Jeremiah 48 (BOSCB)

1 Pamusoro peMoabhu:Zvanzi naJehovha Wamasimba Ose, Mwari waIsraeri: “Ine nhamo Nebho, nokuti ichaparadzwa.Kiriataimi ichanyadziswa uye ichakundwa;nhare dzichanyadziswa uye dzichaparadzwa. 2 Moabhu haichazorumbidzwizve;muHeshibhoni varume vacharangana nezvokuwa kwaro, vachiti: ‘Uyai, tiparadze rudzi urwo.’Newewo, iwe Madhimeni uchati mwiro;munondo uchakutevera. 3 Inzwai kuchema kunobva kuHoronaimi,kuchema kwokukoromorwa nokuparadzwa kukuru. 4 Moabhu ichaputswa;vana vadiki varo vacharidza mhere. 5 Vachakwira nomukwidza weRuhiti,vachichema zvikuru pakuenda kwavo;pamateru enzira yokuHoronaimikuchema kwokurwadziwa pamusoro pokuparadza kunonzwika. 6 Tizai! Mhanyai muponese upenyu hwenyu;mufanane negwenzi riri mugwenga. 7 Sezvo muchivimba namabasa uye nepfuma yenyu,nemiwo muchatapwa,uye Kemoshi ichaenda kuutapwa,pamwe chete navaprista namachinda ayo. 8 Muparadzi acharwa namaguta ose ose,uye hapana guta richapunyuka.Mupata uchaparadzwa,uye mutunhu wakakwirira uchaparadzwanokuti Jehovha azvitaura. 9 Isai munyu pamusoro peMoabhu,nokuti ichaparadzwa;maguta ayo achava matongo,asina achazogaramo. 10 “Ngaatukwe uyo anobata basa raJehovha asina hanya!Ngaatukwe uyo anodzora munondo wake pakuteura ropa! 11 “Moabhu anga ane zororo kubvira pauduku hwake,sewaini yasarira mumasese,isina kudirwa kubva muno mumwe mudziyo ichiiswa muno mumwe,haana kuenda kuutapwa.Saka anongotapira sezvaakanga ari,uye kunhuhwira kwake hakuna kushanduka. 12 Asi mazuva anouya,”ndizvo zvinotaura Jehovha,“andichatuma varume vanodurura zvinobva mumudziyo,uye vachadururira pasi;vachasiya midziyo isina chinhuuye vagoputsa midziyo yake. 13 Ipapo Moabhu achanyadziswa neKemoshi,sokunyadziswa kwakaitwa imba yaIsraeripavakavimba neBheteri. 14 “Ungataura sei, uchiti, ‘Tiri mhare,varume vakatsunga muhondo’? 15 Moabhu ichaparadzwa, uye maguta ayo acharwiswa;majaya ake akaisvonaka achaburukira kundourayiwa,”ndizvo zvinotaura Mambo, ane zita rinonzi Jehovha Wamasimba Ose. 16 “Kuwa kweMoabhu kwava pedyo;njodzi yayo ichasvika nokukurumidza. 17 Ichemei, imi mose mugere makaipoteredza,vose vanoziva mukurumbira wayo;muti, ‘Yavhunika seiko tsvimbo yakasimba,wavhunika seiko mudonzvo wakaisvonaka!’ 18 “Burukai pakukudzwa kwenyumugare pavhu rakaoma,imi vagari voMwanasikana weDhibhoni,nokuti iye anoparadza Moabhuachauya kuzokurwisai,uye agoparadza maguta enyu akakomberedzwa. 19 Mirai panzira mutarire,imi vagari vemuAroeri.Bvunzai murume ari kutiza nomukadzi apunyuka,muvabvunze kuti, ‘Chii chaitika?’ 20 Moabhu yanyadziswa, nokuti yaparadzwa.Ungudzai uye muridze mhere!Zvizivisei paArinonikuti Moabhu yaparadzwa. 21 Kutonga kwasvika kumutunhu wakakwirira,kuHoroni, Jahaza neMefaati, 22 kuDhibhoni, Nebho neBheti Dhibhirataimu, 23 kuKiriataimu, neBheti Gamuri neBheti Meoni, 24 kuKerioti neBhozira,nokumaguta ose eMoabhu ari kure neari pedyo. 25 Runyanga rweMoabhu rwagurwa;ruoko rwake rwavhunika,”ndizvo zvinotaura Jehovha. 26 “Itai kuti adhakwe,nokuti iye azvidza Jehovha.Regai Moabhu aumburuke mumarutsi ake;ngaave chinhu chinosekwa. 