Jeremiah 26 (BOSCB)
1 Pamazuva okutanga kubata ushe kwaJehoyakimi mwanakomana waJosia mambo weJudha, shoko iri rakabva kuna Jehovha richiti, 2 “Zvanzi naJehovha: Mira paruvazhe rweimba yaJehovha utaure kuvanhu vose vomumaguta eJudha vanouya kuzonamata muimba yaJehovha. Uvaudze zvose zvandinokurayira, usadarikira kana shoko rimwe chete, 3 Zvimwe vachanzwa mumwe nomumwe akadzoka panzira dzake dzakaipa. Ipapo ndichazvidemba ndikarega kuisa pamusoro pavo njodzi yandanga ndichifunga kuvaitira nokuda kwezvakaipa zvavakaita. 4 Uti kwavari, ‘Zvanzi naJehovha: Kana musinganditeereri, uye musingateveri murayiro wangu, wandakaisa pamberi penyu, 5 uye kana musingateereri mashoko avaranda vangu ivo vaprofita, vandakatuma ndikatumazve kwamuri (Kunyange musina kuteerera), 6 ipapo ndichaita kuti imba ino ive seShiro uye guta rino kuti rive chinhu chinotukwa pakati pendudzi dzose dzepanyika.’ ” 7 Vaprista navaprofita navanhu vose vakanzwa Jeremia achitaura mashoko aya ari mumba maJehovha. 8 Asi Jeremia akati achangopedza kuudza vanhu vose zvose zvaakanga arayirwa naJehovha kuti ataure, vaprista navaprofita navanhu vose vakamubata vakati, “Unofanira kufa! 9 Unoprofitirei muzita raJehovha uchiti imba ino ichava seShiro uye guta rino richava dongo uye richashaya anogaramo?” Vanhu vose vakaunganira Jeremia mumba maJehovha. 10 Machinda eJudha akati anzwa nezvezvinhu izvi, vakakwidza vachibva kumuzinda wamambo vakaenda kuimba yaJehovha vakandogara pamukova wepaSuo Idzva weimba yaJehovha. 11 Ipapo vaprista navaprofita vakati kumachinda nokuvanhu vose, “Munhu uyu anofanira kutongerwa rufu nokuti akaprofita zvakaipa pamusoro peguta rino. Mazvinzwira imi nenzeve dzenyu!” 12 Ipapo Jeremia akati kumachinda ose nokuvanhu vose, “Jehovha akandituma kuzoprofita pamusoro peimba ino napamusoro peguta rino, zvinhu zvose zvamakanzwa. 13 Zvino, chinatsai nzira dzenyu nezviito zvenyu muteerere Jehovha Mwari wenyu. Ipapo Jehovha achazvidemba akarega kuuyisa pamusoro penyu njodzi yaakareva. 14 Asi kana ndirini, ndiri mumaoko enyu; itai henyu zvamunofunga pamusoro pangu sezvamunoona zvakanaka uye zvakarurama. 15 Kunyange zvakadaro hazvo, zivai kuti, kana mukandiuraya muchamisa mhosva yeropa risina mhaka pamusoro penyu uye napamusoro peguta rino, nepamusoro pevose vanogara mariri, nokuti zvirokwazvo Jehovha akandituma kwamuri kuti nditaure mashoko ose aya munzeve dzenyu.” 