Genesis 14 (BOSCB)
1 Panguva iyoyo Amuraferi mambo weShinari, Arioki mambo weErasa, Kedhoraomeri mambo weEramu naTidhari mambo weGoyimi 2 vakaenda kundorwa naBhera mambo weSodhomu, Bhirisha mambo weGomora, Shinabhi mambo weAdhima, Shemebheri mambo weZebhoimi, uye namambo weBhera (ndiro Zoari). 3 Madzimambo ose aya akabatana pakurwa muMupata weSidhimi (ndiro Gungwa roMunyu). 4 Vakanga vari varanda vaKedhoraomeri kwamakore gumi namaviri, asi vakamumukira mugore regumi namatatu. 5 Mugore regumi namana, Kedhoraomeri namadzimambo ainzwanana naye vakabuda vakandokunda vaRefaiti muAshiteroti Kanaimi, ivo vaZuzi muHamu, vaEmi muShavhe Kiriataimi 6 navaHori munyika yezvikomo yeSeiri, kusvikira kuEri Parani pedyo negwenga. 7 Ipapo vakadzokera vakaenda kuEni Mishipati (ndiro Kadheshi), uye vakakunda nyika yose yavaAmareki, pamwe chete navaAmori vakanga vachigara muHazazoni Tamari. 8 Ipapo mambo weSodhomu, mambo weGomora, mambo weAdhima, mambo weZebhoimi namambo weBhera (ndiro, Saori) vakabuda vakamira panzvimbo yavo yehondo muMupata weSidhimi 9 kuti varwe naKedhoraomeri mambo weEramu, Tidhari mambo weGoyimi, Amuraferi mambo weShinari naArioki mambo weErasa, madzimambo mana achirwa namadzimambo mashanu. 10 Zvino mupata weSidhimi wakanga uzere namakomba etara, uye madzimambo eSodhomu neGomora paakatiza, vamwe varume vakawira maari uye vakasara vakatizira kuzvikomo. 11 Madzimambo mana aya akatora pfuma yose yeSodhomu neGomora nezvokudya zvavo zvose vakaenda. 12 Vakatorawo Roti mwanakomana womununʼuna waAbhurama nepfuma yake, sezvo akanga achigara muSodhomu. 13 Mumwe akapunyuka akauya akasvikoudza Abhurama muHebheru. Zvino Abhurama akanga achigara pedyo nemiti mikuru yaMamure muAmori, mununʼuna waEshikori naAneri, avo vose vainzwanana naAbhurama. 14 Abhurama akati anzwa kuti hama yake yakanga yatapwa, akadana varume vakanga vadzidziswa kurwa mazana matatu negumi navasere vakaberekerwa mumba make vakavatevera kusvikira paDhani. 15 Abhurama akapatsanura vanhu vake panguva dzousiku kuti vandovarwisa, uye vakavakunda, vakavatevera kusvikira paHobhabhi, kumusoro kweDhamasiko. 16 Akadzosa zvinhu zvose uye akadzosawo hama yake Roti nepfuma yake, pamwe chete navakadzi navamwe vanhu. 17 Shure kwokudzoka kwaAbhurama akunda Kedhoraomeri namadzimambo akanga abatana naye, mambo weSodhomu akabuda kuti azosangana naye muMupata weShavhe (ndiwo Mupata waMambo). 18 Ipapo Merikizedheki mambo weSaremu akamuvigira chingwa newaini. Akanga ari muprista waMwari Wokumusoro-soro, 19 uye akaropafadza Abhurama, achiti,“Abhurama ngaaropafadzwe naMwari Wokumusoro-soro,Musiki wedenga napasi. 20 Uye Mwari Wokumusoro-soro ngaakudzwe,akaisa vavengi vako muruoko rwako.”Ipapo Abhurama akamupa chegumi chezvinhu zvose. 21 Mambo weSodhomu akati kuna Abhurama, “Ndipe vanhu uzvichengetere hako pfuma.” 22 Asi Abhurama akati kuna mambo weSodhomu, “Ndakasimudzira ruoko rwangu kuna Jehovha, Mwari Wokumusoro-soro, Musiki wedenga napasi, uye ndakaita mhiko 23 kuti handizogamuchiri chinhu chako, kunyange rushinda kana rukanda rweshangu, kuti urege kuzoti, ‘Ndakapfumisa Abhurama.’ 24 Handina chinhu chandinogamuchira kunze kwezvakadyiwa navanhu vangu uye mugove wavanhu vakaenda neni, Aneri, Shikori naMamure. Ngavatore mugove wavo ivavo.”