27 Ko, Israeri haana kuva chinhu chinosekwa nemi here?Ko, akabatwa ari pakati pembavha here,zvamunodzungudza musoro wenyumuchimushora pose pamunotaura nezvake? 28 Siyai maguta enyu mundogara pakati pamatombo,imi mugere muMoabhu.Itai senjiva inovaka dendere rayopamuromo webako. 29 “Takanzwa nezvokuzvikudza kweMoabhu,manyawi nokudada kwavo kukuruuye kuzvikudza kwakanyanya,kuzvikudza kwavo nokuzvitutumadza namanyawi emwoyo wayo. 30 Ndinoziva kusindimara kwayo asi hakuna maturo,”ndizvo zvinotaura Jehovha,“uye kuzvikudza kwake kuzhinji hakuna zvakunoreva. 31 Naizvozvo ndinoungudza pamusoro peMoabhu,nokuda kweMoabhu yose ndinodanidzira,ndinochema varume veKiri Hareseti. 32 Ndinokuchema sokuchema kunoita Jazeri,haiwa imi mazambiringa eGibhima.Matavi enyu akatandavara kundosvika kugungwa;akandosvika kugungwa reJazeri.Muparadzi awira pamichero yakoyaibva namazambiringa. 33 Mufaro nokufarisisa zvaenda,zvabva muminda yemichero nomuminda yeMoabhu.Ndagumisa kuyerera kwewaini inobva pazvisviniro;hakuna achazvitsika achidanidzira nomufaro.Kunyange pano kudanidzira,hakusi kudanidzira kwomufaro. 34 “Inzwi rokuchema kwavo rinokwirarichibva kuHeshibhoni kusvikira kuErieri neJahazi,kubva kuZoari kusvikira kuHoronaimi neEgirati Sherishiya,nokuti kunyange nemvura dzeNimirimi dzapwa. 35 Ndichaisa magumo muMoabhu,kuna avo vanopa zvipiriso panzvimbo dzakakwirira,uye vanopisira zvinonhuhwira kuna vamwari vavo,”ndizvo zvinotaura Jehovha. 36 “Saka mwoyo wangu unorira senyere pamusoro peMoabhu;unorira senyere pamusoro pavarume veKiri Hareseti.Pfuma yavakawana yapera. 37 Musoro mumwe nomumwe wakaveurwa,uye ndebvu dzose dzakagurirwa;ruoko rumwe norumwe rwakagurwa,uye zviuno zvose zvakafukidzwa namasaga. 38 Pamusoro pamatenga ose eMoabhunapazvivarahakuna chiriko kunze kwokuchema,nokuti ndaputsa Moabhusedende risina anorida,”ndizvo zvinotaura Jehovha. 39 “Akoromorwa sei! Vaungudza sei!Hoyo Moabhu afuratira nokuda kwokunyadziswa!Moabhu yava chinhu chinosekwa,chinhu chinonyangadza kuna vose vakaipoteredza.” 40 Zvanzi naJehovha:“Tarirai achabhururuka segondo,rakatambanudzira mapapiro aro pamusoro peMoabhu. 41 Kerioti ichatapwauye nhare dzichatorwa.Pazuva iro mwoyo yemhare dzeMoabhuichafanana nomwoyo womukadzi ari kurwadziwa. 42 Moabhu ichaparadzwa serudzinokuti yakazvidza Jehovha. 43 Kutya negomba nomusungo zvakakumirirai,imi vanhu veMoabhu,”ndizvo zvinotaura Jehovha. 44 “Ani naani achatiza njodziiyi achawira mugomba,ani naani achakwira achibuda mugomba,achabatwa mumusungo;nokuti ndichauyisa pamusoro peMoabhugore rokurangwa kwake,”ndizvo zvinotaura Jehovha. 45 “Mumumvuri weHeshibhonivatizi vanomirapo vasina simba,nokuti moto wabuda uchibva kuHeshibhoni,murazvo pakati peSihoni;unopisa huma dzaMoabhu,misoro yavanozvikudza vemheremhere. 46 Une nhamo, iwe Moabhu!Vanhu veKemoshi vaparara;vanakomana vako vakaendeswa kuutapwanavanasikana vako muutapwa. 47 “Kunyange zvakadaro ndichadzosazve pfuma yeMoabhupamazuva anouya,”ndizvo zvinotaura Jehovha.Pano ndipo panogumira kutongwa kweMoabhu.

