Nehemiah 8 (BOSCB)
1 Zvino mwedzi wechinomwe wakati wasvika, uye vaIsraeri vagara mumaguta avo, vanhu vose vakaungana vakaita somunhu mumwe pachivara chakatarisana neSuo reMvura. Vakakumbira Ezira munyori kuti auye neBhuku roMurayiro waMozisi, wakanga warayirwa naJehovha kuvaIsraeri. 2 Naizvozvo pazuva rokutanga romwedzi wechinomwe, Ezira muprista akauya noMurayiro pamberi peungano, yaiva yavarume navakadzi navose vaigona kunzwisisa. 3 Akauverenga nenzwi guru kubva mangwanani kusvikira masikati, akatarisa chivara chaiva pamberi peSuo reMvura, pamberi pavarume navakadzi navose vaigona kunzwisisa. Uye vanhu vose vakateerera zvikuru kuBhuku roMurayiro. 4 Ezira munyori akamira panzvimbo yakakwirira yakanga yavakwa namatanda, yavakirwa izvozvo. Kurutivi rwake rworudyi kwaiva kwakamira Matitia, Shema, Anania, Uria, Hirikia naMaaseya; uye kuruboshwe rwake kwaiva naPedhaya, Mishaeri, Marikiya, Hashumi, Hashibhadhana, Zekaria naMeshurami. 5 Ezira akazarura bhuku. Vanhu vose vaigona kumuona nokuti akanga akamira pakakwirira; uye paakarizarura, vanhu vose vakasimuka. 6 Ezira akarumbidza Jehovha, Mwari mukuru; uye vanhu vose vakasimudza maoko avo vakapindura vachiti, “Ameni! Ameni!” Ipapo vakakotamira pasi vakanamata Jehovha zviso zvavo zvakatsikitsira pasi. 7 VaRevhi vaiti: Jeshua, Bhani, Sherebhia, Jamini, Akubhi, Shabhetai, Hodhia, Maaseya, Kerita, Azaria, Jozabhadhi, Hanani naPeraya vakadzidzisa vanhu Murayiro vanhu vamire ipapo. 8 Vakaverenga kubva muBhuku roMurayiro waMwari, vachiisa pachena nokutsanangura zvazvaireva kuitira kuti vanhu vanzwisise zvaiverengwa. 9 Ipapo Nehemia mubati, Ezira, muprista nomunyori, navaRevhi vairayira vanhu vakati kwavari vose, “Zuva iri idzvene kuna Jehovha Mwari wenyu. Musachema kana kuungudza.” Nokuti vanhu vose vainge vachichema pavaiteerera kumashoko omurayiro. 10 Nehemia akati kwavari, “Endai munodya nomufaro zvokudya zvamunoda nezvokunwa zvinotapira, mugotumirawo zvimwe kuna avo vasina chavakagadzirira. Zuva ranhasi idzvene kuna Ishe wedu. Musazvidya mwoyo, nokuti mufaro waJehovha ndiro simba renyu.” 11 VaRevhi vakanyaradza vanhu vose vakati, “Nyararai, nokuti iri izuva dzvene. Musazvidya mwoyo.” 12 Ipapo vanhu vose vakabva vaenda kundodya nokunwa, nokutumira migove yezvokudya vachipembera nomufaro mukuru, nokuti vakanga vanzwisisa zvino mashoko avakanga vaudzwa. 13 Pazuva rechipiri romwedzi, vakuru vemhuri, pamwe chete navaprista navaRevhi, vakaungana vakakomberedza Ezira munyori kuti vateerere kumashoko oMurayiro. 14 Vakawana zvakanga zvakanyorwa muMurayiro, zvakanga zvarayirwa naJehovha kubudikidza naMozisi, zvokuti vaIsraeri vaizogara mumatumba panguva dzomutambo womwedzi wechinomwe. 15 Uye kuti vaifanira kuparidza shoko iri nokuriparadzira mumaguta avo ose nomuJerusarema vachiti: “Endai munyika yezvikomo muuye namapazi omuorivhi nemiti yemiorivhi yomusango, neomukonachando, nemichindwe nemiti yemimvuri, kuti muite matumba sezvazvakanyorwa.” 16 Naizvozvo vanhu vakabuda vakanouya namapazi vakazvivakira matumba pamusoro pamatenga avo, nomuminhanga yavo, nomumavazhe eimba yaMwari uye napachivara paSuo reMvura uye napaSuo raEfuremu. 17 Ungano yose yakanga yadzoka kuutapwa yakavaka matumba ikagaramo. Kubva pamazuva aJoshua mwanakomana waNuni kusvikira pazuva iroro, vaIsraeri havana kumbopemberera saizvozvi. Uye mufaro wavo waiva mukuru kwazvo. 18 Zuva rimwe nerimwe, kubva pazuva rokutanga kusvikira pane rokupedzisira, Ezira akaverenga kubva muBhuku roMurayiro waMwari. Vakapemberera mutambo kwamazuva manomwe, uye pazuva rorusere, maererano nezvakanga zvarayirwa, pakava neungano ipapo.
