Isaiah 44 (BOSCB)

1 “Asi zvino chinzwa, iwe Jakobho, muranda wangu,Israeri, wandakasarudza. 2 Zvanzi naJehovha, iye akakuita,akauumba mudumbuuye iye achakubatsira:Usatya, iwe Jakobho, muranda wangu,Jeshuruni, wandakasarudza. 3 Nokuti ndichadurura mvura panyika ine nyota,nehova pamusoro pevhu rakaoma;ndichadurura Mweya wangu pamusoro porudzi rwako,nemikomborero yangu pamusoro pavana vako. 4 Vachamera souswa mudekete,semiti yemikonachando pahova dzinoyerera. 5 Mumwe achati, ‘Ndiri waJehovha’;mumwe achazvitumidza nezita raJakobho;zvakadaro, mumwe achanyora muruoko rwake achiti, ‘Ndiri waJehovha,’uye achatora zita rokuti Israeri. 6 “Zvanzi naJehovha,Mambo waIsraeri noMudzikinuri, Jehovha Wamasimba Ose:Ndini wokutanga uye ndini wokupedzisira;kunze kwangu hakuna Mwari. 7 Ndianiko zvino akafanana neni? Ngaazvitaure.Ngaadanidzire, azviise mberi kwanguizvo zvakaitika kubva pandakasimbisa vanhu vangu vekare,uye kuti chiiko chichaitika hongu,ngaataure zvichaitika. 8 Musadedera, musatya.Handina kuparidza izvi here uye ndikazvitaura kare kare?Imi muri zvapupu zvangu.Kune mumwe Mwari kunze kwangu here? Kwete, hakuna rimwe Dombo; hakuna rimwe randinoziva.” 9 Vose vanoita zvifananidzo havana maturo,uye zvinhu zvavanofarira hazvibatsiri.Vose vangada kuvapupurira mapofu;havazivi, ndiko kuchava kunyadziswa kwavo. 10 Ndiani anoveza mwariuye anoumba chifananidzo, chisingamubatsiri chinhu? 11 Iye navamwe vake vachanyadziswa;mhizha hadzizi chinhu asi vanhu zvavo.Ngavaungane vose pamwe chete uye vamire vasingazungunuswi; vachaderedzwa,uye vachatya vachanyadziswa. 12 Mupfuri anotora chokupfurisaagochishandisa mumazimbe;anoita chifananidzo nenyundo,agochiumba nesimba roruoko rwake.Anonzwa nzara agorasikirwa nesimba rake.Mukusanwa kwake mvura anobva aziya. 13 Muvezi anoyera nerwodziozoita mutsetse nechokunyoresa;anounatsa nembezo,uye anoutara nezvienzaniso.Anouumba mumufananidzo womunhu,womunhu nokunaka kwake kwose,kuti ugare mumba. 14 Akatema misidhari,kana zvimwe akatora musipuresi kana muouki.Akaurega uchikura pakati pemiti yesango,kana kuti akasima mupaini, mvura ikaita kuti ukure. 15 Ndidzo huni dzomunhu dzokuvesa moto;dzimwe dzacho anodzitora agozvidziyisa nadzo,anovesa moto agobika chingwa nadzo.Asizve anoveza chimwari agochinamata;anoita chifananidzo agochipfugamira. 