Isaiah 7 (BOSCB)
1 Zvino Ahazi mwanakomana waJotamu, mwanakomana waUzia, paakanga ari mambo weJudha, Mambo Rezini weAramu naPeka mwanakomana waRamaria mambo weIsraeri vakauya kuzorwa neJerusarema, asi havana kugona kurikunda. 2 Zvino imba yaDhavhidhi yakaudzwa kuti, “Aramu yabatana neEfuremu;” saka mwoyo waAhazi nemwoyo yavanhu vake yakazungunuswa, sokuzungunuswa kunoitwa miti yesango nemhepo. 3 Ipapo Jehovha akati kuna Isaya, “Buda, iwe nomwanakomana wako Sheari-Jashubhi, unosangana naAhazi kumucheto womugero weDziva Rokumusoro, mumugwagwa unoenda kuMunda woMusuki. 4 Uti kwaari, ‘Chenjera, dzikama hako, uye usatya. Usaora mwoyo nokuda kwamatsiga maviri ehuni, nokuda kwokutsamwa kunotyisa kwaRezini naAramu uye nekwomwanakomana waRemaria. 5 Aramu naEfuremu nomwanakomana waRemaria vakarangana kukuparadza vachiti, 6 “Handei tindorwa neJudha; ngatiribvarurei tigorigovana pakati pedu, tigogadza Tabheeri kuti ave mambo pamusoro paro.” 7 Asi zvanzi naIshe Jehovha:“ ‘Izvi hazvingamiri, hazvingaitiki,nokuti musoro weAramu iDhamasiko, 8 uye musoro weDhamasikoiRezini bedzi.Makore makumi matanhatu namashanu asati apera,vaEfuremu vachaputswa-putswa zvokusazova rudzizve. 9 Musoro weEfuremu iSamaria,uye musoro weSamaria mwanakomana waRamaria bedzi.Kana usingamiri zvakasimba mukutenda kwako,hauchazomiri zvachose.’ ” 10 Jehovha akataurazve kuna Ahazi akati, 11 “Kumbira chiratidzo kuna Jehovha Mwari wako, kunyange pakadzikadzika kana pamusoro-soro.” 12 Asi Ahazi akati, “Handizokumbiri; handingaedzi Jehovha.” 13 Ipapo Isaya akati, “Inzwai zvino, imi imba yaDhavhidhi! Hazvina kuringana here kuedza mwoyo murefu wavanhu? Ko, imi muchaedzawo mwoyo murefu waMwari wangu here? 14 Naizvozvo Jehovha pachake achakupai chiratidzo: Mhandara ichava nemimba uye ichabereka mwanakomana igomutumidza kuti Imanueri. 15 Iye achadya ruomba nouchi paachaziva zvakakwana kuti arambe zvakaipa achisarudza zvakarurama. 16 Asi mwana asati anyatsoziva kuramba zvakaipa nokusarudza zvakanaka, nyika yamadzimambo maviri aunotya ichava dongo. 17 Jehovha achauyisa pamusoro pako napamusoro pavanhu vako napamusoro peimba yababa vako nguva isina kumbovapo kubva nguva iya yaakazvipatsanura kubva kuna Judha, achauyisa mambo weAsiria.” 18 Pazuva iroro Jehovha acharidzira muridzo kunhunzi dzichibva kuhova dziri kure dzeIjipiti nokunyuchi dzichibva kunyika yeAsiria. 19 Dzichauya dzose dzigogara mumawere emipata nomumikaha yamatombo, nomumakwenzi ose eminzwa uye napamadziva ose. 20 Pazuva iro Jehovha achashandisa chisvo chakakumbirwa kubva mhiri kwoRwizi, kuna mambo weAsiria, kuti aveure misoro yenyu nemvere dzomumakumbo enyu, uye kuti abvisewo ndebvu dzenyu. 21 Pazuva iro, murume achapfuwa mhou duku imwe chete nembudzi mbiri. 22 Uye nokuda kwokuwanda kwomukaka wadzinopa, achadya ruomba. Vose vachasara munyika vachadya ruomba nouchi. 23 Pazuva iro munzvimbo imwe neimwe maimbova nemizambiringa inokwana chiuru yaitengwa namashekeri anokwana chiuru esirivha, pachazova norukato neminzwa chete. 24 Varume vachaendako neuta nemiseve, nokuti nyika ichange yafukidzwa norukato neminzwa. 25 Kana zviri zvikomo zvose zvaichimbosakurirwa nebadza, hakuna achada kuendako nokuda kwokutya rukato neminzwa; dzichava nzvimbo dzokusundira mombe nokunomhanyirwa namakwai.
