Leviticus 10 (BOSCB)
1 Zvino Nadhabhi naAbhihu, vanakomana vaAroni vakatora, mumwe nomumwe, hadyana yake yezvinonhuhwira, vakaisamo moto, vakaisawo zvinonhuhwira, vakaisa moto usingabvumirwi pamberi paJehovha zvaakanga asina kuvarayira. 2 Saka naizvozvo moto wakabuda kubva pamberi paJehovha ukavapisa vose ndokubva vafa pamberi paJehovha. 3 Ipapo Mozisi akati kuna Aroni, “Izvi ndizvo zvakataurwa naJehovha paakati:“ ‘Pakati peavo vachaswederakwandiri ndicharatidza utsvene hwangu,pamberi pavanhu vosendichakudzwa.’ ”Aroni akaramba anyerere. 4 Mozisi akadana Mishaeri naErizafani, vanakomana vaUzieri, babamunini vaAroni, akati kwavari, “Uyai pano mutakure madzikoma enyu muende navo kunze kwomusasa vabve pamberi penzvimbo tsvene.” 5 Saka vakauya vakavatakura vachakapfeka hanzu dzavo vakaenda navo kunze kwomusasa sezvazvakanga zvarayirwa naMozisi. 6 Ipapo Mozisi akati kuna Aroni navanakomana vake, Ereazari naItamari, “Musarega bvudzi renyu risina kukamwa uye musabvarura nguo dzenyu nokuti mungafa, Mwari akatsamwira ungano yose. Asi hama dzenyu, imba yose yaIsraeri, vanogona kuchema avo vakaparadzwa nomoto naJehovha. 7 Musabva pamusuo weTende Rokusangana nokuti mungafa nokuti mafuta aJehovha okuzodza ari pamuri.” Saka vakaita sezvakataurwa naMozisi. 8 Ipapo Jehovha akati kuna Aroni, 9 “Iwe navanakomana vako hamufaniri kunwa waini kana zvimwe zvinwiwa zvakaviriswa pose pose pamunopinda muTende Rokusangana nokuti mungafa. Uyu mutemo usingaperi kusvikira kuzvizvarwa zvinotevera. 10 Munofanira kuisa mutsauko pakati pezvitsvene nezvisingakoshi, pakati pezvakachena nezvisina kuchena. 11 Uye munofanira kudzidzisa vaIsraeri mirayiro yose yavakapiwa naJehovha kubudikidza naMozisi.” 12 Mozisi akati kuna Aroni navanakomana vake vakanga vasara, Ereazari naItamari, “Torai chipiriso chezviyo kubva pazvipiriso zvakaitirwa Jehovha nomoto, zvakagadzirwa pasina mbiriso mugochiisa parutivi pearitari nokuti chitsvene-tsvene. 13 Zvidyei munzvimbo tsvene, nokuti mugove wenyu nomugove wavanakomana venyu, wezvipiriso zvinoitirwa Jehovha nomoto, nokuti ndakarayirwa saizvozvo. 14 Asi iwe navanakomana vako navanasikana vako, munogona kudya chityu chakaninirwa nebandauko rakakumikidzwa. Zvidyei munzvimbo yakacheneswa; izvi zvakapiwa kwauri navana vako somugove wenyu wezvipiriso zvokuwadzana zvavana vaIsraeri. 15 Bandauko rakakumikidzwa nechityu chakaninirwa zvinofanirwa kuuyiswa namafuta nezvipiriso zvinoitwa nomoto, kuti zvininirwe pamberi paJehovha sechipiriso chokuninira. Uyu uchava mugove wamuchagara muchiwana navana venyu sezvakarayirwa naJehovha.” 16 Mozisi akati abvunza nezvembudzi yechipiriso chechivi akawana yatopiswa, akatsamwira Ereazari naItamari vanakomana vaAroni vakanga vasara akabvunza akati, 17 “Sei musina kudyira chipiriso chechivi munzvimbo tsvene? Chitsvene-tsvene, chakapiwa kwamuri kuti chibvise mhosva yeungano nokuvayananisira pamberi paJehovha. 18 Sezvo ropa racho risina kuuyiswa kuNzvimbo Tsvene, maifanira kudyira mbudzi munharaunda yenzvimbo tsvene, sezvandakarayira.” 19 Aroni akapindura Mozisi achiti, “Nhasi vabayira chipiriso chavo chechivi nechipiriso chavo chinopiswa pamberi paJehovha asi zvinhu zvakaita seizvi zvaitika kwandiri. Jehovha aidai afara here dai ndadya chipiriso chechivi nhasi?” 20 Mozisi paakanzwa izvi akagutsikana.
