Judges 13 (BOSCB)

1 VaIsraeri vakaitazve zvakaipa pamberi paJehovha, saka Jehovha akavaisa mumaoko avaFiristia kwamakore makumi mana. 2 Mumwe murumwe weZora ainzi Manoa, aibva muimba yavaDhani, akanga ane mukadzi akanga asingabereki, asina mwana. 3 Mutumwa waJehovha akazviratidza kwaari uye akati, “Iwe haubereki uye hauna mwana, asi uchava nemimba uye ugova nomwanakomana. 4 Zvino uone kuti warega kunwa waini kana zvimwe zvokunwa zvakaviriswa uye kuti urege kudya chinhu chipi zvacho chisina kuchena, 5 nokuti uchava nemimba uye uchabereka mwanakomana. Chisvo hachifaniri kuveura musoro wake, nokuti mukomana anofanira kuva muNaziri, akatsaurirwa kuna Mwari kubva pakuzvarwa kwake, uye ndiye achatanga kusunungura vaIsraeri kubva mumaoko avaFiristia.” 6 Ipapo mukadzi akaenda kumurume wake akandomuudza akati, “Munhu waMwari asvika kwandiri. Anga achiratidzika somutumwa waMwari, anotyisa kwazvo. Handina kumubvunza kuti abva kupi, uye haana kundiudza zita rake. 7 Asi ati kwandiri, ‘Uchava nemimba uye uchabereka mwanakomana. Zvino, chirega kunwa waini kana zvimwe zvokunwa zvakaviriswa uye usadya chinhu chipi zvacho chisina kuchena, nokuti mukomana achava muNaziri waMwari kubva pakuzvarwa kwake kusvikira pazuva raanofa.’ ” 8 Ipapo Manoa akanyengetera kuna Jehovha akati, “Haiwa Jehovha, ndinokukumbirai, regai munhu waMwari wamakatuma kwatiri adzokezve kuti azotidzidzisa kurera kwatingaita mukomana achazozvarwa.” 9 Mwari akanzwa Manoa, uye mutumwa waMwari akauyazve kumukadzi panguva yaakanga ari kumunda; asi murume wake Manoa akanga asipo paari. 10 Mukadzi akakurumidza kundoudza murume wake kuti, “Ari pano! Murume uya akazviratidza kwandiri zuva riya!” 11 Manoa akasimuka akatevera mukadzi wake. Akati asvika pamurume uya, akati, “Ndimi here makataura kumukadzi wangu?”Iye akati, “Ndini.” 12 Saka Manoa akamubvunza akati, “Mashoko enyu paachazadziswa, mutemo unofanira kutevedzwa paupenyu hwomukomana napabasa rake ndoupi?” 13 Mutumwa waJehovha akapindura akati, “Mukadzi wako anofanira kuita zvose zvandakamuudza. 14 Haafaniri kudya chinhu chipi zvacho chinobva pamuzambiringa, uye kunwa waini ipi zvayo kana zvimwe zvokunwa zvakaviriswa kana kudya chinhu chipi zvacho chisina kuchena. Anofanira kuita zvose zvandakamurayira.” 15 Manoa akati kumutumwa waJehovha, “Tingada kuti mumbogara kusvikira takugadzirirai kambudzana.” 16 Mutumwa waJehovha akapindura akati, “Kunyange dai mukandibata henyu, handingadyi chokudya chenyu chipi zvacho. Asi kana muchigadzira chipiriso chinopiswa, chipei kuna Jehovha.” (Manoa haana kuziva kuti akanga ari mutumwa Jehovha.) 17 Ipapo Manoa akabvunza mutumwa waJehovha akati, “Zita renyu ndianiko, kuitira kuti tigokukudzai pachazadziswa shoko renyu?” 18 Akapindura akati, “Unobvunzireiko zita rangu? Haringanzwisisiki.” 19 Ipapo Manoa akatora kambudzana, pamwe chete nechipiriso chezviyo, akazvibayira kuna Jehovha paruware. Uye Jehovha akaita chinhu chinoshamisa, Manoa nomukadzi wake vakatarisa: 20 Murazvo wemoto wakati uchikwira kubva paaritari wakananga kudenga, mutumwa waJehovha akakwira ari mumurazvo. Vakati vaona izvi, Manoa nomukadzi wake vakawira pasi nezviso zvavo. 21 Asi mutumwa waJehovha haana kuzozviratidzazve kuna Manoa nomukadzi wake, ipapo Manoa akaziva kuti akanga ari mutumwa waJehovha. 22 Akati, “Tichafa zvirokwazvo! Taona Mwari!” 23 Asi mukadzi wake akati, “Kana Jehovha anga achida kutiuraya, angadai asina kugamuchira chipiriso chinopiswa nechipiriso chezviyo kubva mumaoko edu, uye angadai asina kutiratidza zvinhu zvose izvi kana kutiudza izvi zvino.” 24 Mukadzi akasununguka mwanakomana uye akamutumidza zita rokuti Samusoni. Akakura uye Jehovha akamuropafadza, 25 uye Mweya waJehovha wakatanga kumumutsa paakanga ari paMahane Dhani, pakati peZora neEshitaori.