In Other Versions
Genesis 14 in the ANGEFD
Genesis 14 in the ANTPNG2D
Genesis 14 in the AS21
Genesis 14 in the BAGH
Genesis 14 in the BBPNG
Genesis 14 in the BBT1E
Genesis 14 in the BDS
Genesis 14 in the BEV
Genesis 14 in the BHAD
Genesis 14 in the BIB
Genesis 14 in the BLPT
Genesis 14 in the BNT
Genesis 14 in the BNTABOOT
Genesis 14 in the BNTLV
Genesis 14 in the BOATCB
Genesis 14 in the BOATCB2
Genesis 14 in the BOBCV
Genesis 14 in the BOCNT
Genesis 14 in the BOECS
Genesis 14 in the BOGWICC
Genesis 14 in the BOHCB
Genesis 14 in the BOHCV
Genesis 14 in the BOHLNT
Genesis 14 in the BOHNTLTAL
Genesis 14 in the BOICB
Genesis 14 in the BOILNTAP
Genesis 14 in the BOITCV
Genesis 14 in the BOKCV
Genesis 14 in the BOKCV2
Genesis 14 in the BOKHWOG
Genesis 14 in the BOKSSV
Genesis 14 in the BOLCB
Genesis 14 in the BOLCB2
Genesis 14 in the BOMCV
Genesis 14 in the BONAV
Genesis 14 in the BONCB
Genesis 14 in the BONLT
Genesis 14 in the BONUT2
Genesis 14 in the BOPLNT
Genesis 14 in the BOSNC
Genesis 14 in the BOTLNT
Genesis 14 in the BOVCB
Genesis 14 in the BOYCB
Genesis 14 in the BPBB
Genesis 14 in the BPH
Genesis 14 in the BSB
Genesis 14 in the CCB
Genesis 14 in the CUV
Genesis 14 in the CUVS
Genesis 14 in the DBT
Genesis 14 in the DGDNT
Genesis 14 in the DHNT
Genesis 14 in the DNT
Genesis 14 in the ELBE
Genesis 14 in the EMTV
Genesis 14 in the ESV
Genesis 14 in the FBV
Genesis 14 in the FEB
Genesis 14 in the GGMNT
Genesis 14 in the GNT
Genesis 14 in the HARY
Genesis 14 in the HNT
Genesis 14 in the IRVA
Genesis 14 in the IRVB
Genesis 14 in the IRVG
Genesis 14 in the IRVH
Genesis 14 in the IRVK
Genesis 14 in the IRVM
Genesis 14 in the IRVM2
Genesis 14 in the IRVO
Genesis 14 in the IRVP
Genesis 14 in the IRVT
Genesis 14 in the IRVT2
Genesis 14 in the IRVU
Genesis 14 in the ISVN
Genesis 14 in the JSNT
Genesis 14 in the KAPI
Genesis 14 in the KBT1ETNIK
Genesis 14 in the KBV
Genesis 14 in the KJV
Genesis 14 in the KNFD
Genesis 14 in the LBA
Genesis 14 in the LBLA
Genesis 14 in the LNT
Genesis 14 in the LSV
Genesis 14 in the MAAL
Genesis 14 in the MBV
Genesis 14 in the MBV2
Genesis 14 in the MHNT
Genesis 14 in the MKNFD
Genesis 14 in the MNG
Genesis 14 in the MNT
Genesis 14 in the MNT2
Genesis 14 in the MRS1T
Genesis 14 in the NAA
Genesis 14 in the NASB
Genesis 14 in the NBLA
Genesis 14 in the NBS
Genesis 14 in the NBVTP
Genesis 14 in the NET2
Genesis 14 in the NIV11
Genesis 14 in the NNT
Genesis 14 in the NNT2
Genesis 14 in the NNT3
Genesis 14 in the PDDPT
Genesis 14 in the PFNT
Genesis 14 in the RMNT
Genesis 14 in the SBIAS
Genesis 14 in the SBIBS
Genesis 14 in the SBIBS2
Genesis 14 in the SBICS
Genesis 14 in the SBIDS
Genesis 14 in the SBIGS
Genesis 14 in the SBIHS
Genesis 14 in the SBIIS
Genesis 14 in the SBIIS2
Genesis 14 in the SBIIS3
Genesis 14 in the SBIKS
Genesis 14 in the SBIKS2
Genesis 14 in the SBIMS
Genesis 14 in the SBIOS
Genesis 14 in the SBIPS
Genesis 14 in the SBISS
Genesis 14 in the SBITS
Genesis 14 in the SBITS2
Genesis 14 in the SBITS3
Genesis 14 in the SBITS4
Genesis 14 in the SBIUS
Genesis 14 in the SBIVS
Genesis 14 in the SBT
Genesis 14 in the SBT1E
Genesis 14 in the SCHL
Genesis 14 in the SNT
Genesis 14 in the SUSU
Genesis 14 in the SUSU2
Genesis 14 in the SYNO
Genesis 14 in the TBIAOTANT
Genesis 14 in the TBT1E
Genesis 14 in the TBT1E2
Genesis 14 in the TFTIP
Genesis 14 in the TFTU
Genesis 14 in the TGNTATF3T
Genesis 14 in the THAI
Genesis 14 in the TNFD
Genesis 14 in the TNT
Genesis 14 in the TNTIK
Genesis 14 in the TNTIL
Genesis 14 in the TNTIN
Genesis 14 in the TNTIP
Genesis 14 in the TNTIZ
Genesis 14 in the TOMA
Genesis 14 in the TTENT
Genesis 14 in the UBG
Genesis 14 in the UGV
Genesis 14 in the UGV2
Genesis 14 in the UGV3
Genesis 14 in the VBL
Genesis 14 in the VDCC
Genesis 14 in the YALU
Genesis 14 in the YAPE
Genesis 14 in the YBVTP
Genesis 14 in the ZBP