In Other Versions
Leviticus 10 in the ANGEFD
Leviticus 10 in the ANTPNG2D
Leviticus 10 in the AS21
Leviticus 10 in the BAGH
Leviticus 10 in the BBPNG
Leviticus 10 in the BBT1E
Leviticus 10 in the BDS
Leviticus 10 in the BEV
Leviticus 10 in the BHAD
Leviticus 10 in the BIB
Leviticus 10 in the BLPT
Leviticus 10 in the BNT
Leviticus 10 in the BNTABOOT
Leviticus 10 in the BNTLV
Leviticus 10 in the BOATCB
Leviticus 10 in the BOATCB2
Leviticus 10 in the BOBCV
Leviticus 10 in the BOCNT
Leviticus 10 in the BOECS
Leviticus 10 in the BOGWICC
Leviticus 10 in the BOHCB
Leviticus 10 in the BOHCV
Leviticus 10 in the BOHLNT
Leviticus 10 in the BOHNTLTAL
Leviticus 10 in the BOICB
Leviticus 10 in the BOILNTAP
Leviticus 10 in the BOITCV
Leviticus 10 in the BOKCV
Leviticus 10 in the BOKCV2
Leviticus 10 in the BOKHWOG
Leviticus 10 in the BOKSSV
Leviticus 10 in the BOLCB
Leviticus 10 in the BOLCB2
Leviticus 10 in the BOMCV
Leviticus 10 in the BONAV
Leviticus 10 in the BONCB
Leviticus 10 in the BONLT
Leviticus 10 in the BONUT2
Leviticus 10 in the BOPLNT
Leviticus 10 in the BOSNC
Leviticus 10 in the BOTLNT
Leviticus 10 in the BOVCB
Leviticus 10 in the BOYCB
Leviticus 10 in the BPBB
Leviticus 10 in the BPH
Leviticus 10 in the BSB
Leviticus 10 in the CCB
Leviticus 10 in the CUV
Leviticus 10 in the CUVS
Leviticus 10 in the DBT
Leviticus 10 in the DGDNT
Leviticus 10 in the DHNT
Leviticus 10 in the DNT
Leviticus 10 in the ELBE
Leviticus 10 in the EMTV
Leviticus 10 in the ESV
Leviticus 10 in the FBV
Leviticus 10 in the FEB
Leviticus 10 in the GGMNT
Leviticus 10 in the GNT
Leviticus 10 in the HARY
Leviticus 10 in the HNT
Leviticus 10 in the IRVA
Leviticus 10 in the IRVB
Leviticus 10 in the IRVG
Leviticus 10 in the IRVH
Leviticus 10 in the IRVK
Leviticus 10 in the IRVM
Leviticus 10 in the IRVM2
Leviticus 10 in the IRVO
Leviticus 10 in the IRVP
Leviticus 10 in the IRVT
Leviticus 10 in the IRVT2
Leviticus 10 in the IRVU
Leviticus 10 in the ISVN
Leviticus 10 in the JSNT
Leviticus 10 in the KAPI
Leviticus 10 in the KBT1ETNIK
Leviticus 10 in the KBV
Leviticus 10 in the KJV
Leviticus 10 in the KNFD
Leviticus 10 in the LBA
Leviticus 10 in the LBLA
Leviticus 10 in the LNT
Leviticus 10 in the LSV
Leviticus 10 in the MAAL
Leviticus 10 in the MBV
Leviticus 10 in the MBV2
Leviticus 10 in the MHNT
Leviticus 10 in the MKNFD
Leviticus 10 in the MNG
Leviticus 10 in the MNT
Leviticus 10 in the MNT2
Leviticus 10 in the MRS1T
Leviticus 10 in the NAA
Leviticus 10 in the NASB
Leviticus 10 in the NBLA
Leviticus 10 in the NBS
Leviticus 10 in the NBVTP
Leviticus 10 in the NET2
Leviticus 10 in the NIV11
Leviticus 10 in the NNT
Leviticus 10 in the NNT2
Leviticus 10 in the NNT3
Leviticus 10 in the PDDPT
Leviticus 10 in the PFNT
Leviticus 10 in the RMNT
Leviticus 10 in the SBIAS
Leviticus 10 in the SBIBS
Leviticus 10 in the SBIBS2
Leviticus 10 in the SBICS
Leviticus 10 in the SBIDS
Leviticus 10 in the SBIGS
Leviticus 10 in the SBIHS
Leviticus 10 in the SBIIS
Leviticus 10 in the SBIIS2
Leviticus 10 in the SBIIS3
Leviticus 10 in the SBIKS
Leviticus 10 in the SBIKS2
Leviticus 10 in the SBIMS
Leviticus 10 in the SBIOS
Leviticus 10 in the SBIPS
Leviticus 10 in the SBISS
Leviticus 10 in the SBITS
Leviticus 10 in the SBITS2
Leviticus 10 in the SBITS3
Leviticus 10 in the SBITS4
Leviticus 10 in the SBIUS
Leviticus 10 in the SBIVS
Leviticus 10 in the SBT
Leviticus 10 in the SBT1E
Leviticus 10 in the SCHL
Leviticus 10 in the SNT
Leviticus 10 in the SUSU
Leviticus 10 in the SUSU2
Leviticus 10 in the SYNO
Leviticus 10 in the TBIAOTANT
Leviticus 10 in the TBT1E
Leviticus 10 in the TBT1E2
Leviticus 10 in the TFTIP
Leviticus 10 in the TFTU
Leviticus 10 in the TGNTATF3T
Leviticus 10 in the THAI
Leviticus 10 in the TNFD
Leviticus 10 in the TNT
Leviticus 10 in the TNTIK
Leviticus 10 in the TNTIL
Leviticus 10 in the TNTIN
Leviticus 10 in the TNTIP
Leviticus 10 in the TNTIZ
Leviticus 10 in the TOMA
Leviticus 10 in the TTENT
Leviticus 10 in the UBG
Leviticus 10 in the UGV
Leviticus 10 in the UGV2
Leviticus 10 in the UGV3
Leviticus 10 in the VBL
Leviticus 10 in the VDCC
Leviticus 10 in the YALU
Leviticus 10 in the YAPE
Leviticus 10 in the YBVTP
Leviticus 10 in the ZBP