Psalms 129 (BOSCB)
undefined Rwiyo rworwendo. 1 Vakandidzvinyirira zvikuru kubva pauduku hwangu,Israeri ngaati, 2 “Vakandidzvinyirira zvikuru kubva pauduku hwangu,asi havana kundikunda. 3 Varimi vakarima musana wanguvakaita miforo yavo mirefu.” 4 Asi Jehovha akarurama,akandisunungura pamabote avakaipa. 5 Vose vanovenga Zioningavadzorerwe shure nenyadzi. 6 Ngavaite souswa pamusoro pedenga remba,hunooma husati hwakura; 7 mukohwi haangazadzi maoko ake nahwo,uye anounganidza haangazadzi maoko ake. 8 Vanopfuura nepo ngavarege kuti,“Maropafadzo aJehovha ngaave pamusoro pako;tinokuropafadza muzita raJehovha.”