In Other Versions
Isaiah 7 in the ANGEFD
Isaiah 7 in the ANTPNG2D
Isaiah 7 in the AS21
Isaiah 7 in the BAGH
Isaiah 7 in the BBPNG
Isaiah 7 in the BBT1E
Isaiah 7 in the BDS
Isaiah 7 in the BEV
Isaiah 7 in the BHAD
Isaiah 7 in the BIB
Isaiah 7 in the BLPT
Isaiah 7 in the BNT
Isaiah 7 in the BNTABOOT
Isaiah 7 in the BNTLV
Isaiah 7 in the BOATCB
Isaiah 7 in the BOATCB2
Isaiah 7 in the BOBCV
Isaiah 7 in the BOCNT
Isaiah 7 in the BOECS
Isaiah 7 in the BOGWICC
Isaiah 7 in the BOHCB
Isaiah 7 in the BOHCV
Isaiah 7 in the BOHLNT
Isaiah 7 in the BOHNTLTAL
Isaiah 7 in the BOICB
Isaiah 7 in the BOILNTAP
Isaiah 7 in the BOITCV
Isaiah 7 in the BOKCV
Isaiah 7 in the BOKCV2
Isaiah 7 in the BOKHWOG
Isaiah 7 in the BOKSSV
Isaiah 7 in the BOLCB
Isaiah 7 in the BOLCB2
Isaiah 7 in the BOMCV
Isaiah 7 in the BONAV
Isaiah 7 in the BONCB
Isaiah 7 in the BONLT
Isaiah 7 in the BONUT2
Isaiah 7 in the BOPLNT
Isaiah 7 in the BOSNC
Isaiah 7 in the BOTLNT
Isaiah 7 in the BOVCB
Isaiah 7 in the BOYCB
Isaiah 7 in the BPBB
Isaiah 7 in the BPH
Isaiah 7 in the BSB
Isaiah 7 in the CCB
Isaiah 7 in the CUV
Isaiah 7 in the CUVS
Isaiah 7 in the DBT
Isaiah 7 in the DGDNT
Isaiah 7 in the DHNT
Isaiah 7 in the DNT
Isaiah 7 in the ELBE
Isaiah 7 in the EMTV
Isaiah 7 in the ESV
Isaiah 7 in the FBV
Isaiah 7 in the FEB
Isaiah 7 in the GGMNT
Isaiah 7 in the GNT
Isaiah 7 in the HARY
Isaiah 7 in the HNT
Isaiah 7 in the IRVA
Isaiah 7 in the IRVB
Isaiah 7 in the IRVG
Isaiah 7 in the IRVH
Isaiah 7 in the IRVK
Isaiah 7 in the IRVM
Isaiah 7 in the IRVM2
Isaiah 7 in the IRVO
Isaiah 7 in the IRVP
Isaiah 7 in the IRVT
Isaiah 7 in the IRVT2
Isaiah 7 in the IRVU
Isaiah 7 in the ISVN
Isaiah 7 in the JSNT
Isaiah 7 in the KAPI
Isaiah 7 in the KBT1ETNIK
Isaiah 7 in the KBV
Isaiah 7 in the KJV
Isaiah 7 in the KNFD
Isaiah 7 in the LBA
Isaiah 7 in the LBLA
Isaiah 7 in the LNT
Isaiah 7 in the LSV
Isaiah 7 in the MAAL
Isaiah 7 in the MBV
Isaiah 7 in the MBV2
Isaiah 7 in the MHNT
Isaiah 7 in the MKNFD
Isaiah 7 in the MNG
Isaiah 7 in the MNT
Isaiah 7 in the MNT2
Isaiah 7 in the MRS1T
Isaiah 7 in the NAA
Isaiah 7 in the NASB
Isaiah 7 in the NBLA
Isaiah 7 in the NBS
Isaiah 7 in the NBVTP
Isaiah 7 in the NET2
Isaiah 7 in the NIV11
Isaiah 7 in the NNT
Isaiah 7 in the NNT2
Isaiah 7 in the NNT3
Isaiah 7 in the PDDPT
Isaiah 7 in the PFNT
Isaiah 7 in the RMNT
Isaiah 7 in the SBIAS
Isaiah 7 in the SBIBS
Isaiah 7 in the SBIBS2
Isaiah 7 in the SBICS
Isaiah 7 in the SBIDS
Isaiah 7 in the SBIGS
Isaiah 7 in the SBIHS
Isaiah 7 in the SBIIS
Isaiah 7 in the SBIIS2
Isaiah 7 in the SBIIS3
Isaiah 7 in the SBIKS
Isaiah 7 in the SBIKS2
Isaiah 7 in the SBIMS
Isaiah 7 in the SBIOS
Isaiah 7 in the SBIPS
Isaiah 7 in the SBISS
Isaiah 7 in the SBITS
Isaiah 7 in the SBITS2
Isaiah 7 in the SBITS3
Isaiah 7 in the SBITS4
Isaiah 7 in the SBIUS
Isaiah 7 in the SBIVS
Isaiah 7 in the SBT
Isaiah 7 in the SBT1E
Isaiah 7 in the SCHL
Isaiah 7 in the SNT
Isaiah 7 in the SUSU
Isaiah 7 in the SUSU2
Isaiah 7 in the SYNO
Isaiah 7 in the TBIAOTANT
Isaiah 7 in the TBT1E
Isaiah 7 in the TBT1E2
Isaiah 7 in the TFTIP
Isaiah 7 in the TFTU
Isaiah 7 in the TGNTATF3T
Isaiah 7 in the THAI
Isaiah 7 in the TNFD
Isaiah 7 in the TNT
Isaiah 7 in the TNTIK
Isaiah 7 in the TNTIL
Isaiah 7 in the TNTIN
Isaiah 7 in the TNTIP
Isaiah 7 in the TNTIZ
Isaiah 7 in the TOMA
Isaiah 7 in the TTENT
Isaiah 7 in the UBG
Isaiah 7 in the UGV
Isaiah 7 in the UGV2
Isaiah 7 in the UGV3
Isaiah 7 in the VBL
Isaiah 7 in the VDCC
Isaiah 7 in the YALU
Isaiah 7 in the YAPE
Isaiah 7 in the YBVTP
Isaiah 7 in the ZBP