Deuteronomy 17 (BOSCB)

1 Musabayira Jehovha Mwari wenyu mombe kana gwai rine chakaipa pariri kana rakaremara, nokuti izvozvo zvinomunyangadza. 2 Kana pakati penyu mune rimwe ramaguta amuri kupiwa naJehovha pakawanikwa murume kana mukadzi achiita zvakaipa pamberi paJehovha Mwari wenyu, achiputsa sungano, 3 uye akapesana nomurayiro wangu anamata vamwe vamwari, achivapfugamira kana kupfugamira zuva kana mwedzi kana nyeredzi dzokudenga, 4 uye izvi zvaziviswa kwamuri, ipapo munofanira kunyatsozvibvunzisisa kwazvo. Kana chiri chokwadi uye zvanyatsoonekwa kuti chinhu ichi chinonyangadza chakaitwa muIsraeri, 5 torai murume uyu kana mukadzi uyu akaita chinhu ichi chakaipa muende naye kusuo reguta renyu mugomutaka namabwe afe. 6 Nokupupura kwezvapupu zviviri kana zvitatu munhu achaurayiwa, asi hapana munhu anofanira kuurayiwa nokupupura kwechapupu chimwe chete. 7 Maoko ezvapupu ndiwo anofanira kutanga pakumuuraya, zvino pashure maoko avanhu vose. Munofanira kubvisa chakaipa pakati penyu. 8 Kana mhaka dzikauya kumatare enyu dzakanyanya kukuomerai kuti mutonge, dzingava dzokudeurwa kweropa, dzokuendesana kumatare kana dzokurwa, endai nadzo kunzvimbo iyo Jehovha Mwari wenyu achasarudza. 9 Endai kuvaprista, vanova vaRevhi uye kuvatongi vanenge vachitonga panguva iyoyo. Muvabvunze uye ivo vachakuudzai mutongo wakafanira. 10 Muite sezvavanenge vakutongerai panzvimbo ichasarudzwa naJehovha. Muchenjerere kuita zvose zvavanenge vakurayirai kuti muite. 11 Muite maererano nomurayiro wavanokudzidzisai uye nokutonga kwavanokuudzai. Hamufaniri kutsauka kubva pane zvavanokuudzai, kurudyi kana kuruboshwe. 12 Munhu anozvidza mutongi kana muprista anomira achishumira pamberi paJehovha Mwari wenyu anofanira kufa. Munofanira kubvisa chakaipa muIsraeri. 13 Vanhu vose vachazvinzwa uye vagotya, uye havazozvidzi zvakare. 14 Kana muchinge mapinda munyika yamuri kupiwa naJehovha Mwari wenyu uye kana muchinge maitora kuti ive yenyu, uye magara mairi, uye mukati, “Ngatizvigadzirei mambo sezvakaita ndudzi dzose dzakapoteredza,” 15 chenjererai kuti mugadze mambo achasarudzwa naJehovha Mwari wenyu. Anofanira kubva pakati pehama dzenyu. Musazvigadzira mutorwa, uyo asiri hama yenyu muIsraeri. 16 Mambo haafaniri kuva namabhiza akawanda kana kuita kuti vanhu vadzokere kuIjipiti kundotora mamwe, nokuti Jehovha akutaurirai kuti, “Hamufaniri kudzoka nenzira iyoyo zvakare.” 17 Haafaniri kutora madzimai akawanda, nokuti mwoyo wake ungazotsauswa. Haafaniri kuunganidza sirivha negoridhe zvakawanda. 18 Kana achinge agara pachigaro chake choushe, anofanira kuzvinyorera bhuku romurayiro uyu, achitora kubva mumirayiro yavaprista vanova vaRevhi. 19 Anofanira kugara naro uye anofanira kuriverenga mazuva ose oupenyu hwake kuitira kuti adzidze kutya Jehovha Mwari wake uye agochenjerera kutevera mashoko ose omurayiro uyu nemitemo iyi. 20 Uye haafaniri kuzviona seari nani kupfuura hama dzake agotsauka kubva pamurayiro kurudyi kana kuruboshwe. Ipapo iye nezvizvarwa zvake achagara nguva huru paushe hwake muIsraeri.

