Psalms 125 (BOSCB)
undefined Rwiyo rworwendo. 1 Vanovimba naJehovha vakafanana neGomo reZioni,risingazungunuswi asi rinogara nokusingaperi. 2 Sokupoteredzwa kwakaitwa Jerusarema namakomo,saizvozvo Jehovha anopoteredza vanhu vakekubva zvino nokusingaperi. 3 Tsvimbo yavasakarurama haingagaripamusoro penyika yakagoverwa vakarurama,nokuti ipapo vakarurama vangazotambanudziramaoko avo kuita zvakaipa. 4 Haiwa Jehovha, itirai zvakanaka, kuna avo vakanaka,kuna avo vane mwoyo yakarurama. 5 Asi avo vanotsaukira kunzira dzakaminama,Jehovha achavaparadza pamwe chete navaiti vezvakaipa. Rugare ngaruve pana Israeri.