Jeremiah 6 (BOSCB)

1 “Tizai kuti murarame, imi vana veBhenjamini!Tizai mubve muJerusarema!Ridzai hwamanda muTekoa!Simudzai chiratidzo pamusoro peBheti Hakeremu!Nokuti njodzi yava pedyo ichibva kumusoro,iko kuparadza kwakaipisisa. 2 Ndichaparadza mwanasikana weZioni,akanakisa uye anoyevedza. 3 Vafudzi namapoka amakwai avo vachauya kuzomurwisa;vachadzika matende avo vakamukomba,mumwe nomumwe achifudza chikamu chake.” 4 Gadzirirai kurwa naye!Simukai, ngatimurwisei masikati!“Asi, yowe-e, zuva rovira,uye mimvuri yamadekwana yoreba. 5 Naizvozvo simukai, ngatimurwisei usiku,uye tiparadze nhare dzake!” 6 Zvanzi naJehovha Wamasimba Ose:“Temerai miti pasi,mugovakira Jerusarema mirwi yokurikomba.Guta iri rinofanira kurangwa;rizere nokumanikidza. 7 Setsime rinoeredza mvura yaro,saizvozvo Jerusarema rinodurura zvakaipa zvaro.Kuita nechisimba nokuparadza zvinonzwikwa mariri,kurwara kwaro namavanga zvinoramba zviri pamberi pangu. 8 Inzwa yambiro, iwe Jerusarema,kuti ndisakufuratirandikaita nyika yako dongo,kuti isava nomunhu angagara mairi.” 9 Zvanzi naJehovha Wamasimba Ose:“Ngavatanhe zvakasara zvaIsraerivatanhe zvachose samazambiringa;utambanudzirezve ruoko rwako kumatavi,sezvinoita munhu anounganidza mazambiringa.” 10 Ndingataura naaniko wandingayambira?Ndianiko achandinzwa?Nzeve dzavo dzakadzivirwakuti varege kunzwa.Shoko raJehovha chigumbuso kwavari;havawani mufaro mariri. 11 Asi ini ndizere nehasha dzaJehovha,uye handichagoni kuzvidzora. “Dzidururire pamusoro pavana vari munzira dzomuguta,napamusoro pamajaya akaungana pamwe chete;zvose murume nomukadzi vachabatwa imomo,navatana, vaya vabva zera. 12 Dzimba dzavo dzichapiwa vamwe,minda yavo pamwe chete navakadzi vavo,pandichatambanudza ruoko rwangu pamusoro pavagere panyika,”ndizvo zvinotaura Jehovha. 13 “Kubva kumudiki kusvikira kuvakuru,vose vanokarira pfuma;vaprofita navaprista zvimwe chetezvo,vose vanoita zvokunyengera. 14 Vanosunga ronda ravanhu vangusokunge vasina kukuvara zvikuru.Vanoti, ‘Rugare, rugare,’ipo pasina rugare. 15 Ko, vanonyadziswa nokusemesa kwamafambiro avo here?Kwete, havana nyadzi zvachose;havambozivi kuratidza nyadzi.Naizvozvo vachawira pakati pavakawa;vachadzikiswa pandichavaranga,”ndizvo zvinotaura Jehovha. 16 Zvanzi naJehovha:“Mirai pamharadzano dzenzira muone;mubvunze nzira dzekare,mubvunze kune nzira yakanaka, mugofamba mairi,ipapo muchawana zororo remweya yenyu.Asi imi makati, ‘Hatizofambi mairi.’ 17 Ndakagadza nharirire pamusoro penyu ndikati,‘Teererai inzwi rehwamanda!’Asi imi makati, ‘Hatizoteereri.’ 18 Naizvozvo inzwai, imi ndudzi,nemi zvapupu,cherechedzai zvichaitika kwavari. 19 Inzwa, iwe nyika:Ndiri kuuyisa njodzi pamusoro pavanhu ava,icho chibereko chendangariro dzavo,nokuti havana kuteerera mashoko angu,uye vakaramba murayiro wangu. 20 Ndine hanya yeiko nezvinonhuhwira zvinobva kuShebha,kana karamisi inotapira inobva kunyika iri kure?Zvipiriso zvenyu zvinopiswa handizvidi;zvibayiro zvenyu hazvindifadzi.” 21 Naizvozvo zvanzi naJehovha:“Ndichaisa zvipinganidzo pamberi pavanhu ava.Madzibaba navanakomana vachagumburwa nazvo pamwe chete,vavakidzani neshamwari vachaparara.” 22 Zvanzi naJehovha:“Tarirai, hondo iri kuuyakubva kunyika yokumusoro;rudzi rukuru rwuri kumutswakubva kumigumo yenyika. 23 Vakapakata uta nepfumo;vane utsinye uye havana ngoni.Vanonzwikwa sokutinhira kwegungwavakatasva mabhiza avo;vari kuuya savanhu vazvigadzirira kurwa hondokuti vakurwise, iwe Mwanasikana weZioni.” 24 Takanzwa guhu ravo,uye maoko edu oshayiwa simba.Tabatwa nokurwadziwa,kurwadziwa kwakaita sekwomukadzi ari kusununguka. 25 Regai kuenda kumunda,kana kufamba mumigwagwa,nokuti muvengi ane munondo,uye kumativi ose kune zvinotyisa. 26 Haiwa, vanhu vangu, pfekai masagamugoumburuka mumadota;chemai nokuchema kukuru kwazvokunge munochemera mwanakomana mumwe chete,nokuti muparadziachatiwira pakarepo. 27 “Ndakakuita muedzi wamatarenavanhu vangu mhangura,kuti ucherechedzeuye uedze nzira dzavo. 28 Vose vamukiri vakaoma mwoyo,vanongofamba-famba vachiita makuhwa.Ivo indarira nesimbi;vose vanoita zvakaora. 29 Mvuto inovhutira zvinotyisakuti ipise mutobvu nomoto,asi kunatswa kunongova pasina;nokuti vakaipa havasi kubviswa. 30 Vanonzi sirivha yakarambwa,nokuti Jehovha akavaramba.”

