Matthew 6 (BOSCB)

1 “Chenjerai kuti murege kuita ‘mabasa enyu okururama’ pamberi pavanhu kuti muonekwe navo. Kana mukaita saizvozvo, hamuzovi nomubayiro kuna Baba venyu vari kudenga. 2 “Saka kana mopa kuna vanoshaya, musaridza hwamanda sezvinoitwa navanyengeri mumasinagoge nomumigwagwa kuti vakudzwe navanhu. Ndinokuudzai chokwadi kuti vatowana mubayiro wavo wakazara. 3 Asi kana wopa kuna vanoshaya ruoko rwako rworuboshwe ngarurege kuziva zviri kuitwa noruoko rwako rworudyi, 4 kuitira kuti kupa kwako kuve pakavanda. Ipapo Baba vako, vanoona zvinoitwa pakavanda, vachakupa mubayiro. 5 “Uye pamunonyengetera, musava savanyengeri nokuti vanofarira kunyengetera vamire mumasinagoge napamharadzano dzenzira kuti vaonekwe navanhu. Ndinokuudzai chokwadi kuti vatowana mubayiro wavo wakazara. 6 Asi paunonyengetera, pinda mumba mako, ugopfiga musiwo uye ugonyengetera kuna Baba vako avo vasingaonekwi. Ipapo Baba vako avo vanoona zvinoitwa pakavanda, vachakupa mubayiro. 7 Uye pamunonyengetera, musangoramba muchidzokorora zvimwe chetezvo sezvinoitwa navasingatendi nokuti vanofunga kuti vachanzwikwa nokuda kwamashoko avo mazhinji. 8 Musafanana navo nokuti Baba venyu vanoziva zvamunoshayiwa musati mavakumbira. 9 “Zvino aya ndiwo manyengeterero amunofanira kuita:“ ‘Baba vedu vari kudenga,zita renyu ngarikudzwe, 10 umambo hwenyu ngahuuye,kuda kwenyu ngakuitwepanyika sezvinoitwa kudenga. 11 Tipei nhasi chingwa chedu chamazuva namazuva. 12 Tiregererei zvatinokutadzirai,sezvatinoregererawo vanotitadzira isu. 13 Musatitungamirira mukuedzwa,uye mutinunure kubva kuno wakaipa.’ 14 Nokuti kana mukaregerera vanokutadzirai, Baba venyu vari kudenga vachakuregereraiwo. 15 Asi kana musingaregereri vamwe zvitadzo zvavo, Baba venyu havazokuregererai zvitadzo zvenyu. 16 “Pamunotsanya, musaunyanisa zviso sezvinoita vanyengeri nokuti vanounyanisa zviso zvavo kuti vaonekwe navanhu kuti vari kutsanya. Ndinokuudzai chokwadi kuti vatowana mubayiro wavo wakazara. 17 Asi pamunotsanya, zorai mafuta mumisoro yenyu uye mugogeza kumeso kwenyu, 18 kuitira kuti zvirege kuonekwa navanhu kuti muri kutsanya, asi zvizivikanwe chete naBaba venyu avo vasingaonekwi. Uye Baba venyu vanoona pakavandika, vachakupai mubayiro. 