Leviticus 15 (BOSCB)

1 Jehovha akati kuna Mozisi naAroni, 2 “Taurai navaIsraeri muti kwavari, ‘Kana murume upi zvake ane zvimwe zvinoerera, zvinobuda pamuviri wake, uye achava asina kunaka nokuda kwokuerera uku. 3 Kunyange zvikaramba zvichibuda mumuviri wake kana kuti zvikamira zvichamuita kuti ave asina kuchena. Izvi ndizvo zvinoita kuti kuerera uku kumuite kuti ave asina kuchena. 4 “ ‘Mubhedha upi zvawo unorarwa nomurume anobuda zvinoerera mumuviri wake uchava usina kuchena, uye chose chaachagara pachiri chichava chisina kuchena. 5 Ani naani anobata mubhedha wake anofanira kusuka nguo dzake agoshamba nemvura uye achava asina kuchena kusvikira manheru. 6 Ani naani achagara pachigaro chagarwa nomurume anobuda zvinoerera anofanira kusuka nguo dzake uye agoshamba nemvura, uye achava asina kuchena kusvikira manheru. 7 “ ‘Ani naani achabata murume iyeye anofanira kusuka nguo dzake agoshamba nemvura, uye achava asina kuchena kusvikira manheru. 8 “ ‘Kana murume ane zvinoerera akasvipira mumwe munhu akachena, munhu iyeye anofanira kushambidza nguo dzake agoshamba nemvura, uye achava asina kuchena kusvikira manheru. 9 “ ‘Chinhu chose chichatasvwa nomurume iyeye chichava chisina kuchena, 10 uye ani naani achabata zvinhu zvanga zviri pasi pake achava asina kuchena kusvikira manheru; ani naani anonhonga zvinhu izvozvo anofanira kusuka nguo dzake agoshamba nemvura, uye achava asina kuchena kusvikira manheru. 11 “ ‘Ani naani achabatwa nomurume iyeye asina kushamba maoko ake anofanira kusuka nguo dzake agoshamba nemvura, uye achava asina kuchena kusvikira manheru. 12 “ ‘Hari yevhu ichabatwa nomurume iyeye inofanira kuputswa uye mudziyo upi zvawo wakagadzirwa nomuti unofanira kusukwa nemvura. 13 “ ‘Kana murume acheneswa kubva pakuerera kwake, anofanira kuverenga mazuva manomwe okucheneswa kwake; anofanira kusuka nguo dzake agoshamba nemvura yakachena, uye achava akachena. 14 Pazuva rorusere anofanira kutora njiva mbiri kana hangaiwa diki mbiri agouya nadzo pamberi paJehovha pamusuo weTende Rokusangana agodzipa kumuprista. 15 Muprista anofanira kudzibayira, imwe sechipiriso chechivi uye imwe sechipiriso chinopiswa. Nenzira iyi achamuyananisira pamberi paJehovha nokuda kwokuerera kwake. 16 “ ‘Kana mbeu yomurume upi noupi ikabuda kwaari, anofanira kushamba muviri wake wose nemvura, uye achava asina kuchena kusvikira manheru. 17 Chipfeko chipi zvacho chake kana dehwe rine mbeu pariri rinofanira kusukwa nemvura uye richava risina kuchena kusvikira manheru. 