Deuteronomy 16 (BOSCB)

1 Rangarira mwedzi waAbhibhi upemberere Pasika yaJehovha Mwari wako, nokuti mumwedzi waAbhibhi akakubudisa kubva muIjipiti usiku. 2 Bayira Jehovha Mwari wako chipfuwo kubva pamakwai ako kana kubva pamombe dzako sePasika panzvimbo iyo Jehovha achasarudza kuti Zita rake rigarepo. 3 Usaidya nechingwa chine mbiriso, asi kwamazuva manomwe unofanira kudya chingwa chisina mbiriso, chingwa chokutambudzika, nokuti makabuda muIjipiti muchikurumidza, kuitira kuti murangarire nguva yamakabuda kubva muIjipiti. 4 Pamazuva manomwe aya ngapasawanikwa mbiriso panyika yenyu yose. Musarega nyama yamunobayira usiku hwezuva rokutanga ichisara kusvikira mangwanani. 5 Hamufaniri kubayira Pasika mune ripi zvaro ramaguta amunopiwa naJehovha Mwari wenyu, 6 kunze kwenzvimbo yaachasarudza kuti Zita rake rigarepo. Ipapo ndipo pamunofanira kubayira Pasika madekwana, kana zuva ravira, nezuva rokurangarira kwamakaita kubva muIjipiti. 7 Igochei mugoidyira panzvimbo yamuchasarudzirwa naJehovha Mwari wenyu kuti Zita rake rigarepo. Zvino kana ava mangwanani mudzokere kumatende enyu. 8 Kwamazuva matanhatu mudye chingwa chisina mbiriso uye pazuva rechinomwe munofanira kuita ungano kuna Jehovha Mwari wenyu uye murege kushanda. 9 Verengai mavhiki manomwe kubva panguva yamunotanga kucheka gorosi. 10 Ipapo upemberere Jehovha Mwari wako Mutambo waMavhiki nokupa chipo chokuda kwako maererano nokuropafadzwa kwawakaitwa naJehovha Mwari wako. 11 Uye ufare pamberi paJehovha Mwari wako panzvimbo yaachasarudza kuti Zita rake rigarepo, iwe, navanakomana vako navanasikana vako, varandarume vako navarandakadzi vako, navaRevhi vari mumaguta ako, uye navatorwa, nenherera nechirikadzi dzigere pakati penyu. 12 Rangarirai kuti maiva varanda muIjipiti, uye muchenjerere kuchengeta mirayiro iyi. 13 Upemberere Mutambo waMatumba mazuva manomwe mushure mokunge wapedza kuunganidza zvawawana paburiro rako napachisviniro chako. 14 Ufare kwazvo paMutambo wako, iwe, navanakomana vako navanasikana vako, varandarume vako navarandakadzi vako, navaRevhi vari mumaguta ako, uye navatorwa, nenherera nechirikadzi dzigere mumaguta enyu. 15 Kwamazuva manomwe upemberere Mutambo kuna Jehovha Mwari wako panzvimbo ichasarudzwa naJehovha, nokuti Jehovha Mwari wako achakuropafadza mukukohwa kwako kwose nomubasa rako rose ramaoko ako, uye mufaro wako uchazadziswa. 16 Katatu pagore varume vose pakati penyu vanofanira kuuya pamberi paJehovha Mwari wenyu panzvimbo iyo achasarudza: panguva yoMutambo weChingwa Chisina Mbiriso, noMutambo waMavhiki uye noMutambo waMatumba. Hapana munhu anofanira kuuya asina chaakabata pamberi paJehovha: 17 Mumwe nomumwe wenyu anofanira kuuya nechipo chakaenzanirana nokuropafadzwa kwaakaitwa naJehovha Mwari wenyu. 18 Gadzai vatongi navakuru kurudzi rumwe norumwe rwenyu muguta rimwe nerimwe ramuri kupiwa naJehovha Mwari wenyu, uye vagotonga vanhu nokutonga kwakanaka. 19 Musatsauka pakururamisira uye musaita rusarura. Musagamuchira fufuro, nokuti fufuro rinopofumadza meso owakachenjera uye rinominamisa mashoko avakarurama. 20 Teverai kururamisira uye kururamisira chete, kuitira kuti mugorarama uye mugotora nyika yamuri kupiwa naJehovha Mwari wenyu. 21 Musazvimisira matanda api zvawo aAshera parutivi pearitari yamunovakira Jehovha Mwari wenyu. 22 Uye musamisa dombo rinoera, nokuti izvi Jehovha Mwari wenyu anozvivenga.