In Other Versions

Deuteronomy 17 in the ANGEFD

Deuteronomy 17 in the ANTPNG2D

Deuteronomy 17 in the AS21

Deuteronomy 17 in the BAGH

Deuteronomy 17 in the BBPNG

Deuteronomy 17 in the BBT1E

Deuteronomy 17 in the BDS

Deuteronomy 17 in the BEV

Deuteronomy 17 in the BHAD

Deuteronomy 17 in the BIB

Deuteronomy 17 in the BLPT

Deuteronomy 17 in the BNT

Deuteronomy 17 in the BNTABOOT

Deuteronomy 17 in the BNTLV

Deuteronomy 17 in the BOATCB

Deuteronomy 17 in the BOATCB2

Deuteronomy 17 in the BOBCV

Deuteronomy 17 in the BOCNT

Deuteronomy 17 in the BOECS

Deuteronomy 17 in the BOGWICC

Deuteronomy 17 in the BOHCB

Deuteronomy 17 in the BOHCV

Deuteronomy 17 in the BOHLNT

Deuteronomy 17 in the BOHNTLTAL

Deuteronomy 17 in the BOICB

Deuteronomy 17 in the BOILNTAP

Deuteronomy 17 in the BOITCV

Deuteronomy 17 in the BOKCV

Deuteronomy 17 in the BOKCV2

Deuteronomy 17 in the BOKHWOG

Deuteronomy 17 in the BOKSSV

Deuteronomy 17 in the BOLCB

Deuteronomy 17 in the BOLCB2

Deuteronomy 17 in the BOMCV

Deuteronomy 17 in the BONAV

Deuteronomy 17 in the BONCB

Deuteronomy 17 in the BONLT

Deuteronomy 17 in the BONUT2

Deuteronomy 17 in the BOPLNT

Deuteronomy 17 in the BOSNC

Deuteronomy 17 in the BOTLNT

Deuteronomy 17 in the BOVCB

Deuteronomy 17 in the BOYCB

Deuteronomy 17 in the BPBB

Deuteronomy 17 in the BPH

Deuteronomy 17 in the BSB

Deuteronomy 17 in the CCB

Deuteronomy 17 in the CUV

Deuteronomy 17 in the CUVS

Deuteronomy 17 in the DBT

Deuteronomy 17 in the DGDNT

Deuteronomy 17 in the DHNT

Deuteronomy 17 in the DNT

Deuteronomy 17 in the ELBE

Deuteronomy 17 in the EMTV

Deuteronomy 17 in the ESV

Deuteronomy 17 in the FBV

Deuteronomy 17 in the FEB

Deuteronomy 17 in the GGMNT

Deuteronomy 17 in the GNT

Deuteronomy 17 in the HARY

Deuteronomy 17 in the HNT

Deuteronomy 17 in the IRVA

Deuteronomy 17 in the IRVB

Deuteronomy 17 in the IRVG

Deuteronomy 17 in the IRVH

Deuteronomy 17 in the IRVK

Deuteronomy 17 in the IRVM

Deuteronomy 17 in the IRVM2

Deuteronomy 17 in the IRVO

Deuteronomy 17 in the IRVP

Deuteronomy 17 in the IRVT

Deuteronomy 17 in the IRVT2

Deuteronomy 17 in the IRVU

Deuteronomy 17 in the ISVN

Deuteronomy 17 in the JSNT

Deuteronomy 17 in the KAPI

Deuteronomy 17 in the KBT1ETNIK

Deuteronomy 17 in the KBV

Deuteronomy 17 in the KJV

Deuteronomy 17 in the KNFD

Deuteronomy 17 in the LBA

Deuteronomy 17 in the LBLA

Deuteronomy 17 in the LNT

Deuteronomy 17 in the LSV

Deuteronomy 17 in the MAAL

Deuteronomy 17 in the MBV

Deuteronomy 17 in the MBV2

Deuteronomy 17 in the MHNT

Deuteronomy 17 in the MKNFD

Deuteronomy 17 in the MNG

Deuteronomy 17 in the MNT

Deuteronomy 17 in the MNT2

Deuteronomy 17 in the MRS1T

Deuteronomy 17 in the NAA

Deuteronomy 17 in the NASB

Deuteronomy 17 in the NBLA

Deuteronomy 17 in the NBS

Deuteronomy 17 in the NBVTP

Deuteronomy 17 in the NET2

Deuteronomy 17 in the NIV11

Deuteronomy 17 in the NNT

Deuteronomy 17 in the NNT2

Deuteronomy 17 in the NNT3

Deuteronomy 17 in the PDDPT

Deuteronomy 17 in the PFNT

Deuteronomy 17 in the RMNT

Deuteronomy 17 in the SBIAS

Deuteronomy 17 in the SBIBS

Deuteronomy 17 in the SBIBS2

Deuteronomy 17 in the SBICS

Deuteronomy 17 in the SBIDS

Deuteronomy 17 in the SBIGS

Deuteronomy 17 in the SBIHS

Deuteronomy 17 in the SBIIS

Deuteronomy 17 in the SBIIS2

Deuteronomy 17 in the SBIIS3

Deuteronomy 17 in the SBIKS

Deuteronomy 17 in the SBIKS2

Deuteronomy 17 in the SBIMS

Deuteronomy 17 in the SBIOS

Deuteronomy 17 in the SBIPS

Deuteronomy 17 in the SBISS

Deuteronomy 17 in the SBITS

Deuteronomy 17 in the SBITS2

Deuteronomy 17 in the SBITS3

Deuteronomy 17 in the SBITS4

Deuteronomy 17 in the SBIUS

Deuteronomy 17 in the SBIVS

Deuteronomy 17 in the SBT

Deuteronomy 17 in the SBT1E

Deuteronomy 17 in the SCHL

Deuteronomy 17 in the SNT

Deuteronomy 17 in the SUSU

Deuteronomy 17 in the SUSU2

Deuteronomy 17 in the SYNO

Deuteronomy 17 in the TBIAOTANT

Deuteronomy 17 in the TBT1E

Deuteronomy 17 in the TBT1E2

Deuteronomy 17 in the TFTIP

Deuteronomy 17 in the TFTU

Deuteronomy 17 in the TGNTATF3T

Deuteronomy 17 in the THAI

Deuteronomy 17 in the TNFD

Deuteronomy 17 in the TNT

Deuteronomy 17 in the TNTIK

Deuteronomy 17 in the TNTIL

Deuteronomy 17 in the TNTIN

Deuteronomy 17 in the TNTIP

Deuteronomy 17 in the TNTIZ

Deuteronomy 17 in the TOMA

Deuteronomy 17 in the TTENT

Deuteronomy 17 in the UBG

Deuteronomy 17 in the UGV

Deuteronomy 17 in the UGV2

Deuteronomy 17 in the UGV3

Deuteronomy 17 in the VBL

Deuteronomy 17 in the VDCC

Deuteronomy 17 in the YALU

Deuteronomy 17 in the YAPE

Deuteronomy 17 in the YBVTP

Deuteronomy 17 in the ZBP