo makapiwa kuzara uku muna Kristu, iye ari pamusoro poushe hwose nesimba. 11 Nemiwo makadzingiswa maari, mukubviswa kwomunhu wezvivi, kwete nokudzingiswa kunoitwa namaoko avanhu, asi nokudzingiswa kunoitwa naKristu, 12 makavigwa pamwe chete mukubhabhatidzwa uye mukamutswa pamwe chete naye nokutenda kwenyu musimba raMwari, akamumutsa kubva kuvakafa. 13 Pamakanga makafa muzvivi zvenyu uye nokusadzingiswa kwomunhu wenyu wekare, Mwari akakuitai vapenyu muna Kristu. Akatikanganwira zvivi zvedu zvose, 14 akadzima mutemo wakanyorwa, nezvirevo zvawo, uyo wakanga uchirwa nesu uye waimira uchipikisana nesu; akaubvisa, achiuroverera pamuchinjikwa. 15 Uye akati abvisa ushe namasimba, akazvibudisa pachena, akazvikunda nomuchinjikwa. 16 Naizvozvo ngakurege kuva nomunhu anokutongai pamusoro pezvamunodya kana kunwa, kana nezvemitambo yechitendero, kupemberera Kugara kwoMwedzi kana zuva reSabata. 17 Izvi mumvuri wezvinhu zvaizouya, kunyange zvakadaro, chokwadi chinowanikwa muna Kristu. 18 Musarega munhu upi zvake anofarira kuzvininipisa kwenhema uye kunamata vatumwa achikutorerai mubayiro wenyu. Munhu akadaro anorondedzera zvikuru pamusoro pezvaakaona, uye nokufunga kwake kwenyama anozvikudza pasina. 19 Akarasika kubva paMusoro, uyo kubva pauri muviri wose, wakasimbiswa uye wakabatanidzwa pamwe chete nemitezo yawo namarunda, unokura sezvinoda Mwari. 20 Sezvo makafa pamwe chete naKristu kune mitemo yenyika ino, seiko muchiita kunge muchiri vayo, muchizviisa pasi pemitemo yayo inoti: 21 “Usabata! Usaravira! Usagunzva!”? 22 Izvi zvose zvichaparadzwa nokubata kwazvo, nokuti zvakavakwa pamirayiro yavanhu nokudzidzisa kwavanhu. 23 Zvirokwazvo mitemo yakadai inoita seino uchenjeri, nokunamata kwavo kwokuzvipa, kuzvininipisa kwavo kwenhema uye nokurwadzisa kwavo muviri, asi zvisingagoni kudzivisa kuchiva kwomuviri.