16 Ipapo machinda navanhu vose vakati kuvaprista nokuvaprofita, “Munhu uyu haafaniri kutongerwa rufu! Ataura kwatiri muzita raJehovha Mwari wedu.” 17 Vamwe vavakuru venyika vakasimuka vakati kuungano yose yavanhu, 18 “Mikaya wokuMorasheti akaprofita pamazuva aHezekia mambo weJudha. Akaudza vanhu vose veJudha kuti, ‘Zvanzi naJehovha Wamasimba Ose:“ ‘Zioni richarimwa somunda,Jerusarema richava murwi wamabwe,negomo retemberi richava chikomo chakamera miti.’ 19 Ko, Hezekia mambo weJudha kana mumwewo zvake weJudha ndiye akamuuraya here? Ko, Hezekia haana kutya Jehovha akatsvaka nyasha dzake here? Uye Jehovha haana kuzvidemba, akarega kuuyisa njodzi yaakanga ataura pamusoro pavo here? Tava kuda kuzviunzira dambudziko rakaipisisa pamusoro pedu!” 20 (Zvino Uria mwanakomana waShemaya aibva kuKiriati Tearimi ndiye mumwe murume akaprofita muzita raJehovha; akaprofita zvinhu zvimwe chetezvo pamusoro peguta rino nenyika ino sezvakangoitwawo naJeremia. 21 Mambo Jehoyakimi namakurukota ake ose namachinda ake vakati vanzwa mashoko ake, mambo akatsvaka kumuuraya. Asi Uria akazvinzwa akatya ndokubva atizira kuIjipiti. 22 Kunyange zvakadaro, mambo Jehoyakimi akatuma Erinatani mwanakomana waAkibhori kuIjipiti, pamwe chete navamwe varume. 23 Vakabudisa Uria kubva kuIjipiti vakamuendesa kuna Mambo Jehoyakimi uyo akaita kuti aurayiwe uye mutumbi wake ukakandwa kunzvimbo yaivigirwa vanhuwo zvavo). 24 Pamusoro paizvozvo Ahikami mwanakomana waShafani akatsigira Jeremia, nokudaro haana kuzoiswa mumaoko avanhu kuti aurayiwe.
In Other Versions
Jeremiah 26 in the ANGEFD
Jeremiah 26 in the ANTPNG2D
Jeremiah 26 in the AS21
Jeremiah 26 in the BAGH
Jeremiah 26 in the BBPNG
Jeremiah 26 in the BBT1E
Jeremiah 26 in the BDS
Jeremiah 26 in the BEV
Jeremiah 26 in the BHAD
Jeremiah 26 in the BIB
Jeremiah 26 in the BLPT
Jeremiah 26 in the BNT
Jeremiah 26 in the BNTABOOT
Jeremiah 26 in the BNTLV
Jeremiah 26 in the BOATCB
Jeremiah 26 in the BOATCB2
Jeremiah 26 in the BOBCV
Jeremiah 26 in the BOCNT
Jeremiah 26 in the BOECS
Jeremiah 26 in the BOGWICC
Jeremiah 26 in the BOHCB
Jeremiah 26 in the BOHCV
Jeremiah 26 in the BOHLNT
Jeremiah 26 in the BOHNTLTAL
Jeremiah 26 in the BOICB
Jeremiah 26 in the BOILNTAP
Jeremiah 26 in the BOITCV
Jeremiah 26 in the BOKCV
Jeremiah 26 in the BOKCV2
Jeremiah 26 in the BOKHWOG
Jeremiah 26 in the BOKSSV
Jeremiah 26 in the BOLCB
Jeremiah 26 in the BOLCB2
Jeremiah 26 in the BOMCV
Jeremiah 26 in the BONAV
Jeremiah 26 in the BONCB
Jeremiah 26 in the BONLT
Jeremiah 26 in the BONUT2
Jeremiah 26 in the BOPLNT
Jeremiah 26 in the BOSNC
Jeremiah 26 in the BOTLNT
Jeremiah 26 in the BOVCB
Jeremiah 26 in the BOYCB
Jeremiah 26 in the BPBB
Jeremiah 26 in the BPH
Jeremiah 26 in the BSB
Jeremiah 26 in the CCB
Jeremiah 26 in the CUV
Jeremiah 26 in the CUVS
Jeremiah 26 in the DBT
Jeremiah 26 in the DGDNT
Jeremiah 26 in the DHNT
Jeremiah 26 in the DNT
Jeremiah 26 in the ELBE
