Deuteronomy 11 (BOSCB)

1 Idai Jehovha Mwari wenyu uye muchengete zvaakatema, mitemo yake, nemirayiro yake uye nezvaakarayira, nguva dzose. 2 Murangarire nhasi kuti vana venyu havasivo vakaona uye vakaziva kuranga kwaJehovha Mwari wenyu: noukuru hwake, noruoko rwake rune simba, noruoko rwake rwakatambanudzwa; 3 nezviratidzo zvaakaita uye zvinhu zvaakaita pakati peIjipiti, nokuna Faro mambo weIjipiti uye nokunyika yake yose; 4 zvaakaita kuhondo yavaIjipita, nokumabhiza nengoro dzayo, mafukidzirwo avakaitwa nemvura yomuGungwa Dzvuku pavakanga vachikuteverai, uye kuuyisa kwakaita Jehovha kuparadzwa pamusoro pavo zvachose. 5 Havasi vana venyu vakaona zvaakakuitirai murenje kusvikira masvika panzvimbo ino, 6 uye nezvaakaita kuna Dhatani naAbhiramu vanakomana vaEriabhi muRubheni, apo nyika yakashamisa muromo wayo ikavamedza ivo nevedzimba dzavo, namatende avo nezvipenyu zvose zvakanga zviri zvavo, pakati pavaIsraeri vose. 7 Asi aiva meso enyu akaona zvinhu zvose izvi zvakaitwa naJehovha. 8 Naizvozvo chengetai mirayiro yose yandinokupai nhasi, kuti muve nesimba rokupinda nokutora nyika yamuri kuyambuka Jorodhani kuti mundoita yenyu, 9 uye kuti mazuva enyu ave mazhinji munyika iyo Jehovha akapikira kumadzitateguru enyu kuti achavapa ivo nezvizvarwa zvavo, nyika inoyerera mukaka nouchi. 10 Nyika yamuri kupinda kundotora haina kufanana nenyika yeIjipiti, uko kwamakabva, uko kwamaidyara mbeu dzenyu muchidiridza netsoka sezvinoitwa mubindu romuriwo. 11 Asi nyika yamuri kuyambuka Jorodhani kundotora kuti ive yenyu inyika yamakomo nemipata zvinonwa mvura kubva kudenga. 12 Inyika inochengetwa naJehovha Mwari wenyu; meso aJehovha Mwari wenyu anoramba akaitarira kubva pakutanga kwegore kusvikira pakupera kwegore. 13 Saka kana mukateerera mirayiro yandinokupai nhasi makatendeka, mukada Jehovha Mwari wenyu uye mukamushumira nomwoyo wenyu wose uye nomweya wenyu wose, 14 ipapo ndichanayisa mvura panyika yenyu nemwaka wayo, mvura yamasutso neyomunakamwe, kuitira kuti mugone kukohwa zviyo zvenyu newaini itsva namafuta. 15 Ndichameresa uswa hwemombe dzenyu kumafuro uye muchadya muchiguta. 16 Chenjerai kuti murege kunyengerwa mumwoyo yenyu kuti mutsauke muchinamata vamwe vamwari uye nokuvapfugamira. 17 Ipapo kutsamwa kwaJehovha kuchapfuta pamusoro penyu, uye achapfiga denga kuti mvura iregere kunaya uye nyika icharega kubereka zvibereko zvayo, uye imi muchakurumidza kuparara kubva panyika yakanaka yamunopiwa naJehovha. 18 Isai mashoko angu aya mumwoyo yenyu nepfungwa dzenyu; asungirei pamaoko enyu sezviratidzo uye muasungire pahuma dzenyu. 19 Adzidzisei kuvana venyu, muchitaura pamusoro pawo pamunogara pasi uye nepamunenge muchifamba panzira, pamunorara pasi uye nepamunomuka. 20 Anyorei pamagwatidziro emikova yedzimba dzenyu uye napamasuo enyu, 21 kuitira kuti mazuva enyu namazuva avana venyu awande panyika yakapikirwa madzitateguru enyu naJehovha kuti achavapa, awande samazuva ayo denga richava pamusoro penyika. 22 Kana mukachenjerera kuchengeta mirayiro yangu iyi yandinokupai kuti mutevere, kuti mude Jehovha Mwari wenyu, kuti mufambe munzira dzake dzose nokubatirira paari, 23 ipapo Jehovha achadzinga ndudzi dzose pamberi penyu, uye muchatorera nyika ndudzi dzakakura uye dzine simba kukupfuurai. 24 Nzvimbo ipi neipi yamuchatsika netsoka dzenyu ichava yenyu: Nyika yenyu ichabva kurenje ichisvika kuRebhanoni, uye ichabva kuRwizi Yufuratesi ichisvika kugungwa rokumavirazuva. 25 Hakuna munhu achagona kumira kuti akurwisei. Jehovha Mwari wenyu sezvaakakuvimbisai, achaita kuti vanhu vakutyei uye vagokuvhundukai munyika yose, kwose kwose kwamunoenda. 26 Tarirai, nhasi ndiri kuisa pamberi penyu kuropafadzwa nokutukwa, 27 kuropafadzwa kana muchiteerera mirayiro yaJehovha Mwari wenyu yandinokupai nhasi; 28 kutukwa kana mukasateerera mirayiro yaJehovha Mwari wenyu uye mukatsauka kubva panzira yandinokurayirai nhasi muchitevera vamwe vamwari, avo vamusati maziva. 29 Kana Jehovha Mwari wenyu akuendesai munyika yamuri kupinda kuti muitore, munofanira kudaidzira kuropafadzwa kuzhinji paGomo reGerizimu, uye kutukwa kuzhinji paGomo reEbhari. 30 Sezvamunoziva, makomo aya ari mhiri kweJorodhani, nechokumavirira kwomugwagwa, makananga kumavirazuva, pedyo nemiti mikuru yeMore, munyika yavaKenani vagere muArabha pedyo neGirigari. 31 Mava kuda kuyambuka Jorodhani kuti mupinde uye mutore nyika yamuri kupiwa naJehovha Mwari wenyu. Kana muchinge maitora uye mava kugaramo, 32 chenjerai kuti muteerere mitemo nemirayiro yose yandiri kuisa pamberi penyu nhasi.