In Other Versions

Jeremiah 48 in the ANGEFD

Jeremiah 48 in the ANTPNG2D

Jeremiah 48 in the AS21

Jeremiah 48 in the BAGH

Jeremiah 48 in the BBPNG

Jeremiah 48 in the BBT1E

Jeremiah 48 in the BDS

Jeremiah 48 in the BEV

Jeremiah 48 in the BHAD

Jeremiah 48 in the BIB

Jeremiah 48 in the BLPT

Jeremiah 48 in the BNT

Jeremiah 48 in the BNTABOOT

Jeremiah 48 in the BNTLV

Jeremiah 48 in the BOATCB

Jeremiah 48 in the BOATCB2

Jeremiah 48 in the BOBCV

Jeremiah 48 in the BOCNT

Jeremiah 48 in the BOECS

Jeremiah 48 in the BOGWICC

Jeremiah 48 in the BOHCB

Jeremiah 48 in the BOHCV

Jeremiah 48 in the BOHLNT

Jeremiah 48 in the BOHNTLTAL

Jeremiah 48 in the BOICB

Jeremiah 48 in the BOILNTAP

Jeremiah 48 in the BOITCV

Jeremiah 48 in the BOKCV

Jeremiah 48 in the BOKCV2

Jeremiah 48 in the BOKHWOG

Jeremiah 48 in the BOKSSV

Jeremiah 48 in the BOLCB

Jeremiah 48 in the BOLCB2

Jeremiah 48 in the BOMCV

Jeremiah 48 in the BONAV

Jeremiah 48 in the BONCB

Jeremiah 48 in the BONLT

Jeremiah 48 in the BONUT2

Jeremiah 48 in the BOPLNT

Jeremiah 48 in the BOSNC

Jeremiah 48 in the BOTLNT

Jeremiah 48 in the BOVCB

Jeremiah 48 in the BOYCB

Jeremiah 48 in the BPBB

Jeremiah 48 in the BPH

Jeremiah 48 in the BSB

Jeremiah 48 in the CCB

Jeremiah 48 in the CUV

Jeremiah 48 in the CUVS

Jeremiah 48 in the DBT

Jeremiah 48 in the DGDNT

Jeremiah 48 in the DHNT

Jeremiah 48 in the DNT

Jeremiah 48 in the ELBE

Jeremiah 48 in the EMTV

Jeremiah 48 in the ESV

Jeremiah 48 in the FBV

Jeremiah 48 in the FEB

Jeremiah 48 in the GGMNT

Jeremiah 48 in the GNT

Jeremiah 48 in the HARY

Jeremiah 48 in the HNT

Jeremiah 48 in the IRVA

Jeremiah 48 in the IRVB

Jeremiah 48 in the IRVG

Jeremiah 48 in the IRVH

Jeremiah 48 in the IRVK

Jeremiah 48 in the IRVM

Jeremiah 48 in the IRVM2

Jeremiah 48 in the IRVO

Jeremiah 48 in the IRVP

Jeremiah 48 in the IRVT

Jeremiah 48 in the IRVT2

Jeremiah 48 in the IRVU

Jeremiah 48 in the ISVN

Jeremiah 48 in the JSNT

Jeremiah 48 in the KAPI

Jeremiah 48 in the KBT1ETNIK

Jeremiah 48 in the KBV

Jeremiah 48 in the KJV

