Isaiah 10 (BOSCB)

1 Vane nhamo vanodzika mitemo isina kururama,neavo vanopa mitemo inodzvinyirira, 2 kuti vadzivise varombo kodzero dzavouye vadzivise kururamisirwa kwavakadzvinyirirwa vavanhu vangu,vachipamba chirikadziuye vachibira nherera. 3 Muchaita sei pazuva rokutongwa,njodzi painouya ichibva kure?Muchatizira kuna aniko kuti mubatsirwe?Upfumi hwenyu muchahusiyepiko? 4 Hapana chichasara asi kungokotama pakati penhapwa,kana kuwira pakati pavakaurayiwa.Kunyange zvakadaro, kutsamwa kwake hakuna kudzorwa,ruoko rwake ruchakangosimudzwa. 5 “Une nhamo iwe Asiria, shamhu yokutsamwa kwangu,iye akabata tsvimbo yehasha dzangu mumaoko ake! 6 Ndiri kumutuma kurudzi rusina Mwari,ndinomutuma kuvanhu vanonditsamwisa,kundokomba nokutora nokubvuta zvakapambwa,nokuvatsikirira pasi sedope riri mumigwagwa. 7 Asi izvi handizvo zvaanoda,izvi handizvo zvaanga achifunga;vavariro yake ndeyokuparadza,kupedza chose marudzi mazhinji. 8 Anoti, ‘Ko, machinda angu haazi madzimambo ose here? 9 Karino harina kuita sezvakaita Karikemishi here?Ko, Hamati harina kufanana neAripadhi,uye Samaria harina kufanana neDhamasiko here? 10 Ruoko rwangu sezvarwakatora umambo hwezvifananidzo,umambo hune zvifananidzo zvakakunda zveJerusarema neSamaria, 11 ko, handichaitiri Jerusarema nezvifananidzo zvarosezvandakaitira Samaria nezvifananidzo zvayo here?’ ” 12 Kana Ishe achinge apedza basa rake rose pamusoro peGomo reZioni neJerusarema, achazoti, “Ndicharanga mambo weAsiria nokuda kwokuzvikudza kwomwoyo wake namanyawi emeso ake. 13 Nokuti iye anoti,“ ‘Nesimba ramaoko angu ndakaita izvi,uye nouchenjeri hwangu, nokuti ndinonzwisisa.Ndakabvisa miganhu yendudzi,ndikapamba pfuma yavo;semhare ndakakunda madzimambo avo. 14 Sezvinoita munhu anosvasvavira mudendere,saizvozvo ruoko rwangu rwakananavira pfuma yamarudzi;savarume vanounganidza mazai akasiyiwa,saizvozvo ndakaunganidza nyika dzose;hakuna yakapfakanyisa bapiro,kana kushamisa muromo wayo kuti irire.’ ” 15 Ko, demo ringazvirumbidza kupfuura iye anoritemesa here?Kana jeko ringazvirumbidza pamusoro pounorishandisa here?Zvinozoita sokunge tsvimbo inosimudza uyo anoitakura,kana mudonzvo kusimudza uyo asati ari huni! 16 Naizvozvo, Ishe Jehovha Wamasimba Ose,achatumira denda rinoonza pamusoro pavarwi vakafuta;pasi pokubwinya kwake moto uchatungidzwakufanana nemirazvo inopfuta. 17 Chiedza chaIsraeri chichava moto,noMutsvene wavo murazvo womoto;muzuva rimwe chete uchapfutaugopedza minzwa yake norukato rwake. 18 Kubwinya kwamasango ake neminda yakeyakaorera kuchaparadzwa chose,kufanana nomurwere anoramba achipera. 19 Uye miti yakasara yamasango ake ichava mishoma kwazvo,zvokuti mwana angagona kuinyora pasi. 20 Pazuva iro vakasara veIsraeri,vakapunyuka veimba yaJakobho,havachazovimbi naye iye akavarova,asi zvirokwazvo vachavimba naJehovha, Mutsvene waIsraeri. 21 Vakasara vachadzokera, vakasara vaJakobho,vachadzokera kuna Mwari Ane Simba. 22 Kunyange vanhu vako, iwe Israeri, vakaita sejecha regungwa,vachasara chete ndivo vachadzokera.Kuparadzwa kwakatotemwa,kuzere nokururama. 23 Ishe, Jehovha Wamasimba Oseachapedzisa kuparadzwa kwakatemerwa nyika yose. 24 Naizvozvo zvanzi naIshe, Jehovha Wamasimba Ose:“Haiwa, vanhu vangu vanogara muZioni,musatya vaAsiria,vanokurovai nomudonzvo nokukusimudzirai tsvimbo,sezvakaitwa neIjipiti. 25 Nokuti nenguva duku duku kutsamwa kwangu pamusoro penyu kuchapera,uye hasha dzangu dzichanangana nokuparadzwa kwavo.” 26 Jehovha Wamasimba Ose achavarova netyava,samarovero aakaita vaMidhia padombo reOrebhi,uye achasimudza tsvimbo yake pamusoro pemvura zhinji,sezvaakaita muIjipiti. 27 Pazuva iro mitoro yavo ichabviswa pamapfudzi enyu,nejoko ravo pamitsipa yenyu;joko richavhuniwa,nokuti manyanya kufuta. 28 Vanopinda muAyati;vopfuura nomuMigironi;vochengeta nhumbi paMikimashi. 29 Vanopfuura napamupata, vagoti,“Tichadzika matende paGebha usiku.”Rama rinobvunda;Gibhea raSauro rinotiza. 30 Ridza mhere, iwe mukunda weGarimi!Teerera, iwe Raisha!Newe Anatoti unonzwisa urombo! 31 Madhimena riri kutiza;vanhu veGebhimi vanovanda. 32 Zuva ranhasi vachamira paNobhi;vachakunga chibhakera chavopagomo remwanasikana weZioni,pachikomo cheJerusarema. 33 Tarirai, Ishe, Jehovha Wamasimba Ose,achatema matavi nesimba guru.Miti mirefu refu ichawiswa,uye yakareba ichadzikiswa. 34 Achatema matenhere esango nedemo;Rebhanoni ichawa pamberi paIye Ane Simba.

