Romans 3 (BOSCB)
1 Ko, muJudha anopfuura vamwe pakudii, uye kudzingiswa kunobatsireiko? 2 Zvizhinji nemitoo yose! Pakutanga, ndivo vakapiwa mashoko aMwari chaiwo. 3 Ko, kana vamwe vasina kutenda? Kusatenda kwavo kungakonesa kutendeka kwaMwari here? 4 Kwete, kwete! Mwari ngaave wechokwadi, asi vanhu vose vave venhema. Sezvazvakanyorwa zvichinzi:“Kuitira kuti munzi makarurama pamunotaura,uye mukunde pakutonga kwenyu.” 5 Asi kana kusarurama kwedu kuchiratidza kururama kwaMwari zvinonyatsoonekwa, tichatiiko? Kuti Mwari haana kururama here kana achiisa hasha dzake pamusoro pedu? (Ndiri kutaura namatauriro avanhu). 6 Kwete kwete! Dai zvanga zviri izvo, Mwari aizotonga nyika seiko? 7 Mumwe anogona kuti, “Zvino kana nhema dzangu dzichiita kuti chokwadi chaMwari chionekwe uye zvichizowedzera kukudzwa kwake, ko, sei ndichizotongwa somutadzi?” 8 Ticharegerereiko kutaura sezvatinopomerwa, uye sezvinoreva vamwe vachiti tinoti, “Ngatiitei zvakaipa kuti zvakanaka zvibudepo”? Kutongwa kwavo kwakavafanira. 9 Zvino tichatiiko? Tinovapfuura here? Kwete napaduku pose! Nokuti tambopa vose mhosva, vaJudha neveDzimwe Ndudzi, yokuva pasi pechivi. 10 Sezvazvakanyorwa zvichinzi:“Hakuna akarurama, kunyange nomumwe; 11 hakuna anonzwisisa,hakuna anotsvaka Mwari. 12 Vose vakatsauka,vose pamwe chete vakava vasina maturo;hakuna kana mumwe anoita zvakanaka,kana mumwe zvake.” 13 “Huro dzavo makuva akashama;ndimi dzavo dzinotaura unyengeri.”“Uturu hwenyoka huri pamiromo yavo.” 14 “Miromo yavo izere nokutuka nokuvava.” 15 “Tsoka dzavo dzinokurumidza kuteura ropa; 16 kuparadza nenhamo zviri panzira dzavo, 17 Uye nzira yorugare havaizivi.” 18 “Kutya Mwari hakupo pamberi pavo.” 19 Zvino tinoziva kuti zvose zvinorehwa nomurayiro, unozvitaura kuna avo vari pasi pomurayiro, kuitira kuti miromo yose ishayiswe chokutaura uye kuti nyika yose ive nemhosva pamberi paMwari. 20 Naizvozvo hapana achanzi akarurama pamberi pake nokuda kwokuchengeta murayiro; asi kuti, kubudikidza nomurayiro tichaziviswa chivi. 21 Asi zvino kururama kwaMwari, kwakaratidzwa kunze kwomurayiro, kuchipupurirwa nomurayiro navaprofita. 22 Kururama uku kunobva kuna Mwari kunouya kubudikidza nokutenda muna Jesu Kristu kuna vose vanotenda. Hapana musiyano, 23 nokuti vose vakatadza uye vakasasvika pakubwinya kwaMwari, 24 uye vanoruramisirwa nenyasha dzake kubudikidza nokudzikinura kuri muna Kristu Jesu. 25 Mwari akamupa iye sechibayiro chokuyananisa kubudikidza nokutenda muropa rake. Akaita izvi kuti aratidze kururamisira kwake, nokuti mukuita mwoyo murefu kwake akaregerera hake zvivi zvakaitwa kare. 26 Akazviita kuti aratidze kururamisira kwake panguva ino, kuitira kuti ave akarurama uye anoruramisira vaya vanotenda muna Jesu. 27 Zvino kuzvikudza kuripiko? Kwabviswa. Nomurayiro upiko? Wokuchengetedza murayiro here? Kwete, asi nomurayiro wokutenda. 28 Naizvozvo tinomira pakuti munhu anoruramisirwa nokutenda kwete nokuchengeta murayiro. 29 Ko, Mwari ndiMwari wavaJudha voga here? Ko, haazi Mwari weveDzimwe Ndudziwo here? Hongu ndoweveDzimwe Ndudziwo, 30 sezvo kuna Mwari mumwe chete uyo acharuramisira vakadzingiswa nokutenda uye vasina kudzingiswa kubudikidza nokutenda kumwe cheteko. 31 Zvino tinobvisa murayiro nokutenda uku here? Kwete napaduku! Asi, tinosimbisa murayiro.