16 Hafu yehuni anopisa mumoto,nadzo anobika zvokudya zvake,anogocha nyama yake agoidya achiguta.Anozvidziyisazve, agoti,“Haiwa! Ndadziyirwa; moto ndiri kuuona.” 17 Nezvasara anoita nazvo chimwari,icho chifananidzo chake; anochipfugamira agochinamata.Anonyengetera kwachiri achiti,“Ndiponesei; ndimi mwari wangu.” 18 Havana chavanoziva, havanzwisisi chinhu, meso avo akanamwa kuitira kuti varege kuona,uye ndangariro dzavo dzakafukidzirwa kuitira kuti varege kunzwisisa.Hapana anombomira kuti afunge, 19 Hapana ane ruzivokana kunzwisisa kuti ati,“Hafu yacho ndaishandisa pakuvesa moto;ini iyeni ndabikira chingwa pamazimbe acho,ndagocha nyama ndikadya.Ndichaita zvinonyangadza pane zvasara here?Ndichapfugamira kudanda rehuni here?” 20 Anodya madota, mwoyo wakanyengerwa unomutsausa;haagoni kuzviponesa kana kuti ati,“Ko, chinhu ichi chiri muruoko rwangu rworudyi hachisi chenhema here?” 21 “Rangarira zvinhu izvi, iwe Jakobho,nokuti uri muranda wangu, iwe Israeri.Ndakakuita, uri muranda wangu;haiwa Israeri, handichakukanganwizve. 22 Ndakadzima kudarika kwako segore,nezvivi zvako semhute yamangwanani.Dzokera kwandiri,nokuti ndakakudzikinura.” 23 Imbai nomufaro imi matenga, nokuti Jehovha akaita izvozvi;danidzira nesimba, iwe nyika iri pasi.Imbai nziyo, imi makomo,nemi masango nemiti yose,nokuti Jehovha adzikinura Jakobho,akaratidza kubwinya muIsraeri. 24 “Zvanzi naJehovha,mudzikinuri wako, iye akakuumba uri mudumbu: “Ndini Jehovha,akaita zvinhu zvose,iye oga akatatamura matenga,akatambanudza nyika oga, 25 “iye anokonesa zviratidzo zvavaprofita venhema,anoita kuti vavuki vave mapenzi,iye anoparadza kudzidza kwevane njere,uye anokushandura kuti kuve upenzi, 26 anozadzisa mashoko omuranda wake,uye anozadzisa zvakaprofitwa nenhume dzake, “anoti kuJerusarema, ‘Richagarwa,’nokumaguta eJudha, ‘Achavakwa,’nokumatongo awo, ‘Ndichaavandudza,’ 27 iye anoti kumvura yakadzika, ‘Oma,uye ndichaomesa hova dzako,’ 28 iye anoti pamusoro paSirasi,‘Ndiye mufudzi wangu uye achaita zvose zvandinoda;iye achati pamusoro peJerusarema, “Ngarivakwezve,”uye pamusoro petemberi achati, “Nheyo dzayo ngadziteyiwe.” ’

