Judges 5 (BOSCB)

1 Nomusi uyo Dhibhora naBharaki mwanakomana waAbhinoami vakaimba rwiyo urwu runoti: 2 “Kana machinda aIsraeri achitungamirira,kana vanhu vachizvipira pachavoJehovha ngaarumbidzwe!” 3 “Inzwai izvi, imi madzimambo! Teererai imi vatongi!Ndichaimbira Jehovha, ini ndichaimba;ndichaimbira Jehovha, Mwari waIsraeri. 4 “Haiwa Jehovha, pamakabuda kubva muSeiri,pamakafamba muchibva munyika yeEdhomu, Nyikayakadengenyeka, matenga akadurura,makore akadurura mvura pasi. 5 Makomo akadengenyeka pamberi paJehovha, Iye weSinai,pamberi paJehovha, Mwari weIsraeri. 6 “Mumazuva aShamugari mwanakomana waAnati,mumazuva aJaeri, migwagwa yakasiyiwa;vafambi vakafamba nenzira dzinopoterera. 7 Upenyu hwomumisha hwakapera,hwakapera kusvikira ini Dhibhora, ndasimuka,ndasimuka ini mai muIsraeri. 8 Pavakasarudza vamwari vatsva,hondo yakauya ichibva nokumasuo eguta,uye hakuna nhoo kana pfumo zvakaonekwapakati pezviuru makumi mana muIsraeri. 9 Mwoyo wangu uri pamachinda eIsraeri,navaya vanozvipira pakati pavanhu.Rumbidzai Jehovha! 10 “Imi munotasva mbongoro chena,mugere pamachira ezvigaro zvenyu,nemi munofamba munzira,cherechedzai 11 inzwi ravaimbi panzvimbo dzemvura.Vanodetemba mabasa akarurama aJehovha,Mabasa akarurama avarwi vake muIsraeri. “Ipapo vanhu vaJehovha vakaburukavakaenda kusuo reguta. 12 ‘Muka, muka, Dhibhora! Muka,muka, uimbe rwiyo!Simuka, Bharaki!Tapa vatapwa vako, iwe mwanakomana waAbhinoami.’ 13 “Ipapo varume vakanga vasaravakaburuka vakaenda kumakurukota;vanhu vaJehovha vakauyakwandiri navane simba. 14 Vamwe vakauya vachibva kwaEfuremu, midzi yavo yakanga iri muna Amareki;Bhenjamini akanga ari pakati pavanhu vakakutevera iwe.Kubva kuna Makiri vatungamiri vakaburuka,kubva kuZebhuruni avo vanotakura tsvimbo yomutungamiri wehondo. 15 Machinda aIsakari akanga ana Dhibhora;hongu Isakari akanga ana Bharaki,vachimhanyira kumupata vachimutevera.Mudunhu raRubheni makanga muno kunzvera kwomwoyo kukuru. 16 Seiko wakagara pakati pezvoto kutiunzwe muridzo unoridzirwa matanga emakwai?Mudunhu raRubheni makangamuno kunzvera kwomwoyo kukuru. 17 Gireadhi akagara mhiri kwaJorodhani.Uye Dhani akasarireiko pazvikepe?Asha akasara zvake pamahombekombeUye akagara zvake panopinda mvura dzegungwa. 18 Vanhu veZebhuruni vakaisa upenyu hwavo panjodzi;neNafutari yakadarowo panzvimbo dzakakwirira dzeminda. 19 “Madzimambo akauya, akarwa;madzimambo eKenani akarwapaTaanaki pamvura zhinji yeMegidho,asi havana kudzoka vakatakura sirivha, kana zvakapambwa. 20 Kubva kumatenga nyeredzi dzakarwa,dziri panzira dzadzo dzakarwa naSisera. 21 Rwizi Kishoni rwakavakukura,irwo rwizi rwakare, rwizi Kishoni.Pfuurira mberi, mweya wangu, simba! 22 Ipapo mahwanda amabhiza akatinhira,kumhanya, kumhanya kwoune simba. 23 Mutumwa waJehovha akati, ‘Tuka Merozi.Tuka vanhu varo zvikuru kwazvo,nokuti havana kuuya kuzobatsira Jehovha,kubatsira Jehovha kurwisa vane simba.’ 24 “Jaeri ngaave mukadzi akaropafadzwa zvikuru,iye mukadzi waHebheri muKeni,akaropafadzwa kwazvo kupfuura vakadzi vagere mutende. 25 Akakumbira mvura, iye akamupa mukaka;akamuvigira mukaka wakakora mundiro yakafanira makurukota. 26 Ruoko rwake rwakatambanudzirwa pambambo yetende,ruoko rwake rworudyi kunyundo yomuvezi.Akabaya Sisera, akapwanya musoro wake,akapwanya uye akabvoora zvavovo zvake. 27 Patsoka dzake, akanyura,akawa; hoyo akatandavarapo.Patsoka dzake akanyura, akawa;paakanyura, ndipo paakawira, akafa. 28 “Napawindo mai vaSisera vakadongorera;vari seri kworutanda, vakadanidzira vachiti,‘Seiko ngoro yake yanonoka kusvika?Seiko kurira kwengoro dzake kwanonoka?’ 29 Vakadzi vokwake vakachenjera kukunda vose vanomupindura;zvirokwazvo, anoramba achiti, 30 ‘Ko, havasi kuwana nokugoverana zvakapambwa here vachiti,musikana mumwe chete kana vaviri pamurume mumwe chete,nguo dzina mavara dzezvakapambwa zvaSisera,nguo dzina mavara dzakarukwa,nguo dzakanyatsorukwa dzomutsipa wangu,zvose izvi zviri zvakapambwa?’ 31 “Saka vavengi venyu vose ngavaparare, imi Jehovha!Asi vanokudai ngavave sezuvaparinobuda nesimba raro.”Ipapo nyika yakava norugare kwamakore makumi mana.

