Matthew 11 (BOSCB)
1 Jesu akati apedza kurayira vadzidzi vake gumi navaviri, akabvapo akandodzidzisa nokuparidza mumaguta omuGarirea. 2 Zvino Johani ari mutorongo, paakanzwa nezvamabasa aJesu, akabva atuma vadzidzi vake 3 kundobvunza vachiti, “Ko, ndimi iye akanzi achauya here, kana kuti totarisira mumwe?” 4 Jesu akavapindura achiti, “Dzokerai mundoudza Johani zvamuri kunzwa nezvamuri kuona: 5 Mapofu ava kuona, zvirema zvava kufamba, vana maperembudzi vanoporeswa, matsi dzonzwa, vakafa vari kumutswa, uye kuti nhau dzakanaka dziri kuparidzirwa varombo. 6 Akaropafadzwa munhu asingagumburwi nokuda kwangu.” 7 Vadzidzi vaJohani pavakanga voenda, Jesu akatanga kuudza vanhu vazhinji nezvaJohani achiti, “Makaenda kurenje kundoonei? Rutsanga rwaizungunuswa nemhepo here? 8 Kana zvisizvo, makabuda kundoonei? Maindoona murume akanga akapfeka nguo dzakanaka here? Kwete, avo vanopfeka nguo dzakanaka vari mumizinda yamadzimambo. 9 Zvino makabuda kundooneiko? Muprofita here? Hongu, ndinoti kwamuri anopfuura muprofita. 10 Iyeyu ndiye akanyorwa nezvake zvichinzi:“Ndinotuma nhume yangu mberi kwakouye achakugadzirira nzira yako mberi kwako.” 11 Ndinokuudzai chokwadi kuti: Pavanhu vose vakaberekwa navakadzi, hapana mukuru kuna Johani Mubhabhatidzi. Asi mudukusa muushe hwokudenga mukuru kwaari. 12 Kubva pamazuva aJohani Mubhabhatidzi kusvikira zvino, umambo hwokudenga hwanga huchipfuurira mberi nechisimba, uye varume vechisimba vanohutora. 13 Nokuti Vaprofita vose neMirayiro vakaprofita kusvikira pana Johani. 14 Kana muchida kuzvigamuchira, ndiye Eria akanga achizouya. 15 Uyo ane nzeve dzokunzwa ngaanzwe. 16 “Rudzi urwu ndingaruenzanisa nei? Vakafanana navana vari mumisika vari kudanidzira kuna vamwe vachiti: 17 “ ‘Takakuridzirai hwamanda,asi hamuna kutamba;takaimba rwiyo rworufu,uye hamuna kuchema.’ 18 Nokuti Johani akanga asingadyi kana kunwa asi vakati, ‘Ane dhimoni.’ 19 Mwanakomana woMunhu akanga achidya uye achinwa, zvino vanoti, ‘Houno wamakaro nomunwi, shamwari yavateresi na“vatadzi”.’ Asi uchenjeri hunozviratidza kuti hwakarurama namabasa ahwo.” 20 Ipapo Jesu akatanga kutuka maguta akanga aitwa zvishamiso zvake zvizhinji, nokuti akanga asina kutendeuka. 21 “Une nhamo iwe Korazini! Une nhamo iwe Bhetisaidha! Kudai zvishamiso zvakaitwa mauri zvainge zvakaitwa muTire neSidhoni vangadai vakatendeuka kare vakapfeka masaga uye vakazvizora dota. 22 Asi ndinokuudzai kuti Tire neSidhoni zvicharerukirwa pazuva rokutongwa kupfuura imi. 23 Uye iwe Kapenaume, uchasimudzirwa kudenga here? Kwete, asi uchaiswa pakadzikadzika. Dai zvishamiso zvakaitwa mauri zvainge zvakaitwa muSodhomu, ringadai richiripo nanhasi. 24 Asi ndinokuudza kuti guta reSodhomu richarerukirwa pazuva rokutongwa kupfuura iwe.” 25 Panguva iyoyo Jesu akati, “Ndinokurumbidzai Baba, Ishe wedenga nenyika, nokuti makavanza zvinhu izvi kuna vakachenjera navakadzidza, uye mukazvizarurira kuvana vaduku. 26 Hongu, Baba nokuti izvi ndizvo zvakakufadzai. 27 “Zvinhu zvose zvakapiwa kwandiri naBaba vangu. Hakuna anoziva Mwanakomana kunze kwaBaba, uye hakuna anoziva Baba kunze kwoMwanakomana naavo chete Mwanakomana vaanenge asarudza kuti avazarurire. 28 “Uyai kwandiri, imi mose makaneta makaremerwa, uye ndichakupai zororo. 29 Takurai joko rangu, mudzidze kwandiri, nokuti ndiri munyoro uye ndine mwoyo unozvininipisa, uye muchawana zororo remweya yenyu. 30 Nokuti joko rangu hariremi uye mutoro wangu wakareruka.”
