Ezekiel 3 (BOSCB)

1 Akati kwandiri, “Mwanakomana womunhu, idya zviri pamberi pako, idya rugwaro urwu, zvino ugoenda undotaura neimba yaIsraeri.” 2 Saka ndakashama muromo wangu, iye akandipa rugwaro kuti ndidye. 3 Ipapo akati kwandiri, “Mwanakomana womunhu, idya zviri pamberi pako, idya rugwaro urwu rwandinokupa uzadze dumbu rako narwo.” Saka ndakarudya, uye rwaitapira souchi mumukanwa mangu. 4 Ipapo akati kwandiri, “Mwanakomana womunhu, chienda zvino kuimba yaIsraeri undotaura mashoko angu kwavari. 5 Hausi kutumwa kuvanhu vane mutauro usinganzwisisiki uye norurimi runogozha, asi kuimba yaIsraeri, 6 kwete kumarudzi mazhinji vane mitauro isinganzwisisiki norurimi rwakagozha, vana mashoko ausingagoni kunzwisisa. Zvirokwazvo dai ndakanga ndakutuma kwavari, vangadai vakakunzwa. 7 Asi imba yaIsraeri haidi kukuteerera nokuti haidi kunditeerera, nokuti imba yose yaIsraeri yakaomeswa mwoyo uye yakavangarara. 8 Tarira ndichaomesa chiso chako sezvakaita zviso zvavo. 9 Ndichaomesa huma yako sebwe rakaomesesa, rakaoma kupfuura romusarasara. Usavatya kana kuvhunduswa navo, kunyange vari imba inomukira.” 10 Zvino akati kwandiri, “Mwanakomana womunhu, nditeererese uye uise mashoko ose andinotaura mumwoyo mako. 11 Chienda zvino kuvanhu venyika yako vari muutapwa undotaura kwavari. Uti kwavari, ‘Zvanzi naIshe Jehovha,’ kunyange vakateerera kana vakaramba kuteerera.” 12 Ipapo mweya wakandisimudza, ndikanzwa shure kwangu inzwi rokuunga kukuru richiti, “Kubwinya kwaJehovha ngakurumbidzwe munzvimbo yaanogara!” 13 Uye ndakanzwa mubvumo wamapapiro ezvisikwa zvipenyu aigunzvana uye nomubvumo wamavhiri parutivi rwazvo, achirira zvikuru. 14 Ipapo Mweya wakandisimudza ukandiendesa kure uye ndakaenda ndine shungu ndakatsamwa pamweya wangu, uye ruoko rune simba rwaJehovha rwuri pamusoro pangu. 15 Ndakasvika kuna vakatapwa vaigara kuTera Abhibhi pedyo noRwizi rweKebhari. Zvino ipapo pavaigara, ndakagara pakati pavo kwamazuva manomwe, ndichishayiwa mashoko. 16 Shure kwokupera kwamazuva manomwe, shoko raJehovha rakasvika kwandiri richiti, 17 “Mwanakomana womunhu, ndakakuita nharirire yeimba yaIsraeri; saka chinzwa shoko randinotaura uye uvayambire neyambiro inobva kwandiri. 18 Kana ndikati kumunhu akaipa, ‘Uchafa zvirokwazvo,’ iwe ukasamuyambira kana kutaura uchimunyevera panzira dzake dzakaipa kuti uponese mweya wake, munhu uye akaipa achafa nokuda kwechivi chake, asi ropa rake ndicharibvunza pamusoro pako. 19 Asi kana iwe ukamuyambira asi iye akaramba kutendeuka pazvakaipa zvake kana panzira dzake dzakaipa, iye achafa nokuda kwechivi chake, asi iwe uchange wazviponesa. 20 “Zvakare, kana munhu akarurama akatsauka pakururama kwake uye akaita zvakaipa, ini ndikaisa chigumbuso pamberi pake, achafa. Sezvo usina kumuyambira, iye achafa nokuda kwechivi chake. Zvakarurama zvaakaita hazvizorangarirwi, uye iwe uchava nemhosva yeropa rake. 21 Asi kana ukanyevera munhu akarurama uyu kuti arege kutadza uye akarega kutadza zvirokwazvo achararama nokuti akanzwa kunyeverwa, iwe uchange wazviponesa.” 22 Ruoko rwaJehovha rwakanga rwuri pamusoro pangu ipapo, uye akati kwandiri, “Simuka uende kubani uye ndichataura newe ikoko.” 23 Saka ndakasimuka ndikaenda kubani. Uye kubwinya kwaJehovha kwakanga kumire ipapo, kwakaita sokubwinya kwandakamboona paRwizi rweKebhari, ndikawira pasi nechiso changu. 24 Ipapo Mweya wakapinda mandiri ukandisimudza netsoka dzangu. Akataura kwandiri akati, “Enda undozvipfigira mumba mako. 25 Zvino iwe, mwanakomana womunhu, vachakusunga netambo; uchasungwa zvokuti haungabudi uchienda kuvanhu. 26 Ndichaita kuti rurimi rwako runamire kumusoro kwomuromo wako kuitira kuti unyarare ukonewe kuvatsiura, kunyange vari imba yokumukira. 27 Asi pandinotaura newe, ndichazarura muromo wako uye uchati kwavari, ‘Zvanzi naIshe Jehovha.’ Ani naani anonzwa ngaanzwe, uye ani naani anoramba ngaarambe hake; nokuti ivo imba yokumukira.

