Mark 14 (BOSCB)

1 Zvino kwakanga kwangosara mazuva maviri kuti Pasika noMutambo weChingwa Chisina Mbiriso zviitwe, uye vaprista vakuru navadzidzisi vomurayiro vakanga vachitsvaka nzira yokuti vasunge Jesu nayo uye vamuuraye. 2 Vakati, “Asi kwete panguva yoMutambo, nokuti vanhu vangangoita bope.” 3 Uye paakanga ari muBhetani, agere pakudya mumba momumwe murume ainzi Simoni waMaperembudzi, mumwe mukadzi akauya nechinu chamafuta chearabhasita, mafuta anokosha kwazvo, akanga akaitwa nenaridhi yakaisvonaka. Akazarura chinu akadururira mafuta mumusoro wake. 4 Vamwe vakanga varipo pakati pavo vakatsamwa vakati, “Seiko vachitambisa mafuta aya kudai? 5 Angadai atengeswa nomutengo uno mubayiro unopfuura wegore rose, uye mari yacho yapiwa kuvarombo.” Uye vakatsiura mukadzi uyu nehasha. 6 Jesu akati kwavari, “Musiyei akadaro. Munomunetsereiko? Aita chinhu chakanaka kwandiri. 7 Varombo munavo nguva dzose, uye munogona kuvabatsira panguva ipi zvayo yamunoda. Asi hamuzogari muneni nguva dzose. 8 Aita zvaanogona. Adururira mafuta anonhuhwira pamuviri wangu nguva isati yasvika, kuti agadzirire kuvigwa kwangu. 9 Ndinokuudzai chokwadi, kwose kunozoparidzwa vhangeri panyika yose, zvaaita izvi zvicharehwawo, vanhu vachimurangarira nazvo.” 10 Ipapo Judhasi Iskarioti, mumwe wavane gumi navaviri, akaenda kuvaprista vakuru kuti andotengesa Jesu kwavari. 11 Vakafara kunzwa izvi uye vakavimbisa kumupa mari. Saka akamirira mukana wokumuisa kwavari. 12 Pazuva rokutanga roMutambo weChingwa Chisina Mbiriso, zvayakanga iri tsika yavo yokubayira gwayana rePasika, vadzidzi vaJesu vakamubvunza vakati, “Munoda kuti tiende kupi kwatingandokugadzirirai Pasika kuti mudye?” 13 Saka akatuma vadzidzi vake vaviri akati kwavari, “Endai muguta, uye muchasangana nomurume akatakura chirongo chemvura. Mumutevere. 14 Muti kumwene weimba yaanopinda mairi, ‘Mudzidzisi anobvunza kuti: Imba yangu yavaeni, mandingadyira Pasika navadzidzi vangu ndeipiko?’ 15 Achakuratidzai imba huru yapamusoro, yakatorongedzwa uye yakagadzirwa. Mutigadzirire imomo.” 16 Vadzidzi vakabva, vakapinda muguta vakawana zvinhu zvakaita sezvavakanga vaudzwa naJesu. Saka vakagadzira Pasika. 17 Ava madekwana, Jesu akasvika navane gumi navaviri. 18 Vakati vagere pakudya, akati, “Ndinokuudzai chokwadi, mumwe wenyu achandipandukira, mumwe ari kudya neni.” 19 Vakasuwiswa nazvo, mumwe nomumwe akati kwaari, “Zvirokwazvo, kwete ini?” 20 Iye akapindura akati, “Ndomumwe wavane gumi navaviri, iye anoseva chingwa chake mundiro neni. 21 Mwanakomana woMunhu achaenda hake sezvazvakanyorwa pamusoro pake. Asi ane nhamo munhu uyo anopandukira Mwanakomana woMunhu! Zvaiva nani kwaari dai akanga asina kuzvarwa.” 