In Other Versions

Jeremiah 6 in the ANGEFD

Jeremiah 6 in the ANTPNG2D

Jeremiah 6 in the AS21

Jeremiah 6 in the BAGH

Jeremiah 6 in the BBPNG

Jeremiah 6 in the BBT1E

Jeremiah 6 in the BDS

Jeremiah 6 in the BEV

Jeremiah 6 in the BHAD

Jeremiah 6 in the BIB

Jeremiah 6 in the BLPT

Jeremiah 6 in the BNT

Jeremiah 6 in the BNTABOOT

Jeremiah 6 in the BNTLV

Jeremiah 6 in the BOATCB

Jeremiah 6 in the BOATCB2

Jeremiah 6 in the BOBCV

Jeremiah 6 in the BOCNT

Jeremiah 6 in the BOECS

Jeremiah 6 in the BOGWICC

Jeremiah 6 in the BOHCB

Jeremiah 6 in the BOHCV

Jeremiah 6 in the BOHLNT

Jeremiah 6 in the BOHNTLTAL

Jeremiah 6 in the BOICB

Jeremiah 6 in the BOILNTAP

Jeremiah 6 in the BOITCV

Jeremiah 6 in the BOKCV

Jeremiah 6 in the BOKCV2

Jeremiah 6 in the BOKHWOG

Jeremiah 6 in the BOKSSV

Jeremiah 6 in the BOLCB

Jeremiah 6 in the BOLCB2

Jeremiah 6 in the BOMCV

Jeremiah 6 in the BONAV

Jeremiah 6 in the BONCB

Jeremiah 6 in the BONLT

Jeremiah 6 in the BONUT2

Jeremiah 6 in the BOPLNT

Jeremiah 6 in the BOSNC

Jeremiah 6 in the BOTLNT

Jeremiah 6 in the BOVCB

Jeremiah 6 in the BOYCB

Jeremiah 6 in the BPBB

Jeremiah 6 in the BPH

Jeremiah 6 in the BSB

Jeremiah 6 in the CCB

Jeremiah 6 in the CUV

Jeremiah 6 in the CUVS

Jeremiah 6 in the DBT

Jeremiah 6 in the DGDNT

Jeremiah 6 in the DHNT

Jeremiah 6 in the DNT

Jeremiah 6 in the ELBE

Jeremiah 6 in the EMTV

Jeremiah 6 in the ESV

Jeremiah 6 in the FBV

Jeremiah 6 in the FEB

Jeremiah 6 in the GGMNT

Jeremiah 6 in the GNT

Jeremiah 6 in the HARY

Jeremiah 6 in the HNT

Jeremiah 6 in the IRVA

Jeremiah 6 in the IRVB

Jeremiah 6 in the IRVG

Jeremiah 6 in the IRVH

Jeremiah 6 in the IRVK

Jeremiah 6 in the IRVM

Jeremiah 6 in the IRVM2

Jeremiah 6 in the IRVO

Jeremiah 6 in the IRVP

Jeremiah 6 in the IRVT

Jeremiah 6 in the IRVT2

Jeremiah 6 in the IRVU

Jeremiah 6 in the ISVN

Jeremiah 6 in the JSNT

Jeremiah 6 in the KAPI

Jeremiah 6 in the KBT1ETNIK

Jeremiah 6 in the KBV

Jeremiah 6 in the KJV