In Other Versions

Ezekiel 3 in the ANGEFD

Ezekiel 3 in the ANTPNG2D

Ezekiel 3 in the AS21

Ezekiel 3 in the BAGH

Ezekiel 3 in the BBPNG

Ezekiel 3 in the BBT1E

Ezekiel 3 in the BDS

Ezekiel 3 in the BEV

Ezekiel 3 in the BHAD

Ezekiel 3 in the BIB

Ezekiel 3 in the BLPT

Ezekiel 3 in the BNT

Ezekiel 3 in the BNTABOOT

Ezekiel 3 in the BNTLV

Ezekiel 3 in the BOATCB

Ezekiel 3 in the BOATCB2

Ezekiel 3 in the BOBCV

Ezekiel 3 in the BOCNT

Ezekiel 3 in the BOECS

Ezekiel 3 in the BOGWICC

Ezekiel 3 in the BOHCB

Ezekiel 3 in the BOHCV

Ezekiel 3 in the BOHLNT

Ezekiel 3 in the BOHNTLTAL

Ezekiel 3 in the BOICB

Ezekiel 3 in the BOILNTAP

Ezekiel 3 in the BOITCV

Ezekiel 3 in the BOKCV

Ezekiel 3 in the BOKCV2

Ezekiel 3 in the BOKHWOG

Ezekiel 3 in the BOKSSV

Ezekiel 3 in the BOLCB

Ezekiel 3 in the BOLCB2

Ezekiel 3 in the BOMCV

Ezekiel 3 in the BONAV

Ezekiel 3 in the BONCB

Ezekiel 3 in the BONLT

Ezekiel 3 in the BONUT2

Ezekiel 3 in the BOPLNT

Ezekiel 3 in the BOSNC

Ezekiel 3 in the BOTLNT

Ezekiel 3 in the BOVCB

Ezekiel 3 in the BOYCB

Ezekiel 3 in the BPBB

Ezekiel 3 in the BPH

Ezekiel 3 in the BSB

Ezekiel 3 in the CCB

Ezekiel 3 in the CUV

Ezekiel 3 in the CUVS

Ezekiel 3 in the DBT

Ezekiel 3 in the DGDNT

Ezekiel 3 in the DHNT

Ezekiel 3 in the DNT

Ezekiel 3 in the ELBE

Ezekiel 3 in the EMTV

Ezekiel 3 in the ESV

Ezekiel 3 in the FBV

Ezekiel 3 in the FEB

Ezekiel 3 in the GGMNT

Ezekiel 3 in the GNT

Ezekiel 3 in the HARY

Ezekiel 3 in the HNT

Ezekiel 3 in the IRVA

Ezekiel 3 in the IRVB

Ezekiel 3 in the IRVG

Ezekiel 3 in the IRVH

Ezekiel 3 in the IRVK

Ezekiel 3 in the IRVM

Ezekiel 3 in the IRVM2

Ezekiel 3 in the IRVO

Ezekiel 3 in the IRVP

Ezekiel 3 in the IRVT

Ezekiel 3 in the IRVT2

Ezekiel 3 in the IRVU

Ezekiel 3 in the ISVN

Ezekiel 3 in the JSNT

Ezekiel 3 in the KAPI

Ezekiel 3 in the KBT1ETNIK

Ezekiel 3 in the KBV

Ezekiel 3 in the KJV

