Exodus 7 (BOSCB)
1 Ipapo Jehovha akati kuna Mozisi. “Tarira, ndakuita saMwari kuna Faro, uye mukoma wako Aroni achava muprofita wako. 2 Unofanira kutaura zvinhu zvose zvandinokurayira, uye mukoma wako Aroni anofanira kuudza Faro kuti arege vaIsraeri vabude munyika yake. 3 Asi ndichaomesa mwoyo waFaro uye kunyange ndikawanza zviratidzo nezvishamiso zvangu muIjipiti, 4 haazombokuteereri. Ipapo ndichaisa ruoko rwangu pamusoro peIjipiti uye namabasa okutonga kukuru ndichabudisa hondo dzangu, ivo vanhu vangu vaIsraeri. 5 Uye vaIjipita vachaziva kuti ndini Jehovha pandichatambanudza ruoko rwangu pamusoro peIjipiti uye ndichabudisa vaIsraeri kubva mairi.” 6 Mozisi naAroni vakaita sezvavakanga varayirwa naJehovha. 7 Mozisi akanga ana makore makumi masere uye Aroni makumi masere namatatu pavakataura kuna Faro. 8 Jehovha akati kuna Mozisi naAroni, 9 “Faro paanoti kwamuri, ‘Itai chiratidzo,’ ipapo uti kuna Aroni, ‘Tora tsvimbo yako uikande pasi pamberi paFaro,’ uye ichava nyoka.” 10 Saka Mozisi naAroni vakaenda kuna Faro vakandoita sezvavakarayirwa naJehovha. Aroni akakanda tsvimbo yake pasi pamberi paFaro namachinda ake, uye ikava nyoka. 11 Ipapo Faro akadana varume vakachenjera navaroyi, uye nʼanga dzeIjipiti dzakaitawo zvimwe chetezvo nouroyi hwadzo. 12 Mumwe nomumwe akakanda tsvimbo yake pasi uye ikava nyoka. Asi tsvimbo yaAroni yakamedza tsvimbo dzavo. 13 Asi mwoyo waFaro wakava wakaoma uye haana kuvateerera, sezvakanga zvarehwa naJehovha. 14 Ipapo Jehovha akati kuna Mozisi, “Mwoyo waFaro mukukutu; haabvumi kuti vanhu vaende. 15 Enda kuna Faro mangwanani paanenge achienda kumvura. Umire pamahombekombe aNairi kuti ugosangana naye, uye ubate muruoko rwako tsvimbo iya yakashandurwa ikava nyoka. 16 Ipapo uti kwaari, ‘Jehovha, Mwari wavaHebheru, andituma kuti ndizoti kwauri: Rega vanhu vangu vaende, kuitira kuti vanondinamata murenje. Asi kusvikira zvino hauna kunditeerera.’ 17 Zvanzi naJehovha: ‘Uchaziva kuti ndini Jehovha nechinhu ichi: Ndicharova mvura yeNairi netsvimbo iri muruoko rwangu uye ichashanduka ikava ropa. 18 Hove dziri muna Nairi dzichafa, uye rwizi ruchanhuhwa; vaIjipita havazokwanisi kunwa mvura yarwo.’ ” 19 Jehovha akati kuna Mozisi, “Taurira Aroni uti, ‘Tora tsvimbo yako uye utambanudze ruoko rwako pamusoro pemvura yeIjipiti, pamusoro pehova pamusoro pemigero, pamusoro pamadziva uye napamusoro pamagawa,’ uye zvichashanduka zvikava ropa. Ropa richava pose pose muIjipiti, kunyange mukati memidziyo yemiti neyamabwe.” 20 Mozisi naAroni vakaita sezvavakarayirwa naJehovha. Akasimudza tsvimbo yake pamberi paFaro namachinda ake akarova mvura yeNairi, mvura yose ikashanduka ikava ropa. 21 Hove dzaiva muna Nairi dzakafa, uye rwizi rwakanhuhwa zvakaipa kwazvo zvokuti vaIjipita havana kugona kunwa mvura yarwo. Ropa rakanga riri pose pose muIjipiti. 22 Asi nʼanga dzavaIjipita dzakaita zvimwe chetezvo nouroyi hwadzo, mwoyo waFaro ukava mukukutu; haana kuda kuteerera Mozisi naAroni, sezvakanga zvarehwa naJehovha. 23 Asi akadzokera mumuzinda wake, uye haana kunyange kuzviisa mumwoyo make. 24 Uye vaIjipita vose vakachera mujinga maNairi kuti vawane mvura yokunwa, nokuti vakanga vasingagoni kunwa mvura yomurwizi. 25 Mazuva manomwe akapfuura mushure mokunge Jehovha arova Nairi.
