Exodus 38 (BOSCB)

1 Vakavaka aritari yezvipiriso zvinopiswa yamatanda omuunga, yakakwirira makubhiti matatu; yakanga yakaenzana mativi ayo mana ina makubhiti mashanu pakureba uye namakubhiti mashanu paupamhi hwayo. 2 Vakagadzira runyanga pamakona mana ose zvokuti nyanga nearitari zvakanga zvava chinhu chimwe chete, uye vakafukidza aritari nendarira. 3 Vakaita midziyo yayo yose nendarira, hari dzayo, foshoro dzayo, midziyo yokusasa zvibayiso zvenyama uye namakango apamoto. 4 Vakaitira aritari chiparo, mumbure wendarira, kuti chive pasi pechitsiko chayo, pakati napakati pokukwirira kwearitari. 5 Vakaumba mhete dzendarira kuti dzibate mapango amakona mana echiparo chendarira. 6 Vakaita mapango omuti womuunga vakaafukidza nendarira. 7 Vakapinza mapango mukati memhete kuitira kuti agova pamativi earitari, kuti vaitakure nawo. Vakaiita namapuranga, isina chinhu mukati. 8 Vakagadzira mudziyo wokushambira wendarira uye nezvigadziko zvawo zvendarira kubva pazvionioni zvamadzimai aishumira pamukova wokupinda muTende Rokusangana. 9 Pashure vakaita ruvazhe. Rutivi rwezasi rwakanga rwakareba makubhiti zana uye rwaiva nezvidzitiro zvomucheka wakarukwa zvakaisvonaka, 10 namatanda makumi maviri uye nezvigadziko zvendarira makumi maviri, nezvikorekedzo zvesirivha uye nezvisungo pamusoro pamatanda. 11 Rutivi rwokumusorowo rwakanga runa makubhiti zana pakureba uye rwakanga rune matanda makumi maviri nezvigadziko zvendarira, ine zvikorekedzo zvesirivha nezvisungo pamusoro pamatanda. 12 Mucheto wokumavirira wakanga una makubhiti makumi mashanu paupamhi, uye kwaiva nezvidzitiro, namatanda gumi uye nezvigadziko gumi, nezvikorekedzo zvesirivha nezvisungo pamusoro pamatanda. 13 Kumucheto wokumabvazuva, wakananga kunobuda nezuva, kwaivawo noupamhi hwamakubhiti makumi mashanu. 14 Zvidzitiro zvakareba makubhiti gumi namashanu zvaiva kurutivi rumwe chete rwomukova, namatanda matatu ezvigadziko zvitatu, 15 uye zvidzitiro zvakareba makubhiti gumi namashanu zvaiva kuno rumwe rutivi rwokupinda muruvazhe, namatanda matatu uye nezvigadziko zvitatu. 16 Zvidzitiro zvose zvaipoteredza ruvazhe zvaiva zvomucheka wakarukwa zvakaisvonaka. 17 Zvigadziko zvamatanda zvakanga zviri zvendarira. Zvikorekedzo nezvisungo zvaiva pamatanda zvaiva zvesirivha, uye misoro yawo yakanga yakafukidzwa nesirivha; saka matanda ose oruvazhe akanga ane zvisungo zvesirivha. 