Revelation 8 (BOSCB)

1 Akati azarura chisimbiso chechinomwe, kwakava nokunyarara kudenga kwenguva inenge hafu yeawa. 2 Uye ndakaona vatumwa vanomwe vanomira pamberi paMwari, uye vakapiwa hwamanda nomwe. 3 Mumwe mutumwa, akanga ano mudziyo wezvinonhuhwira wegoridhe, akauya akamira paaritari. Akapiwa zvinonhuhwira zvizhinji zvokuzopa, pamwe chete neminyengetero yavatsvene vose, paaritari yegoridhe pamberi pechigaro choushe. 4 Utsi hwezvinonhuhwira, pamwe chete neminyengetero yavatsvene, zvakakwira pamberi paMwari kubva muruoko rwomutumwa. 5 Ipapo mutumwa akatora mudziyo wezvinonhuhwira, akauzadza nomoto waibva paaritari, akaukanda panyika; uye ipapo kwakaita mabhananʼana, maungira okutinhira, kupenya kwemheni nokudengenyeka kwenyika. 6 Ipapo vatumwa vanomwe vakanga vane hwamanda nomwe vakagadzirira kudziridza. 7 Mutumwa wokutanga akaridza hwamanda yake, ipapo kukauya chimvuramabwe nomoto zvakavhenganiswa neropa, uye zvikakandwa pamusoro penyika. Chikamu chimwe chete muzvitatu chenyika chakapiswa, chikamu chimwe chete muzvitatu chemiti chikapiswa, uye uswa hwose hunyoro hukapiswa. 8 Mutumwa wechipiri akaridza hwamanda yake uye chimwe chinhu chakanga chakaita segomo guru, raipfuta rose, chikakandwa mugungwa. Chikamu chimwe chete muzvitatu chegungwa chakashanduka chikava ropa, 9 chikamu chimwe chete muzvitatu chezvisikwa zvipenyu zviri mugungwa chikafa, uye chikamu chimwe chete muzvitatu chezvikepe chikaparadzwa. 10 Mutumwa wechitatu akaridza hwamanda yake, uye nyeredzi huru, yakanga ichipfuta somwenje, yakawa kubva kudenga pamusoro pechikamu chimwe chete muzvitatu chenzizi nezvitubu zvemvura, 11 zita renyeredzi rainzi Chinovava. Chikamu chimwe chete muzvitatu chemvura zhinji chakavava, uye vanhu vazhinji vakafa nokuda kwemvura yakanga yovava. 12 Mutumwa wechina akaridza hwamanda yake, uye chikamu chimwe chete muzvitatu chezuva chikarohwa, chikamu chimwe chete muzvitatu chomwedzi, nechikamu chimwe chete muzvitatu chenyeredzi, zvokuti chikamu chimwe chete muzvitatu chazvo chakashanduka chikasviba. Chikamu chimwe chete muzvitatu chezuva iro chakanga chisina chiedza, uyewo nechikamu chimwe chete muzvitatu chousiku uhwo. 13 Pandakatarira, ndakanzwa gondo rakanga richibhururuka pakati pomuchadenga richirira nenzwi guru richiti, “Nhamo! Nhamo! Nhamo kuna vanogara panyika, nokuda kwehwamanda dzava kuda kuzoridzwa navamwe vatumwa vatatu!”