In Other Versions

Deuteronomy 11 in the ANGEFD

Deuteronomy 11 in the ANTPNG2D

Deuteronomy 11 in the AS21

Deuteronomy 11 in the BAGH

Deuteronomy 11 in the BBPNG

Deuteronomy 11 in the BBT1E

Deuteronomy 11 in the BDS

Deuteronomy 11 in the BEV

Deuteronomy 11 in the BHAD

Deuteronomy 11 in the BIB

Deuteronomy 11 in the BLPT

Deuteronomy 11 in the BNT

Deuteronomy 11 in the BNTABOOT

Deuteronomy 11 in the BNTLV

Deuteronomy 11 in the BOATCB

Deuteronomy 11 in the BOATCB2

Deuteronomy 11 in the BOBCV

Deuteronomy 11 in the BOCNT

Deuteronomy 11 in the BOECS

Deuteronomy 11 in the BOGWICC

Deuteronomy 11 in the BOHCB

Deuteronomy 11 in the BOHCV

Deuteronomy 11 in the BOHLNT

Deuteronomy 11 in the BOHNTLTAL

Deuteronomy 11 in the BOICB

Deuteronomy 11 in the BOILNTAP

Deuteronomy 11 in the BOITCV

Deuteronomy 11 in the BOKCV

Deuteronomy 11 in the BOKCV2

Deuteronomy 11 in the BOKHWOG

Deuteronomy 11 in the BOKSSV

Deuteronomy 11 in the BOLCB

Deuteronomy 11 in the BOLCB2

Deuteronomy 11 in the BOMCV

Deuteronomy 11 in the BONAV

Deuteronomy 11 in the BONCB

Deuteronomy 11 in the BONLT

Deuteronomy 11 in the BONUT2

Deuteronomy 11 in the BOPLNT

Deuteronomy 11 in the BOSNC

Deuteronomy 11 in the BOTLNT

Deuteronomy 11 in the BOVCB

Deuteronomy 11 in the BOYCB

Deuteronomy 11 in the BPBB

Deuteronomy 11 in the BPH

Deuteronomy 11 in the BSB

Deuteronomy 11 in the CCB

Deuteronomy 11 in the CUV

Deuteronomy 11 in the CUVS

Deuteronomy 11 in the DBT

Deuteronomy 11 in the DGDNT

Deuteronomy 11 in the DHNT

Deuteronomy 11 in the DNT

Deuteronomy 11 in the ELBE

Deuteronomy 11 in the EMTV

Deuteronomy 11 in the ESV

Deuteronomy 11 in the FBV

Deuteronomy 11 in the FEB

Deuteronomy 11 in the GGMNT

Deuteronomy 11 in the GNT

Deuteronomy 11 in the HARY

Deuteronomy 11 in the HNT

Deuteronomy 11 in the IRVA

Deuteronomy 11 in the IRVB

Deuteronomy 11 in the IRVG

Deuteronomy 11 in the IRVH

Deuteronomy 11 in the IRVK

Deuteronomy 11 in the IRVM

Deuteronomy 11 in the IRVM2

Deuteronomy 11 in the IRVO

Deuteronomy 11 in the IRVP

Deuteronomy 11 in the IRVT

Deuteronomy 11 in the IRVT2

Deuteronomy 11 in the IRVU

Deuteronomy 11 in the ISVN

Deuteronomy 11 in the JSNT

Deuteronomy 11 in the KAPI

Deuteronomy 11 in the KBT1ETNIK

Deuteronomy 11 in the KBV

Deuteronomy 11 in the KJV

