Ruth 3 (BOSCB)
1 Rimwe zuva Naomi, vamwene vake vakati kwaari, “Mwanasikana wangu, handingaedzi kukuwanira musha here, paungawana zvinokuriritira zvakakwana? 2 Ko, Bhoazi ane vasikana vawanga uchishanda navo haasi hama yedu yapedyo here? Achange ari paburiro achirudza bhari nhasi manheru. 3 Shamba ugozora mafuta anonhuhwira, ugopfeka nguo dzako dzakaisvonaka. Ipapo ugodzika kuburiro, asi usaite kuti azive kuti iwe uripo kusvikira apedza kudya nokunwa. 4 Kana orara, ucherechedze nzvimbo yaanorara. Ipapo ugoenda ufukure tsoka dzake ugorara pasi. Achakuudza zvaunofanira kuita.” 5 Rute akapindura akati, “Ndichaita zvose zvamareva.” 6 Naizvozvo akadzika kuburiro akaita zvose zvaakataurirwa navamwene vake. 7 Bhoazi akati apedza kudya nokunwa uye mwoyo wake wafara, akaenda akandorara kumuchetocheto kwomurwi wezviyo. Rute akaswedera kwaari chinyararire, akafukura tsoka dzake akarara pasi. 8 Pakati pousiku chimwe chinhu chakavhundutsa murume, akashanduka akaona mukadzi akarara kumakumbo kwake. 9 Akamubvunza akati, “Ndiwe aniko?”Iye akati, “Ndini murandakadzi wenyu Rute. Tambanudzai chikamu chenguo yenyu muchiise pamusoro pangu, sezvo muri hama yapedyo nomudzikinuri.” 10 Akapindura akati kwaari, “Jehovha akuropafadze, mwanasikana wangu. Tsitsi idzi dzakakura kupinda zvawakaratidza pakutanga. Hauna kumhanyira majaya, hazvinei kuti varombo kana vapfumi. 11 Naizvozvo zvino, mwanasikana wangu, usatya. Ndichakuitira zvose zvawakakumbira. Varume vose vagere neni muguta vanoziva kuti uri mukadzi akatsiga. 12 Kunyange zvazvo chiri chokwadi kuti ndiri hama yapedyo, pane imwe hama yapedyo ari pedyo kupfuura ini. 13 Chigara hako usiku huno, uye mangwanani kana achida kudzikinura, zvakanaka, ngaadzikinure hake. Asi kana asingadi, naJehovha mupenyu ini ndichazviita. Chivata pano kusvikira mangwanani.” 14 Naizvozvo akarara kumakumbo ake kusvikira mangwanani, asi akamuka mambakwedza pasina aigona kuzivikanwa kuti ndiani; uye Bhoazi akati, “Usaita kuti zvizivikanwe kuti pane mukadzi akauya paburiro.” 15 Akati kwaarizve, “Ndipe kuno mucheka wawakamonera ugoutambanudza.” Akati aita izvozvo, Bhoazi akadururira zviyero zvebhari zvitanhatu mauri akamutakudza pamusoro. Ipapo akadzokera kuguta. 16 Zvino Rute akati asvika kuna vamwene vake, Naomi akamubvunza akati, “Zvaita mafambiroi mwanasikana wangu?”Ipapo iye akamuudza zvose zvaakanga aitirwa naBhoazi, 17 uye akatizve, “Andipa zviyero zvitanhatu izvi zvebhari, akati, ‘Usadzokera kuna vamwene vako usina chinhu.’ ” 18 Ipapo Naomi akati, “Chimira, mwanasikana wangu, kusvikira waona zvinoitika. Nokuti murume uyu haangazorori kusvikira agadzirisa nyaya iyi nhasi.”
