Mark 9 (BOSCB)

1 Uye akati kwavari, “Ndinokuudzai chokwadi, kuti vamwe vamire pano havazoraviri rufu vasati vaona umambo hwaMwari huchisvika nesimba.” 2 Shure kwamazuva matanhatu, Jesu akatora Petro, Jakobho naJohani akavatungamirira kugomo refu, kwavakanga vari voga. Akashanduka ikoko pamberi pavo. 3 Nguo dzake dzakapenya, dzikachena kupfuura zvingacheneswa nomunhu upi zvake munyika muno. 4 Uye ipapo pakaonekwa pamberi pavo Eria naMozisi, uye vakanga vachitaurirana naJesu. 5 Petro akati kuna Jesu, “Rabhi, zvakanaka kuti isu tigare pano. Ngativakei matumba matatu, rimwe renyu, rimwe raMozisi uye rimwe raEria.” 6 Akashaya zvokutaura, nokuti vakanga votya zvikuru. 7 Ipapo gore rakaonekwa rikavafukidza, uye inzwi rakabuda mugore rikati, “Uyu ndiye Mwanakomana wangu, wandinoda. Munzwei!” 8 Pakarepo, vakatarisa kwose kwose, uye havana kuzoona munhu aripo navo kunze kwaJesu. 9 Pavakanga vava kuburuka mugomo, Jesu akavarayira kuti varege kutaurira kana munhu upi zvake zvavakanga vaona kusvikira Mwanakomana woMunhu amuka kubva kuvakafa. 10 Vakachengeta shoko iri pakati pavo, vachikurukurirana pamusoro pokuti, “kumuka kwavakafa” kunorevei. 11 Uye vakamubvunza vakati, “Seiko vadzidzisi vomurayiro vachiti Eria anofanira kutanga kuuya?” 12 Jesu akapindura akati, “Kutaura chokwadi, Eria anofanira kutanga kuuya, uye agovandudza zvinhu zvose. Zvino kwakanyorerwei kuchinzi Mwanakomana woMunhu anofanira kutambudzika zvikuru uye agorambwa? 13 Asi ndinoti kwamuri, Eria akauya, uye vakaita kwaari zvinhu zvose zvavaida, sezvazvakanyorwa pamusoro pake.” 14 Vakati vasvika kuna vamwe vadzidzi, vakaona vanhu vazhinji zhinji vakavakomberedza uye vadzidzisi vomurayiro vachiita nharo navo. 15 Vanhu vose pavakangoona Jesu, vakashamiswa zvikuru uye vakamhanya kundomukwazisa. 16 Akati, “Muri kuvabvunzeiko?” 17 Mumwe murume aiva pakati pavanhu vazhinji akapindura akati, “Mudzidzisi, ndauya kwamuri nomwanakomana wangu, akabatwa nomweya wakamupa umbeveve. 18 Pose pose paunomubata, unomukanda pasi. Anopupuma furo pamuromo, worumanisa meno ake uye anobva aoma. Ndakumbira vadzidzi venyu kuti vaudzinge asi havana kugona kuzviita.” 19 Jesu akati, “Haiwa rudzi rusingatendi, ndichagara nemi kusvikira riniko? Ndichakuitirai mwoyo murefu kusvikira riniko? Uyai nomukomana kwandiri.” 20 Saka vakauya naye. Mweya wakati uchiona Jesu, pakarepo wakawisira mukomana pasi ukamubvundisa. Akawira pasi akaumburuka, achipupuma furo pamuromo. 21 Jesu akabvunza baba vomukomana akati, “Ane nguva yakadii achiita izvi?”Vakapindura vakati, “Kubva pauduku hwake. 22 Kazhinji unosimuwisira mumoto kana mumvura kuti umuuraye. Asi kana muchigona kuita chinhu, tinzwirei tsitsi mutibatsire.” 23 Jesu akati, “Kana muchigona? Zvinhu zvose zvinogoneka kune anotenda.” 24 Pakarepo baba vomukomana vakadanidzira vachiti, “Ndinotenda; ndibatsirei pakusatenda kwangu!” 