Jeremiah 6 in the KNFD

Jeremiah 6 in the LBA

Jeremiah 6 in the LBLA

Jeremiah 6 in the LNT

Jeremiah 6 in the LSV

Jeremiah 6 in the MAAL

Jeremiah 6 in the MBV

Jeremiah 6 in the MBV2

Jeremiah 6 in the MHNT

Jeremiah 6 in the MKNFD

Jeremiah 6 in the MNG

Jeremiah 6 in the MNT

Jeremiah 6 in the MNT2

Jeremiah 6 in the MRS1T

Jeremiah 6 in the NAA

Jeremiah 6 in the NASB

Jeremiah 6 in the NBLA

Jeremiah 6 in the NBS

Jeremiah 6 in the NBVTP

Jeremiah 6 in the NET2

Jeremiah 6 in the NIV11

Jeremiah 6 in the NNT

Jeremiah 6 in the NNT2

Jeremiah 6 in the NNT3

Jeremiah 6 in the PDDPT

Jeremiah 6 in the PFNT

Jeremiah 6 in the RMNT

Jeremiah 6 in the SBIAS

Jeremiah 6 in the SBIBS

Jeremiah 6 in the SBIBS2

Jeremiah 6 in the SBICS

Jeremiah 6 in the SBIDS

Jeremiah 6 in the SBIGS

Jeremiah 6 in the SBIHS

Jeremiah 6 in the SBIIS

Jeremiah 6 in the SBIIS2

Jeremiah 6 in the SBIIS3

Jeremiah 6 in the SBIKS

Jeremiah 6 in the SBIKS2

Jeremiah 6 in the SBIMS

Jeremiah 6 in the SBIOS

Jeremiah 6 in the SBIPS

Jeremiah 6 in the SBISS

Jeremiah 6 in the SBITS

Jeremiah 6 in the SBITS2

Jeremiah 6 in the SBITS3

Jeremiah 6 in the SBITS4

Jeremiah 6 in the SBIUS

Jeremiah 6 in the SBIVS

Jeremiah 6 in the SBT

Jeremiah 6 in the SBT1E

Jeremiah 6 in the SCHL

Jeremiah 6 in the SNT

Jeremiah 6 in the SUSU

Jeremiah 6 in the SUSU2

Jeremiah 6 in the SYNO

Jeremiah 6 in the TBIAOTANT

Jeremiah 6 in the TBT1E

Jeremiah 6 in the TBT1E2

Jeremiah 6 in the TFTIP

Jeremiah 6 in the TFTU

Jeremiah 6 in the TGNTATF3T

Jeremiah 6 in the THAI

Jeremiah 6 in the TNFD

Jeremiah 6 in the TNT

Jeremiah 6 in the TNTIK

Jeremiah 6 in the TNTIL

Jeremiah 6 in the TNTIN

Jeremiah 6 in the TNTIP

Jeremiah 6 in the TNTIZ

Jeremiah 6 in the TOMA

Jeremiah 6 in the TTENT

Jeremiah 6 in the UBG

Jeremiah 6 in the UGV

Jeremiah 6 in the UGV2

Jeremiah 6 in the UGV3

Jeremiah 6 in the VBL

Jeremiah 6 in the VDCC

Jeremiah 6 in the YALU

Jeremiah 6 in the YAPE

Jeremiah 6 in the YBVTP

Jeremiah 6 in the ZBP