Philippians 2 (BOSCB)

1 Kana muine kurudziro inobva pakubatana naKristu, kana paine kunyaradza kunobva parudo rwake, kana pano kuwadzana noMweya, kana paino unyoro netsitsi, 2 ipapo itai kuti mufaro wangu uzare nokuva nomurangariro wakadaro, muine rudo rumwe chete, muri vamwe mumweya nechinangwa. 3 Musaita chinhu nomwoyo wokuchiva kana kuzvikudza, asi mukuzvininipisa muchionawo vamwe kuti vari nani kupfuura imi. 4 Mumwe nomumwe wenyu ngaarege kungotsvaka zvake chete, asi zvavamwewo. 5 Kufunga kwenyu ngakuve sokwaKristu Jesu: 6 Uyo, kunyange aiva Mwari chaiye,haana kufunga kuti kuenzana naMwari chinhu chingabatisiswa, 7 asi akazviita chinhu pasina,akatora chimiro chomuranda chaiye,akaitwa somunhu. 8 Uye akati awanikwa ane chimiro chomunhu,akazvininipisauye akateerera kusvikira pakufa, kunyange rufu pamuchinjikwa. 9 Naizvozvo Mwari akamukudza panzvimbo yapamusoro-soro,uye akamupa zita riri pamusoro pamazita ose, 10 kuti muzita raJesu mabvi ose apfugame,mudenga napanyika uye napasi penyika, 11 uye ndimi dzose dzipupure kuti Jesu Kristu ndiye Ishe,kuti Mwari Baba vakudzwe. 12 Naizvozvo, shamwari dzangu dzinodiwa, sezvamunogara muchiteerera, kwete ndiripo bedzi, asi zvino zvikuru ndisipo, rambai muchishandira ruponeso rwenyu nokutya nokudedera, 13 nokuti ndiMwari anoshanda mukati menyu kuti mude uye muite maererano nokuda kwake kwakanaka. 14 Itai zvose musinganyunyuti kana kukakavara, 15 kuitira kuti mugova vasina chavangapomerwa uye vakachena, vana vaMwari vasina mhosva murudzi urwu rwakakombama uye rwakatsauka, rwamunovhenekera senyeredzi munyika 16 sezvamunobatirira pashoko roupenyu, kuitira kuti ndigozvirumbidza pazuva raKristu uye kuti handina kumhanya kana kushanda pasina. 17 Asi kunyange dai ndadururwa hangu sechipiriso chinonwiwa pamusoro pechibayiro noushumiri hunobva pakutenda kwenyu, ndinofara uye ndinofarisisa nemi mose. 18 Saka nemiwo munofanira kufara nokufarisisa neni. 19 Ndine tariro muna Ishe Jesu kuti nditume Timoti kwamuri nokukurumidza, kuti neniwo ndifare pandichanzwa mashoko pamusoro penyu. 20 Handina mumwe akaita saye, ane hanya kwazvo nokugara kwenyu kwakanaka. 21 Nokuti munhu wose anozvitsvakira zvake, zvisati zviri zvaJesu Kristu. 22 Asi munoziva kuti Timoti akaratidza kutendeka kwake, nokuti somwanakomana ana baba vake akashanda neni mubasa revhangeri. 23 Naizvozvo, ndine tariro yokuti ndimutume nokukurumidza kana ndaona kuti zvinhu zvinondifambira sei. 24 Ndinovimba muna She kuti ini pachangu ndichauya nokukurumidza. 25 Asi ndinofunga kuti zvakafanira kuti nditumirezve kwamuri Epafrodhitasi, hama yangu, mubati pamwe chete neni uye murwi pamwe chete neni, iye nhume yenyuwo, wamakatuma kuti azondibatsira pane zvandaishayiwa. 26 Nokuti anokushuvai mose uye ari kutambudzika nokuti makanzwa kuti akanga achirwara. 27 Zvechokwadi akanga achirwara, uye akapotsa afa. Asi Mwari akava nengoni naye, uye kwete kwaari oga asi kwandiriwo, kuti ndirege kuva nokusuwa pamusoro pokusuwa. 28 Naizvozvo ndinoshinga kwazvo kuti ndimutume, kuti pamunomuonazve mugofara uye ini ndive nokufunganya kushoma. 29 Mugamuchirei muna She nomufaro mukuru, uye mukudze munhu akaita saiyeye, 30 nokuti akapotsa afa nokuda kwebasa raKristu, akaisa upenyu hwake panjodzi kuti akwanise kubatsira kwamakanga musingagoni kundiitira imi.