18 Kana murume akavata nomukadzi uye akabuda mbeu, vaviri ava vanofanira kushamba nemvura uye vachava vasina kuchena kusvikira manheru. 19 “ ‘Kana mukadzi ari kumwedzi, kusachena kwokuenda kumwedzi kwake kuchapera mushure mamazuva manomwe, uye ani naani achamubata achava asina kuchena kusvikira manheru. 20 “ ‘Chinhu chose chaachavata pachiri achiri kutevera chichava chisina kuchena uye chose chaachagara pachiri chichava chisina kuchena. 21 Ani naani achabata paanovata anofanira kusuka nguo dzake uye agoshamba nemvura, uye achava asina kuchena kusvikira manheru. 22 Ani naani achabata chinhu chaachagara anofanira kusuka nguo dzake uye agoshamba nemvura, uye achava asina kuchena kusvikira manheru. 23 Mubhedha kana chimwe chinhu chaanga akagara, kana munhu upi noupi akachibata achava asina kuchena kusvikira manheru. 24 “ ‘Kana murume akavata naye uye kuerera kwake kwomwedzi kukasangana naye, achava asina kuchena kwamazuva manomwe, kunyange mubhedha waanovata pauri uchava usina kuchena. 25 “ ‘Kana mukadzi ano kuerera kweropa kwamazuva akawanda panguva isiri yokuva kwake kumwedzi, kana kuti akava nokuerera kunoenderera kupfuura nguva yake yokuva kumwedzi kwake, achava asina kuchena kwenguva yaanobuda ropa sapamazuva ake okuva kumwedzi. 26 Mubhedha upi zvawo waachavata pauri panguva yaanenge achiri kubuda ropa, uchava usina kuchena somubhedha wapakuva kwake kumwedzi, chose chaachagara chichava chisina kuchena sapanguva yokuva kwake kumwedzi. 27 Ani naani achazvibata achava asina kuchena; anofanira kusuka nguo dzake agoshamba nemvura, uye achava asina kuchena kusvikira manheru. 28 “ ‘Kana achinge acheneswa kubva pakuerera kwake anofanira kuverenga mazuva manomwe, mushure maizvozvo achava akachena. 29 Pazuva rorusere anofanira kutora njiva mbiri kana hangaiwa mbiri diki agouya nadzo kumuprista pamusuo weTende Rokusangana. 30 Muprista anofanira kubayira imwe sechipiriso chechivi, uye imwe sechipiriso chinopiswa. Nenzira iyi achamuyananisira pamberi paJehovha pakusachena kwake kwokubuda ropa. 31 “ ‘Munofanira kutsaura vaIsraeri kubva pazvinhu zvose zvinoita kuti vave vasina kuchena, kuitira kuti vasafa mukusachena kwavo nokuda kwokuti vasvibisa nzvimbo yandinogara, iri pakati penyu.’ ” 32 Iyi ndiyo mirayiro yomurume anenge ane zvinoerera, youpi noupi anenge asvibiswa nokubuda kwezvinoerera, 33 yomukadzi anenge ari kumwedzi, yomurume kana mukadzi anenge ane zvinoerera, uye neyomurume anovata nomukadzi anenge asina kuchena.