In Other Versions

Isaiah 10 in the ANGEFD

Isaiah 10 in the ANTPNG2D

Isaiah 10 in the AS21

Isaiah 10 in the BAGH

Isaiah 10 in the BBPNG

Isaiah 10 in the BBT1E

Isaiah 10 in the BDS

Isaiah 10 in the BEV

Isaiah 10 in the BHAD

Isaiah 10 in the BIB

Isaiah 10 in the BLPT

Isaiah 10 in the BNT

Isaiah 10 in the BNTABOOT

Isaiah 10 in the BNTLV

Isaiah 10 in the BOATCB

Isaiah 10 in the BOATCB2

Isaiah 10 in the BOBCV

Isaiah 10 in the BOCNT

Isaiah 10 in the BOECS

Isaiah 10 in the BOGWICC

Isaiah 10 in the BOHCB

Isaiah 10 in the BOHCV

Isaiah 10 in the BOHLNT

Isaiah 10 in the BOHNTLTAL

Isaiah 10 in the BOICB

Isaiah 10 in the BOILNTAP

Isaiah 10 in the BOITCV

Isaiah 10 in the BOKCV

Isaiah 10 in the BOKCV2

Isaiah 10 in the BOKHWOG

Isaiah 10 in the BOKSSV

Isaiah 10 in the BOLCB

Isaiah 10 in the BOLCB2

Isaiah 10 in the BOMCV

Isaiah 10 in the BONAV

Isaiah 10 in the BONCB

Isaiah 10 in the BONLT

Isaiah 10 in the BONUT2

Isaiah 10 in the BOPLNT

Isaiah 10 in the BOSNC

Isaiah 10 in the BOTLNT

Isaiah 10 in the BOVCB

Isaiah 10 in the BOYCB

Isaiah 10 in the BPBB

Isaiah 10 in the BPH

Isaiah 10 in the BSB

Isaiah 10 in the CCB

Isaiah 10 in the CUV

Isaiah 10 in the CUVS

Isaiah 10 in the DBT

Isaiah 10 in the DGDNT

Isaiah 10 in the DHNT

Isaiah 10 in the DNT

Isaiah 10 in the ELBE

Isaiah 10 in the EMTV

Isaiah 10 in the ESV

Isaiah 10 in the FBV

Isaiah 10 in the FEB

Isaiah 10 in the GGMNT

Isaiah 10 in the GNT

Isaiah 10 in the HARY

Isaiah 10 in the HNT

Isaiah 10 in the IRVA

Isaiah 10 in the IRVB

Isaiah 10 in the IRVG

Isaiah 10 in the IRVH

Isaiah 10 in the IRVK

Isaiah 10 in the IRVM

Isaiah 10 in the IRVM2

Isaiah 10 in the IRVO

Isaiah 10 in the IRVP

Isaiah 10 in the IRVT

Isaiah 10 in the IRVT2

Isaiah 10 in the IRVU

Isaiah 10 in the ISVN

Isaiah 10 in the JSNT

Isaiah 10 in the KAPI

Isaiah 10 in the KBT1ETNIK

Isaiah 10 in the KBV

Isaiah 10 in the KJV