22 Vakati vari pakudya, Jesu akatora chingwa, akavonga uye akachimedura, akapa vadzidzi vake achiti, “Torai mudye, uyu ndiwo muviri wangu.” 23 Ipapo akatora mukombe, akavonga akaupa kwavari, uye vose vakanwa pauri. 24 Akati kwavari, “Iri ndiro ropa rangu resungano, rinodururirwa vazhinji. 25 Ndinokuudzai chokwadi kuti handichazonwizve chibereko chomuzambiringa kusvikira pazuva randichazochinwa zvava zvitsva muumambo hwaMwari.” 26 Vakati vaimba rwiyo, vakabuda vakaenda kuGomo reMiorivhi. 27 Jesu akati kwavari, “Imi mose muchapararira, nokuti kwakanyorwa kuchinzi:“ ‘Ndicharova mufudzi,makwai agopararira.’ 28 Asi mushure mokumuka kwangu, ndichatungamira kuGarirea imi mozotevera.” 29 Petro akati, “Kunyange dai vose vakakurambai, ini kwete.” 30 Jesu akapindura akati, “Ndinokuudza chokwadi, nhasi, manheru ano chaiwo, jongwe risati rarira kaviri, iwe pachako uchandiramba katatu.” 31 Asi Petro akaramba akasimbisisa achiti, “Kunyange dai ndichifanira kufa nemi, handizombokurambai.” Uye vamwe vose vakadarowo. 32 Vakaenda kunzvimbo inonzi Getsemani, Jesu akati kuvadzidzi vake, “Garai pano, ini ndichambondonyengetera.” 33 Akatora Petro, Jakobho naJohani pamwe chete naye, akatanga kushungurudzika zvikuru uye akatambudzika. 34 Akati, “Mweya wangu wazara neshungu kwazvo kusvikira pakufa. Garai pano uye murambe makarinda.” 35 Akati aenda chinhambwe zvishoma, akawira pasi akanyengetera kuti kana zvichibvira nguva iyi ipfuure, ibve kwaari. 36 Akati, “Abha, Baba, zvinhu zvose zvinogoneka kwamuri. Bvisai mukombe uyu kwandiri. Asi kwete kuda kwangu, asi kuda kwenyu.” 37 Ipapo akadzokazve kuvadzidzi vake akavawana vavete. Akati kuna Petro, “Simoni, wavata here? Hauna kugona kurinda kweawa imwe chete here? 38 Rindai munyengetere kuti murege kuwira mumuedzo. Mweya unoda hawo, asi muviri hauna simba.” 39 Akaendazve kundonyengetera zvimwe chetezvo. 40 Paakadzoka, akawanazve vavete, nokuti meso avo akanga aremerwa nehope. Havana kuziva chokutaura kwaari. 41 Achidzokerazve kechitatu akati kwavari, “Muchakavata uye muchiri kuzorora here? Zvaringana! Nguva yasvika. Tarirai, Mwanakomana woMunhu oiswa mumaoko avatadzi. 42 Simukai! Ngatiendei! Hoyo mutengesi wangu ouya!” 43 Achiri kutaura, Judhasi Iskarioti, mumwe wavane gumi navaviri, akaonekwa. Akanga ana vanhu vazhinji vakapakata minondo netsvimbo, vatumwa navaprista vakuru, vadzidzisi vomurayiro, uye navakuru. 44 Zvino mutengesi akanga aronga navo chiratidzo achiti, “Munhu wandichatsvoda ndiye wacho; mumusunge mugoenda naye navarindi.” 45 Paakangosvika, Judhasi akaenda kuna Jesu, akati, “Rabhi!” ndokumutsvoda. 46 Vanhu vakabata Jesu vakamusunga. 