In Other Versions

Judges 5 in the ANGEFD

Judges 5 in the ANTPNG2D

Judges 5 in the AS21

Judges 5 in the BAGH

Judges 5 in the BBPNG

Judges 5 in the BBT1E

Judges 5 in the BDS

Judges 5 in the BEV

Judges 5 in the BHAD

Judges 5 in the BIB

Judges 5 in the BLPT

Judges 5 in the BNT

Judges 5 in the BNTABOOT

Judges 5 in the BNTLV

Judges 5 in the BOATCB

Judges 5 in the BOATCB2

Judges 5 in the BOBCV

Judges 5 in the BOCNT

Judges 5 in the BOECS

Judges 5 in the BOGWICC

Judges 5 in the BOHCB

Judges 5 in the BOHCV

Judges 5 in the BOHLNT

Judges 5 in the BOHNTLTAL

Judges 5 in the BOICB

Judges 5 in the BOILNTAP

Judges 5 in the BOITCV

Judges 5 in the BOKCV

Judges 5 in the BOKCV2

Judges 5 in the BOKHWOG

Judges 5 in the BOKSSV

Judges 5 in the BOLCB

Judges 5 in the BOLCB2

Judges 5 in the BOMCV

Judges 5 in the BONAV

Judges 5 in the BONCB

Judges 5 in the BONLT

Judges 5 in the BONUT2

Judges 5 in the BOPLNT

Judges 5 in the BOSNC

Judges 5 in the BOTLNT

Judges 5 in the BOVCB

Judges 5 in the BOYCB

Judges 5 in the BPBB

Judges 5 in the BPH

Judges 5 in the BSB

Judges 5 in the CCB

Judges 5 in the CUV

Judges 5 in the CUVS

Judges 5 in the DBT

Judges 5 in the DGDNT

Judges 5 in the DHNT

Judges 5 in the DNT

Judges 5 in the ELBE

Judges 5 in the EMTV

Judges 5 in the ESV

Judges 5 in the FBV

Judges 5 in the FEB

Judges 5 in the GGMNT

Judges 5 in the GNT

Judges 5 in the HARY

Judges 5 in the HNT

Judges 5 in the IRVA

Judges 5 in the IRVB

Judges 5 in the IRVG

Judges 5 in the IRVH

Judges 5 in the IRVK

Judges 5 in the IRVM

Judges 5 in the IRVM2

Judges 5 in the IRVO

Judges 5 in the IRVP

Judges 5 in the IRVT

Judges 5 in the IRVT2

Judges 5 in the IRVU

Judges 5 in the ISVN

Judges 5 in the JSNT

Judges 5 in the KAPI

Judges 5 in the KBT1ETNIK

Judges 5 in the KBV

Judges 5 in the KJV

Judges 5 in the KNFD

Judges 5 in the LBA

Judges 5 in the LBLA

Judges 5 in the LNT

Judges 5 in the LSV

Judges 5 in the MAAL

Judges 5 in the MBV

Judges 5 in the MBV2

Judges 5 in the MHNT

Judges 5 in the MKNFD

Judges 5 in the MNG

Judges 5 in the MNT

Judges 5 in the MNT2

Judges 5 in the MRS1T

Judges 5 in the NAA

Judges 5 in the NASB

Judges 5 in the NBLA

Judges 5 in the NBS

Judges 5 in the NBVTP

Judges 5 in the NET2

Judges 5 in the NIV11

Judges 5 in the NNT

Judges 5 in the NNT2

Judges 5 in the NNT3

Judges 5 in the PDDPT

Judges 5 in the PFNT

Judges 5 in the RMNT

Judges 5 in the SBIAS

Judges 5 in the SBIBS

Judges 5 in the SBIBS2

Judges 5 in the SBICS

Judges 5 in the SBIDS

Judges 5 in the SBIGS

Judges 5 in the SBIHS

Judges 5 in the SBIIS

Judges 5 in the SBIIS2

Judges 5 in the SBIIS3

Judges 5 in the SBIKS

Judges 5 in the SBIKS2

Judges 5 in the SBIMS

Judges 5 in the SBIOS

Judges 5 in the SBIPS

Judges 5 in the SBISS

Judges 5 in the SBITS

Judges 5 in the SBITS2

Judges 5 in the SBITS3

Judges 5 in the SBITS4

Judges 5 in the SBIUS

Judges 5 in the SBIVS

Judges 5 in the SBT

Judges 5 in the SBT1E

Judges 5 in the SCHL

Judges 5 in the SNT

Judges 5 in the SUSU

Judges 5 in the SUSU2

Judges 5 in the SYNO

Judges 5 in the TBIAOTANT

Judges 5 in the TBT1E

Judges 5 in the TBT1E2

Judges 5 in the TFTIP

Judges 5 in the TFTU

Judges 5 in the TGNTATF3T

Judges 5 in the THAI

Judges 5 in the TNFD

Judges 5 in the TNT

Judges 5 in the TNTIK

Judges 5 in the TNTIL

Judges 5 in the TNTIN

Judges 5 in the TNTIP

Judges 5 in the TNTIZ

Judges 5 in the TOMA

Judges 5 in the TTENT

Judges 5 in the UBG

Judges 5 in the UGV

Judges 5 in the UGV2

Judges 5 in the UGV3

Judges 5 in the VBL

Judges 5 in the VDCC

Judges 5 in the YALU

Judges 5 in the YAPE

Judges 5 in the YBVTP

Judges 5 in the ZBP