In Other Versions

Philippians 2 in the ANGEFD

Philippians 2 in the ANTPNG2D

Philippians 2 in the AS21

Philippians 2 in the BAGH

Philippians 2 in the BBPNG

Philippians 2 in the BBT1E

Philippians 2 in the BDS

Philippians 2 in the BEV

Philippians 2 in the BHAD

Philippians 2 in the BIB

Philippians 2 in the BLPT

Philippians 2 in the BNT

Philippians 2 in the BNTABOOT

Philippians 2 in the BNTLV

Philippians 2 in the BOATCB

Philippians 2 in the BOATCB2

Philippians 2 in the BOBCV

Philippians 2 in the BOCNT

Philippians 2 in the BOECS

Philippians 2 in the BOGWICC

Philippians 2 in the BOHCB

Philippians 2 in the BOHCV

Philippians 2 in the BOHLNT

Philippians 2 in the BOHNTLTAL

Philippians 2 in the BOICB

Philippians 2 in the BOILNTAP

Philippians 2 in the BOITCV

Philippians 2 in the BOKCV

Philippians 2 in the BOKCV2

Philippians 2 in the BOKHWOG

Philippians 2 in the BOKSSV

Philippians 2 in the BOLCB

Philippians 2 in the BOLCB2

Philippians 2 in the BOMCV

Philippians 2 in the BONAV

Philippians 2 in the BONCB

Philippians 2 in the BONLT

Philippians 2 in the BONUT2

Philippians 2 in the BOPLNT

Philippians 2 in the BOSNC

Philippians 2 in the BOTLNT

Philippians 2 in the BOVCB

Philippians 2 in the BOYCB

Philippians 2 in the BPBB

Philippians 2 in the BPH

Philippians 2 in the BSB

Philippians 2 in the CCB

Philippians 2 in the CUV

Philippians 2 in the CUVS

Philippians 2 in the DBT

Philippians 2 in the DGDNT

Philippians 2 in the DHNT

Philippians 2 in the DNT

Philippians 2 in the ELBE

Philippians 2 in the EMTV

Philippians 2 in the ESV

Philippians 2 in the FBV

Philippians 2 in the FEB

Philippians 2 in the GGMNT

Philippians 2 in the GNT

Philippians 2 in the HARY

Philippians 2 in the HNT

Philippians 2 in the IRVA

Philippians 2 in the IRVB

Philippians 2 in the IRVG

Philippians 2 in the IRVH

Philippians 2 in the IRVK

Philippians 2 in the IRVM

Philippians 2 in the IRVM2

Philippians 2 in the IRVO

Philippians 2 in the IRVP

Philippians 2 in the IRVT

Philippians 2 in the IRVT2

Philippians 2 in the IRVU

Philippians 2 in the ISVN

Philippians 2 in the JSNT

Philippians 2 in the KAPI

Philippians 2 in the KBT1ETNIK

Philippians 2 in the KBV

Philippians 2 in the KJV

Philippians 2 in the KNFD

Philippians 2 in the LBA

Philippians 2 in the LBLA

Philippians 2 in the LNT

Philippians 2 in the LSV

Philippians 2 in the MAAL

Philippians 2 in the MBV

Philippians 2 in the MBV2

Philippians 2 in the MHNT

Philippians 2 in the MKNFD

Philippians 2 in the MNG

Philippians 2 in the MNT

Philippians 2 in the MNT2

Philippians 2 in the MRS1T

Philippians 2 in the NAA

Philippians 2 in the NASB

Philippians 2 in the NBLA

Philippians 2 in the NBS

Philippians 2 in the NBVTP

Philippians 2 in the NET2

Philippians 2 in the NIV11

Philippians 2 in the NNT

Philippians 2 in the NNT2

Philippians 2 in the NNT3

Philippians 2 in the PDDPT

Philippians 2 in the PFNT

Philippians 2 in the RMNT

Philippians 2 in the SBIAS

Philippians 2 in the SBIBS

Philippians 2 in the SBIBS2

Philippians 2 in the SBICS

Philippians 2 in the SBIDS

Philippians 2 in the SBIGS

Philippians 2 in the SBIHS

Philippians 2 in the SBIIS

Philippians 2 in the SBIIS2

Philippians 2 in the SBIIS3

Philippians 2 in the SBIKS

Philippians 2 in the SBIKS2

Philippians 2 in the SBIMS

Philippians 2 in the SBIOS

Philippians 2 in the SBIPS

Philippians 2 in the SBISS

Philippians 2 in the SBITS

Philippians 2 in the SBITS2

Philippians 2 in the SBITS3

Philippians 2 in the SBITS4

Philippians 2 in the SBIUS

Philippians 2 in the SBIVS

Philippians 2 in the SBT

Philippians 2 in the SBT1E

Philippians 2 in the SCHL

Philippians 2 in the SNT

Philippians 2 in the SUSU

Philippians 2 in the SUSU2

Philippians 2 in the SYNO

Philippians 2 in the TBIAOTANT

Philippians 2 in the TBT1E

Philippians 2 in the TBT1E2

Philippians 2 in the TFTIP

Philippians 2 in the TFTU

Philippians 2 in the TGNTATF3T

Philippians 2 in the THAI

Philippians 2 in the TNFD

Philippians 2 in the TNT

Philippians 2 in the TNTIK

Philippians 2 in the TNTIL

Philippians 2 in the TNTIN

Philippians 2 in the TNTIP

Philippians 2 in the TNTIZ

Philippians 2 in the TOMA

Philippians 2 in the TTENT

Philippians 2 in the UBG

Philippians 2 in the UGV

Philippians 2 in the UGV2

Philippians 2 in the UGV3

Philippians 2 in the VBL

Philippians 2 in the VDCC

Philippians 2 in the YALU

Philippians 2 in the YAPE

Philippians 2 in the YBVTP

Philippians 2 in the ZBP