In Other Versions
Exodus 7 in the ANGEFD
Exodus 7 in the ANTPNG2D
Exodus 7 in the AS21
Exodus 7 in the BAGH
Exodus 7 in the BBPNG
Exodus 7 in the BBT1E
Exodus 7 in the BDS
Exodus 7 in the BEV
Exodus 7 in the BHAD
Exodus 7 in the BIB
Exodus 7 in the BLPT
Exodus 7 in the BNT
Exodus 7 in the BNTABOOT
Exodus 7 in the BNTLV
Exodus 7 in the BOATCB
Exodus 7 in the BOATCB2
Exodus 7 in the BOBCV
Exodus 7 in the BOCNT
Exodus 7 in the BOECS
Exodus 7 in the BOGWICC
Exodus 7 in the BOHCB
Exodus 7 in the BOHCV
Exodus 7 in the BOHLNT
Exodus 7 in the BOHNTLTAL
Exodus 7 in the BOICB
Exodus 7 in the BOILNTAP
Exodus 7 in the BOITCV
Exodus 7 in the BOKCV
Exodus 7 in the BOKCV2
Exodus 7 in the BOKHWOG
Exodus 7 in the BOKSSV
Exodus 7 in the BOLCB
Exodus 7 in the BOLCB2
Exodus 7 in the BOMCV
Exodus 7 in the BONAV
Exodus 7 in the BONCB
Exodus 7 in the BONLT
Exodus 7 in the BONUT2
Exodus 7 in the BOPLNT
Exodus 7 in the BOSNC
Exodus 7 in the BOTLNT
Exodus 7 in the BOVCB
Exodus 7 in the BOYCB
Exodus 7 in the BPBB
Exodus 7 in the BPH
Exodus 7 in the BSB
Exodus 7 in the CCB
Exodus 7 in the CUV
Exodus 7 in the CUVS
Exodus 7 in the DBT
Exodus 7 in the DGDNT
Exodus 7 in the DHNT
Exodus 7 in the DNT
Exodus 7 in the ELBE
Exodus 7 in the EMTV
Exodus 7 in the ESV
Exodus 7 in the FBV
Exodus 7 in the FEB
Exodus 7 in the GGMNT
Exodus 7 in the GNT
Exodus 7 in the HARY
Exodus 7 in the HNT
Exodus 7 in the IRVA
Exodus 7 in the IRVB
Exodus 7 in the IRVG
Exodus 7 in the IRVH
Exodus 7 in the IRVK
Exodus 7 in the IRVM
Exodus 7 in the IRVM2
Exodus 7 in the IRVO
Exodus 7 in the IRVP
Exodus 7 in the IRVT
Exodus 7 in the IRVT2
Exodus 7 in the IRVU
Exodus 7 in the ISVN
Exodus 7 in the JSNT
Exodus 7 in the KAPI
Exodus 7 in the KBT1ETNIK
Exodus 7 in the KBV
Exodus 7 in the KJV
Exodus 7 in the KNFD
Exodus 7 in the LBA
Exodus 7 in the LBLA
Exodus 7 in the LNT
Exodus 7 in the LSV
Exodus 7 in the MAAL
Exodus 7 in the MBV
Exodus 7 in the MBV2
Exodus 7 in the MHNT
Exodus 7 in the MKNFD
Exodus 7 in the MNG
Exodus 7 in the MNT
Exodus 7 in the MNT2
Exodus 7 in the MRS1T
Exodus 7 in the NAA
Exodus 7 in the NASB
Exodus 7 in the NBLA
Exodus 7 in the NBS
Exodus 7 in the NBVTP
Exodus 7 in the NET2
Exodus 7 in the NIV11
Exodus 7 in the NNT
Exodus 7 in the NNT2
Exodus 7 in the NNT3
Exodus 7 in the PDDPT
Exodus 7 in the PFNT
Exodus 7 in the RMNT
Exodus 7 in the SBIAS
Exodus 7 in the SBIBS
Exodus 7 in the SBIBS2
Exodus 7 in the SBICS
Exodus 7 in the SBIDS
Exodus 7 in the SBIGS
Exodus 7 in the SBIHS
Exodus 7 in the SBIIS
Exodus 7 in the SBIIS2
Exodus 7 in the SBIIS3
Exodus 7 in the SBIKS
Exodus 7 in the SBIKS2
Exodus 7 in the SBIMS
Exodus 7 in the SBIOS
Exodus 7 in the SBIPS
Exodus 7 in the SBISS
Exodus 7 in the SBITS
Exodus 7 in the SBITS2
Exodus 7 in the SBITS3
Exodus 7 in the SBITS4
Exodus 7 in the SBIUS
Exodus 7 in the SBIVS
Exodus 7 in the SBT
Exodus 7 in the SBT1E
Exodus 7 in the SCHL
Exodus 7 in the SNT
Exodus 7 in the SUSU
Exodus 7 in the SUSU2
Exodus 7 in the SYNO
Exodus 7 in the TBIAOTANT
Exodus 7 in the TBT1E
Exodus 7 in the TBT1E2
Exodus 7 in the TFTIP
Exodus 7 in the TFTU
Exodus 7 in the TGNTATF3T
Exodus 7 in the THAI
Exodus 7 in the TNFD
Exodus 7 in the TNT
Exodus 7 in the TNTIK
Exodus 7 in the TNTIL
Exodus 7 in the TNTIN
Exodus 7 in the TNTIP
Exodus 7 in the TNTIZ
Exodus 7 in the TOMA
Exodus 7 in the TTENT
Exodus 7 in the UBG
Exodus 7 in the UGV
Exodus 7 in the UGV2
Exodus 7 in the UGV3
Exodus 7 in the VBL
Exodus 7 in the VDCC
Exodus 7 in the YALU
Exodus 7 in the YAPE
Exodus 7 in the YBVTP
Exodus 7 in the ZBP