In Other Versions

Revelation 8 in the ANGEFD

Revelation 8 in the ANTPNG2D

Revelation 8 in the AS21

Revelation 8 in the BAGH

Revelation 8 in the BBPNG

Revelation 8 in the BBT1E

Revelation 8 in the BDS

Revelation 8 in the BEV

Revelation 8 in the BHAD

Revelation 8 in the BIB

Revelation 8 in the BLPT

Revelation 8 in the BNT

Revelation 8 in the BNTABOOT

Revelation 8 in the BNTLV

Revelation 8 in the BOATCB

Revelation 8 in the BOATCB2

Revelation 8 in the BOBCV

Revelation 8 in the BOCNT

Revelation 8 in the BOECS

Revelation 8 in the BOGWICC

Revelation 8 in the BOHCB

Revelation 8 in the BOHCV

Revelation 8 in the BOHLNT

Revelation 8 in the BOHNTLTAL

Revelation 8 in the BOICB

Revelation 8 in the BOILNTAP

Revelation 8 in the BOITCV

Revelation 8 in the BOKCV

Revelation 8 in the BOKCV2

Revelation 8 in the BOKHWOG

Revelation 8 in the BOKSSV

Revelation 8 in the BOLCB

Revelation 8 in the BOLCB2

Revelation 8 in the BOMCV

Revelation 8 in the BONAV

Revelation 8 in the BONCB

Revelation 8 in the BONLT

Revelation 8 in the BONUT2

Revelation 8 in the BOPLNT

Revelation 8 in the BOSNC

Revelation 8 in the BOTLNT

Revelation 8 in the BOVCB

Revelation 8 in the BOYCB

Revelation 8 in the BPBB

Revelation 8 in the BPH

Revelation 8 in the BSB

Revelation 8 in the CCB

Revelation 8 in the CUV

Revelation 8 in the CUVS

Revelation 8 in the DBT

Revelation 8 in the DGDNT

Revelation 8 in the DHNT

Revelation 8 in the DNT

Revelation 8 in the ELBE

Revelation 8 in the EMTV

Revelation 8 in the ESV

Revelation 8 in the FBV

Revelation 8 in the FEB

Revelation 8 in the GGMNT

Revelation 8 in the GNT

Revelation 8 in the HARY

Revelation 8 in the HNT

Revelation 8 in the IRVA

Revelation 8 in the IRVB

Revelation 8 in the IRVG

Revelation 8 in the IRVH

Revelation 8 in the IRVK

Revelation 8 in the IRVM

Revelation 8 in the IRVM2

Revelation 8 in the IRVO

Revelation 8 in the IRVP

Revelation 8 in the IRVT

Revelation 8 in the IRVT2

Revelation 8 in the IRVU

Revelation 8 in the ISVN

Revelation 8 in the JSNT

Revelation 8 in the KAPI

Revelation 8 in the KBT1ETNIK

Revelation 8 in the KBV

Revelation 8 in the KJV

Revelation 8 in the KNFD

Revelation 8 in the LBA

Revelation 8 in the LBLA

Revelation 8 in the LNT

Revelation 8 in the LSV

Revelation 8 in the MAAL

Revelation 8 in the MBV

Revelation 8 in the MBV2

Revelation 8 in the MHNT

Revelation 8 in the MKNFD

Revelation 8 in the MNG

Revelation 8 in the MNT

Revelation 8 in the MNT2

Revelation 8 in the MRS1T

Revelation 8 in the NAA

Revelation 8 in the NASB

Revelation 8 in the NBLA

Revelation 8 in the NBS

Revelation 8 in the NBVTP

Revelation 8 in the NET2

Revelation 8 in the NIV11

Revelation 8 in the NNT

Revelation 8 in the NNT2

Revelation 8 in the NNT3

Revelation 8 in the PDDPT

Revelation 8 in the PFNT

Revelation 8 in the RMNT

Revelation 8 in the SBIAS

Revelation 8 in the SBIBS

Revelation 8 in the SBIBS2

Revelation 8 in the SBICS

Revelation 8 in the SBIDS

Revelation 8 in the SBIGS

Revelation 8 in the SBIHS

Revelation 8 in the SBIIS

Revelation 8 in the SBIIS2

Revelation 8 in the SBIIS3

Revelation 8 in the SBIKS

Revelation 8 in the SBIKS2

Revelation 8 in the SBIMS

Revelation 8 in the SBIOS

Revelation 8 in the SBIPS

Revelation 8 in the SBISS

Revelation 8 in the SBITS

Revelation 8 in the SBITS2

Revelation 8 in the SBITS3

Revelation 8 in the SBITS4

Revelation 8 in the SBIUS

Revelation 8 in the SBIVS

Revelation 8 in the SBT

Revelation 8 in the SBT1E

Revelation 8 in the SCHL

Revelation 8 in the SNT

Revelation 8 in the SUSU

Revelation 8 in the SUSU2

Revelation 8 in the SYNO

Revelation 8 in the TBIAOTANT

Revelation 8 in the TBT1E

Revelation 8 in the TBT1E2

Revelation 8 in the TFTIP

Revelation 8 in the TFTU

Revelation 8 in the TGNTATF3T

Revelation 8 in the THAI

Revelation 8 in the TNFD

Revelation 8 in the TNT

Revelation 8 in the TNTIK

Revelation 8 in the TNTIL

Revelation 8 in the TNTIN

Revelation 8 in the TNTIP

Revelation 8 in the TNTIZ

Revelation 8 in the TOMA

Revelation 8 in the TTENT

Revelation 8 in the UBG

Revelation 8 in the UGV

Revelation 8 in the UGV2

Revelation 8 in the UGV3

Revelation 8 in the VBL

Revelation 8 in the VDCC

Revelation 8 in the YALU

Revelation 8 in the YAPE

Revelation 8 in the YBVTP

Revelation 8 in the ZBP