Psalms 69 (BOSCB)
undefined Kumutungamiri wokuimba namaimbirwo a“Maruva eMahapa.” Pisarema raDhavhidhi. 1 Ndiponesei, imi Mwari,nokuti mvura zhinji yakwira kusvikira pamutsipa wangu. 2 Ndinonyura munhope yakadzika,pasina pangatsika makumbo angu.Ndapinda mumvura yakadzika;ndafukidzwa namafashamu. 3 Ndaneta nokuridza mhere yokuti ndibatsirwe;huro dzangu dzaoma,meso angu anetanokumirira Mwari wangu. 4 Vanondivenga ndisina mhosva vakawandakupfuura bvudzi romusoro wangu;vanondivenga ndisina mhosva vazhinji, avo vanotsvaka kundiparadza. Ndinomanikidzwa kudzosera zvandisina kuba. 5 Munoziva upenzi hwangu, imi Mwari;mhaka yangu haina kuvanzika kwamuri. 6 Vaya vane tariro mamuringavarege kunyadziswa nokuda kwangu,haiwa Ishe, Jehovha Wamasimba Ose;vanokutsvakaingavarege kunyadziswa nokuda kwangu,haiwa Mwari waIsraeri. 7 Nokuti ndinotsunga kusekwa hangu nokuda kwenyu,uye nyadzi dzafukidza chiso changu. 8 Ndiri mutorwa kuhama dzangu,nomweni kuvanakomana vamai vangu; 9 nokuti kushingairira imba yenyu kwandipedza,uye kutuka kwaavo vanokutukai kunowira pamusoro pangu. 10 Pandinochema uye ndichitsanya,ndinofanira kushinga pakusekwa; 11 pandinofuka nguo dzamasaga,vanhu vanondiita shumo. 12 Vaya vanogara pasuo vanondiseka,uye ndiri rwiyo rwezvidhakwa. 13 Asi ndinonyengetera kwamuri, imi Mwari,panguva inokufadzai;murudo rwenyu rukuru, imi Mwari,ndipindurei noruponeso rwenyu rwechokwadi. 14 Ndinunurei mumatope,musandirega ndichinyura;ndirwirei kuna vanondivenga,napamvura zhinji yakadzika. 15 Musatendera mvura yamafashamu kuti indifukidze,kana kwakadzika kuti kundimedzekana kuti gomba rizarure muromo waro pamusoro pangu. 16 Ndipindurei, imi Jehovha, zvichibva pakunaka kworudo rwenyu;dzokerai henyu kwandiri nokuda kwetsitsi dzenyu huru. 17 Regai kuvanzira muranda wenyu chiso chenyu;ndipindurei nokukurumidza, nokuti ndava mudambudziko. 18 Swederai pedyo mundinunure;ndidzikinurei nokuda kwavavengi vangu. 19 Munoziva kusekwa kwangu, kunyadziswa nokusakudzwa kwangu;vavengi vangu vose vari pamberi penyu. 20 Kusekwa kwaputsa mwoyo wangu,uye kwandisiya ndisisina chingandibatsira;Ndakatsvaka vangandinzwira ngoni, asi ndakavashaya,vangandinyaradza, asi ndakavashayazve. 21 Vakaisa nduru mune zvokudya zvangu,uye vakandipa vhiniga pandaiva nenyota. 22 Tafura yagadzirwa pamberi pavo ngaive musungo;ngaive shamhu yokuranga neriva. 23 Meso avo ngaapofumadzwe kuti varege kuona,uye misana yavo iminame nokusingaperi. 24 Dururirai hasha dzenyu pamusoro pavo;kutsamwa kwenyu kunotyisa ngakuvakurire. 25 Nzvimbo yavo ngaisiyiwe;ngaparege kuva nomunhu anogara mumatende avo. 26 Nokuti vanotambudza vaya vamakarova,uye vanotaura pamusoro pokurwadziwa kwavakakuvadzwa nemi. 27 Vapei mhosva pamusoro pemhosva;ngavarege kuva nomugove woruponeso rwenyu. 28 Ngavadzimwe mubhuku roupenyu,uye varege kuverengwa pamwe chete navakarurama. 29 Ndiri pakurwadziwa nenhamo;ruponeso rwenyu imi Mwari, ngarundidzivirire. 30 Ndicharumbidza zita raMwari norwiyo,uye ndichamukudza nokuvonga. 31 Izvi zvichafadza Jehovha kukunda nzombe,kupfuura hando nenyanga dzayo, namahwanda ayo. 32 Varombo vachazviona uye vachafara,imi vanotsvaka Mwari, mwoyo yenyu ngairarame! 33 Jehovha anonzwa vanoshayiwauye haashori vanhu vake vakatapwa. 34 Denga nenyika ngazvimurumbidze,makungwa nezvose zvinofamba, imomo, 35 nokuti Mwari achaponesa Zioniagovakazve maguta aJudha.Ipapo vanhu vachagarako, vagoritora; 36 Vana vavaranda vake vacharipiwa senhaka,uye avo vanoda zita rake vachagara ikoko.