Isaiah 10 in the KNFD

Isaiah 10 in the LBA

Isaiah 10 in the LBLA

Isaiah 10 in the LNT

Isaiah 10 in the LSV

Isaiah 10 in the MAAL

Isaiah 10 in the MBV

Isaiah 10 in the MBV2

Isaiah 10 in the MHNT

Isaiah 10 in the MKNFD

Isaiah 10 in the MNG

Isaiah 10 in the MNT

Isaiah 10 in the MNT2

Isaiah 10 in the MRS1T

Isaiah 10 in the NAA

Isaiah 10 in the NASB

Isaiah 10 in the NBLA

Isaiah 10 in the NBS

Isaiah 10 in the NBVTP

Isaiah 10 in the NET2

Isaiah 10 in the NIV11

Isaiah 10 in the NNT

Isaiah 10 in the NNT2

Isaiah 10 in the NNT3

Isaiah 10 in the PDDPT

Isaiah 10 in the PFNT

Isaiah 10 in the RMNT

Isaiah 10 in the SBIAS

Isaiah 10 in the SBIBS

Isaiah 10 in the SBIBS2

Isaiah 10 in the SBICS

Isaiah 10 in the SBIDS

Isaiah 10 in the SBIGS

Isaiah 10 in the SBIHS

Isaiah 10 in the SBIIS

Isaiah 10 in the SBIIS2

Isaiah 10 in the SBIIS3

Isaiah 10 in the SBIKS

Isaiah 10 in the SBIKS2

Isaiah 10 in the SBIMS

Isaiah 10 in the SBIOS

Isaiah 10 in the SBIPS

Isaiah 10 in the SBISS

Isaiah 10 in the SBITS

Isaiah 10 in the SBITS2

Isaiah 10 in the SBITS3

Isaiah 10 in the SBITS4

Isaiah 10 in the SBIUS

Isaiah 10 in the SBIVS

Isaiah 10 in the SBT

Isaiah 10 in the SBT1E

Isaiah 10 in the SCHL

Isaiah 10 in the SNT

Isaiah 10 in the SUSU

Isaiah 10 in the SUSU2

Isaiah 10 in the SYNO

Isaiah 10 in the TBIAOTANT

Isaiah 10 in the TBT1E

Isaiah 10 in the TBT1E2

Isaiah 10 in the TFTIP

Isaiah 10 in the TFTU

Isaiah 10 in the TGNTATF3T

Isaiah 10 in the THAI

Isaiah 10 in the TNFD

Isaiah 10 in the TNT

Isaiah 10 in the TNTIK

Isaiah 10 in the TNTIL

Isaiah 10 in the TNTIN

Isaiah 10 in the TNTIP

Isaiah 10 in the TNTIZ

Isaiah 10 in the TOMA

Isaiah 10 in the TTENT

Isaiah 10 in the UBG

Isaiah 10 in the UGV

Isaiah 10 in the UGV2

Isaiah 10 in the UGV3

Isaiah 10 in the VBL

Isaiah 10 in the VDCC

Isaiah 10 in the YALU

Isaiah 10 in the YAPE

Isaiah 10 in the YBVTP

Isaiah 10 in the ZBP