Jeremiah 15 (BOSCB)
1 Ipapo Jehovha akati kwandiri, “Kunyange dai Mozisi naSamueri vaimira pamberi pangu, mwoyo wangu hawaiva nehanya navanhu ava. Vadzingei pamberi pangu! Regai vaende! 2 Zvino kana vakakubvunza vachiti, ‘Tichaendepiko?’ Uvaudze kuti, ‘Zvanzi naJehovha:“ ‘Vakafanirwa norufu ngavaende kurufu,vakafanirwa nomunondo, kumunondo;vakafanirwa nenzara, kunzara;vakafanirwa noutapwa, kuutapwa.’ 3 “Ndichatumira mhando ina dzavaparadzi pamusoro pavo,” ndizvo zvinotaura Jehovha, “munondo kuti uuraye uye imbwa kuti dzikwekweredzere kure, neshiri dzedenga nemhuka dzenyika kuti dzidye uye dziparadze. 4 Ndichaita kuti vavengwe noushe hwose hwenyika nokuda kwezvakaitwa muJerusarema naManase, mwanakomana waHezekia mambo weJudha. 5 “Ndianiko achakunzwira tsitsi, iwe Jerusarema?Ndianiko achakuchemera?Ndianiko achamira achikubvunza mufaro? 6 Wakandiramba,” ndizvo zvinotaura Jehovha.“Unoramba uchidzokera shure.Saka ndichakubata noruoko rwangu ndigokuparadza;handichagoni kuramba ndichikunzwira tsitsi. 7 Ndichavarudza neforogo yokurudzisa,pamasuo eguta renyika.Ndichauyisa kufirwa nokuparadzwa pamusoro pavanhu vangu,nokuti havana kushandura nzira dzavo. 8 Ndichawanza chirikadzi dzavokupfuura jecha regungwa.Panguva yamasikati ndichauyisa muparadzi,pamusoro pavanamai vamajaya avo;pakarepo, ndichaburutsa pamusoro pavokurwadziwa nokutya. 9 Mai vakabereka vana vanomwe vachaziya vagofa.Zuva rake richavira achiri masikati;achanyadziswa uye achaninipiswa.Vachapunyuka ndichavaisa kumunondopamberi pavavengi vavo,”ndizvo zvinotaura Jehovha. 10 Yowe-e, mai vangu, zvamakandiberekakuti ndive murume anorwiswa uye anomisidzanwa naye nenyika yose!Handina kumbopa munhu chikwereti, kana kutora chikwereti,asi zvakadaro vanhu vose vanondituka. 11 Jehovha akati,“Zvirokwazvo ndichakurwira nokuda kwechikonzero chakanaka;zvirokwazvo ndichaita kuti vavengi vako vakunyengetedzepanguva yenjodzi nepanguva yokutambudzika. 12 “Ko, munhu angavhuna simbi here,simbi inobva nechokumusoro, kana ndarira? 13 Pfuma yako namatura akondichazvipa sezvakapambwa, pasina muripo,nokuda kwezvivi zvako zvose munyika yako yose. 14 Ndichakuita muranda wavavengi vakokunyika yausingazivi,nokuti kutsamwa kwangu kuchabatidza motouchapfuta kuti ukupise.” 15 Haiwa Jehovha, imi munonzwisisa;ndirangarirei mugondichengeta.Munditsivire kuvatambudzi vangu.Imi mune mwoyo murefu, musandibvisa;fungai kuti ndakanyadziswa sei nokuda kwenyu. 16 Mashoko enyu paakasvika ndakaadya;akanga ari mufaro wangu nokufadzwa kwomwoyo wangu,nokuti ndakatumidzwa zita renyu,imi Jehovha Mwari Wamasimba Ose. 17 Handina kumbogara pakati peungano yavanozvifadza,handina kumbofara navo;ndakagara ndoga nokuti ruoko rwenyu rwaiva pamusoro pangu,uye makanga mandizadza nokutsamwa. 18 Seiko kurwadziwa kwangu kusingaperi,uye ronda rangu richirwadza uye risingarapiki?Muchava kwandiri sorukova runonyengera,sechitubu chinopwa? 19 Naizvozvo zvanzi naJehovha:“Kana ukatendeuka, ndichakudzosazvekuti ugondishumira;kana ukataura zvakafanira, kwete mashoko asakafanira,uchava munhu anotaura akandimirira.Vanhu ava ngavadzokere kwauri,asi iwe usaenda kwavari. 20 Ndichakuita rusvingo kuvanhu ava,nhare yorusvingo rwendarira;vacharwa newe,asi havangakukundi,nokuti ini ndinewe,kuti ndikurwire ndigokuponesa,”ndizvo zvinotaura Jehovha. 21 “Ndichakuponesa kubva mumaoko avakaipauye ndichakudzikinura pamaoko avano utsinye.”
