Jeremiah 2 (BOSCB)

1 Shoko raJehovha rakauya kwandiri richiti, 2 “Enda unoparidza munzeve dzeJerusarema uchiti:“ ‘Ndinorangarira kunamata kwouduku hwako,kuti somwenga waindida seiuye uchinditevera nomukati merenje,uye nomunyika isina munhu anogaramo. 3 Israeri akanga ari mutsvene kuna Jehovha,ari chibereko chokutanga chokukohwa kwake;vose vakanga vachimudya vaipiwa mhosva,uye njodzi yakavawira,’ ”ndizvo zvinotaura Jehovha. 4 Inzwai shoko raJehovha imi imba yaJakobho,nemi mose vorudzi rweimba yaIsraeri. 5 Zvanzi naJehovha:“Madzibaba enyu akawana mhosva yei kwandiri,zvavakaenda kure neni?Vakatevera zvifananidzo zvisina maturoivo vakava vasina maturo pachavo. 6 Havana kubvunza kuti, ‘Jehovha aripiko,iye akatibudisa kubva munyika yeIjipiti akatitungamirira nomugwenga risina miti,nomunyika yamarenje namakoronga,iyo nyika yakaoma uye yerima,nyika isina munhu anofambamouye isina munhu anogaramo?’ 7 Ndakakupinzai munyika yakaorerakuti mudye zvibereko zvayo nezvakanaka zvayo.Asi makasvika mukasvibisa nyika yangu,mukaita nhaka yangu kuti ive chinhu chinonyangadza. 8 Vaprista havana kubvunza kuti,‘Jehovha aripiko?’Vakanga vachifambisa murayiro havana kundiziva;vatungamiri vakandimukira.Vaprofita vakaprofita naBhaari,vachitevera zvifananidzo zvisina maturo. 9 “Naizvozvo ndinokupai mhosva zvakare,”ndizvo zvinotaura Jehovha.“Ndichapazve mhosva vana vavana venyu. 10 Yambukirai kumiganhu yeKitimi muone,tumai vanhu kuKedhari mugonyatsocherechedza;muone kana pakambova nechimwe chinhu chakadai: 11 Ko, rudzi rwakambotsinhanisa vamwari varwo here?Uye havasi vamwari zvachose.Asi vanhu vangu vakatsinhanisa kukudzwa kwavonezvifananidzo zvisina maturo. 12 Haiwa, imi matenga, shamiswai nechinhu ichi,uye mudedere nokutya kukuru,”ndizvo zvinotaura Jehovha. 13 “Vanhu vangu vakaita zvakaipa zviviri:Vakandisiya ini,tsime remvura mhenyu,vakazvicherera zvirongozvisingachengeti mvura. 14 Ko, Israeri muranda here, kana nhapwa pakuberekwa?Nemhaka yeiko apambwa zvino? 15 Shumba dzakaomba;dzikanguruma kwaari.Dzakaparadza nyika yake;maguta ake akapiswa uye haachina vanhu. 16 Uyezve, vanhu veNofi neveTapanesivakaveura musoro wako. 17 Ko, hauna kuzvivigira izvozvo pachako herepawakasiya Jehovha Mwariwako paakanga achikutungamirira munzira? 18 Zvino, unoendereiko kuIjipitikundonwa mvura inobva muShihori?Uye unodireiko kuenda kuAsiriakundonwa mvura inobva murwizi? 19 Zvakaipa zvako zvichakuranga;kudzokera shure kwako kuchakutuka.Rangarira uye uyeuke zvino kuti zvakaipa seiuye zvinovava sei kwauri,ukange wasiya Jehovha Mwari wako,uye usingandityi,”ndizvo zvinotaura Ishe, Jehovha Wamasimba Ose. 20 “Wakavhuna joko rako kare kareuye wakadambura makashu ako;ukati, ‘Handidi kukushumirai!’Zvirokwazvo, pamusoro pechikomo chirefu choga choga,uye pasi pomuti woga woga wakapfumvutira,wakarara pasi pawo sechifeve. 