In Other Versions
Romans 3 in the ANGEFD
Romans 3 in the ANTPNG2D
Romans 3 in the AS21
Romans 3 in the BAGH
Romans 3 in the BBPNG
Romans 3 in the BBT1E
Romans 3 in the BDS
Romans 3 in the BEV
Romans 3 in the BHAD
Romans 3 in the BIB
Romans 3 in the BLPT
Romans 3 in the BNT
Romans 3 in the BNTABOOT
Romans 3 in the BNTLV
Romans 3 in the BOATCB
Romans 3 in the BOATCB2
Romans 3 in the BOBCV
Romans 3 in the BOCNT
Romans 3 in the BOECS
Romans 3 in the BOGWICC
Romans 3 in the BOHCB
Romans 3 in the BOHCV
Romans 3 in the BOHLNT
Romans 3 in the BOHNTLTAL
Romans 3 in the BOICB
Romans 3 in the BOILNTAP
Romans 3 in the BOITCV
Romans 3 in the BOKCV
Romans 3 in the BOKCV2
Romans 3 in the BOKHWOG
Romans 3 in the BOKSSV
Romans 3 in the BOLCB
Romans 3 in the BOLCB2
Romans 3 in the BOMCV
Romans 3 in the BONAV
Romans 3 in the BONCB
Romans 3 in the BONLT
Romans 3 in the BONUT2
Romans 3 in the BOPLNT
Romans 3 in the BOSNC
Romans 3 in the BOTLNT
Romans 3 in the BOVCB
Romans 3 in the BOYCB
Romans 3 in the BPBB
Romans 3 in the BPH
Romans 3 in the BSB
Romans 3 in the CCB
Romans 3 in the CUV
Romans 3 in the CUVS
Romans 3 in the DBT
Romans 3 in the DGDNT
Romans 3 in the DHNT
Romans 3 in the DNT
Romans 3 in the ELBE
Romans 3 in the EMTV
Romans 3 in the ESV
Romans 3 in the FBV
Romans 3 in the FEB
Romans 3 in the GGMNT
Romans 3 in the GNT
Romans 3 in the HARY
Romans 3 in the HNT
Romans 3 in the IRVA
Romans 3 in the IRVB
Romans 3 in the IRVG
Romans 3 in the IRVH
Romans 3 in the IRVK
Romans 3 in the IRVM
Romans 3 in the IRVM2
Romans 3 in the IRVO
Romans 3 in the IRVP
Romans 3 in the IRVT
Romans 3 in the IRVT2
Romans 3 in the IRVU
Romans 3 in the ISVN
Romans 3 in the JSNT
Romans 3 in the KAPI
Romans 3 in the KBT1ETNIK
Romans 3 in the KBV
Romans 3 in the KJV
Romans 3 in the KNFD
Romans 3 in the LBA
Romans 3 in the LBLA
Romans 3 in the LNT
Romans 3 in the LSV
Romans 3 in the MAAL
Romans 3 in the MBV
Romans 3 in the MBV2
Romans 3 in the MHNT
Romans 3 in the MKNFD
Romans 3 in the MNG
Romans 3 in the MNT
Romans 3 in the MNT2
Romans 3 in the MRS1T
Romans 3 in the NAA
Romans 3 in the NASB
Romans 3 in the NBLA
Romans 3 in the NBS
Romans 3 in the NBVTP
Romans 3 in the NET2
Romans 3 in the NIV11
Romans 3 in the NNT
Romans 3 in the NNT2
Romans 3 in the NNT3
Romans 3 in the PDDPT
Romans 3 in the PFNT
Romans 3 in the RMNT
Romans 3 in the SBIAS
Romans 3 in the SBIBS
Romans 3 in the SBIBS2
Romans 3 in the SBICS
Romans 3 in the SBIDS
Romans 3 in the SBIGS
Romans 3 in the SBIHS
Romans 3 in the SBIIS
Romans 3 in the SBIIS2
Romans 3 in the SBIIS3
Romans 3 in the SBIKS
Romans 3 in the SBIKS2
Romans 3 in the SBIMS
Romans 3 in the SBIOS
Romans 3 in the SBIPS
Romans 3 in the SBISS
Romans 3 in the SBITS
Romans 3 in the SBITS2
Romans 3 in the SBITS3
Romans 3 in the SBITS4
Romans 3 in the SBIUS
Romans 3 in the SBIVS
Romans 3 in the SBT
Romans 3 in the SBT1E
Romans 3 in the SCHL
Romans 3 in the SNT
Romans 3 in the SUSU
Romans 3 in the SUSU2
Romans 3 in the SYNO
Romans 3 in the TBIAOTANT
Romans 3 in the TBT1E
Romans 3 in the TBT1E2
Romans 3 in the TFTIP
Romans 3 in the TFTU
Romans 3 in the TGNTATF3T
Romans 3 in the THAI
Romans 3 in the TNFD
Romans 3 in the TNT
Romans 3 in the TNTIK
Romans 3 in the TNTIL
Romans 3 in the TNTIN
Romans 3 in the TNTIP
Romans 3 in the TNTIZ
Romans 3 in the TOMA
Romans 3 in the TTENT
Romans 3 in the UBG
Romans 3 in the UGV
Romans 3 in the UGV2
Romans 3 in the UGV3
Romans 3 in the VBL
Romans 3 in the VDCC
Romans 3 in the YALU
Romans 3 in the YAPE
Romans 3 in the YBVTP
Romans 3 in the ZBP