In Other Versions
Nehemiah 8 in the ANGEFD
Nehemiah 8 in the ANTPNG2D
Nehemiah 8 in the AS21
Nehemiah 8 in the BAGH
Nehemiah 8 in the BBPNG
Nehemiah 8 in the BBT1E
Nehemiah 8 in the BDS
Nehemiah 8 in the BEV
Nehemiah 8 in the BHAD
Nehemiah 8 in the BIB
Nehemiah 8 in the BLPT
Nehemiah 8 in the BNT
Nehemiah 8 in the BNTABOOT
Nehemiah 8 in the BNTLV
Nehemiah 8 in the BOATCB
Nehemiah 8 in the BOATCB2
Nehemiah 8 in the BOBCV
Nehemiah 8 in the BOCNT
Nehemiah 8 in the BOECS
Nehemiah 8 in the BOGWICC
Nehemiah 8 in the BOHCB
Nehemiah 8 in the BOHCV
Nehemiah 8 in the BOHLNT
Nehemiah 8 in the BOHNTLTAL
Nehemiah 8 in the BOICB
Nehemiah 8 in the BOILNTAP
Nehemiah 8 in the BOITCV
Nehemiah 8 in the BOKCV
Nehemiah 8 in the BOKCV2
Nehemiah 8 in the BOKHWOG
Nehemiah 8 in the BOKSSV
Nehemiah 8 in the BOLCB
Nehemiah 8 in the BOLCB2
Nehemiah 8 in the BOMCV
Nehemiah 8 in the BONAV
Nehemiah 8 in the BONCB
Nehemiah 8 in the BONLT
Nehemiah 8 in the BONUT2
Nehemiah 8 in the BOPLNT
Nehemiah 8 in the BOSNC
Nehemiah 8 in the BOTLNT
Nehemiah 8 in the BOVCB
Nehemiah 8 in the BOYCB
Nehemiah 8 in the BPBB
Nehemiah 8 in the BPH
Nehemiah 8 in the BSB
Nehemiah 8 in the CCB
Nehemiah 8 in the CUV
Nehemiah 8 in the CUVS
Nehemiah 8 in the DBT
Nehemiah 8 in the DGDNT
Nehemiah 8 in the DHNT
Nehemiah 8 in the DNT
Nehemiah 8 in the ELBE
Nehemiah 8 in the EMTV
Nehemiah 8 in the ESV
Nehemiah 8 in the FBV
Nehemiah 8 in the FEB
Nehemiah 8 in the GGMNT
Nehemiah 8 in the GNT
Nehemiah 8 in the HARY
Nehemiah 8 in the HNT
Nehemiah 8 in the IRVA
Nehemiah 8 in the IRVB
Nehemiah 8 in the IRVG
Nehemiah 8 in the IRVH
Nehemiah 8 in the IRVK
Nehemiah 8 in the IRVM
Nehemiah 8 in the IRVM2
Nehemiah 8 in the IRVO
Nehemiah 8 in the IRVP
Nehemiah 8 in the IRVT
Nehemiah 8 in the IRVT2
Nehemiah 8 in the IRVU
Nehemiah 8 in the ISVN
Nehemiah 8 in the JSNT
Nehemiah 8 in the KAPI
Nehemiah 8 in the KBT1ETNIK
Nehemiah 8 in the KBV
Nehemiah 8 in the KJV