47 Ipapo mumwe akanga amire pedyo akavhomora munondo wake akatema muranda womuprista mukuru, akagura nzeve yake. 48 Jesu akati, “Ko, ndiri kutungamirira vapanduki here zvamauya neminondo netsvimbo kuti muzondibata? 49 Mazuva ose ndaiva nemi, ndichidzidzisa mutemberi, uye hamuna kundisunga. Asi Magwaro anofanira kuzadziswa.” 50 Ipapo vose vakamusiya vakatiza. 51 Rimwe jaya, rakanga rakapfeka nguo yakaisvonaka, rakanga richitevera Jesu. Vakati varibata, 52 rakatiza risina kupfeka, rikasiya nguo yaro mumashure. 53 Vakaenda naJesu kumuprista mukuru, uye vamwe vaprista vose vakuru navadzidzisi vomurayiro vakaungana pamwe chete. 54 Petro akamutevera ari nechokure, kusvikira apinda muruvazhe rwomuprista mukuru. Akagara navarindi achidziya moto. 55 Vaprista vakuru namakurukota ose vakanga vachitsvaka chavangapa Jesu mhosva nacho kuitira kuti vagomuuraya, asi havana kuwana chinhu. 56 Vazhinji vakamupupurira nhema, asi uchapupu hwavo hahuna kupindirana. 57 Ipapo vamwe vakasimuka vakapa uchapupu hwenhema uhu pamusoro pake vachiti, 58 “Takamunzwa achiti, ‘Ndichaparadza temberi iyi yakavakwa navanhu uye shure kwamazuva matatu ndichavaka imwe, isina kuitwa navanhu.’ ” 59 Kunyange ipapozve uchapupu hwavo hahuna kupindirana. 60 Ipapo muprista mukuru akamira pamberi pavo akabvunza Jesu achiti, “Ko, haupinduri here? Uchapupu hwaunopomerwa navanhu ava ndohweiko?” 61 Asi Jesu akaramba anyerere akasapindura.Muprista mukuru akamubvunzazve achiti, “Ndiwe Kristu here, Mwanakomana waIye Akaropafadzwa?” 62 Jesu akati, “Ndini. Uye muchaona Mwanakomana woMunhu agere kuruoko rworudyi rwaIye Wamasimba achiuya ari pamakore okudenga.” 63 Muprista mukuru akabvarura nguo dzake, akati, “Tichatsvakireiko zvimwe zvapupu? 64 Manzwa kumhura kwake. Munofungeiko?”Vose vakamutonga vachiti aifanira kufa. 65 Ipapo vamwe vakatanga kumupfira mate; vakamusunga kumeso, vakamurova nezvibhakera, vachiti, “Profita!” Uye varindi vakamutora vakamurova. 66 Petro paakanga achiri muruvazhe, mumwe musikana, murandakadzi womuprista mukuru akasvikapo. 67 Akati aona Petro achidziya moto akamucherechedza.Akati kwaari, “Newewo wakanga una Jesu, weNazareta.” 68 Asi iye akaramba akati, “Handizivi kana kunzwisisa zvaunoreva.” Akabuda akandomira pamukova wokupinda nawo. 69 Akati aonekwazve nomusikana uyu aiva murandakadzi, musikana akatizve kuna avo vakanga vamirepo, “Munhu uyu ndomumwe wavo.” 70 Iye akarambazve izvozvo.Mushure menguva pfupi, vaya vakanga vamirepo vakati kuna Petro, “Chokwadi, iwe uri mumwe wavo, nokuti uri muGarirea.” 71 Akatanga kutuka nokupika achiti, “Handizivi munhu uyu wamunotaura nezvake.” 72 Pakarepo jongwe rakarira kechipiri. Ipapo Petro akarangarira shoko raJesu raakanga ataura kwaari achiti, “Jongwe risati rarira kaviri uchandiramba katatu.” Akawira pasi uye akachema.