In Other Versions

Deuteronomy 16 in the ANGEFD

Deuteronomy 16 in the ANTPNG2D

Deuteronomy 16 in the AS21

Deuteronomy 16 in the BAGH

Deuteronomy 16 in the BBPNG

Deuteronomy 16 in the BBT1E

Deuteronomy 16 in the BDS

Deuteronomy 16 in the BEV

Deuteronomy 16 in the BHAD

Deuteronomy 16 in the BIB

Deuteronomy 16 in the BLPT

Deuteronomy 16 in the BNT

Deuteronomy 16 in the BNTABOOT

Deuteronomy 16 in the BNTLV

Deuteronomy 16 in the BOATCB

Deuteronomy 16 in the BOATCB2

Deuteronomy 16 in the BOBCV

Deuteronomy 16 in the BOCNT

Deuteronomy 16 in the BOECS

Deuteronomy 16 in the BOGWICC

Deuteronomy 16 in the BOHCB

Deuteronomy 16 in the BOHCV

Deuteronomy 16 in the BOHLNT

Deuteronomy 16 in the BOHNTLTAL

Deuteronomy 16 in the BOICB

Deuteronomy 16 in the BOILNTAP

Deuteronomy 16 in the BOITCV

Deuteronomy 16 in the BOKCV

Deuteronomy 16 in the BOKCV2

Deuteronomy 16 in the BOKHWOG

Deuteronomy 16 in the BOKSSV

Deuteronomy 16 in the BOLCB

Deuteronomy 16 in the BOLCB2

Deuteronomy 16 in the BOMCV

Deuteronomy 16 in the BONAV

Deuteronomy 16 in the BONCB

Deuteronomy 16 in the BONLT

Deuteronomy 16 in the BONUT2

Deuteronomy 16 in the BOPLNT

Deuteronomy 16 in the BOSNC

Deuteronomy 16 in the BOTLNT

Deuteronomy 16 in the BOVCB

Deuteronomy 16 in the BOYCB

Deuteronomy 16 in the BPBB

Deuteronomy 16 in the BPH

Deuteronomy 16 in the BSB

Deuteronomy 16 in the CCB

Deuteronomy 16 in the CUV

Deuteronomy 16 in the CUVS

Deuteronomy 16 in the DBT

Deuteronomy 16 in the DGDNT

Deuteronomy 16 in the DHNT

Deuteronomy 16 in the DNT

Deuteronomy 16 in the ELBE

Deuteronomy 16 in the EMTV

Deuteronomy 16 in the ESV

Deuteronomy 16 in the FBV

Deuteronomy 16 in the FEB

Deuteronomy 16 in the GGMNT

Deuteronomy 16 in the GNT

Deuteronomy 16 in the HARY

Deuteronomy 16 in the HNT

Deuteronomy 16 in the IRVA

Deuteronomy 16 in the IRVB

Deuteronomy 16 in the IRVG

Deuteronomy 16 in the IRVH

Deuteronomy 16 in the IRVK

Deuteronomy 16 in the IRVM

Deuteronomy 16 in the IRVM2

Deuteronomy 16 in the IRVO

Deuteronomy 16 in the IRVP

Deuteronomy 16 in the IRVT

Deuteronomy 16 in the IRVT2

Deuteronomy 16 in the IRVU

Deuteronomy 16 in the ISVN

Deuteronomy 16 in the JSNT

Deuteronomy 16 in the KAPI

Deuteronomy 16 in the KBT1ETNIK

Deuteronomy 16 in the KBV

Deuteronomy 16 in the KJV