21 Ndakanga ndakusima somuzambiringa wakanakisa,uri mbeu kwayo inovimbika.Ko, zvino wakazondishandukirasei ukava muzambiringa webundo wakaora? 22 Kunyange ukazvishambidza nesodauchishandisa sipo yakawanda,gwapa remhosva yako rinoramba riri mberi kwangu,”ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha. 23 “Unoreva sei, uchiti, ‘Handina kusvibiswa;handina kutevera Bhaari’?Tarisa zvawakaita mumupata;funga zvawakaita.Iwe uri ngamera yehadziinomhanya apa nepapo, 24 uri mbizi yakarovedzwa mugwenga,inofembedza mhepo mukushuva kwayo;ndiani angaidzora pakupfumvura kwayo?Mukono upi noupi unoitevera haufaniri kuzvinetesa;panguva yokusangana uchaiwana. 25 Usamhanya kusvikira tsoka dzakodzisisina shangu nehuro yako yava nenyota.Asi iwe wakati, ‘Hazvibatsiri!Ndinoda vamwari vokumwe,uye ndinofanira kuvatevera.’ 26 “Sokunyadziswa kwembavha yabatwa,saizvozvo imba yaIsraeri yanyadziswa,ivo namadzimambo avo uye namachinda avo,vaprista vavo navaprofita vavo. 27 Vanoti kudanda, ‘Ndiwe baba vangu,’uye kuibwe, ‘Ndiwe wakandibereka.’Vakandifuratira iniasi zviso zvavo hazvina,nyamba pavanenge vava munhamo, vanoti kwandiri,‘Uyai mutiponese!’ 28 Ko, zvino vamwari vamakazviitira varipi?Ngavauye kana vachigona kukuponesaipamunenge mava munhamo!Nokuti muna vamwari vakawandakupfuura maguta amunawo, imi Judha. 29 “Seiko muchindipa mhosva?Imi mose makandimukira,”ndizvo zvinotaura Jehovha. 30 “Ndakaranga vana venyu pasina;havana kuteerera kurangwa.Munondo wenyu wakamedza vaprofita,kufanana neshumba inoparadza. 31 “Haiwa, imi vechizvarwa ichi, rangarirai Shoko raJehovha rinoti: “Ndanga ndiri renje kuna Israerihere kana nyika yerima guru?Ko, vanhu vangu vanotaurireiko vachiti,‘Takasununguka kuenda kwatada; hatichazouyizve kwamuri?’ 32 Ko, murandakadzi angakanganwa zvishongo zvake here,nomwenga angakanganwa nguo dzake dzomuchato here?Asi vanhu vangu vakandikanganwa ini,mazuva asingaverengeki. 33 Mune ruzivo rwakadii pakutevera rudo!Kunyange vakadzi vakaipisisa vangadzidza kubva panzira dzenyu. 34 Panguo dzako vanhu vanowanaporopa ravarombo vasina mhaka,kunyange usina kuvabata vachipaza.Asi kunyange zvakadaro 35 unoti, ‘Handina mhosva;uye haana kunditsamwira.’Asi ndichatema mutongo wangupauri nokuti unoti, ‘Handina kutadza.’ 36 Ko, unofambireiko pose pose zvakadai,uchishandura nzira dzako?Iwe uchagumburwa neIjipiti,sezvawakaitwa neAsiria. 37 Uchabvawo panzvimbo iyoyowakaisa maoko ako pamusoro pako,nokuti Jehovha akaramba vose vaunovimba navo;iwe hauchazobatsirwi navo.