25 Jesu akati aona kuti vanhu vazhinji vakanga vomhanyira panzvimbo iyo, akarayira mweya wakaipa akati, “Iwe mweya woumatsi nomweya woumbeveve, ndinokurayira, buda maari, uye usazopindazve maari.” 26 Mweya wakadanidzira, ukamubvundisa zvikuru uye ukabuda. Mukomana akaita sokunge chitunha zvokuti vazhinji vakati, “Afa.” 27 Asi Jesu akamubata noruoko akamumisa netsoka dzake, uye akakwanisa kumira. 28 Mushure mokunge Jesu apinda mumba, vadzidzi vake vakamubvunza vari voga vachiti, “Seiko isu takakundikana kuudzinga?” 29 Akapindura achiti, “Rudzi urwu runongobva chete nokunyengetera nokutsanya.” 30 Vakabva panzvimbo iyoyo vakapfuura nomuGarirea. Jesu akanga asingadi kuti zvizivikanwe nomunhu kuti vaiva kupi, 31 nokuti akanga achidzidzisa vadzidzi vake. Akati kwavari, “Mwanakomana woMunhu achazopandukirwa achiiswa mumaoko avanhu. Vachamuuraya, uye shure kwamazuva matatu achamuka.” 32 Asi havana kunzwisisa zvaakanga achireva uye vakanga vachitya kumubvunza pamusoro pazvo. 33 Vakasvika kuKapenaume. Paakanga ari mumba, akavabvunza akati, “Manga muchikakavadzana pamusoro peiko munzira?” 34 Asi vakanyarara nokuti vakanga vakakavadzana vari munzira pamusoro pokuti mukuru ndiani. 35 Agara pasi, Jesu akadana vane gumi navaviri akati, “Kana munhu achida kuva wokutanga, anofanira kuva iye wokupedzisira, uye muranda wavose.” 36 Akatora mwana muduku akamumisa pakati pavo. Akamubata mumaoko ake, akati kwavari, 37 “Ani naani anogamuchira mumwe wavaduku ava muzita rangu anogamuchira ini; uye ani naani anondigamuchira haagamuchiri ini asi iye akandituma.” 38 Johani akati, “Mudzidzisi, taona munhu achidzinga madhimoni muzita renyu tikamudzivisa, nokuti anga asiri mumwe wedu.” 39 Jesu akati, “Musamudzivisa. Hakuna munhu anoita chishamiso muzita rangu angazotaura zvakaipa pamusoro pangu mushure maizvozvo, 40 nokuti ani naani asingarwisani nesu ndowedu. 41 Ndinokuudzai chokwadi, ani naani anokupai mukombe wemvura muzita rangu nokuda kwokuti muri vaKristu zvirokwazvo haangazorasikirwi nomubayiro wake. 42 “Uye kana ani naani akaita kuti mumwe wavaduku ava vanotenda kwandiri atadze, zvingava nani kwaari kuti akandwe mugungwa akasungirirwa guyo guru mumutsipa make. 43 Kana ruoko rwako ruchikuita kuti utadze, rugure. Zviri nani kwauri kuti upinde muupenyu uri chirema pano kuti upinde mugehena namaoko maviri, uko kune moto usingadzimwi, 44 umo musingafi honye dzavo uye moto usingadzimwi. 45 Uye kana rutsoka rwako ruchiita kuti utadze, rugure. Zviri nani kwauri kupinda muupenyu uri chirema pano kupinda mugehena namakumbo maviri, 46 umo musingafi honye dzavo uye moto usingadzimwi. 47 Uye kana ziso rako richiita kuti utadze, ribvise. Zviri nani kwauri kuti upinde muumambo hwaMwari neziso rimwe chete pano kuti uve namaziso maviri uye ugokandwa kugehena, 48 uko“ ‘kusingafi honye dzavouye moto wacho usingadzimwi.’ 49 Munhu wose acharungwa nomoto. 50 “Munyu wakanaka, asi kana warasa kuvava kwawo, mungauita kuti urungezve here? Ivai nomunyu mukati menyu, uye muve norugare pakati penyu.”