Jeremiah 26 in the EMTV
Jeremiah 26 in the ESV
Jeremiah 26 in the FBV
Jeremiah 26 in the FEB
Jeremiah 26 in the GGMNT
Jeremiah 26 in the GNT
Jeremiah 26 in the HARY
Jeremiah 26 in the HNT
Jeremiah 26 in the IRVA
Jeremiah 26 in the IRVB
Jeremiah 26 in the IRVG
Jeremiah 26 in the IRVH
Jeremiah 26 in the IRVK
Jeremiah 26 in the IRVM
Jeremiah 26 in the IRVM2
Jeremiah 26 in the IRVO
Jeremiah 26 in the IRVP
Jeremiah 26 in the IRVT
Jeremiah 26 in the IRVT2
Jeremiah 26 in the IRVU
Jeremiah 26 in the ISVN
Jeremiah 26 in the JSNT
Jeremiah 26 in the KAPI
Jeremiah 26 in the KBT1ETNIK
Jeremiah 26 in the KBV
Jeremiah 26 in the KJV
Jeremiah 26 in the KNFD
Jeremiah 26 in the LBA
Jeremiah 26 in the LBLA
Jeremiah 26 in the LNT
Jeremiah 26 in the LSV
Jeremiah 26 in the MAAL
Jeremiah 26 in the MBV
Jeremiah 26 in the MBV2
Jeremiah 26 in the MHNT
Jeremiah 26 in the MKNFD
Jeremiah 26 in the MNG
Jeremiah 26 in the MNT
Jeremiah 26 in the MNT2
Jeremiah 26 in the MRS1T
Jeremiah 26 in the NAA
Jeremiah 26 in the NASB
Jeremiah 26 in the NBLA
Jeremiah 26 in the NBS
Jeremiah 26 in the NBVTP
Jeremiah 26 in the NET2
Jeremiah 26 in the NIV11
Jeremiah 26 in the NNT
Jeremiah 26 in the NNT2
Jeremiah 26 in the NNT3
Jeremiah 26 in the PDDPT
Jeremiah 26 in the PFNT
Jeremiah 26 in the RMNT
Jeremiah 26 in the SBIAS
Jeremiah 26 in the SBIBS
Jeremiah 26 in the SBIBS2
Jeremiah 26 in the SBICS
Jeremiah 26 in the SBIDS
Jeremiah 26 in the SBIGS
Jeremiah 26 in the SBIHS
Jeremiah 26 in the SBIIS
Jeremiah 26 in the SBIIS2
Jeremiah 26 in the SBIIS3
Jeremiah 26 in the SBIKS
Jeremiah 26 in the SBIKS2
Jeremiah 26 in the SBIMS
Jeremiah 26 in the SBIOS
Jeremiah 26 in the SBIPS
Jeremiah 26 in the SBISS
Jeremiah 26 in the SBITS
Jeremiah 26 in the SBITS2
Jeremiah 26 in the SBITS3
Jeremiah 26 in the SBITS4
Jeremiah 26 in the SBIUS
Jeremiah 26 in the SBIVS
Jeremiah 26 in the SBT
Jeremiah 26 in the SBT1E
Jeremiah 26 in the SCHL
Jeremiah 26 in the SNT
Jeremiah 26 in the SUSU
Jeremiah 26 in the SUSU2
Jeremiah 26 in the SYNO
Jeremiah 26 in the TBIAOTANT
Jeremiah 26 in the TBT1E
Jeremiah 26 in the TBT1E2
Jeremiah 26 in the TFTIP
Jeremiah 26 in the TFTU
Jeremiah 26 in the TGNTATF3T
Jeremiah 26 in the THAI
Jeremiah 26 in the TNFD
Jeremiah 26 in the TNT
Jeremiah 26 in the TNTIK
Jeremiah 26 in the TNTIL
Jeremiah 26 in the TNTIN
Jeremiah 26 in the TNTIP
Jeremiah 26 in the TNTIZ
Jeremiah 26 in the TOMA
Jeremiah 26 in the TTENT
Jeremiah 26 in the UBG
Jeremiah 26 in the UGV
Jeremiah 26 in the UGV2
Jeremiah 26 in the UGV3
Jeremiah 26 in the VBL
Jeremiah 26 in the VDCC
Jeremiah 26 in the YALU
Jeremiah 26 in the YAPE
Jeremiah 26 in the YBVTP
Jeremiah 26 in the ZBP