In Other Versions
Matthew 11 in the ANGEFD
Matthew 11 in the ANTPNG2D
Matthew 11 in the AS21
Matthew 11 in the BAGH
Matthew 11 in the BBPNG
Matthew 11 in the BBT1E
Matthew 11 in the BDS
Matthew 11 in the BEV
Matthew 11 in the BHAD
Matthew 11 in the BIB
Matthew 11 in the BLPT
Matthew 11 in the BNT
Matthew 11 in the BNTABOOT
Matthew 11 in the BNTLV
Matthew 11 in the BOATCB
Matthew 11 in the BOATCB2
Matthew 11 in the BOBCV
Matthew 11 in the BOCNT
Matthew 11 in the BOECS
Matthew 11 in the BOGWICC
Matthew 11 in the BOHCB
Matthew 11 in the BOHCV
Matthew 11 in the BOHLNT
Matthew 11 in the BOHNTLTAL
Matthew 11 in the BOICB
Matthew 11 in the BOILNTAP
Matthew 11 in the BOITCV
Matthew 11 in the BOKCV
Matthew 11 in the BOKCV2
Matthew 11 in the BOKHWOG
Matthew 11 in the BOKSSV
Matthew 11 in the BOLCB
Matthew 11 in the BOLCB2
Matthew 11 in the BOMCV
Matthew 11 in the BONAV
Matthew 11 in the BONCB
Matthew 11 in the BONLT
Matthew 11 in the BONUT2
Matthew 11 in the BOPLNT
Matthew 11 in the BOSNC
Matthew 11 in the BOTLNT
Matthew 11 in the BOVCB
Matthew 11 in the BOYCB
Matthew 11 in the BPBB
Matthew 11 in the BPH
Matthew 11 in the BSB
Matthew 11 in the CCB
Matthew 11 in the CUV
Matthew 11 in the CUVS
Matthew 11 in the DBT
Matthew 11 in the DGDNT
Matthew 11 in the DHNT
Matthew 11 in the DNT
Matthew 11 in the ELBE
Matthew 11 in the EMTV
Matthew 11 in the ESV
Matthew 11 in the FBV
Matthew 11 in the FEB
Matthew 11 in the GGMNT
Matthew 11 in the GNT
Matthew 11 in the HARY
Matthew 11 in the HNT
Matthew 11 in the IRVA
Matthew 11 in the IRVB
Matthew 11 in the IRVG
Matthew 11 in the IRVH
Matthew 11 in the IRVK
Matthew 11 in the IRVM
Matthew 11 in the IRVM2
Matthew 11 in the IRVO
Matthew 11 in the IRVP
Matthew 11 in the IRVT
Matthew 11 in the IRVT2
Matthew 11 in the IRVU
Matthew 11 in the ISVN
Matthew 11 in the JSNT
Matthew 11 in the KAPI
Matthew 11 in the KBT1ETNIK
Matthew 11 in the KBV
Matthew 11 in the KJV
Matthew 11 in the KNFD
Matthew 11 in the LBA
Matthew 11 in the LBLA
Matthew 11 in the LNT
Matthew 11 in the LSV
Matthew 11 in the MAAL
Matthew 11 in the MBV
Matthew 11 in the MBV2
Matthew 11 in the MHNT
Matthew 11 in the MKNFD
Matthew 11 in the MNG
Matthew 11 in the MNT
Matthew 11 in the MNT2
Matthew 11 in the MRS1T
Matthew 11 in the NAA
Matthew 11 in the NASB
Matthew 11 in the NBLA
Matthew 11 in the NBS
Matthew 11 in the NBVTP
Matthew 11 in the NET2
Matthew 11 in the NIV11
Matthew 11 in the NNT
Matthew 11 in the NNT2
Matthew 11 in the NNT3
Matthew 11 in the PDDPT
Matthew 11 in the PFNT
Matthew 11 in the RMNT
Matthew 11 in the SBIAS
Matthew 11 in the SBIBS
Matthew 11 in the SBIBS2
Matthew 11 in the SBICS
Matthew 11 in the SBIDS
Matthew 11 in the SBIGS
Matthew 11 in the SBIHS
Matthew 11 in the SBIIS
Matthew 11 in the SBIIS2
Matthew 11 in the SBIIS3
Matthew 11 in the SBIKS
Matthew 11 in the SBIKS2
Matthew 11 in the SBIMS
Matthew 11 in the SBIOS
Matthew 11 in the SBIPS
Matthew 11 in the SBISS
Matthew 11 in the SBITS
Matthew 11 in the SBITS2
Matthew 11 in the SBITS3
Matthew 11 in the SBITS4
Matthew 11 in the SBIUS
Matthew 11 in the SBIVS
Matthew 11 in the SBT
Matthew 11 in the SBT1E
Matthew 11 in the SCHL
Matthew 11 in the SNT
Matthew 11 in the SUSU
Matthew 11 in the SUSU2
Matthew 11 in the SYNO
Matthew 11 in the TBIAOTANT
Matthew 11 in the TBT1E
Matthew 11 in the TBT1E2
Matthew 11 in the TFTIP
Matthew 11 in the TFTU
Matthew 11 in the TGNTATF3T
Matthew 11 in the THAI
Matthew 11 in the TNFD
Matthew 11 in the TNT
Matthew 11 in the TNTIK
Matthew 11 in the TNTIL
Matthew 11 in the TNTIN
Matthew 11 in the TNTIP
Matthew 11 in the TNTIZ
Matthew 11 in the TOMA
Matthew 11 in the TTENT
Matthew 11 in the UBG
Matthew 11 in the UGV
Matthew 11 in the UGV2
Matthew 11 in the UGV3
Matthew 11 in the VBL
Matthew 11 in the VDCC
Matthew 11 in the YALU
Matthew 11 in the YAPE
Matthew 11 in the YBVTP
Matthew 11 in the ZBP