Nehemiah 8 in the KNFD
Nehemiah 8 in the LBA
Nehemiah 8 in the LBLA
Nehemiah 8 in the LNT
Nehemiah 8 in the LSV
Nehemiah 8 in the MAAL
Nehemiah 8 in the MBV
Nehemiah 8 in the MBV2
Nehemiah 8 in the MHNT
Nehemiah 8 in the MKNFD
Nehemiah 8 in the MNG
Nehemiah 8 in the MNT
Nehemiah 8 in the MNT2
Nehemiah 8 in the MRS1T
Nehemiah 8 in the NAA
Nehemiah 8 in the NASB
Nehemiah 8 in the NBLA
Nehemiah 8 in the NBS
Nehemiah 8 in the NBVTP
Nehemiah 8 in the NET2
Nehemiah 8 in the NIV11
Nehemiah 8 in the NNT
Nehemiah 8 in the NNT2
Nehemiah 8 in the NNT3
Nehemiah 8 in the PDDPT
Nehemiah 8 in the PFNT
Nehemiah 8 in the RMNT
Nehemiah 8 in the SBIAS
Nehemiah 8 in the SBIBS
Nehemiah 8 in the SBIBS2
Nehemiah 8 in the SBICS
Nehemiah 8 in the SBIDS
Nehemiah 8 in the SBIGS
Nehemiah 8 in the SBIHS
Nehemiah 8 in the SBIIS
Nehemiah 8 in the SBIIS2
Nehemiah 8 in the SBIIS3
Nehemiah 8 in the SBIKS
Nehemiah 8 in the SBIKS2
Nehemiah 8 in the SBIMS
Nehemiah 8 in the SBIOS
Nehemiah 8 in the SBIPS
Nehemiah 8 in the SBISS
Nehemiah 8 in the SBITS
Nehemiah 8 in the SBITS2
Nehemiah 8 in the SBITS3
Nehemiah 8 in the SBITS4
Nehemiah 8 in the SBIUS
Nehemiah 8 in the SBIVS
Nehemiah 8 in the SBT
Nehemiah 8 in the SBT1E
Nehemiah 8 in the SCHL
Nehemiah 8 in the SNT
Nehemiah 8 in the SUSU
Nehemiah 8 in the SUSU2
Nehemiah 8 in the SYNO
Nehemiah 8 in the TBIAOTANT
Nehemiah 8 in the TBT1E
Nehemiah 8 in the TBT1E2
Nehemiah 8 in the TFTIP
Nehemiah 8 in the TFTU
Nehemiah 8 in the TGNTATF3T
Nehemiah 8 in the THAI
Nehemiah 8 in the TNFD
Nehemiah 8 in the TNT
Nehemiah 8 in the TNTIK
Nehemiah 8 in the TNTIL
Nehemiah 8 in the TNTIN
Nehemiah 8 in the TNTIP
Nehemiah 8 in the TNTIZ
Nehemiah 8 in the TOMA
Nehemiah 8 in the TTENT
Nehemiah 8 in the UBG
Nehemiah 8 in the UGV
Nehemiah 8 in the UGV2
Nehemiah 8 in the UGV3
Nehemiah 8 in the VBL
Nehemiah 8 in the VDCC
Nehemiah 8 in the YALU
Nehemiah 8 in the YAPE
Nehemiah 8 in the YBVTP
Nehemiah 8 in the ZBP