Job 34 (BOSCB)

1 Ipapo Erihu akati: 2 “Inzwai mashoko angu, imi vanhu vakachenjera;nditeererei, imi vanhu vedzidzo. 3 Nokuti nzeve inoedza mazwisokuravira kunoita rurimi chokudya. 4 Ngatinzverei pachedu kuti chakarurama ndechipi;ngatidzidzei pamwe chete kuti chakanaka ndechipi. 5 “Jobho anoti, ‘Handina mhosva,asi Mwari anoramba kundiruramisira. 6 Kunyange ndakarurama,ndinonzi ndiri murevi wenhema;kunyange ndisina mhaka,museve wake unobaya ronda risingarapiki.’ 7 Ndianiko munhu akaita saJobho,anonwa kushorwa semvura? 8 Anofambidzana navanoita zvakaipa;anowirirana navanhu vakaipa. 9 Nokuti anoti, ‘Munhu haana chaanobatsirwa nacho,paanoedza kufadza Mwari.’ 10 “Saka nditeererei, imi vanhu vokunzwisisa.Mwari haangatongoiti zvakaipa, Wamasimba Ose haangatongokanganisi. 11 Anoripira munhu pane zvaanenge aita;anoisa pamusoro pake zvakakodzera mafambiro ake. 12 Hazvingatongogoni kuti Mwari angaita zvakaipa,kuti Wamasimba Ose angaminamisa kururamisira. 13 Ndianiko akamugadza pamusoro penyika?Ndianiko akamuita mutariri wepasi pose? 14 Kana kwaiva kufunga kwake,uye akatora mweya wake nokufema kwake, 15 marudzi ose avanhu aiparara pamwe chete,uye munhu aizodzokerazve kuguruva. 16 “Kana uchinzwisisa teerera izvi;chinzwa zvandinoreva. 17 Ko, munhu anovenga kururamisira angatonga here?Ko, muchapomera akarurama uye ane simba here? 18 Ko, haazi iye anoti kumadzimambo, ‘Hamubatsiri imi,’uye kumakurukota, ‘Makaipa imi,’ 19 asingaitiri machinda zvakanaka nokuti machinda,uye asingaitiri zvakanaka vapfumi kupfuura varombo,nokuti vose ibasa ramaoko ake? 20 Vanofa kamwe kamwe, pakati pousiku;vanhu vanovhundutswa vagoparara;vane simba vanobviswa zvisingaitwi noruoko rwomunhu. 21 “Meso ake ari panzira dzavanhu;anoona nhambwe imwe neimwe yavo. 22 Hakuna nzvimbo ine rima,hakuna mumvuri wakadzama,pangavanda vaiti vezvakaipa. 23 Mwari haanei nezvokuedzazve vanhu,kuti vauye vamire pamberi pake vagotongwa. 24 Anoparadza vane simba asina kumbobvunza,agogadza vamwe panzvimbo yavo. 25 Nokuti anocherechedza mabasa avo,anovabvisa usiku uye vanopwanyiwa. 26 Anovaranga nokuda kwokuipa kwavo,pavanoonekwa nomunhu wose, 27 nokuti vakatsauka pakumuteverauye havana kuva nehanya kana neimwe yenzira dzake. 28 Vakakonzera kuchema kwavarombo kuti kusvike pamberi pake,zvokuti akanzwa kuchema kwavanoshayiwa. 29 Asi kana akaramba anyerere ndiani angamupa mhosva?Kana akavanza chiso chake, ndianiko angamuona?Zvakadaro iye ari pamusoro pazvose, munhu nendudzi, 30 kuti abvise munhu asina umwari pakutonga,kuti asaisira vanhu misungo. 31 “Ngatiti munhu oti kuna Mwari,‘Ndine mhaka asi handichatadzazve. 32 Ndidzidzisei zvandisingagoni kuona;kana ndakaita zvakaipa, handichazviitizve.’ 33 Ko, Mwari angafanira kukupa mubayiro sezvaunoda iwe here,zvaunoramba kutendeuka?Unofanira kusarudza iwe, kwete ini;saka nditaurire zvaunoziva. 34 “Imi vanhu vokunzwisisa taurai,vanhu vakachenjera munondinzwa muti kwandiri, 35 ‘Jobho anotaura asina zivo; mashoko ake haana uchenjeri.’ 36 Haiwa, dai Jobho aedzwa kusvikira pakupedzisira,nokuti anopindura somunhu akaipa! 37 Pachivi chake anowedzera kumukira;anouchira maoko ake pakati pedu sezvisina basa,uye anowedzera mashoko ake okurwa naMwari.”