In Other Versions
Jeremiah 15 in the ANGEFD
Jeremiah 15 in the ANTPNG2D
Jeremiah 15 in the AS21
Jeremiah 15 in the BAGH
Jeremiah 15 in the BBPNG
Jeremiah 15 in the BBT1E
Jeremiah 15 in the BDS
Jeremiah 15 in the BEV
Jeremiah 15 in the BHAD
Jeremiah 15 in the BIB
Jeremiah 15 in the BLPT
Jeremiah 15 in the BNT
Jeremiah 15 in the BNTABOOT
Jeremiah 15 in the BNTLV
Jeremiah 15 in the BOATCB
Jeremiah 15 in the BOATCB2
Jeremiah 15 in the BOBCV
Jeremiah 15 in the BOCNT
Jeremiah 15 in the BOECS
Jeremiah 15 in the BOGWICC
Jeremiah 15 in the BOHCB
Jeremiah 15 in the BOHCV
Jeremiah 15 in the BOHLNT
Jeremiah 15 in the BOHNTLTAL
Jeremiah 15 in the BOICB
Jeremiah 15 in the BOILNTAP
Jeremiah 15 in the BOITCV
Jeremiah 15 in the BOKCV
Jeremiah 15 in the BOKCV2
Jeremiah 15 in the BOKHWOG
Jeremiah 15 in the BOKSSV
Jeremiah 15 in the BOLCB
Jeremiah 15 in the BOLCB2
Jeremiah 15 in the BOMCV
Jeremiah 15 in the BONAV
Jeremiah 15 in the BONCB
Jeremiah 15 in the BONLT
Jeremiah 15 in the BONUT2
Jeremiah 15 in the BOPLNT
Jeremiah 15 in the BOSNC
Jeremiah 15 in the BOTLNT
Jeremiah 15 in the BOVCB
Jeremiah 15 in the BOYCB
Jeremiah 15 in the BPBB
Jeremiah 15 in the BPH
Jeremiah 15 in the BSB
Jeremiah 15 in the CCB
Jeremiah 15 in the CUV
Jeremiah 15 in the CUVS
Jeremiah 15 in the DBT
Jeremiah 15 in the DGDNT
Jeremiah 15 in the DHNT
Jeremiah 15 in the DNT
Jeremiah 15 in the ELBE
Jeremiah 15 in the EMTV
Jeremiah 15 in the ESV
Jeremiah 15 in the FBV
Jeremiah 15 in the FEB
Jeremiah 15 in the GGMNT
Jeremiah 15 in the GNT
Jeremiah 15 in the HARY
Jeremiah 15 in the HNT
Jeremiah 15 in the IRVA
Jeremiah 15 in the IRVB
Jeremiah 15 in the IRVG
Jeremiah 15 in the IRVH
Jeremiah 15 in the IRVK
Jeremiah 15 in the IRVM
Jeremiah 15 in the IRVM2
Jeremiah 15 in the IRVO
Jeremiah 15 in the IRVP
Jeremiah 15 in the IRVT
Jeremiah 15 in the IRVT2
Jeremiah 15 in the IRVU
Jeremiah 15 in the ISVN
Jeremiah 15 in the JSNT
Jeremiah 15 in the KAPI
Jeremiah 15 in the KBT1ETNIK
Jeremiah 15 in the KBV
Jeremiah 15 in the KJV
Jeremiah 15 in the KNFD
Jeremiah 15 in the LBA
Jeremiah 15 in the LBLA
Jeremiah 15 in the LNT
Jeremiah 15 in the LSV
Jeremiah 15 in the MAAL
Jeremiah 15 in the MBV
Jeremiah 15 in the MBV2
Jeremiah 15 in the MHNT
Jeremiah 15 in the MKNFD
Jeremiah 15 in the MNG
Jeremiah 15 in the MNT
Jeremiah 15 in the MNT2
Jeremiah 15 in the MRS1T
Jeremiah 15 in the NAA
Jeremiah 15 in the NASB
Jeremiah 15 in the NBLA
Jeremiah 15 in the NBS
Jeremiah 15 in the NBVTP
Jeremiah 15 in the NET2
Jeremiah 15 in the NIV11
Jeremiah 15 in the NNT
Jeremiah 15 in the NNT2
Jeremiah 15 in the NNT3
Jeremiah 15 in the PDDPT
Jeremiah 15 in the PFNT
Jeremiah 15 in the RMNT
Jeremiah 15 in the SBIAS
Jeremiah 15 in the SBIBS
Jeremiah 15 in the SBIBS2
Jeremiah 15 in the SBICS
Jeremiah 15 in the SBIDS
Jeremiah 15 in the SBIGS
Jeremiah 15 in the SBIHS
Jeremiah 15 in the SBIIS
Jeremiah 15 in the SBIIS2
Jeremiah 15 in the SBIIS3
Jeremiah 15 in the SBIKS
Jeremiah 15 in the SBIKS2
Jeremiah 15 in the SBIMS
Jeremiah 15 in the SBIOS
Jeremiah 15 in the SBIPS
Jeremiah 15 in the SBISS
Jeremiah 15 in the SBITS
Jeremiah 15 in the SBITS2
Jeremiah 15 in the SBITS3
Jeremiah 15 in the SBITS4
Jeremiah 15 in the SBIUS
Jeremiah 15 in the SBIVS
Jeremiah 15 in the SBT
Jeremiah 15 in the SBT1E
Jeremiah 15 in the SCHL
Jeremiah 15 in the SNT
Jeremiah 15 in the SUSU
Jeremiah 15 in the SUSU2
Jeremiah 15 in the SYNO
Jeremiah 15 in the TBIAOTANT
Jeremiah 15 in the TBT1E
Jeremiah 15 in the TBT1E2
Jeremiah 15 in the TFTIP
Jeremiah 15 in the TFTU
Jeremiah 15 in the TGNTATF3T
Jeremiah 15 in the THAI
Jeremiah 15 in the TNFD
Jeremiah 15 in the TNT
Jeremiah 15 in the TNTIK
Jeremiah 15 in the TNTIL
Jeremiah 15 in the TNTIN
Jeremiah 15 in the TNTIP
Jeremiah 15 in the TNTIZ
Jeremiah 15 in the TOMA
Jeremiah 15 in the TTENT
Jeremiah 15 in the UBG
Jeremiah 15 in the UGV
Jeremiah 15 in the UGV2
Jeremiah 15 in the UGV3
Jeremiah 15 in the VBL
Jeremiah 15 in the VDCC
Jeremiah 15 in the YALU
Jeremiah 15 in the YAPE
Jeremiah 15 in the YBVTP
Jeremiah 15 in the ZBP