Genesis 11 (BOSCB)
1 Zvino nyika yose yakanga ino rurimi rumwe chete nokutaura kwakafanana. 2 Vanhu vakati vachitamira kumabvazuva, vakawana bani romuShinari vakagaramo. 3 Vakataurirana vakati, “Uyai, ngatiitei zvidhina tigozvipisa kwazvo.” Vakashandisa zvidhina pachinzvimbo chamabwe, uye bhitumini ikava dhaka ravo. 4 Ipapo vakati, “Uyai, ngatizvivakirei guta neshongwe inosvika kudengadenga, kuti tizviitire mukurumbira uye kuti tirege kupararira panyika yose.” 5 Asi Jehovha akaburuka pasi kuti azoona guta neshongwe yakanga ichivakwa navanhu. 6 Jehovha akati, “Kana vanhu ava vava somunhu mumwe, vachitaura rurimi rumwe chete, vakatanga kuita izvi, zvino hapana chinhu chavanoronga kuti vachiite chichavaomera. 7 Uyai, ngatiburukei tindovapesanisa mutauro wavo kuti varege kunzwisisana.” 8 Saka Jehovha akavaparadzira pamusoro penyika yose ipapo, uye vakarega kuvaka guta. 9 Ndokusaka nzvimbo iyo yakanzi Bhabheri, nokuti ipapo Jehovha akapesanisa mutauro wenyika yose. Kubva ipapo Jehovha akavaparadzira pamusoro penyika yose. 10 Iyi ndiyo rondedzero yamarudzi aShemu. Makore maviri shure kwamafashamu, Shemu paakanga ava namakore zana okuberekwa, akabereka Afakisadhi. 11 Uye shure kwokubereka Afakisadhi, Shemu akararama kwamakore mazana mashanu uye akava navamwe vanakomana navanasikana. 12 Afakisadhi akati ava namakore makumi matatu namashanu okuberekwa, akabereka Shera. 13 Uye shure kwokubereka kwake Shera, Afakisadhi akararama kwamakore mazana mana namatatu uye akazova navamwe vanakomana navanasikana. 14 Shera akati ava namakore makumi matatu okuberekwa, akabereka Ebheri. 15 Uye shure kwokubereka kwake Ebheri, Shera akararama kwamakore mazana mana namatatu uye akazova navamwe vanakomana navanasikana. 16 Ebheri akati ava namakore makumi matatu namana okuberekwa, akabereka Peregi. 17 Uye shure kwokubereka kwake Peregi, Ebheri akararama kwamakore mazana mana namakumi matatu uye akazova navamwe vanakomana navanasikana. 18 Peregi akati ava namakore makumi matatu, okuberekwa akabereka Reu. 19 Uye shure kwokubereka kwake Reu, Peregi akararama kwamakore mazana maviri namapfumbamwe uye akazova navamwe vanakomana navanasikana. 20 Reu akati ava namakore makumi matatu namaviri okuberekwa, akabereka Serugi. 21 Uye shure kwokubereka kwake Serugi, Reu akararama kwamakore mazana maviri namanomwe uye akazova navamwe vanakomana navanasikana. 22 Serugi akati ava namakore makumi matatu okuberekwa, akabereka Nahori. 23 Uye shure kwokubereka kwake Nahori, Serugi akararama kwamakore mazana maviri uye akazova navamwe vanakomana navanasikana. 24 Nahori akati ava namakore makumi maviri namapfumbamwe okuberekwa, akabereka Tera. 25 Uye shure kwokubereka kwake Tera, Nahori akazorarama kwamakore zana negumi namapfumbamwe uye akazova navamwe vanakomana navanasikana. 26 Shure kwokunge Nahori ava namakore makumi manomwe okuberekwa, akabereka Abhurama, Nahori naHarani. 27 Iyi ndiyo rondedzero yavana vaTera. Tera akabereka Abhurama, Nahori naHarani. Uye Harani akabereka Roti. 28 Baba vake Tera vachiri vapenyu Harani akafira muUri ravaKaradhea, munyika yaakaberekerwa, 29 vose vari vaviri Abhurama naNahori vakawana. Zita romukadzi waAbhurama rainzi Sarai, uye zita romukadzi waNahori rainzi Mirika; akanga ari mwanasikana waHarani, baba vaMirika naIsika. 30 Zvino Sarai akanga asingabereki; akanga asina vana. 31 Tera akatora mwanakomana wake Abhurama, muzukuru wake Roti, mwanakomana waHarani, nomuroora wake Sarai, mukadzi womwanakomana wake Abhurama, uye vakaenda kuUri yavaKaradhea pamwe chete kuti vaende kuKenani. Asi vakati vasvika paHarani, vakagara ipapo. 32 Tera akararama kwamakore mazana maviri namashanu, uye akafira paHarani.
