Philippians 4 (BOSCB)
1 Naizvozvo, hama dzangu, iyemi vandinoda uye vandinoshuva, mufaro wangu nekorona yangu, ndiko kuti mumire nesimba muna She, hama dzinodiwa! 2 Ndinokumbira zvikuru kuna Yudhia uyewo ndinokumbira zvikuru Sindike kuti vatenderane muna She. 3 Hongu, uye ndinokukumbira iwe wakatendeka, musungwa pamwe chete neni pajoko, batsira vakadzi ava vakarwa pamwe chete neni mubasa revhangeri, pamwe chete naKiremenzi uye navamwe vose vakabata basa pamwe chete neni, mazita avo ari mubhuku roupenyu. 4 Farai muna She nguva dzose. Ndichapamhidzazve: Farai! 5 Unyoro hwenyu ngahuonekwe kuna vose. Ishe ava pedyo. 6 Musafunganya pamusoro pechimwe chinhu, asi muzvinhu zvose, kumbirai Mwari neminyengetero, nemikumbiro uye nokuvonga. 7 Uye rugare rwaMwari, runopfuura kunzwisisa kwose, rucharinda mwoyo yenyu nemifungo yenyu muna Kristu Jesu. 8 Pakupedzisira hama, ndinoti kwamuri: fungai pamusoro pezvinhu izvi zvose zvechokwadi, zvose zvinokudzwa, zvose zvakarurama, zvose zvakachena, zvose zvinodikanwa, zvose zvinoyevedza, kana paine chinhu chakaisvonaka kana chinorumbidzwa, fungai pamusoro pezvinhu izvi zvakadai. 9 Zvinhu zvipi zvazvo zvamakadzidza kana zvamakagamuchira kana zvamakanzwa kubva kwandiri, kana zvamakaona mandiri, itai izvozvo. Uye Mwari worugare ngaave nemi. 10 Ndinofara zvikuru muna She kuti pakupedzisira makavandudza hanya yenyu nokuda kwangu. Zvirokwazvo, makanga mune hanya henyu, asi makanga musina mukana wokuti muzviratidze. 11 Handirevi izvi nokuda kwokuti ndinoshayiwa, nokuti ndakadzidza kugutsikana nezvinenge zviripo. 12 Ndinoziva kuti kushayiwa chii, uye ndinoziva kuva nezvakawanda. Ndakadzidza chakavanzika chokugutsikana mune zvipi zvazvo uye mumamiriro ose zvawo, kungava kuguta kana kunzwa nzara, kana kuva nezvakawanda kana kushayiwa. 13 Ndinogona kuita zvinhu zvose kubudikidza naiye anondipa simba. 14 Asi makaita zvakanaka kuti makagovana neni mumatambudziko angu. 15 Pamusoro paizvozvo, sezvamunoziva imi vaFiripi, pamazuva enyu okutanga kundiziva nevhangeri, pandakasimuka kubva kuMasedhonia, hakuna kereke yakagovana neni panyaya yokupa nokugamuchira, kunze kwenyu chete; 16 nokuti kunyange pandakanga ndiri muTesaronika, makanditumira rubatsirozve uye mukapamha pandainge ndiri pakushayiwa. 17 Handirevi kuti ndinotsvaka chipo, asi ndinotsvaka izvo zvamungazopfumiswa nazvo. 18 Ndakagamuchira mubayiro uzere uye kunyange zvizhinji; ndava nezvakakwana, zvino zvandagamuchira kubva kuna Epafrodhitasi zvipo zvamakanditumira. Zvakaita sechipiriso chinonhuhwira, chibayiro chakafanira, chinofadza Mwari. 19 Uye Mwari wangu achazadzisa zvamunoshayiwa zvose maererano nokubwinya kwepfuma yake muna Kristu Jesu. 20 Mwari naBaba vedu ngaave nokubwinya nokusingaperi-peri. Ameni. 21 Kwazisai vatsvene vose muna Kristu Jesu.Hama dzandinadzo dzinokukwazisai. 22 Vatsvene vose vanokukwazisai, kunyanya avo veimba yaKesari. 23 Nyasha dzaIshe Jesu Kristu ngadzive nomweya wenyu. Ameni.