In Other Versions

Isaiah 44 in the ANGEFD

Isaiah 44 in the ANTPNG2D

Isaiah 44 in the AS21

Isaiah 44 in the BAGH

Isaiah 44 in the BBPNG

Isaiah 44 in the BBT1E

Isaiah 44 in the BDS

Isaiah 44 in the BEV

Isaiah 44 in the BHAD

Isaiah 44 in the BIB

Isaiah 44 in the BLPT

Isaiah 44 in the BNT

Isaiah 44 in the BNTABOOT

Isaiah 44 in the BNTLV

Isaiah 44 in the BOATCB

Isaiah 44 in the BOATCB2

Isaiah 44 in the BOBCV

Isaiah 44 in the BOCNT

Isaiah 44 in the BOECS

Isaiah 44 in the BOGWICC

Isaiah 44 in the BOHCB

Isaiah 44 in the BOHCV

Isaiah 44 in the BOHLNT

Isaiah 44 in the BOHNTLTAL

Isaiah 44 in the BOICB

Isaiah 44 in the BOILNTAP

Isaiah 44 in the BOITCV

Isaiah 44 in the BOKCV

Isaiah 44 in the BOKCV2

Isaiah 44 in the BOKHWOG

Isaiah 44 in the BOKSSV

Isaiah 44 in the BOLCB

Isaiah 44 in the BOLCB2

Isaiah 44 in the BOMCV

Isaiah 44 in the BONAV

Isaiah 44 in the BONCB

Isaiah 44 in the BONLT

Isaiah 44 in the BONUT2

Isaiah 44 in the BOPLNT

Isaiah 44 in the BOSNC

Isaiah 44 in the BOTLNT

Isaiah 44 in the BOVCB

Isaiah 44 in the BOYCB

Isaiah 44 in the BPBB

Isaiah 44 in the BPH

Isaiah 44 in the BSB

Isaiah 44 in the CCB

Isaiah 44 in the CUV

Isaiah 44 in the CUVS

Isaiah 44 in the DBT

Isaiah 44 in the DGDNT

Isaiah 44 in the DHNT

Isaiah 44 in the DNT

Isaiah 44 in the ELBE

Isaiah 44 in the EMTV

Isaiah 44 in the ESV

Isaiah 44 in the FBV

Isaiah 44 in the FEB

Isaiah 44 in the GGMNT

Isaiah 44 in the GNT

Isaiah 44 in the HARY

Isaiah 44 in the HNT

Isaiah 44 in the IRVA

Isaiah 44 in the IRVB

Isaiah 44 in the IRVG

Isaiah 44 in the IRVH

Isaiah 44 in the IRVK

Isaiah 44 in the IRVM

Isaiah 44 in the IRVM2

Isaiah 44 in the IRVO

Isaiah 44 in the IRVP

Isaiah 44 in the IRVT

Isaiah 44 in the IRVT2

Isaiah 44 in the IRVU

Isaiah 44 in the ISVN

Isaiah 44 in the JSNT

Isaiah 44 in the KAPI

Isaiah 44 in the KBT1ETNIK

Isaiah 44 in the KBV

Isaiah 44 in the KJV

Isaiah 44 in the KNFD

Isaiah 44 in the LBA

Isaiah 44 in the LBLA

Isaiah 44 in the LNT

Isaiah 44 in the LSV

Isaiah 44 in the MAAL

Isaiah 44 in the MBV

Isaiah 44 in the MBV2

Isaiah 44 in the MHNT

Isaiah 44 in the MKNFD

Isaiah 44 in the MNG

Isaiah 44 in the MNT

Isaiah 44 in the MNT2

Isaiah 44 in the MRS1T

Isaiah 44 in the NAA

Isaiah 44 in the NASB

Isaiah 44 in the NBLA

Isaiah 44 in the NBS

Isaiah 44 in the NBVTP

Isaiah 44 in the NET2

Isaiah 44 in the NIV11

Isaiah 44 in the NNT

Isaiah 44 in the NNT2

Isaiah 44 in the NNT3

Isaiah 44 in the PDDPT

Isaiah 44 in the PFNT

Isaiah 44 in the RMNT

Isaiah 44 in the SBIAS

Isaiah 44 in the SBIBS

Isaiah 44 in the SBIBS2

Isaiah 44 in the SBICS

Isaiah 44 in the SBIDS

Isaiah 44 in the SBIGS

Isaiah 44 in the SBIHS

Isaiah 44 in the SBIIS

Isaiah 44 in the SBIIS2

Isaiah 44 in the SBIIS3

Isaiah 44 in the SBIKS

Isaiah 44 in the SBIKS2

Isaiah 44 in the SBIMS

Isaiah 44 in the SBIOS

Isaiah 44 in the SBIPS

Isaiah 44 in the SBISS

Isaiah 44 in the SBITS

Isaiah 44 in the SBITS2

Isaiah 44 in the SBITS3

Isaiah 44 in the SBITS4

Isaiah 44 in the SBIUS

Isaiah 44 in the SBIVS

Isaiah 44 in the SBT

Isaiah 44 in the SBT1E

Isaiah 44 in the SCHL

Isaiah 44 in the SNT

Isaiah 44 in the SUSU

Isaiah 44 in the SUSU2

Isaiah 44 in the SYNO

Isaiah 44 in the TBIAOTANT

Isaiah 44 in the TBT1E

Isaiah 44 in the TBT1E2

Isaiah 44 in the TFTIP

Isaiah 44 in the TFTU

Isaiah 44 in the TGNTATF3T

Isaiah 44 in the THAI

Isaiah 44 in the TNFD

Isaiah 44 in the TNT

Isaiah 44 in the TNTIK

Isaiah 44 in the TNTIL

Isaiah 44 in the TNTIN

Isaiah 44 in the TNTIP

Isaiah 44 in the TNTIZ

Isaiah 44 in the TOMA

Isaiah 44 in the TTENT

Isaiah 44 in the UBG

Isaiah 44 in the UGV

Isaiah 44 in the UGV2

Isaiah 44 in the UGV3

Isaiah 44 in the VBL

Isaiah 44 in the VDCC

Isaiah 44 in the YALU

Isaiah 44 in the YAPE

Isaiah 44 in the YBVTP

Isaiah 44 in the ZBP