In Other Versions
Genesis 11 in the ANGEFD
Genesis 11 in the ANTPNG2D
Genesis 11 in the AS21
Genesis 11 in the BAGH
Genesis 11 in the BBPNG
Genesis 11 in the BBT1E
Genesis 11 in the BDS
Genesis 11 in the BEV
Genesis 11 in the BHAD
Genesis 11 in the BIB
Genesis 11 in the BLPT
Genesis 11 in the BNT
Genesis 11 in the BNTABOOT
Genesis 11 in the BNTLV
Genesis 11 in the BOATCB
Genesis 11 in the BOATCB2
Genesis 11 in the BOBCV
Genesis 11 in the BOCNT
Genesis 11 in the BOECS
Genesis 11 in the BOGWICC
Genesis 11 in the BOHCB
Genesis 11 in the BOHCV
Genesis 11 in the BOHLNT
Genesis 11 in the BOHNTLTAL
Genesis 11 in the BOICB
Genesis 11 in the BOILNTAP
Genesis 11 in the BOITCV
Genesis 11 in the BOKCV
Genesis 11 in the BOKCV2
Genesis 11 in the BOKHWOG
Genesis 11 in the BOKSSV
Genesis 11 in the BOLCB
Genesis 11 in the BOLCB2
Genesis 11 in the BOMCV
Genesis 11 in the BONAV
Genesis 11 in the BONCB
Genesis 11 in the BONLT
Genesis 11 in the BONUT2
Genesis 11 in the BOPLNT
Genesis 11 in the BOSNC
Genesis 11 in the BOTLNT
Genesis 11 in the BOVCB
Genesis 11 in the BOYCB
Genesis 11 in the BPBB
Genesis 11 in the BPH
Genesis 11 in the BSB
Genesis 11 in the CCB
Genesis 11 in the CUV
Genesis 11 in the CUVS
Genesis 11 in the DBT
Genesis 11 in the DGDNT
Genesis 11 in the DHNT
Genesis 11 in the DNT
Genesis 11 in the ELBE
Genesis 11 in the EMTV
Genesis 11 in the ESV
Genesis 11 in the FBV
Genesis 11 in the FEB
Genesis 11 in the GGMNT
Genesis 11 in the GNT
Genesis 11 in the HARY
Genesis 11 in the HNT
Genesis 11 in the IRVA
Genesis 11 in the IRVB
Genesis 11 in the IRVG
Genesis 11 in the IRVH
Genesis 11 in the IRVK
Genesis 11 in the IRVM
Genesis 11 in the IRVM2
Genesis 11 in the IRVO
Genesis 11 in the IRVP
Genesis 11 in the IRVT
Genesis 11 in the IRVT2
Genesis 11 in the IRVU
Genesis 11 in the ISVN
Genesis 11 in the JSNT
Genesis 11 in the KAPI
Genesis 11 in the KBT1ETNIK
Genesis 11 in the KBV
Genesis 11 in the KJV
Genesis 11 in the KNFD
Genesis 11 in the LBA
Genesis 11 in the LBLA
Genesis 11 in the LNT
Genesis 11 in the LSV
Genesis 11 in the MAAL
Genesis 11 in the MBV
Genesis 11 in the MBV2
Genesis 11 in the MHNT
Genesis 11 in the MKNFD
Genesis 11 in the MNG
Genesis 11 in the MNT
Genesis 11 in the MNT2
Genesis 11 in the MRS1T
Genesis 11 in the NAA
Genesis 11 in the NASB
Genesis 11 in the NBLA
Genesis 11 in the NBS
Genesis 11 in the NBVTP
Genesis 11 in the NET2
Genesis 11 in the NIV11
Genesis 11 in the NNT
Genesis 11 in the NNT2
Genesis 11 in the NNT3
Genesis 11 in the PDDPT
Genesis 11 in the PFNT
Genesis 11 in the RMNT
Genesis 11 in the SBIAS
Genesis 11 in the SBIBS
Genesis 11 in the SBIBS2
Genesis 11 in the SBICS
Genesis 11 in the SBIDS
Genesis 11 in the SBIGS
Genesis 11 in the SBIHS
Genesis 11 in the SBIIS
Genesis 11 in the SBIIS2
Genesis 11 in the SBIIS3
Genesis 11 in the SBIKS
Genesis 11 in the SBIKS2
Genesis 11 in the SBIMS
Genesis 11 in the SBIOS
Genesis 11 in the SBIPS
Genesis 11 in the SBISS
Genesis 11 in the SBITS
Genesis 11 in the SBITS2
Genesis 11 in the SBITS3
Genesis 11 in the SBITS4
Genesis 11 in the SBIUS
Genesis 11 in the SBIVS
Genesis 11 in the SBT
Genesis 11 in the SBT1E
Genesis 11 in the SCHL
Genesis 11 in the SNT
Genesis 11 in the SUSU
Genesis 11 in the SUSU2
Genesis 11 in the SYNO
Genesis 11 in the TBIAOTANT
Genesis 11 in the TBT1E
Genesis 11 in the TBT1E2
Genesis 11 in the TFTIP
Genesis 11 in the TFTU
Genesis 11 in the TGNTATF3T
Genesis 11 in the THAI
Genesis 11 in the TNFD
Genesis 11 in the TNT
Genesis 11 in the TNTIK
Genesis 11 in the TNTIL
Genesis 11 in the TNTIN
Genesis 11 in the TNTIP
Genesis 11 in the TNTIZ
Genesis 11 in the TOMA
Genesis 11 in the TTENT
Genesis 11 in the UBG
Genesis 11 in the UGV
Genesis 11 in the UGV2
Genesis 11 in the UGV3
Genesis 11 in the VBL
Genesis 11 in the VDCC
Genesis 11 in the YALU
Genesis 11 in the YAPE
Genesis 11 in the YBVTP
Genesis 11 in the ZBP