19 “Musazviunganidzira pfuma panyika, pane zvipfukuto nengura zvinoparadza, uye pane mbavha dzinopaza dzichiba. 20 Asi zviunganidzirei pfuma kudenga uko kusina zvipfukuto nengura zvinoparadza, uye kusina mbavha dzinopaza dzichiba. 21 Nokuti apo pane pfuma yako ndipo pane mwoyo wakowo. 22 “Ziso ndiwo mwenje womuviri. Kana maziso ako akanaka, muviri wako wose uchava nechiedza. 23 Asi kana maziso ako akaipa muviri wako wose uchange uzere nerima. Zvino kana chiedza chiri mauri riri rima, richange riri rima rakakura zvakadii! 24 “Hapana angakwanise kushandira vatenzi vaviri. Achavenga mumwe uye agoda mumwe, kana kuti achazvipira kushandira mumwe uye agozvidza mumwe. Haungashandire zvose Mwari neMari. 25 “Naizvozvo ndinokutaurirai kuti, musafunganya nezvoupenyu hwenyu, kuti muchadyei kana kuti muchanwei, kana nezvemiviri kuti muchapfekei. Ko, upenyu hahusi hwakakosha here kudarika zvokudya, nomuviri kudarika nguo? 26 Tarirai shiri dzinobhururuka, hadzidyari kana kukohwa kana kuisa zvokudya mumatura, asi Baba venyu vari kudenga vanodzipa zvokudya. Imi hamuna kukosha kudzipfuura nokure kwazvo here? 27 Ndiani pakati penyu angawedzera awa imwe chete paupenyu hwake nokuda kwokufunganya? 28 “Ko, munofunganyirei pamusoro pezvokupfeka? Tarirai kuti maruva esango anokura sei? Haashandi kana kuruka. 29 Asi ndinokuudzai kuti kunyange naSoromoni mukubwinya kwake kwose, haana kumboshonga serimwe ramaruva aya. 30 Zvino kana Mwari achishongedza saizvozvo uswa hwesango huripo nhasi uye mangwana huchizokandwa mumoto, haangakushongedzei kupfuura izvi here, imi vokutenda kuduku? 31 Naizvozvo musafunganya muchiti, ‘Tichadyei?’ kana kuti, ‘Tichanwei?’ kana ‘Tichapfekei?’ 32 Izvi ndizvo zvinoitwa nevedzimwe ndudzi, nokuti Baba venyu vari kudenga vanoziva kuti munoda zvinhu izvi. 33 Asi tangai kutsvaka umambo hwake nokururama kwake, uye zvinhu zvose izvi zvichapiwawo kwamuri. 34 Naizvozvo musafunganya nezvamangwana nokuti mangwana achazvifunganyira zvawo. Zuva rimwe nerimwe rine nhamo dzaro dzakarikwanira.

