Romans 5 (BOSCB)

1 Naizvozvo, zvatinoruramisirwa nokutenda, tino rugare naMwari kubudikidza naIshe wedu Jesu Kristu, 2 watakawana naye mapindiro, nokutenda, munyasha idzi dzatakamira madziri zvino. Uye tinofara mutariro yokubwinya kwaMwari. 3 Kwete izvozvo bedzi, asi tinofarawo mumatambudziko edu, nokuti tinoziva kuti kutambudzika kunouyisa kutsungirira, 4 kutsungirira kunouyisa unhu uye unhu hunouyisa tariro. 5 Uye tariro hainyadzisi nokuti Mwari akadurura rudo rwake mumwoyo yedu kubudikidza naMweya Mutsvene, uyo waakatipa. 6 Munoona, panguva chaiyo yakafanira, patakanga tisina simba, Kristu akafira vasingadi Mwari. 7 Hazviwanzoitika kuti munhu afire akarurama, kunyange zvazvo munhu angaedza kufira munhu akanaka. 8 Asi Mwari anoratidza rudo rwake kwatiri pakuti: Tichiri vatadzi, Kristu akatifira. 9 Zvino sezvo takaruramisirwa neropa rake, tichaponeswa zvikuru sei naye kubva pakutsamwa kwaMwari! 10 Nokuti kana, patakanga tiri vavengi vaMwari, takayananiswa naye kubudikidza norufu rwoMwanakomana wake, tichaponeswa zvikuru sei kubudikidza norufu rwoMwanakomana wake, tichaponeswa zvikuru sei kubudikidza noupenyu hwake, kana tayananiswa! 11 Nokuti hazvisizvo bedzi, asi kuti tinofarawo muna Mwari nokuna Ishe wedu Jesu Kristu, watakapiwa zvino naye kuyananiswa. 12 Naizvozvo, chivi sezvachakapinda munyika nomunhu mumwe, norufu rukapinda nechivi, uye nenzira iyi rufu rwakauya kuvanhu vose, nokuti vose vakatadza, 13 nokuti murayiro usati wapiwa, chivi chakanga chava munyika. Asi chivi hachiverengwi kana pasina murayiro. 14 Asi rufu rwakabata ushe kubva panguva yaAdhamu kusvikira panguva yaMozisi, kunyange pamusoro paavo vasina kutadza nokudarika murayiro, sezvakaitwa naAdhamu, akanga ari mufananidzo wouyo akanga achazouya. 15 Asi chipo chokungopiwa hachifanani nokudarika. Nokuti kana vazhinji vakafa nokudarika kwomunhu mumwe, zvikuru sei nyasha dzaMwari nechipo chakauya nenyasha dzomunhu mumwe, Jesu Kristu, dzakadururirwa kuvazhinji! 16 Uye chipo chaMwari hachina kufanana nomubayiro wechivi chomunhu mumwe akatadza: Nokuti kutongwa kwakauya nechivi chomunhu mumwe kuti vave nemhosva, asi chipo chokungopiwa chakatevera kudarika kuzhinji uye chikauyisa kururamisirwa. 17 Nokuti, kana nokudarika kwomunhu mumwe, rufu rwakabata ushe kubudikidza nomunhu iyeye, ko, kuzoti vaya vakagamuchira nyasha zhinji dzaMwari uye nechipo chokungopiwa chokururama, vachabata ushe zvikuru sei muupenyu kubudikidza nomunhu mumwe, iye Jesu Kristu. 18 Naizvozvo, nokuda kwokudarika kwomunhu mumwe mhosva yakapiwa kuvanhu vose, saka naizvozvowo nokuda kwechiito chimwe chokururama, kururamisirwa kunouyisa upenyu kwakavapo kuvanhu vose. 19 Nokuti vazhinji sezvavakaitwa vatadzi kubudikidza nokusateerera kwomunhu mumwe, saka naizvozvowo vazhinji vachaitwa vakarurama kubudikidza nokuteerera kwomunhu mumwe. 20 Murayiro wakaiswawo kuti kudarika kuwande. Asi panowanda chivi, nyasha dzinowanda zvikuru nokupfuurisa, 21 kuitira kuti sokubata ushe kwakaita chivi murufu, naizvozvowo nyasha dzibate ushe kubudikidza nokururama, kuti dziuyise upenyu husingaperi kubudikidza naJesu Kristu, Ishe wedu.