In Other Versions

Leviticus 15 in the ANGEFD

Leviticus 15 in the ANTPNG2D

Leviticus 15 in the AS21

Leviticus 15 in the BAGH

Leviticus 15 in the BBPNG

Leviticus 15 in the BBT1E

Leviticus 15 in the BDS

Leviticus 15 in the BEV

Leviticus 15 in the BHAD

Leviticus 15 in the BIB

Leviticus 15 in the BLPT

Leviticus 15 in the BNT

Leviticus 15 in the BNTABOOT

Leviticus 15 in the BNTLV

Leviticus 15 in the BOATCB

Leviticus 15 in the BOATCB2

Leviticus 15 in the BOBCV

Leviticus 15 in the BOCNT

Leviticus 15 in the BOECS

Leviticus 15 in the BOGWICC

Leviticus 15 in the BOHCB

Leviticus 15 in the BOHCV

Leviticus 15 in the BOHLNT

Leviticus 15 in the BOHNTLTAL

Leviticus 15 in the BOICB

Leviticus 15 in the BOILNTAP

Leviticus 15 in the BOITCV

Leviticus 15 in the BOKCV

Leviticus 15 in the BOKCV2

Leviticus 15 in the BOKHWOG

Leviticus 15 in the BOKSSV

Leviticus 15 in the BOLCB

Leviticus 15 in the BOLCB2

Leviticus 15 in the BOMCV

Leviticus 15 in the BONAV

Leviticus 15 in the BONCB

Leviticus 15 in the BONLT

Leviticus 15 in the BONUT2

Leviticus 15 in the BOPLNT

Leviticus 15 in the BOSNC

Leviticus 15 in the BOTLNT

Leviticus 15 in the BOVCB

Leviticus 15 in the BOYCB

Leviticus 15 in the BPBB

Leviticus 15 in the BPH

Leviticus 15 in the BSB

Leviticus 15 in the CCB

Leviticus 15 in the CUV

Leviticus 15 in the CUVS

Leviticus 15 in the DBT

Leviticus 15 in the DGDNT

Leviticus 15 in the DHNT

Leviticus 15 in the DNT

Leviticus 15 in the ELBE

Leviticus 15 in the EMTV

Leviticus 15 in the ESV

Leviticus 15 in the FBV

Leviticus 15 in the FEB

Leviticus 15 in the GGMNT

Leviticus 15 in the GNT

Leviticus 15 in the HARY

Leviticus 15 in the HNT

Leviticus 15 in the IRVA

Leviticus 15 in the IRVB

Leviticus 15 in the IRVG

Leviticus 15 in the IRVH

Leviticus 15 in the IRVK

Leviticus 15 in the IRVM

Leviticus 15 in the IRVM2

Leviticus 15 in the IRVO

Leviticus 15 in the IRVP

Leviticus 15 in the IRVT

Leviticus 15 in the IRVT2

Leviticus 15 in the IRVU

Leviticus 15 in the ISVN

Leviticus 15 in the JSNT

Leviticus 15 in the KAPI

Leviticus 15 in the KBT1ETNIK

Leviticus 15 in the KBV

Leviticus 15 in the KJV

Leviticus 15 in the KNFD

Leviticus 15 in the LBA

Leviticus 15 in the LBLA

Leviticus 15 in the LNT

Leviticus 15 in the LSV

Leviticus 15 in the MAAL

Leviticus 15 in the MBV

Leviticus 15 in the MBV2

Leviticus 15 in the MHNT

Leviticus 15 in the MKNFD

Leviticus 15 in the MNG

Leviticus 15 in the MNT

Leviticus 15 in the MNT2

Leviticus 15 in the MRS1T

Leviticus 15 in the NAA

Leviticus 15 in the NASB

Leviticus 15 in the NBLA

Leviticus 15 in the NBS

Leviticus 15 in the NBVTP

Leviticus 15 in the NET2

Leviticus 15 in the NIV11

Leviticus 15 in the NNT

Leviticus 15 in the NNT2

Leviticus 15 in the NNT3

Leviticus 15 in the PDDPT

Leviticus 15 in the PFNT

Leviticus 15 in the RMNT

Leviticus 15 in the SBIAS

Leviticus 15 in the SBIBS

Leviticus 15 in the SBIBS2

Leviticus 15 in the SBICS

Leviticus 15 in the SBIDS

Leviticus 15 in the SBIGS

Leviticus 15 in the SBIHS

Leviticus 15 in the SBIIS

Leviticus 15 in the SBIIS2

Leviticus 15 in the SBIIS3

Leviticus 15 in the SBIKS

Leviticus 15 in the SBIKS2

Leviticus 15 in the SBIMS

Leviticus 15 in the SBIOS

Leviticus 15 in the SBIPS

Leviticus 15 in the SBISS

Leviticus 15 in the SBITS

Leviticus 15 in the SBITS2

Leviticus 15 in the SBITS3

Leviticus 15 in the SBITS4

Leviticus 15 in the SBIUS

Leviticus 15 in the SBIVS

Leviticus 15 in the SBT

Leviticus 15 in the SBT1E

Leviticus 15 in the SCHL

Leviticus 15 in the SNT

Leviticus 15 in the SUSU

Leviticus 15 in the SUSU2

Leviticus 15 in the SYNO

Leviticus 15 in the TBIAOTANT

Leviticus 15 in the TBT1E

Leviticus 15 in the TBT1E2

Leviticus 15 in the TFTIP

Leviticus 15 in the TFTU

Leviticus 15 in the TGNTATF3T

Leviticus 15 in the THAI

Leviticus 15 in the TNFD

Leviticus 15 in the TNT

Leviticus 15 in the TNTIK

Leviticus 15 in the TNTIL

Leviticus 15 in the TNTIN

Leviticus 15 in the TNTIP

Leviticus 15 in the TNTIZ

Leviticus 15 in the TOMA

Leviticus 15 in the TTENT

Leviticus 15 in the UBG

Leviticus 15 in the UGV

Leviticus 15 in the UGV2

Leviticus 15 in the UGV3

Leviticus 15 in the VBL

Leviticus 15 in the VDCC

Leviticus 15 in the YALU

Leviticus 15 in the YAPE

Leviticus 15 in the YBVTP

Leviticus 15 in the ZBP