18 Chidzitiro chomukova wokupinda muruvazhe chaiva chewuru yebhuruu, nepepuru netsvuku uye nomucheka wakarukwa zvakaisvonaka, basa romuruki. Chakanga chakareba makubhiti makumi maviri, chakaita sechidzitiro chaparuvazhe, makubhiti mashanu kukwirira kwacho, 19 namatanda mana uye nezvigadziko zvendarira zvina. Zvikorekedzo zvazvo nezvisungo zvazvo zvaiva zvesirivha, uye misoro yacho yakanga yakafukidzwa nesirivha. 20 Mbambo dzose dzetende retabhenakeri nezvaipoteredza ruvazhe zvaiva zvendarira. 21 Uku ndiko kuwanda kwezvinhu zvakashandiswa patabhenakeri, iyo tabhenakeri yeChipupuriro, zvakanyorwa pakurayira kwaMozisi navaRevhi vari pasi paItamari mwanakomana waAroni, muprista. 22 Bhezareri mwanakomana waUri, mwanakomana waHuri, worudzi rwaJudha, akagadzira zvose zvakarayirwa Mozisi naJehovha; 23 aiva naDhoriabhu mwanakomana waAhisamaki, worudzi rwaDhani, mhizha nomusoni, uye musoni wewuru yebhuruu, pepuru netsvuku nomucheka wakaisvonaka. 24 Kuwanda kwegoridhe rose rakabva kuzvipiriso zvokuninira rakashandiswa pabasa rose rapaimba tsvene kwaiva matarenda makumi maviri namapfumbamwe namashekeri mazana manomwe ana makumi matatu, zvichienderana neshekeri renzvimbo tsvene. 25 Sirivha yakawanikwa yakabva kuna avo veungano vakaverengwa pakunyorwa, yaiva matarenda zana, uye chiuru chimwe namazana manomwe namakumi manomwe namashanu amashekeri, zvichienderana neshekeri renzvimbo tsvene, 26 bheka rimwe chete pamunhu, ndiyo hafu yeshekeri, zvichienderana neshekeri renzvimbo tsvene, kubva kumunhu wose akanga ayambukira kuna avo vakanga vatoverengwa, vana makore makumi maviri kana kupfuura, varume vakanga vari zviuru mazana matanhatu navatatu namazana mashanu ana makumi mashanu. 27 Matarenda zana esirivha akashandiswa kugadzira zvigadziko zvenzvimbo tsvene pachidzitiro, zvigadziko zana zvaibva pamatarenda zana, tarenda rimwe chete pachigadziko chimwe nechimwe. 28 Vakashandisa mashekeri chiuru chimwe chete namazana manomwe namakumi manomwe namashanu uye kuti vagadzire zvikorekedzo zvamatanda, kufukidza misoro yamatanda, uye vagadzire zvisungo zvawo. 29 Ndarira yakabva kuzvipiriso zvokuninira yaiva matarenda makumi manomwe namashekeri zviuru zviviri namazana mana. 30 Vakaishandisa kugadzira nheyo dzomukova weTende Rokusangana, aritari yendarira, chiparo chayo chendarira nemidziyo yayo yose, 31 nheyo dzepakapoteredza ruvazhe nedzomukova warwo nembambo dzose dzetende retabhenakeri uye nezvose zvakapoteredza ruvazhe.

