Psalms 126 (BOSCB)
undefined Rwiyo rworwendo. 1 Jehovha paakadzosa vatapwa kuZioni,takanga tava savanhu vairota. 2 Miromo yedu yakanga izere nokuseka,ndimi dzedu dzizere nenziyo dzomufaro.Ipapo zvakanzi pakati pendudzi,“Jehovha akavaitira zvinhu zvikuru.” 3 Jehovha atiitira zvinhu zvikuru,uye tazara nomufaro. 4 Tidzorereizve nhaka yedu, imi Jehovha,sehova dzeNegevhi. 5 Avo vanodyara nemisodzivachakohwa nenziyo dzomufaro. 6 Uyo anobuda achichema,akatakura mbeu yokudyara,achadzoka nenziyo dzomufaro,akatakura zvisote.