In Other Versions

Mark 9 in the ANGEFD

Mark 9 in the ANTPNG2D

Mark 9 in the AS21

Mark 9 in the BAGH

Mark 9 in the BBPNG

Mark 9 in the BBT1E

Mark 9 in the BDS

Mark 9 in the BEV

Mark 9 in the BHAD

Mark 9 in the BIB

Mark 9 in the BLPT

Mark 9 in the BNT

Mark 9 in the BNTABOOT

Mark 9 in the BNTLV

Mark 9 in the BOATCB

Mark 9 in the BOATCB2

Mark 9 in the BOBCV

Mark 9 in the BOCNT

Mark 9 in the BOECS

Mark 9 in the BOGWICC

Mark 9 in the BOHCB

Mark 9 in the BOHCV

Mark 9 in the BOHLNT

Mark 9 in the BOHNTLTAL

Mark 9 in the BOICB

Mark 9 in the BOILNTAP

Mark 9 in the BOITCV

Mark 9 in the BOKCV

Mark 9 in the BOKCV2

Mark 9 in the BOKHWOG

Mark 9 in the BOKSSV

Mark 9 in the BOLCB

Mark 9 in the BOLCB2

Mark 9 in the BOMCV

Mark 9 in the BONAV

Mark 9 in the BONCB

Mark 9 in the BONLT

Mark 9 in the BONUT2

Mark 9 in the BOPLNT

Mark 9 in the BOSNC

Mark 9 in the BOTLNT

Mark 9 in the BOVCB

Mark 9 in the BOYCB

Mark 9 in the BPBB

Mark 9 in the BPH

Mark 9 in the BSB

Mark 9 in the CCB

Mark 9 in the CUV

Mark 9 in the CUVS

Mark 9 in the DBT

Mark 9 in the DGDNT

Mark 9 in the DHNT

Mark 9 in the DNT

Mark 9 in the ELBE

Mark 9 in the EMTV

Mark 9 in the ESV

Mark 9 in the FBV

Mark 9 in the FEB

Mark 9 in the GGMNT

Mark 9 in the GNT

Mark 9 in the HARY

Mark 9 in the HNT

Mark 9 in the IRVA

Mark 9 in the IRVB

Mark 9 in the IRVG

Mark 9 in the IRVH

Mark 9 in the IRVK

Mark 9 in the IRVM

Mark 9 in the IRVM2

Mark 9 in the IRVO

Mark 9 in the IRVP

Mark 9 in the IRVT

Mark 9 in the IRVT2

Mark 9 in the IRVU

Mark 9 in the ISVN

Mark 9 in the JSNT

Mark 9 in the KAPI

Mark 9 in the KBT1ETNIK

Mark 9 in the KBV

Mark 9 in the KJV

Mark 9 in the KNFD

Mark 9 in the LBA

Mark 9 in the LBLA

Mark 9 in the LNT

Mark 9 in the LSV

Mark 9 in the MAAL

Mark 9 in the MBV

Mark 9 in the MBV2

Mark 9 in the MHNT

Mark 9 in the MKNFD

Mark 9 in the MNG

Mark 9 in the MNT

Mark 9 in the MNT2

Mark 9 in the MRS1T

Mark 9 in the NAA

Mark 9 in the NASB

Mark 9 in the NBLA

Mark 9 in the NBS

Mark 9 in the NBVTP

Mark 9 in the NET2

Mark 9 in the NIV11

Mark 9 in the NNT

Mark 9 in the NNT2

Mark 9 in the NNT3

Mark 9 in the PDDPT

Mark 9 in the PFNT

Mark 9 in the RMNT

Mark 9 in the SBIAS

Mark 9 in the SBIBS

Mark 9 in the SBIBS2

Mark 9 in the SBICS

Mark 9 in the SBIDS

Mark 9 in the SBIGS

Mark 9 in the SBIHS

Mark 9 in the SBIIS

Mark 9 in the SBIIS2

Mark 9 in the SBIIS3

Mark 9 in the SBIKS

Mark 9 in the SBIKS2

Mark 9 in the SBIMS

Mark 9 in the SBIOS

Mark 9 in the SBIPS

Mark 9 in the SBISS

Mark 9 in the SBITS

Mark 9 in the SBITS2

Mark 9 in the SBITS3

Mark 9 in the SBITS4

Mark 9 in the SBIUS

Mark 9 in the SBIVS

Mark 9 in the SBT

Mark 9 in the SBT1E

Mark 9 in the SCHL

Mark 9 in the SNT

Mark 9 in the SUSU

Mark 9 in the SUSU2

Mark 9 in the SYNO

Mark 9 in the TBIAOTANT

Mark 9 in the TBT1E

Mark 9 in the TBT1E2

Mark 9 in the TFTIP

Mark 9 in the TFTU

Mark 9 in the TGNTATF3T

Mark 9 in the THAI

Mark 9 in the TNFD

Mark 9 in the TNT

Mark 9 in the TNTIK

Mark 9 in the TNTIL

Mark 9 in the TNTIN

Mark 9 in the TNTIP

Mark 9 in the TNTIZ

Mark 9 in the TOMA

Mark 9 in the TTENT

Mark 9 in the UBG

Mark 9 in the UGV

Mark 9 in the UGV2

Mark 9 in the UGV3

Mark 9 in the VBL

Mark 9 in the VDCC

Mark 9 in the YALU

Mark 9 in the YAPE

Mark 9 in the YBVTP

Mark 9 in the ZBP