In Other Versions

Exodus 38 in the ANGEFD

Exodus 38 in the ANTPNG2D

Exodus 38 in the AS21

Exodus 38 in the BAGH

Exodus 38 in the BBPNG

Exodus 38 in the BBT1E

Exodus 38 in the BDS

Exodus 38 in the BEV

Exodus 38 in the BHAD

Exodus 38 in the BIB

Exodus 38 in the BLPT

Exodus 38 in the BNT

Exodus 38 in the BNTABOOT

Exodus 38 in the BNTLV

Exodus 38 in the BOATCB

Exodus 38 in the BOATCB2

Exodus 38 in the BOBCV

Exodus 38 in the BOCNT

Exodus 38 in the BOECS

Exodus 38 in the BOGWICC

Exodus 38 in the BOHCB

Exodus 38 in the BOHCV

Exodus 38 in the BOHLNT

Exodus 38 in the BOHNTLTAL

Exodus 38 in the BOICB

Exodus 38 in the BOILNTAP

Exodus 38 in the BOITCV

Exodus 38 in the BOKCV

Exodus 38 in the BOKCV2

Exodus 38 in the BOKHWOG

Exodus 38 in the BOKSSV

Exodus 38 in the BOLCB

Exodus 38 in the BOLCB2

Exodus 38 in the BOMCV

Exodus 38 in the BONAV

Exodus 38 in the BONCB

Exodus 38 in the BONLT

Exodus 38 in the BONUT2

Exodus 38 in the BOPLNT

Exodus 38 in the BOSNC

Exodus 38 in the BOTLNT

Exodus 38 in the BOVCB

Exodus 38 in the BOYCB

Exodus 38 in the BPBB

Exodus 38 in the BPH

Exodus 38 in the BSB

Exodus 38 in the CCB

Exodus 38 in the CUV

Exodus 38 in the CUVS

Exodus 38 in the DBT

Exodus 38 in the DGDNT

Exodus 38 in the DHNT

Exodus 38 in the DNT

Exodus 38 in the ELBE

Exodus 38 in the EMTV

Exodus 38 in the ESV

Exodus 38 in the FBV

Exodus 38 in the FEB

Exodus 38 in the GGMNT

Exodus 38 in the GNT

Exodus 38 in the HARY

Exodus 38 in the HNT

Exodus 38 in the IRVA

Exodus 38 in the IRVB

Exodus 38 in the IRVG

Exodus 38 in the IRVH

Exodus 38 in the IRVK

Exodus 38 in the IRVM

Exodus 38 in the IRVM2

Exodus 38 in the IRVO

Exodus 38 in the IRVP

Exodus 38 in the IRVT

Exodus 38 in the IRVT2

Exodus 38 in the IRVU

Exodus 38 in the ISVN

Exodus 38 in the JSNT

Exodus 38 in the KAPI

Exodus 38 in the KBT1ETNIK

Exodus 38 in the KBV

Exodus 38 in the KJV

Exodus 38 in the KNFD

Exodus 38 in the LBA

Exodus 38 in the LBLA

Exodus 38 in the LNT

Exodus 38 in the LSV

Exodus 38 in the MAAL

Exodus 38 in the MBV

Exodus 38 in the MBV2

Exodus 38 in the MHNT

Exodus 38 in the MKNFD

Exodus 38 in the MNG

Exodus 38 in the MNT

Exodus 38 in the MNT2

Exodus 38 in the MRS1T

Exodus 38 in the NAA

Exodus 38 in the NASB

Exodus 38 in the NBLA

Exodus 38 in the NBS

Exodus 38 in the NBVTP

Exodus 38 in the NET2

Exodus 38 in the NIV11

Exodus 38 in the NNT

Exodus 38 in the NNT2

Exodus 38 in the NNT3

Exodus 38 in the PDDPT

Exodus 38 in the PFNT

Exodus 38 in the RMNT

Exodus 38 in the SBIAS

Exodus 38 in the SBIBS

Exodus 38 in the SBIBS2

Exodus 38 in the SBICS

Exodus 38 in the SBIDS

Exodus 38 in the SBIGS

Exodus 38 in the SBIHS

Exodus 38 in the SBIIS

Exodus 38 in the SBIIS2

Exodus 38 in the SBIIS3

Exodus 38 in the SBIKS

Exodus 38 in the SBIKS2

Exodus 38 in the SBIMS

Exodus 38 in the SBIOS

Exodus 38 in the SBIPS

Exodus 38 in the SBISS

Exodus 38 in the SBITS

Exodus 38 in the SBITS2

Exodus 38 in the SBITS3

Exodus 38 in the SBITS4

Exodus 38 in the SBIUS

Exodus 38 in the SBIVS

Exodus 38 in the SBT

Exodus 38 in the SBT1E

Exodus 38 in the SCHL

Exodus 38 in the SNT

Exodus 38 in the SUSU

Exodus 38 in the SUSU2

Exodus 38 in the SYNO

Exodus 38 in the TBIAOTANT

Exodus 38 in the TBT1E

Exodus 38 in the TBT1E2

Exodus 38 in the TFTIP

Exodus 38 in the TFTU

Exodus 38 in the TGNTATF3T

Exodus 38 in the THAI

Exodus 38 in the TNFD

Exodus 38 in the TNT

Exodus 38 in the TNTIK

Exodus 38 in the TNTIL

Exodus 38 in the TNTIN

Exodus 38 in the TNTIP

Exodus 38 in the TNTIZ

Exodus 38 in the TOMA

Exodus 38 in the TTENT

Exodus 38 in the UBG

Exodus 38 in the UGV

Exodus 38 in the UGV2

Exodus 38 in the UGV3

Exodus 38 in the VBL

Exodus 38 in the VDCC

Exodus 38 in the YALU

Exodus 38 in the YAPE

Exodus 38 in the YBVTP

Exodus 38 in the ZBP