Titus 1 (BOSCB)

1 Pauro, muranda waMwari nomupostori waJesu Kristu nokuda kwokutenda kwavasanangurwa vaMwari nokuziva chokwadi chinotungamirira kuumwari, 2 kutenda nokuziva kunobva patariro youpenyu husingaperi, hwakapikirwa naMwari, iye asingatongonyepi, akavimbisa idzo nguva dzisati dzavapo, 3 panguva yake yakatarwa akazivisa shoko rake nokuparidza kwandakapiwa nokurayira kwaMwari Muponesi wedu, 4 kuna Tito, mwanakomana wangu chaiye pakutenda kwedu tose: Nyasha norugare zvinobva kuna Mwari Baba naKristu Jesu Muponesi wedu. 5 Ndakakusiya paKirete kuti upedzise zvakasara zvisina kupera uye kuti ugadze vakuru mumaguta ose, sezvandakakurayira. 6 Mukuru anofanira kuva munhu asina chaangapomerwa, murume womukadzi mumwe chete, munhu ane vana vanotenda uye vasingapiwi mhosva yokuti havazvidzori kana kuti havateereri. 7 Sezvo mutariri akapiwa basa raMwari, anofanira kuva munhu asina chaangapomerwa, asingakurumidzi kutsamwa, asingadhakwi, asingarwi, asingafariri pfuma yakaipa. 8 Asi anoitira vaeni rudo, munhu anoda zvakanaka, anozvidzora, akarurama, mutsvene uye anozvibata. 9 Anofanira kubatisisa shoko rechokwadi sezvarakadzidziswa, kuitira kuti agokurudzira vamwe nedzidziso yakarurama uye agodzivisa vaya vanoipikisa. 10 Nokuti kune vazhinji vasingateereri vanongotaura zvisina maturo uye vanyengeri, zvikuru sei vaya veboka rokudzingiswa. 11 Vanofanira kunyaradzwa miromo yavo, nokuti vari kuparadza mhuri dzizere vachidzidzisa zvinhu zvavasingafaniri kudzidzisa, uye vachizviita kuti vawane pfuma yakaipa. 12 Kunyange mumwe wavaprofita wavo akati, “VaKirete vanogara vachireva nhema, zvikara zvakaipa, simbe dzinokara.” 13 Uchapupu uhu ndohwechokwadi. Naizvozvo vatsiure zvikuru, kuti varurame pakutenda 14 uye kuti varege kuteerera ngano dzavaJudha, kana kurayira kwavanhu vakaramba chokwadi. 15 Kune vakachena, zvinhu zvose zvakachena, asi kuna avo vakaora uye vasingatendi, hakuna chinhu chakachena. Asi kutoti zvose pfungwa dzavo nehana dzavo zvakaora. 16 Vanoti vanoziva Mwari, asi vanomuramba namabasa avo. Vanonyangadza, havateereri uye havana kufanirwa nokuita chinhu chakanaka.