In Other Versions
Philippians 4 in the ANGEFD
Philippians 4 in the ANTPNG2D
Philippians 4 in the AS21
Philippians 4 in the BAGH
Philippians 4 in the BBPNG
Philippians 4 in the BBT1E
Philippians 4 in the BDS
Philippians 4 in the BEV
Philippians 4 in the BHAD
Philippians 4 in the BIB
Philippians 4 in the BLPT
Philippians 4 in the BNT
Philippians 4 in the BNTABOOT
Philippians 4 in the BNTLV
Philippians 4 in the BOATCB
Philippians 4 in the BOATCB2
Philippians 4 in the BOBCV
Philippians 4 in the BOCNT
Philippians 4 in the BOECS
Philippians 4 in the BOGWICC
Philippians 4 in the BOHCB
Philippians 4 in the BOHCV
Philippians 4 in the BOHLNT
Philippians 4 in the BOHNTLTAL
Philippians 4 in the BOICB
Philippians 4 in the BOILNTAP
Philippians 4 in the BOITCV
Philippians 4 in the BOKCV
Philippians 4 in the BOKCV2
Philippians 4 in the BOKHWOG
Philippians 4 in the BOKSSV
Philippians 4 in the BOLCB
Philippians 4 in the BOLCB2
Philippians 4 in the BOMCV
Philippians 4 in the BONAV
Philippians 4 in the BONCB
Philippians 4 in the BONLT
Philippians 4 in the BONUT2
Philippians 4 in the BOPLNT
Philippians 4 in the BOSNC
Philippians 4 in the BOTLNT
Philippians 4 in the BOVCB
Philippians 4 in the BOYCB
Philippians 4 in the BPBB
Philippians 4 in the BPH
Philippians 4 in the BSB
Philippians 4 in the CCB
Philippians 4 in the CUV
Philippians 4 in the CUVS
Philippians 4 in the DBT
Philippians 4 in the DGDNT
Philippians 4 in the DHNT
Philippians 4 in the DNT
Philippians 4 in the ELBE
Philippians 4 in the EMTV
Philippians 4 in the ESV
Philippians 4 in the FBV
Philippians 4 in the FEB
Philippians 4 in the GGMNT
Philippians 4 in the GNT
Philippians 4 in the HARY
Philippians 4 in the HNT
Philippians 4 in the IRVA
Philippians 4 in the IRVB
Philippians 4 in the IRVG
Philippians 4 in the IRVH
Philippians 4 in the IRVK
Philippians 4 in the IRVM
Philippians 4 in the IRVM2
Philippians 4 in the IRVO
Philippians 4 in the IRVP
Philippians 4 in the IRVT
Philippians 4 in the IRVT2
Philippians 4 in the IRVU
Philippians 4 in the ISVN
Philippians 4 in the JSNT
Philippians 4 in the KAPI
Philippians 4 in the KBT1ETNIK
Philippians 4 in the KBV
Philippians 4 in the KJV
Philippians 4 in the KNFD
Philippians 4 in the LBA
Philippians 4 in the LBLA
Philippians 4 in the LNT
Philippians 4 in the LSV
Philippians 4 in the MAAL
Philippians 4 in the MBV
Philippians 4 in the MBV2
Philippians 4 in the MHNT
Philippians 4 in the MKNFD
Philippians 4 in the MNG
Philippians 4 in the MNT
Philippians 4 in the MNT2
Philippians 4 in the MRS1T
Philippians 4 in the NAA
Philippians 4 in the NASB
Philippians 4 in the NBLA
Philippians 4 in the NBS
Philippians 4 in the NBVTP
Philippians 4 in the NET2
Philippians 4 in the NIV11
Philippians 4 in the NNT
Philippians 4 in the NNT2
Philippians 4 in the NNT3
Philippians 4 in the PDDPT
Philippians 4 in the PFNT
Philippians 4 in the RMNT
Philippians 4 in the SBIAS
Philippians 4 in the SBIBS
Philippians 4 in the SBIBS2
Philippians 4 in the SBICS
Philippians 4 in the SBIDS
Philippians 4 in the SBIGS
Philippians 4 in the SBIHS
Philippians 4 in the SBIIS
Philippians 4 in the SBIIS2
Philippians 4 in the SBIIS3
Philippians 4 in the SBIKS
Philippians 4 in the SBIKS2
Philippians 4 in the SBIMS
Philippians 4 in the SBIOS
Philippians 4 in the SBIPS
Philippians 4 in the SBISS
Philippians 4 in the SBITS
Philippians 4 in the SBITS2
Philippians 4 in the SBITS3
Philippians 4 in the SBITS4
Philippians 4 in the SBIUS
Philippians 4 in the SBIVS
Philippians 4 in the SBT
Philippians 4 in the SBT1E
Philippians 4 in the SCHL
Philippians 4 in the SNT
Philippians 4 in the SUSU
Philippians 4 in the SUSU2
Philippians 4 in the SYNO
Philippians 4 in the TBIAOTANT
Philippians 4 in the TBT1E
Philippians 4 in the TBT1E2
Philippians 4 in the TFTIP
Philippians 4 in the TFTU
Philippians 4 in the TGNTATF3T
Philippians 4 in the THAI
Philippians 4 in the TNFD
Philippians 4 in the TNT
Philippians 4 in the TNTIK
Philippians 4 in the TNTIL
Philippians 4 in the TNTIN
Philippians 4 in the TNTIP
Philippians 4 in the TNTIZ
Philippians 4 in the TOMA
Philippians 4 in the TTENT
Philippians 4 in the UBG
Philippians 4 in the UGV
Philippians 4 in the UGV2
Philippians 4 in the UGV3
Philippians 4 in the VBL
Philippians 4 in the VDCC
Philippians 4 in the YALU
Philippians 4 in the YAPE
Philippians 4 in the YBVTP
Philippians 4 in the ZBP