Ezekiel 3 in the KNFD

Ezekiel 3 in the LBA

Ezekiel 3 in the LBLA

Ezekiel 3 in the LNT

Ezekiel 3 in the LSV

Ezekiel 3 in the MAAL

Ezekiel 3 in the MBV

Ezekiel 3 in the MBV2

Ezekiel 3 in the MHNT

Ezekiel 3 in the MKNFD

Ezekiel 3 in the MNG

Ezekiel 3 in the MNT

Ezekiel 3 in the MNT2

Ezekiel 3 in the MRS1T

Ezekiel 3 in the NAA

Ezekiel 3 in the NASB

Ezekiel 3 in the NBLA

Ezekiel 3 in the NBS

Ezekiel 3 in the NBVTP

Ezekiel 3 in the NET2

Ezekiel 3 in the NIV11

Ezekiel 3 in the NNT

Ezekiel 3 in the NNT2

Ezekiel 3 in the NNT3

Ezekiel 3 in the PDDPT

Ezekiel 3 in the PFNT

Ezekiel 3 in the RMNT

Ezekiel 3 in the SBIAS

Ezekiel 3 in the SBIBS

Ezekiel 3 in the SBIBS2

Ezekiel 3 in the SBICS

Ezekiel 3 in the SBIDS

Ezekiel 3 in the SBIGS

Ezekiel 3 in the SBIHS

Ezekiel 3 in the SBIIS

Ezekiel 3 in the SBIIS2

Ezekiel 3 in the SBIIS3

Ezekiel 3 in the SBIKS

Ezekiel 3 in the SBIKS2

Ezekiel 3 in the SBIMS

Ezekiel 3 in the SBIOS

Ezekiel 3 in the SBIPS

Ezekiel 3 in the SBISS

Ezekiel 3 in the SBITS

Ezekiel 3 in the SBITS2

Ezekiel 3 in the SBITS3

Ezekiel 3 in the SBITS4

Ezekiel 3 in the SBIUS

Ezekiel 3 in the SBIVS

Ezekiel 3 in the SBT

Ezekiel 3 in the SBT1E

Ezekiel 3 in the SCHL

Ezekiel 3 in the SNT

Ezekiel 3 in the SUSU

Ezekiel 3 in the SUSU2

Ezekiel 3 in the SYNO

Ezekiel 3 in the TBIAOTANT

Ezekiel 3 in the TBT1E

Ezekiel 3 in the TBT1E2

Ezekiel 3 in the TFTIP

Ezekiel 3 in the TFTU

Ezekiel 3 in the TGNTATF3T

Ezekiel 3 in the THAI

Ezekiel 3 in the TNFD

Ezekiel 3 in the TNT

Ezekiel 3 in the TNTIK

Ezekiel 3 in the TNTIL

Ezekiel 3 in the TNTIN

Ezekiel 3 in the TNTIP

Ezekiel 3 in the TNTIZ

Ezekiel 3 in the TOMA

Ezekiel 3 in the TTENT

Ezekiel 3 in the UBG

Ezekiel 3 in the UGV

Ezekiel 3 in the UGV2

Ezekiel 3 in the UGV3

Ezekiel 3 in the VBL

Ezekiel 3 in the VDCC

Ezekiel 3 in the YALU

Ezekiel 3 in the YAPE

Ezekiel 3 in the YBVTP

Ezekiel 3 in the ZBP