In Other Versions

Job 34 in the ANGEFD

Job 34 in the ANTPNG2D

Job 34 in the AS21

Job 34 in the BAGH

Job 34 in the BBPNG

Job 34 in the BBT1E

Job 34 in the BDS

Job 34 in the BEV

Job 34 in the BHAD

Job 34 in the BIB

Job 34 in the BLPT

Job 34 in the BNT

Job 34 in the BNTABOOT

Job 34 in the BNTLV

Job 34 in the BOATCB

Job 34 in the BOATCB2

Job 34 in the BOBCV

Job 34 in the BOCNT

Job 34 in the BOECS

Job 34 in the BOGWICC

Job 34 in the BOHCB

Job 34 in the BOHCV

Job 34 in the BOHLNT

Job 34 in the BOHNTLTAL

Job 34 in the BOICB

Job 34 in the BOILNTAP

Job 34 in the BOITCV

Job 34 in the BOKCV

Job 34 in the BOKCV2

Job 34 in the BOKHWOG

Job 34 in the BOKSSV

Job 34 in the BOLCB

Job 34 in the BOLCB2

Job 34 in the BOMCV

Job 34 in the BONAV

Job 34 in the BONCB

Job 34 in the BONLT

Job 34 in the BONUT2

Job 34 in the BOPLNT

Job 34 in the BOSNC

Job 34 in the BOTLNT

Job 34 in the BOVCB

Job 34 in the BOYCB

Job 34 in the BPBB

Job 34 in the BPH

Job 34 in the BSB

Job 34 in the CCB

Job 34 in the CUV

Job 34 in the CUVS

Job 34 in the DBT

Job 34 in the DGDNT

Job 34 in the DHNT

Job 34 in the DNT

Job 34 in the ELBE

Job 34 in the EMTV

Job 34 in the ESV

Job 34 in the FBV

Job 34 in the FEB

Job 34 in the GGMNT

Job 34 in the GNT

Job 34 in the HARY

Job 34 in the HNT

Job 34 in the IRVA

Job 34 in the IRVB

Job 34 in the IRVG

Job 34 in the IRVH

Job 34 in the IRVK

Job 34 in the IRVM

Job 34 in the IRVM2

Job 34 in the IRVO

Job 34 in the IRVP

Job 34 in the IRVT

Job 34 in the IRVT2

Job 34 in the IRVU

Job 34 in the ISVN

Job 34 in the JSNT

Job 34 in the KAPI

Job 34 in the KBT1ETNIK

Job 34 in the KBV

Job 34 in the KJV

Job 34 in the KNFD

Job 34 in the LBA

Job 34 in the LBLA

Job 34 in the LNT

Job 34 in the LSV

Job 34 in the MAAL

Job 34 in the MBV

Job 34 in the MBV2

Job 34 in the MHNT

Job 34 in the MKNFD

Job 34 in the MNG

Job 34 in the MNT

Job 34 in the MNT2

Job 34 in the MRS1T

Job 34 in the NAA

Job 34 in the NASB

Job 34 in the NBLA

Job 34 in the NBS

Job 34 in the NBVTP

Job 34 in the NET2

Job 34 in the NIV11

Job 34 in the NNT

Job 34 in the NNT2

Job 34 in the NNT3

Job 34 in the PDDPT

Job 34 in the PFNT

Job 34 in the RMNT

Job 34 in the SBIAS

Job 34 in the SBIBS

Job 34 in the SBIBS2

Job 34 in the SBICS

Job 34 in the SBIDS

Job 34 in the SBIGS

Job 34 in the SBIHS

Job 34 in the SBIIS

Job 34 in the SBIIS2

Job 34 in the SBIIS3

Job 34 in the SBIKS

Job 34 in the SBIKS2

Job 34 in the SBIMS

Job 34 in the SBIOS

Job 34 in the SBIPS

Job 34 in the SBISS

Job 34 in the SBITS

Job 34 in the SBITS2

Job 34 in the SBITS3

Job 34 in the SBITS4

Job 34 in the SBIUS

Job 34 in the SBIVS

Job 34 in the SBT

Job 34 in the SBT1E

Job 34 in the SCHL

Job 34 in the SNT

Job 34 in the SUSU

Job 34 in the SUSU2

Job 34 in the SYNO

Job 34 in the TBIAOTANT

Job 34 in the TBT1E

Job 34 in the TBT1E2

Job 34 in the TFTIP

Job 34 in the TFTU

Job 34 in the TGNTATF3T

Job 34 in the THAI

Job 34 in the TNFD

Job 34 in the TNT

Job 34 in the TNTIK

Job 34 in the TNTIL

Job 34 in the TNTIN

Job 34 in the TNTIP

Job 34 in the TNTIZ

Job 34 in the TOMA

Job 34 in the TTENT

Job 34 in the UBG

Job 34 in the UGV

Job 34 in the UGV2

Job 34 in the UGV3

Job 34 in the VBL

Job 34 in the VDCC

Job 34 in the YALU

Job 34 in the YAPE

Job 34 in the YBVTP

Job 34 in the ZBP