In Other Versions

Judges 13 in the ANGEFD

Judges 13 in the ANTPNG2D

Judges 13 in the AS21

Judges 13 in the BAGH

Judges 13 in the BBPNG

Judges 13 in the BBT1E

Judges 13 in the BDS

Judges 13 in the BEV

Judges 13 in the BHAD

Judges 13 in the BIB

Judges 13 in the BLPT

Judges 13 in the BNT

Judges 13 in the BNTABOOT

Judges 13 in the BNTLV

Judges 13 in the BOATCB

Judges 13 in the BOATCB2

Judges 13 in the BOBCV

Judges 13 in the BOCNT

Judges 13 in the BOECS

Judges 13 in the BOGWICC

Judges 13 in the BOHCB

Judges 13 in the BOHCV

Judges 13 in the BOHLNT

Judges 13 in the BOHNTLTAL

Judges 13 in the BOICB

Judges 13 in the BOILNTAP

Judges 13 in the BOITCV

Judges 13 in the BOKCV

Judges 13 in the BOKCV2

Judges 13 in the BOKHWOG

Judges 13 in the BOKSSV

Judges 13 in the BOLCB

Judges 13 in the BOLCB2

Judges 13 in the BOMCV

Judges 13 in the BONAV

Judges 13 in the BONCB

Judges 13 in the BONLT

Judges 13 in the BONUT2

Judges 13 in the BOPLNT

Judges 13 in the BOSNC

Judges 13 in the BOTLNT

Judges 13 in the BOVCB

Judges 13 in the BOYCB

Judges 13 in the BPBB

Judges 13 in the BPH

Judges 13 in the BSB

Judges 13 in the CCB

Judges 13 in the CUV

Judges 13 in the CUVS

Judges 13 in the DBT

Judges 13 in the DGDNT

Judges 13 in the DHNT

Judges 13 in the DNT

Judges 13 in the ELBE

Judges 13 in the EMTV

Judges 13 in the ESV

Judges 13 in the FBV

Judges 13 in the FEB

Judges 13 in the GGMNT

Judges 13 in the GNT

Judges 13 in the HARY

Judges 13 in the HNT

Judges 13 in the IRVA

Judges 13 in the IRVB

Judges 13 in the IRVG

Judges 13 in the IRVH

Judges 13 in the IRVK

Judges 13 in the IRVM

Judges 13 in the IRVM2

Judges 13 in the IRVO

Judges 13 in the IRVP

Judges 13 in the IRVT

Judges 13 in the IRVT2

Judges 13 in the IRVU

Judges 13 in the ISVN

Judges 13 in the JSNT

Judges 13 in the KAPI

Judges 13 in the KBT1ETNIK

Judges 13 in the KBV

Judges 13 in the KJV

Judges 13 in the KNFD

Judges 13 in the LBA

Judges 13 in the LBLA

Judges 13 in the LNT

Judges 13 in the LSV

Judges 13 in the MAAL

Judges 13 in the MBV

Judges 13 in the MBV2

Judges 13 in the MHNT

Judges 13 in the MKNFD

Judges 13 in the MNG

Judges 13 in the MNT

Judges 13 in the MNT2

Judges 13 in the MRS1T

Judges 13 in the NAA

Judges 13 in the NASB

Judges 13 in the NBLA

Judges 13 in the NBS

Judges 13 in the NBVTP

Judges 13 in the NET2

Judges 13 in the NIV11

Judges 13 in the NNT

Judges 13 in the NNT2

Judges 13 in the NNT3

Judges 13 in the PDDPT

Judges 13 in the PFNT

Judges 13 in the RMNT

Judges 13 in the SBIAS

Judges 13 in the SBIBS

Judges 13 in the SBIBS2

Judges 13 in the SBICS

Judges 13 in the SBIDS

Judges 13 in the SBIGS

Judges 13 in the SBIHS

Judges 13 in the SBIIS

Judges 13 in the SBIIS2

Judges 13 in the SBIIS3

Judges 13 in the SBIKS

Judges 13 in the SBIKS2

Judges 13 in the SBIMS

Judges 13 in the SBIOS

Judges 13 in the SBIPS

Judges 13 in the SBISS

Judges 13 in the SBITS

Judges 13 in the SBITS2

Judges 13 in the SBITS3

Judges 13 in the SBITS4

Judges 13 in the SBIUS

Judges 13 in the SBIVS

Judges 13 in the SBT

Judges 13 in the SBT1E

Judges 13 in the SCHL

Judges 13 in the SNT

Judges 13 in the SUSU

Judges 13 in the SUSU2

Judges 13 in the SYNO

Judges 13 in the TBIAOTANT

Judges 13 in the TBT1E

Judges 13 in the TBT1E2

Judges 13 in the TFTIP

Judges 13 in the TFTU

Judges 13 in the TGNTATF3T

Judges 13 in the THAI

Judges 13 in the TNFD

Judges 13 in the TNT

Judges 13 in the TNTIK

Judges 13 in the TNTIL

Judges 13 in the TNTIN

Judges 13 in the TNTIP

Judges 13 in the TNTIZ

Judges 13 in the TOMA

Judges 13 in the TTENT

Judges 13 in the UBG

Judges 13 in the UGV

Judges 13 in the UGV2

Judges 13 in the UGV3

Judges 13 in the VBL

Judges 13 in the VDCC

Judges 13 in the YALU

Judges 13 in the YAPE

Judges 13 in the YBVTP

Judges 13 in the ZBP