In Other Versions
Ruth 3 in the ANGEFD
Ruth 3 in the ANTPNG2D
Ruth 3 in the AS21
Ruth 3 in the BAGH
Ruth 3 in the BBPNG
Ruth 3 in the BBT1E
Ruth 3 in the BDS
Ruth 3 in the BEV
Ruth 3 in the BHAD
Ruth 3 in the BIB
Ruth 3 in the BLPT
Ruth 3 in the BNT
Ruth 3 in the BNTABOOT
Ruth 3 in the BNTLV
Ruth 3 in the BOATCB
Ruth 3 in the BOATCB2
Ruth 3 in the BOBCV
Ruth 3 in the BOCNT
Ruth 3 in the BOECS
Ruth 3 in the BOGWICC
Ruth 3 in the BOHCB
Ruth 3 in the BOHCV
Ruth 3 in the BOHLNT
Ruth 3 in the BOHNTLTAL
Ruth 3 in the BOICB
Ruth 3 in the BOILNTAP
Ruth 3 in the BOITCV
Ruth 3 in the BOKCV
Ruth 3 in the BOKCV2
Ruth 3 in the BOKHWOG
Ruth 3 in the BOKSSV
Ruth 3 in the BOLCB
Ruth 3 in the BOLCB2
Ruth 3 in the BOMCV
Ruth 3 in the BONAV
Ruth 3 in the BONCB
Ruth 3 in the BONLT
Ruth 3 in the BONUT2
Ruth 3 in the BOPLNT
Ruth 3 in the BOSNC
Ruth 3 in the BOTLNT
Ruth 3 in the BOVCB
Ruth 3 in the BOYCB
Ruth 3 in the BPBB
Ruth 3 in the BPH
Ruth 3 in the BSB
Ruth 3 in the CCB
Ruth 3 in the CUV
Ruth 3 in the CUVS
Ruth 3 in the DBT
Ruth 3 in the DGDNT
Ruth 3 in the DHNT
Ruth 3 in the DNT
Ruth 3 in the ELBE
Ruth 3 in the EMTV
Ruth 3 in the ESV
Ruth 3 in the FBV
Ruth 3 in the FEB
Ruth 3 in the GGMNT
Ruth 3 in the GNT
Ruth 3 in the HARY
Ruth 3 in the HNT
Ruth 3 in the IRVA
Ruth 3 in the IRVB
Ruth 3 in the IRVG
Ruth 3 in the IRVH
Ruth 3 in the IRVK
Ruth 3 in the IRVM
Ruth 3 in the IRVM2
Ruth 3 in the IRVO
Ruth 3 in the IRVP
Ruth 3 in the IRVT
Ruth 3 in the IRVT2
Ruth 3 in the IRVU
Ruth 3 in the ISVN
Ruth 3 in the JSNT
Ruth 3 in the KAPI
Ruth 3 in the KBT1ETNIK
Ruth 3 in the KBV
Ruth 3 in the KJV
Ruth 3 in the KNFD
Ruth 3 in the LBA
Ruth 3 in the LBLA
Ruth 3 in the LNT
Ruth 3 in the LSV
Ruth 3 in the MAAL
Ruth 3 in the MBV
Ruth 3 in the MBV2
Ruth 3 in the MHNT
Ruth 3 in the MKNFD
Ruth 3 in the MNG
Ruth 3 in the MNT
Ruth 3 in the MNT2
Ruth 3 in the MRS1T
Ruth 3 in the NAA
Ruth 3 in the NASB
Ruth 3 in the NBLA
Ruth 3 in the NBS
Ruth 3 in the NBVTP
Ruth 3 in the NET2
Ruth 3 in the NIV11
Ruth 3 in the NNT
Ruth 3 in the NNT2
Ruth 3 in the NNT3
Ruth 3 in the PDDPT
Ruth 3 in the PFNT
Ruth 3 in the RMNT
Ruth 3 in the SBIAS
Ruth 3 in the SBIBS
Ruth 3 in the SBIBS2
Ruth 3 in the SBICS
Ruth 3 in the SBIDS
Ruth 3 in the SBIGS
Ruth 3 in the SBIHS
Ruth 3 in the SBIIS
Ruth 3 in the SBIIS2
Ruth 3 in the SBIIS3
Ruth 3 in the SBIKS
Ruth 3 in the SBIKS2
Ruth 3 in the SBIMS
Ruth 3 in the SBIOS
Ruth 3 in the SBIPS
Ruth 3 in the SBISS
Ruth 3 in the SBITS
Ruth 3 in the SBITS2
Ruth 3 in the SBITS3
Ruth 3 in the SBITS4
Ruth 3 in the SBIUS
Ruth 3 in the SBIVS
Ruth 3 in the SBT
Ruth 3 in the SBT1E
Ruth 3 in the SCHL
Ruth 3 in the SNT
Ruth 3 in the SUSU
Ruth 3 in the SUSU2
Ruth 3 in the SYNO
Ruth 3 in the TBIAOTANT
Ruth 3 in the TBT1E
Ruth 3 in the TBT1E2
Ruth 3 in the TFTIP
Ruth 3 in the TFTU
Ruth 3 in the TGNTATF3T
Ruth 3 in the THAI
Ruth 3 in the TNFD
Ruth 3 in the TNT
Ruth 3 in the TNTIK
Ruth 3 in the TNTIL
Ruth 3 in the TNTIN
Ruth 3 in the TNTIP
Ruth 3 in the TNTIZ
Ruth 3 in the TOMA
Ruth 3 in the TTENT
Ruth 3 in the UBG
Ruth 3 in the UGV
Ruth 3 in the UGV2
Ruth 3 in the UGV3
Ruth 3 in the VBL
Ruth 3 in the VDCC
Ruth 3 in the YALU
Ruth 3 in the YAPE
Ruth 3 in the YBVTP
Ruth 3 in the ZBP