In Other Versions

Jeremiah 2 in the ANGEFD

Jeremiah 2 in the ANTPNG2D

Jeremiah 2 in the AS21

Jeremiah 2 in the BAGH

Jeremiah 2 in the BBPNG

Jeremiah 2 in the BBT1E

Jeremiah 2 in the BDS

Jeremiah 2 in the BEV

Jeremiah 2 in the BHAD

Jeremiah 2 in the BIB

Jeremiah 2 in the BLPT

Jeremiah 2 in the BNT

Jeremiah 2 in the BNTABOOT

Jeremiah 2 in the BNTLV

Jeremiah 2 in the BOATCB

Jeremiah 2 in the BOATCB2

Jeremiah 2 in the BOBCV

Jeremiah 2 in the BOCNT

Jeremiah 2 in the BOECS

Jeremiah 2 in the BOGWICC

Jeremiah 2 in the BOHCB

Jeremiah 2 in the BOHCV

Jeremiah 2 in the BOHLNT

Jeremiah 2 in the BOHNTLTAL

Jeremiah 2 in the BOICB

Jeremiah 2 in the BOILNTAP

Jeremiah 2 in the BOITCV

Jeremiah 2 in the BOKCV

Jeremiah 2 in the BOKCV2

Jeremiah 2 in the BOKHWOG

Jeremiah 2 in the BOKSSV

Jeremiah 2 in the BOLCB

Jeremiah 2 in the BOLCB2

Jeremiah 2 in the BOMCV

Jeremiah 2 in the BONAV

Jeremiah 2 in the BONCB

Jeremiah 2 in the BONLT

Jeremiah 2 in the BONUT2

Jeremiah 2 in the BOPLNT

Jeremiah 2 in the BOSNC

Jeremiah 2 in the BOTLNT

Jeremiah 2 in the BOVCB

Jeremiah 2 in the BOYCB

Jeremiah 2 in the BPBB

Jeremiah 2 in the BPH

Jeremiah 2 in the BSB

Jeremiah 2 in the CCB

Jeremiah 2 in the CUV

Jeremiah 2 in the CUVS

Jeremiah 2 in the DBT

Jeremiah 2 in the DGDNT

Jeremiah 2 in the DHNT

Jeremiah 2 in the DNT

Jeremiah 2 in the ELBE

Jeremiah 2 in the EMTV

Jeremiah 2 in the ESV

Jeremiah 2 in the FBV

Jeremiah 2 in the FEB

Jeremiah 2 in the GGMNT

Jeremiah 2 in the GNT

Jeremiah 2 in the HARY

Jeremiah 2 in the HNT

Jeremiah 2 in the IRVA

Jeremiah 2 in the IRVB

Jeremiah 2 in the IRVG

Jeremiah 2 in the IRVH

Jeremiah 2 in the IRVK

Jeremiah 2 in the IRVM

Jeremiah 2 in the IRVM2

Jeremiah 2 in the IRVO

Jeremiah 2 in the IRVP

Jeremiah 2 in the IRVT

Jeremiah 2 in the IRVT2

Jeremiah 2 in the IRVU

Jeremiah 2 in the ISVN

Jeremiah 2 in the JSNT

Jeremiah 2 in the KAPI

Jeremiah 2 in the KBT1ETNIK

Jeremiah 2 in the KBV

Jeremiah 2 in the KJV

Jeremiah 2 in the KNFD

Jeremiah 2 in the LBA

Jeremiah 2 in the LBLA

Jeremiah 2 in the LNT

Jeremiah 2 in the LSV

Jeremiah 2 in the MAAL

Jeremiah 2 in the MBV

Jeremiah 2 in the MBV2

Jeremiah 2 in the MHNT

Jeremiah 2 in the MKNFD

Jeremiah 2 in the MNG

Jeremiah 2 in the MNT

Jeremiah 2 in the MNT2

Jeremiah 2 in the MRS1T

Jeremiah 2 in the NAA

Jeremiah 2 in the NASB

Jeremiah 2 in the NBLA

Jeremiah 2 in the NBS

Jeremiah 2 in the NBVTP

Jeremiah 2 in the NET2

Jeremiah 2 in the NIV11

Jeremiah 2 in the NNT

Jeremiah 2 in the NNT2

Jeremiah 2 in the NNT3

Jeremiah 2 in the PDDPT

Jeremiah 2 in the PFNT

Jeremiah 2 in the RMNT

Jeremiah 2 in the SBIAS

Jeremiah 2 in the SBIBS

Jeremiah 2 in the SBIBS2

Jeremiah 2 in the SBICS

Jeremiah 2 in the SBIDS

Jeremiah 2 in the SBIGS

Jeremiah 2 in the SBIHS

Jeremiah 2 in the SBIIS

Jeremiah 2 in the SBIIS2

Jeremiah 2 in the SBIIS3

Jeremiah 2 in the SBIKS

Jeremiah 2 in the SBIKS2

Jeremiah 2 in the SBIMS

Jeremiah 2 in the SBIOS

Jeremiah 2 in the SBIPS

Jeremiah 2 in the SBISS

Jeremiah 2 in the SBITS

Jeremiah 2 in the SBITS2

Jeremiah 2 in the SBITS3

Jeremiah 2 in the SBITS4

Jeremiah 2 in the SBIUS

Jeremiah 2 in the SBIVS

Jeremiah 2 in the SBT

Jeremiah 2 in the SBT1E

Jeremiah 2 in the SCHL

Jeremiah 2 in the SNT

Jeremiah 2 in the SUSU

Jeremiah 2 in the SUSU2

Jeremiah 2 in the SYNO

Jeremiah 2 in the TBIAOTANT

Jeremiah 2 in the TBT1E

Jeremiah 2 in the TBT1E2

Jeremiah 2 in the TFTIP

Jeremiah 2 in the TFTU

Jeremiah 2 in the TGNTATF3T

Jeremiah 2 in the THAI

Jeremiah 2 in the TNFD

Jeremiah 2 in the TNT

Jeremiah 2 in the TNTIK

Jeremiah 2 in the TNTIL

Jeremiah 2 in the TNTIN

Jeremiah 2 in the TNTIP

Jeremiah 2 in the TNTIZ

Jeremiah 2 in the TOMA

Jeremiah 2 in the TTENT

Jeremiah 2 in the UBG

Jeremiah 2 in the UGV

Jeremiah 2 in the UGV2

Jeremiah 2 in the UGV3

Jeremiah 2 in the VBL

Jeremiah 2 in the VDCC

Jeremiah 2 in the YALU

Jeremiah 2 in the YAPE

Jeremiah 2 in the YBVTP

Jeremiah 2 in the ZBP