Deuteronomy 16 in the KNFD

Deuteronomy 16 in the LBA

Deuteronomy 16 in the LBLA

Deuteronomy 16 in the LNT

Deuteronomy 16 in the LSV

Deuteronomy 16 in the MAAL

Deuteronomy 16 in the MBV

Deuteronomy 16 in the MBV2

Deuteronomy 16 in the MHNT

Deuteronomy 16 in the MKNFD

Deuteronomy 16 in the MNG

Deuteronomy 16 in the MNT

Deuteronomy 16 in the MNT2

Deuteronomy 16 in the MRS1T

Deuteronomy 16 in the NAA

Deuteronomy 16 in the NASB

Deuteronomy 16 in the NBLA

Deuteronomy 16 in the NBS

Deuteronomy 16 in the NBVTP

Deuteronomy 16 in the NET2

Deuteronomy 16 in the NIV11

Deuteronomy 16 in the NNT

Deuteronomy 16 in the NNT2

Deuteronomy 16 in the NNT3

Deuteronomy 16 in the PDDPT

Deuteronomy 16 in the PFNT

Deuteronomy 16 in the RMNT

Deuteronomy 16 in the SBIAS

Deuteronomy 16 in the SBIBS

Deuteronomy 16 in the SBIBS2

Deuteronomy 16 in the SBICS

Deuteronomy 16 in the SBIDS

Deuteronomy 16 in the SBIGS

Deuteronomy 16 in the SBIHS

Deuteronomy 16 in the SBIIS

Deuteronomy 16 in the SBIIS2

Deuteronomy 16 in the SBIIS3

Deuteronomy 16 in the SBIKS

Deuteronomy 16 in the SBIKS2

Deuteronomy 16 in the SBIMS

Deuteronomy 16 in the SBIOS

Deuteronomy 16 in the SBIPS

Deuteronomy 16 in the SBISS

Deuteronomy 16 in the SBITS

Deuteronomy 16 in the SBITS2

Deuteronomy 16 in the SBITS3

Deuteronomy 16 in the SBITS4

Deuteronomy 16 in the SBIUS

Deuteronomy 16 in the SBIVS

Deuteronomy 16 in the SBT

Deuteronomy 16 in the SBT1E

Deuteronomy 16 in the SCHL

Deuteronomy 16 in the SNT

Deuteronomy 16 in the SUSU

Deuteronomy 16 in the SUSU2

Deuteronomy 16 in the SYNO

Deuteronomy 16 in the TBIAOTANT

Deuteronomy 16 in the TBT1E

Deuteronomy 16 in the TBT1E2

Deuteronomy 16 in the TFTIP

Deuteronomy 16 in the TFTU

Deuteronomy 16 in the TGNTATF3T

Deuteronomy 16 in the THAI

Deuteronomy 16 in the TNFD

Deuteronomy 16 in the TNT

Deuteronomy 16 in the TNTIK

Deuteronomy 16 in the TNTIL

Deuteronomy 16 in the TNTIN

Deuteronomy 16 in the TNTIP

Deuteronomy 16 in the TNTIZ

Deuteronomy 16 in the TOMA

Deuteronomy 16 in the TTENT

Deuteronomy 16 in the UBG

Deuteronomy 16 in the UGV

Deuteronomy 16 in the UGV2

Deuteronomy 16 in the UGV3

Deuteronomy 16 in the VBL

Deuteronomy 16 in the VDCC

Deuteronomy 16 in the YALU

Deuteronomy 16 in the YAPE

Deuteronomy 16 in the YBVTP

Deuteronomy 16 in the ZBP