Jeremiah 48 in the KNFD

Jeremiah 48 in the LBA

Jeremiah 48 in the LBLA

Jeremiah 48 in the LNT

Jeremiah 48 in the LSV

Jeremiah 48 in the MAAL

Jeremiah 48 in the MBV

Jeremiah 48 in the MBV2

Jeremiah 48 in the MHNT

Jeremiah 48 in the MKNFD

Jeremiah 48 in the MNG

Jeremiah 48 in the MNT

Jeremiah 48 in the MNT2

Jeremiah 48 in the MRS1T

Jeremiah 48 in the NAA

Jeremiah 48 in the NASB

Jeremiah 48 in the NBLA

Jeremiah 48 in the NBS

Jeremiah 48 in the NBVTP

Jeremiah 48 in the NET2

Jeremiah 48 in the NIV11

Jeremiah 48 in the NNT

Jeremiah 48 in the NNT2

Jeremiah 48 in the NNT3

Jeremiah 48 in the PDDPT

Jeremiah 48 in the PFNT

Jeremiah 48 in the RMNT

Jeremiah 48 in the SBIAS

Jeremiah 48 in the SBIBS

Jeremiah 48 in the SBIBS2

Jeremiah 48 in the SBICS

Jeremiah 48 in the SBIDS

Jeremiah 48 in the SBIGS

Jeremiah 48 in the SBIHS

Jeremiah 48 in the SBIIS

Jeremiah 48 in the SBIIS2

Jeremiah 48 in the SBIIS3

Jeremiah 48 in the SBIKS

Jeremiah 48 in the SBIKS2

Jeremiah 48 in the SBIMS

Jeremiah 48 in the SBIOS

Jeremiah 48 in the SBIPS

Jeremiah 48 in the SBISS

Jeremiah 48 in the SBITS

Jeremiah 48 in the SBITS2

Jeremiah 48 in the SBITS3

Jeremiah 48 in the SBITS4

Jeremiah 48 in the SBIUS

Jeremiah 48 in the SBIVS

Jeremiah 48 in the SBT

Jeremiah 48 in the SBT1E

Jeremiah 48 in the SCHL

Jeremiah 48 in the SNT

Jeremiah 48 in the SUSU

Jeremiah 48 in the SUSU2

Jeremiah 48 in the SYNO

Jeremiah 48 in the TBIAOTANT

Jeremiah 48 in the TBT1E

Jeremiah 48 in the TBT1E2

Jeremiah 48 in the TFTIP

Jeremiah 48 in the TFTU

Jeremiah 48 in the TGNTATF3T

Jeremiah 48 in the THAI

Jeremiah 48 in the TNFD

Jeremiah 48 in the TNT

Jeremiah 48 in the TNTIK

Jeremiah 48 in the TNTIL

Jeremiah 48 in the TNTIN

Jeremiah 48 in the TNTIP

Jeremiah 48 in the TNTIZ

Jeremiah 48 in the TOMA

Jeremiah 48 in the TTENT

Jeremiah 48 in the UBG

Jeremiah 48 in the UGV

Jeremiah 48 in the UGV2

Jeremiah 48 in the UGV3

Jeremiah 48 in the VBL

Jeremiah 48 in the VDCC

Jeremiah 48 in the YALU

Jeremiah 48 in the YAPE

Jeremiah 48 in the YBVTP

Jeremiah 48 in the ZBP