Deuteronomy 11 in the KNFD

Deuteronomy 11 in the LBA

Deuteronomy 11 in the LBLA

Deuteronomy 11 in the LNT

Deuteronomy 11 in the LSV

Deuteronomy 11 in the MAAL

Deuteronomy 11 in the MBV

Deuteronomy 11 in the MBV2

Deuteronomy 11 in the MHNT

Deuteronomy 11 in the MKNFD

Deuteronomy 11 in the MNG

Deuteronomy 11 in the MNT

Deuteronomy 11 in the MNT2

Deuteronomy 11 in the MRS1T

Deuteronomy 11 in the NAA

Deuteronomy 11 in the NASB

Deuteronomy 11 in the NBLA

Deuteronomy 11 in the NBS

Deuteronomy 11 in the NBVTP

Deuteronomy 11 in the NET2

Deuteronomy 11 in the NIV11

Deuteronomy 11 in the NNT

Deuteronomy 11 in the NNT2

Deuteronomy 11 in the NNT3

Deuteronomy 11 in the PDDPT

Deuteronomy 11 in the PFNT

Deuteronomy 11 in the RMNT

Deuteronomy 11 in the SBIAS

Deuteronomy 11 in the SBIBS

Deuteronomy 11 in the SBIBS2

Deuteronomy 11 in the SBICS

Deuteronomy 11 in the SBIDS

Deuteronomy 11 in the SBIGS

Deuteronomy 11 in the SBIHS

Deuteronomy 11 in the SBIIS

Deuteronomy 11 in the SBIIS2

Deuteronomy 11 in the SBIIS3

Deuteronomy 11 in the SBIKS

Deuteronomy 11 in the SBIKS2

Deuteronomy 11 in the SBIMS

Deuteronomy 11 in the SBIOS

Deuteronomy 11 in the SBIPS

Deuteronomy 11 in the SBISS

Deuteronomy 11 in the SBITS

Deuteronomy 11 in the SBITS2

Deuteronomy 11 in the SBITS3

Deuteronomy 11 in the SBITS4

Deuteronomy 11 in the SBIUS

Deuteronomy 11 in the SBIVS

Deuteronomy 11 in the SBT

Deuteronomy 11 in the SBT1E

Deuteronomy 11 in the SCHL

Deuteronomy 11 in the SNT

Deuteronomy 11 in the SUSU

Deuteronomy 11 in the SUSU2

Deuteronomy 11 in the SYNO

Deuteronomy 11 in the TBIAOTANT

Deuteronomy 11 in the TBT1E

Deuteronomy 11 in the TBT1E2

Deuteronomy 11 in the TFTIP

Deuteronomy 11 in the TFTU

Deuteronomy 11 in the TGNTATF3T

Deuteronomy 11 in the THAI

Deuteronomy 11 in the TNFD

Deuteronomy 11 in the TNT

Deuteronomy 11 in the TNTIK

Deuteronomy 11 in the TNTIL

Deuteronomy 11 in the TNTIN

Deuteronomy 11 in the TNTIP

Deuteronomy 11 in the TNTIZ

Deuteronomy 11 in the TOMA

Deuteronomy 11 in the TTENT

Deuteronomy 11 in the UBG

Deuteronomy 11 in the UGV

Deuteronomy 11 in the UGV2

Deuteronomy 11 in the UGV3

Deuteronomy 11 in the VBL

Deuteronomy 11 in the VDCC

Deuteronomy 11 in the YALU

Deuteronomy 11 in the YAPE

Deuteronomy 11 in the YBVTP

Deuteronomy 11 in the ZBP