In Other Versions

Romans 5 in the ANGEFD

Romans 5 in the ANTPNG2D

Romans 5 in the AS21

Romans 5 in the BAGH

Romans 5 in the BBPNG

Romans 5 in the BBT1E

Romans 5 in the BDS

Romans 5 in the BEV

Romans 5 in the BHAD

Romans 5 in the BIB

Romans 5 in the BLPT

Romans 5 in the BNT

Romans 5 in the BNTABOOT

Romans 5 in the BNTLV

Romans 5 in the BOATCB

Romans 5 in the BOATCB2

Romans 5 in the BOBCV

Romans 5 in the BOCNT

Romans 5 in the BOECS

Romans 5 in the BOGWICC

Romans 5 in the BOHCB

Romans 5 in the BOHCV

Romans 5 in the BOHLNT

Romans 5 in the BOHNTLTAL

Romans 5 in the BOICB

Romans 5 in the BOILNTAP

Romans 5 in the BOITCV

Romans 5 in the BOKCV

Romans 5 in the BOKCV2

Romans 5 in the BOKHWOG

Romans 5 in the BOKSSV

Romans 5 in the BOLCB

Romans 5 in the BOLCB2

Romans 5 in the BOMCV

Romans 5 in the BONAV

Romans 5 in the BONCB

Romans 5 in the BONLT

Romans 5 in the BONUT2

Romans 5 in the BOPLNT

Romans 5 in the BOSNC

Romans 5 in the BOTLNT

Romans 5 in the BOVCB

Romans 5 in the BOYCB

Romans 5 in the BPBB

Romans 5 in the BPH

Romans 5 in the BSB

Romans 5 in the CCB

Romans 5 in the CUV

Romans 5 in the CUVS

Romans 5 in the DBT

Romans 5 in the DGDNT

Romans 5 in the DHNT

Romans 5 in the DNT

Romans 5 in the ELBE

Romans 5 in the EMTV

Romans 5 in the ESV

Romans 5 in the FBV

Romans 5 in the FEB

Romans 5 in the GGMNT

Romans 5 in the GNT

Romans 5 in the HARY

Romans 5 in the HNT

Romans 5 in the IRVA

Romans 5 in the IRVB

Romans 5 in the IRVG

Romans 5 in the IRVH

Romans 5 in the IRVK

Romans 5 in the IRVM

Romans 5 in the IRVM2

Romans 5 in the IRVO

Romans 5 in the IRVP

Romans 5 in the IRVT

Romans 5 in the IRVT2

Romans 5 in the IRVU

Romans 5 in the ISVN

Romans 5 in the JSNT

Romans 5 in the KAPI

Romans 5 in the KBT1ETNIK

Romans 5 in the KBV

Romans 5 in the KJV

Romans 5 in the KNFD

Romans 5 in the LBA

Romans 5 in the LBLA

Romans 5 in the LNT

Romans 5 in the LSV

Romans 5 in the MAAL

Romans 5 in the MBV

Romans 5 in the MBV2

Romans 5 in the MHNT

Romans 5 in the MKNFD

Romans 5 in the MNG

Romans 5 in the MNT

Romans 5 in the MNT2

Romans 5 in the MRS1T

Romans 5 in the NAA

Romans 5 in the NASB

Romans 5 in the NBLA

Romans 5 in the NBS

Romans 5 in the NBVTP

Romans 5 in the NET2

Romans 5 in the NIV11

Romans 5 in the NNT

Romans 5 in the NNT2

Romans 5 in the NNT3

Romans 5 in the PDDPT

Romans 5 in the PFNT

Romans 5 in the RMNT

Romans 5 in the SBIAS

Romans 5 in the SBIBS

Romans 5 in the SBIBS2

Romans 5 in the SBICS

Romans 5 in the SBIDS

Romans 5 in the SBIGS

Romans 5 in the SBIHS

Romans 5 in the SBIIS

Romans 5 in the SBIIS2

Romans 5 in the SBIIS3

Romans 5 in the SBIKS

Romans 5 in the SBIKS2

Romans 5 in the SBIMS

Romans 5 in the SBIOS

Romans 5 in the SBIPS

Romans 5 in the SBISS

Romans 5 in the SBITS

Romans 5 in the SBITS2

Romans 5 in the SBITS3

Romans 5 in the SBITS4

Romans 5 in the SBIUS

Romans 5 in the SBIVS

Romans 5 in the SBT

Romans 5 in the SBT1E

Romans 5 in the SCHL

Romans 5 in the SNT

Romans 5 in the SUSU

Romans 5 in the SUSU2

Romans 5 in the SYNO

Romans 5 in the TBIAOTANT

Romans 5 in the TBT1E

Romans 5 in the TBT1E2

Romans 5 in the TFTIP

Romans 5 in the TFTU

Romans 5 in the TGNTATF3T

Romans 5 in the THAI

Romans 5 in the TNFD

Romans 5 in the TNT

Romans 5 in the TNTIK

Romans 5 in the TNTIL

Romans 5 in the TNTIN

Romans 5 in the TNTIP

Romans 5 in the TNTIZ

Romans 5 in the TOMA

Romans 5 in the TTENT

Romans 5 in the UBG

Romans 5 in the UGV

Romans 5 in the UGV2

Romans 5 in the UGV3

Romans 5 in the VBL

Romans 5 in the VDCC

Romans 5 in the YALU

Romans 5 in the YAPE

Romans 5 in the YBVTP

Romans 5 in the ZBP