In Other Versions
Psalms 69 in the ANGEFD
Psalms 69 in the ANTPNG2D
Psalms 69 in the AS21
Psalms 69 in the BAGH
Psalms 69 in the BBPNG
Psalms 69 in the BBT1E
Psalms 69 in the BDS
Psalms 69 in the BEV
Psalms 69 in the BHAD
Psalms 69 in the BIB
Psalms 69 in the BLPT
Psalms 69 in the BNT
Psalms 69 in the BNTABOOT
Psalms 69 in the BNTLV
Psalms 69 in the BOATCB
Psalms 69 in the BOATCB2
Psalms 69 in the BOBCV
Psalms 69 in the BOCNT
Psalms 69 in the BOECS
Psalms 69 in the BOGWICC
Psalms 69 in the BOHCB
Psalms 69 in the BOHCV
Psalms 69 in the BOHLNT
Psalms 69 in the BOHNTLTAL
Psalms 69 in the BOICB
Psalms 69 in the BOILNTAP
Psalms 69 in the BOITCV
Psalms 69 in the BOKCV
Psalms 69 in the BOKCV2
Psalms 69 in the BOKHWOG
Psalms 69 in the BOKSSV
Psalms 69 in the BOLCB
Psalms 69 in the BOLCB2
Psalms 69 in the BOMCV
Psalms 69 in the BONAV
Psalms 69 in the BONCB
Psalms 69 in the BONLT
Psalms 69 in the BONUT2
Psalms 69 in the BOPLNT
Psalms 69 in the BOSNC
Psalms 69 in the BOTLNT
Psalms 69 in the BOVCB
Psalms 69 in the BOYCB
Psalms 69 in the BPBB
Psalms 69 in the BPH
Psalms 69 in the BSB
Psalms 69 in the CCB
Psalms 69 in the CUV
Psalms 69 in the CUVS
Psalms 69 in the DBT
Psalms 69 in the DGDNT
Psalms 69 in the DHNT
Psalms 69 in the DNT
Psalms 69 in the ELBE
Psalms 69 in the EMTV
Psalms 69 in the ESV
Psalms 69 in the FBV
Psalms 69 in the FEB
Psalms 69 in the GGMNT
Psalms 69 in the GNT
Psalms 69 in the HARY
Psalms 69 in the HNT
Psalms 69 in the IRVA
Psalms 69 in the IRVB
Psalms 69 in the IRVG
Psalms 69 in the IRVH
Psalms 69 in the IRVK
Psalms 69 in the IRVM
Psalms 69 in the IRVM2
Psalms 69 in the IRVO
Psalms 69 in the IRVP
Psalms 69 in the IRVT
Psalms 69 in the IRVT2
Psalms 69 in the IRVU
Psalms 69 in the ISVN
Psalms 69 in the JSNT
Psalms 69 in the KAPI
Psalms 69 in the KBT1ETNIK
Psalms 69 in the KBV
Psalms 69 in the KJV
Psalms 69 in the KNFD
Psalms 69 in the LBA
Psalms 69 in the LBLA
Psalms 69 in the LNT
Psalms 69 in the LSV
Psalms 69 in the MAAL
Psalms 69 in the MBV
Psalms 69 in the MBV2
Psalms 69 in the MHNT
Psalms 69 in the MKNFD
Psalms 69 in the MNG
Psalms 69 in the MNT
Psalms 69 in the MNT2
Psalms 69 in the MRS1T
Psalms 69 in the NAA
Psalms 69 in the NASB
Psalms 69 in the NBLA
Psalms 69 in the NBS
Psalms 69 in the NBVTP
Psalms 69 in the NET2
Psalms 69 in the NIV11
Psalms 69 in the NNT
Psalms 69 in the NNT2
Psalms 69 in the NNT3
Psalms 69 in the PDDPT
Psalms 69 in the PFNT
Psalms 69 in the RMNT
Psalms 69 in the SBIAS
Psalms 69 in the SBIBS
Psalms 69 in the SBIBS2
Psalms 69 in the SBICS
Psalms 69 in the SBIDS
Psalms 69 in the SBIGS
Psalms 69 in the SBIHS
Psalms 69 in the SBIIS
Psalms 69 in the SBIIS2
Psalms 69 in the SBIIS3
Psalms 69 in the SBIKS
Psalms 69 in the SBIKS2
Psalms 69 in the SBIMS
Psalms 69 in the SBIOS
Psalms 69 in the SBIPS
Psalms 69 in the SBISS
Psalms 69 in the SBITS
Psalms 69 in the SBITS2
Psalms 69 in the SBITS3
Psalms 69 in the SBITS4
Psalms 69 in the SBIUS
Psalms 69 in the SBIVS
Psalms 69 in the SBT
Psalms 69 in the SBT1E
Psalms 69 in the SCHL
Psalms 69 in the SNT
Psalms 69 in the SUSU
Psalms 69 in the SUSU2
Psalms 69 in the SYNO
Psalms 69 in the TBIAOTANT
Psalms 69 in the TBT1E
Psalms 69 in the TBT1E2
Psalms 69 in the TFTIP
Psalms 69 in the TFTU
Psalms 69 in the TGNTATF3T
Psalms 69 in the THAI
Psalms 69 in the TNFD
Psalms 69 in the TNT
Psalms 69 in the TNTIK
Psalms 69 in the TNTIL
Psalms 69 in the TNTIN
Psalms 69 in the TNTIP
Psalms 69 in the TNTIZ
Psalms 69 in the TOMA
Psalms 69 in the TTENT
Psalms 69 in the UBG
Psalms 69 in the UGV
Psalms 69 in the UGV2
Psalms 69 in the UGV3
Psalms 69 in the VBL
Psalms 69 in the VDCC
Psalms 69 in the YALU
Psalms 69 in the YAPE
Psalms 69 in the YBVTP
Psalms 69 in the ZBP