In Other Versions

Mark 14 in the ANGEFD

Mark 14 in the ANTPNG2D

Mark 14 in the AS21

Mark 14 in the BAGH

Mark 14 in the BBPNG

Mark 14 in the BBT1E

Mark 14 in the BDS

Mark 14 in the BEV

Mark 14 in the BHAD

Mark 14 in the BIB

Mark 14 in the BLPT

Mark 14 in the BNT

Mark 14 in the BNTABOOT

Mark 14 in the BNTLV

Mark 14 in the BOATCB

Mark 14 in the BOATCB2

Mark 14 in the BOBCV

Mark 14 in the BOCNT

Mark 14 in the BOECS

Mark 14 in the BOGWICC

Mark 14 in the BOHCB

Mark 14 in the BOHCV

Mark 14 in the BOHLNT

Mark 14 in the BOHNTLTAL

Mark 14 in the BOICB

Mark 14 in the BOILNTAP

Mark 14 in the BOITCV

Mark 14 in the BOKCV

Mark 14 in the BOKCV2

Mark 14 in the BOKHWOG

Mark 14 in the BOKSSV

Mark 14 in the BOLCB

Mark 14 in the BOLCB2

Mark 14 in the BOMCV

Mark 14 in the BONAV

Mark 14 in the BONCB

Mark 14 in the BONLT

Mark 14 in the BONUT2

Mark 14 in the BOPLNT

Mark 14 in the BOSNC

Mark 14 in the BOTLNT

Mark 14 in the BOVCB

Mark 14 in the BOYCB

Mark 14 in the BPBB

Mark 14 in the BPH

Mark 14 in the BSB

Mark 14 in the CCB

Mark 14 in the CUV

Mark 14 in the CUVS

Mark 14 in the DBT

Mark 14 in the DGDNT

Mark 14 in the DHNT

Mark 14 in the DNT

Mark 14 in the ELBE

Mark 14 in the EMTV

Mark 14 in the ESV

Mark 14 in the FBV

Mark 14 in the FEB

Mark 14 in the GGMNT

Mark 14 in the GNT

Mark 14 in the HARY

Mark 14 in the HNT

Mark 14 in the IRVA

Mark 14 in the IRVB

Mark 14 in the IRVG

Mark 14 in the IRVH

Mark 14 in the IRVK

Mark 14 in the IRVM

Mark 14 in the IRVM2

Mark 14 in the IRVO

Mark 14 in the IRVP

Mark 14 in the IRVT

Mark 14 in the IRVT2

Mark 14 in the IRVU

Mark 14 in the ISVN

Mark 14 in the JSNT

Mark 14 in the KAPI

Mark 14 in the KBT1ETNIK

Mark 14 in the KBV

Mark 14 in the KJV

Mark 14 in the KNFD

Mark 14 in the LBA

Mark 14 in the LBLA

Mark 14 in the LNT

Mark 14 in the LSV

Mark 14 in the MAAL

Mark 14 in the MBV

Mark 14 in the MBV2

Mark 14 in the MHNT

Mark 14 in the MKNFD

Mark 14 in the MNG

Mark 14 in the MNT

Mark 14 in the MNT2

Mark 14 in the MRS1T

Mark 14 in the NAA

Mark 14 in the NASB

Mark 14 in the NBLA

Mark 14 in the NBS

Mark 14 in the NBVTP

Mark 14 in the NET2

Mark 14 in the NIV11

Mark 14 in the NNT

Mark 14 in the NNT2

Mark 14 in the NNT3

Mark 14 in the PDDPT

Mark 14 in the PFNT

Mark 14 in the RMNT

Mark 14 in the SBIAS

Mark 14 in the SBIBS

Mark 14 in the SBIBS2

Mark 14 in the SBICS

Mark 14 in the SBIDS

Mark 14 in the SBIGS

Mark 14 in the SBIHS

Mark 14 in the SBIIS

Mark 14 in the SBIIS2

Mark 14 in the SBIIS3

Mark 14 in the SBIKS

Mark 14 in the SBIKS2

Mark 14 in the SBIMS

Mark 14 in the SBIOS

Mark 14 in the SBIPS

Mark 14 in the SBISS

Mark 14 in the SBITS

Mark 14 in the SBITS2

Mark 14 in the SBITS3

Mark 14 in the SBITS4

Mark 14 in the SBIUS

Mark 14 in the SBIVS

Mark 14 in the SBT

Mark 14 in the SBT1E

Mark 14 in the SCHL

Mark 14 in the SNT

Mark 14 in the SUSU

Mark 14 in the SUSU2

Mark 14 in the SYNO

Mark 14 in the TBIAOTANT

Mark 14 in the TBT1E

Mark 14 in the TBT1E2

Mark 14 in the TFTIP

Mark 14 in the TFTU

Mark 14 in the TGNTATF3T

Mark 14 in the THAI

Mark 14 in the TNFD

Mark 14 in the TNT

Mark 14 in the TNTIK

Mark 14 in the TNTIL

Mark 14 in the TNTIN

Mark 14 in the TNTIP

Mark 14 in the TNTIZ

Mark 14 in the TOMA

Mark 14 in the TTENT

Mark 14 in the UBG

Mark 14 in the UGV

Mark 14 in the UGV2

Mark 14 in the UGV3

Mark 14 in the VBL

Mark 14 in the VDCC

Mark 14 in the YALU

Mark 14 in the YAPE

Mark 14 in the YBVTP

Mark 14 in the ZBP