Psalms 13 (BOSCB)
undefined Kumutungamiri wokuimba. Pisarema raDhavhidhi. 1 Kusvikira riniko, nhai Jehovha? Muchandikanganwa nokusingaperi here?Muchasvika riniko makandivanzira chiso chenyu? 2 Ndichaita mutsimba nepfungwa dzangu kusvikira riniko,uye ndine shungu mumwoyo mangu zuva rimwe nerimwe?Muvengi wangu achandikurira kusvikira riniko? 3 Tarirai kwandiri mugondipindura, imi Jehovha Mwari wangu.Vhenekerai meso angu, kana kuti ndichafa ndakarara; 4 muvengi wangu achati, “Ndamukurira ndamukunda,”uye vadzivisi vangu vachapembera kana ndawa. 5 Asi ini ndinovimba norudo rwenyu rusingaperi;mwoyo wangu unofarira ruponeso rwenyu. 6 Ndichaimbira Jehovha,nokuti akandinakira.