In Other Versions

Colossians 2 in the ANGEFD

Colossians 2 in the ANTPNG2D

Colossians 2 in the AS21

Colossians 2 in the BAGH

Colossians 2 in the BBPNG

Colossians 2 in the BBT1E

Colossians 2 in the BDS

Colossians 2 in the BEV

Colossians 2 in the BHAD

Colossians 2 in the BIB

Colossians 2 in the BLPT

Colossians 2 in the BNT

Colossians 2 in the BNTABOOT

Colossians 2 in the BNTLV

Colossians 2 in the BOATCB

Colossians 2 in the BOATCB2

Colossians 2 in the BOBCV

Colossians 2 in the BOCNT

Colossians 2 in the BOECS

Colossians 2 in the BOGWICC

Colossians 2 in the BOHCB

Colossians 2 in the BOHCV

Colossians 2 in the BOHLNT

Colossians 2 in the BOHNTLTAL

Colossians 2 in the BOICB

Colossians 2 in the BOILNTAP

Colossians 2 in the BOITCV

Colossians 2 in the BOKCV

Colossians 2 in the BOKCV2

Colossians 2 in the BOKHWOG

Colossians 2 in the BOKSSV

Colossians 2 in the BOLCB

Colossians 2 in the BOLCB2

Colossians 2 in the BOMCV

Colossians 2 in the BONAV

Colossians 2 in the BONCB

Colossians 2 in the BONLT

Colossians 2 in the BONUT2

Colossians 2 in the BOPLNT

Colossians 2 in the BOSNC

Colossians 2 in the BOTLNT

Colossians 2 in the BOVCB

Colossians 2 in the BOYCB

Colossians 2 in the BPBB

Colossians 2 in the BPH

Colossians 2 in the BSB

Colossians 2 in the CCB

Colossians 2 in the CUV

Colossians 2 in the CUVS

Colossians 2 in the DBT

Colossians 2 in the DGDNT

Colossians 2 in the DHNT

Colossians 2 in the DNT

Colossians 2 in the ELBE

Colossians 2 in the EMTV

Colossians 2 in the ESV

Colossians 2 in the FBV

Colossians 2 in the FEB

Colossians 2 in the GGMNT

Colossians 2 in the GNT

Colossians 2 in the HARY

Colossians 2 in the HNT

Colossians 2 in the IRVA

Colossians 2 in the IRVB

Colossians 2 in the IRVG

Colossians 2 in the IRVH

Colossians 2 in the IRVK

Colossians 2 in the IRVM

Colossians 2 in the IRVM2

Colossians 2 in the IRVO

Colossians 2 in the IRVP

Colossians 2 in the IRVT

Colossians 2 in the IRVT2

Colossians 2 in the IRVU

Colossians 2 in the ISVN

Colossians 2 in the JSNT

Colossians 2 in the KAPI

Colossians 2 in the KBT1ETNIK

Colossians 2 in the KBV

Colossians 2 in the KJV

Colossians 2 in the KNFD

Colossians 2 in the LBA

Colossians 2 in the LBLA

Colossians 2 in the LNT

Colossians 2 in the LSV

Colossians 2 in the MAAL

Colossians 2 in the MBV

Colossians 2 in the MBV2

Colossians 2 in the MHNT

Colossians 2 in the MKNFD

Colossians 2 in the MNG

Colossians 2 in the MNT

Colossians 2 in the MNT2

Colossians 2 in the MRS1T

Colossians 2 in the NAA

Colossians 2 in the NASB

Colossians 2 in the NBLA

Colossians 2 in the NBS

Colossians 2 in the NBVTP

Colossians 2 in the NET2

Colossians 2 in the NIV11

Colossians 2 in the NNT

Colossians 2 in the NNT2

Colossians 2 in the NNT3

Colossians 2 in the PDDPT

Colossians 2 in the PFNT

Colossians 2 in the RMNT

Colossians 2 in the SBIAS

Colossians 2 in the SBIBS

Colossians 2 in the SBIBS2

Colossians 2 in the SBICS

Colossians 2 in the SBIDS

Colossians 2 in the SBIGS

Colossians 2 in the SBIHS

Colossians 2 in the SBIIS

Colossians 2 in the SBIIS2

Colossians 2 in the SBIIS3

Colossians 2 in the SBIKS

Colossians 2 in the SBIKS2

Colossians 2 in the SBIMS

Colossians 2 in the SBIOS

Colossians 2 in the SBIPS

Colossians 2 in the SBISS

Colossians 2 in the SBITS

Colossians 2 in the SBITS2

Colossians 2 in the SBITS3

Colossians 2 in the SBITS4

Colossians 2 in the SBIUS

Colossians 2 in the SBIVS

Colossians 2 in the SBT

Colossians 2 in the SBT1E

Colossians 2 in the SCHL

Colossians 2 in the SNT

Colossians 2 in the SUSU

Colossians 2 in the SUSU2

Colossians 2 in the SYNO

Colossians 2 in the TBIAOTANT

Colossians 2 in the TBT1E

Colossians 2 in the TBT1E2

Colossians 2 in the TFTIP

Colossians 2 in the TFTU

Colossians 2 in the TGNTATF3T

Colossians 2 in the THAI

Colossians 2 in the TNFD

Colossians 2 in the TNT

Colossians 2 in the TNTIK

Colossians 2 in the TNTIL

Colossians 2 in the TNTIN

Colossians 2 in the TNTIP

Colossians 2 in the TNTIZ

Colossians 2 in the TOMA

Colossians 2 in the TTENT

Colossians 2 in the UBG

Colossians 2 in the UGV

Colossians 2 in the UGV2

Colossians 2 in the UGV3

Colossians 2 in the VBL

Colossians 2 in the VDCC

Colossians 2 in the YALU

Colossians 2 in the YAPE

Colossians 2 in the YBVTP

Colossians 2 in the ZBP