In Other Versions

Matthew 6 in the ANGEFD

Matthew 6 in the ANTPNG2D

Matthew 6 in the AS21

Matthew 6 in the BAGH

Matthew 6 in the BBPNG

Matthew 6 in the BBT1E

Matthew 6 in the BDS

Matthew 6 in the BEV

Matthew 6 in the BHAD

Matthew 6 in the BIB

Matthew 6 in the BLPT

Matthew 6 in the BNT

Matthew 6 in the BNTABOOT

Matthew 6 in the BNTLV

Matthew 6 in the BOATCB

Matthew 6 in the BOATCB2

Matthew 6 in the BOBCV

Matthew 6 in the BOCNT

Matthew 6 in the BOECS

Matthew 6 in the BOGWICC

Matthew 6 in the BOHCB

Matthew 6 in the BOHCV

Matthew 6 in the BOHLNT

Matthew 6 in the BOHNTLTAL

Matthew 6 in the BOICB

Matthew 6 in the BOILNTAP

Matthew 6 in the BOITCV

Matthew 6 in the BOKCV

Matthew 6 in the BOKCV2

Matthew 6 in the BOKHWOG

Matthew 6 in the BOKSSV

Matthew 6 in the BOLCB

Matthew 6 in the BOLCB2

Matthew 6 in the BOMCV

Matthew 6 in the BONAV

Matthew 6 in the BONCB

Matthew 6 in the BONLT

Matthew 6 in the BONUT2

Matthew 6 in the BOPLNT

Matthew 6 in the BOSNC

Matthew 6 in the BOTLNT

Matthew 6 in the BOVCB

Matthew 6 in the BOYCB

Matthew 6 in the BPBB

Matthew 6 in the BPH

Matthew 6 in the BSB

Matthew 6 in the CCB

Matthew 6 in the CUV

Matthew 6 in the CUVS

Matthew 6 in the DBT

Matthew 6 in the DGDNT

Matthew 6 in the DHNT

Matthew 6 in the DNT

Matthew 6 in the ELBE

Matthew 6 in the EMTV

Matthew 6 in the ESV

Matthew 6 in the FBV

Matthew 6 in the FEB

Matthew 6 in the GGMNT

Matthew 6 in the GNT

Matthew 6 in the HARY

Matthew 6 in the HNT

Matthew 6 in the IRVA

Matthew 6 in the IRVB

Matthew 6 in the IRVG

Matthew 6 in the IRVH

Matthew 6 in the IRVK

Matthew 6 in the IRVM

Matthew 6 in the IRVM2

Matthew 6 in the IRVO

Matthew 6 in the IRVP

Matthew 6 in the IRVT

Matthew 6 in the IRVT2

Matthew 6 in the IRVU

Matthew 6 in the ISVN

Matthew 6 in the JSNT

Matthew 6 in the KAPI

Matthew 6 in the KBT1ETNIK

Matthew 6 in the KBV

Matthew 6 in the KJV

Matthew 6 in the KNFD

Matthew 6 in the LBA

Matthew 6 in the LBLA

Matthew 6 in the LNT

Matthew 6 in the LSV

Matthew 6 in the MAAL

Matthew 6 in the MBV

Matthew 6 in the MBV2

Matthew 6 in the MHNT

Matthew 6 in the MKNFD

Matthew 6 in the MNG

Matthew 6 in the MNT

Matthew 6 in the MNT2

Matthew 6 in the MRS1T

Matthew 6 in the NAA

Matthew 6 in the NASB

Matthew 6 in the NBLA

Matthew 6 in the NBS

Matthew 6 in the NBVTP

Matthew 6 in the NET2

Matthew 6 in the NIV11

Matthew 6 in the NNT

Matthew 6 in the NNT2

Matthew 6 in the NNT3

Matthew 6 in the PDDPT

Matthew 6 in the PFNT

Matthew 6 in the RMNT

Matthew 6 in the SBIAS

Matthew 6 in the SBIBS

Matthew 6 in the SBIBS2

Matthew 6 in the SBICS

Matthew 6 in the SBIDS

Matthew 6 in the SBIGS

Matthew 6 in the SBIHS

Matthew 6 in the SBIIS

Matthew 6 in the SBIIS2

Matthew 6 in the SBIIS3

Matthew 6 in the SBIKS

Matthew 6 in the SBIKS2

Matthew 6 in the SBIMS

Matthew 6 in the SBIOS

Matthew 6 in the SBIPS

Matthew 6 in the SBISS

Matthew 6 in the SBITS

Matthew 6 in the SBITS2

Matthew 6 in the SBITS3

Matthew 6 in the SBITS4

Matthew 6 in the SBIUS

Matthew 6 in the SBIVS

Matthew 6 in the SBT

Matthew 6 in the SBT1E

Matthew 6 in the SCHL

Matthew 6 in the SNT

Matthew 6 in the SUSU

Matthew 6 in the SUSU2

Matthew 6 in the SYNO

Matthew 6 in the TBIAOTANT

Matthew 6 in the TBT1E

Matthew 6 in the TBT1E2

Matthew 6 in the TFTIP

Matthew 6 in the TFTU

Matthew 6 in the TGNTATF3T

Matthew 6 in the THAI

Matthew 6 in the TNFD

Matthew 6 in the TNT

Matthew 6 in the TNTIK

Matthew 6 in the TNTIL

Matthew 6 in the TNTIN

Matthew 6 in the TNTIP

Matthew 6 in the TNTIZ

Matthew 6 in the TOMA

Matthew 6 in the TTENT

Matthew 6 in the UBG

Matthew 6 in the UGV

Matthew 6 in the UGV2

Matthew 6 in the UGV3

Matthew 6 in the VBL

Matthew 6 in the VDCC

Matthew 6 in the YALU

Matthew 6 in the YAPE

Matthew 6 in the YBVTP

Matthew 6 in the ZBP