In Other Versions

Titus 1 in the ANGEFD

Titus 1 in the ANTPNG2D

Titus 1 in the AS21

Titus 1 in the BAGH

Titus 1 in the BBPNG

Titus 1 in the BBT1E

Titus 1 in the BDS

Titus 1 in the BEV

Titus 1 in the BHAD

Titus 1 in the BIB

Titus 1 in the BLPT

Titus 1 in the BNT

Titus 1 in the BNTABOOT

Titus 1 in the BNTLV

Titus 1 in the BOATCB

Titus 1 in the BOATCB2

Titus 1 in the BOBCV

Titus 1 in the BOCNT

Titus 1 in the BOECS

Titus 1 in the BOGWICC

Titus 1 in the BOHCB

Titus 1 in the BOHCV

Titus 1 in the BOHLNT

Titus 1 in the BOHNTLTAL

Titus 1 in the BOICB

Titus 1 in the BOILNTAP

Titus 1 in the BOITCV

Titus 1 in the BOKCV

Titus 1 in the BOKCV2

Titus 1 in the BOKHWOG

Titus 1 in the BOKSSV

Titus 1 in the BOLCB

Titus 1 in the BOLCB2

Titus 1 in the BOMCV

Titus 1 in the BONAV

Titus 1 in the BONCB

Titus 1 in the BONLT

Titus 1 in the BONUT2

Titus 1 in the BOPLNT

Titus 1 in the BOSNC

Titus 1 in the BOTLNT

Titus 1 in the BOVCB

Titus 1 in the BOYCB

Titus 1 in the BPBB

Titus 1 in the BPH

Titus 1 in the BSB

Titus 1 in the CCB

Titus 1 in the CUV

Titus 1 in the CUVS

Titus 1 in the DBT

Titus 1 in the DGDNT

Titus 1 in the DHNT

Titus 1 in the DNT

Titus 1 in the ELBE

Titus 1 in the EMTV

Titus 1 in the ESV

Titus 1 in the FBV

Titus 1 in the FEB

Titus 1 in the GGMNT

Titus 1 in the GNT

Titus 1 in the HARY

Titus 1 in the HNT

Titus 1 in the IRVA

Titus 1 in the IRVB

Titus 1 in the IRVG

Titus 1 in the IRVH

Titus 1 in the IRVK

Titus 1 in the IRVM

Titus 1 in the IRVM2

Titus 1 in the IRVO

Titus 1 in the IRVP

Titus 1 in the IRVT

Titus 1 in the IRVT2

Titus 1 in the IRVU

Titus 1 in the ISVN

Titus 1 in the JSNT

Titus 1 in the KAPI

Titus 1 in the KBT1ETNIK

Titus 1 in the KBV

Titus 1 in the KJV

Titus 1 in the KNFD

Titus 1 in the LBA

Titus 1 in the LBLA

Titus 1 in the LNT

Titus 1 in the LSV

Titus 1 in the MAAL

Titus 1 in the MBV

Titus 1 in the MBV2

Titus 1 in the MHNT

Titus 1 in the MKNFD

Titus 1 in the MNG

Titus 1 in the MNT

Titus 1 in the MNT2

Titus 1 in the MRS1T

Titus 1 in the NAA

Titus 1 in the NASB

Titus 1 in the NBLA

Titus 1 in the NBS

Titus 1 in the NBVTP

Titus 1 in the NET2

Titus 1 in the NIV11

Titus 1 in the NNT

Titus 1 in the NNT2

Titus 1 in the NNT3

Titus 1 in the PDDPT

Titus 1 in the PFNT

Titus 1 in the RMNT

Titus 1 in the SBIAS

Titus 1 in the SBIBS

Titus 1 in the SBIBS2

Titus 1 in the SBICS

Titus 1 in the SBIDS

Titus 1 in the SBIGS

Titus 1 in the SBIHS

Titus 1 in the SBIIS

Titus 1 in the SBIIS2

Titus 1 in the SBIIS3

Titus 1 in the SBIKS

Titus 1 in the SBIKS2

Titus 1 in the SBIMS

Titus 1 in the SBIOS

Titus 1 in the SBIPS

Titus 1 in the SBISS

Titus 1 in the SBITS

Titus 1 in the SBITS2

Titus 1 in the SBITS3

Titus 1 in the SBITS4

Titus 1 in the SBIUS

Titus 1 in the SBIVS

Titus 1 in the SBT

Titus 1 in the SBT1E

Titus 1 in the SCHL

Titus 1 in the SNT

Titus 1 in the SUSU

Titus 1 in the SUSU2

Titus 1 in the SYNO

Titus 1 in the TBIAOTANT

Titus 1 in the TBT1E

Titus 1 in the TBT1E2

Titus 1 in the TFTIP

Titus 1 in the TFTU

Titus 1 in the TGNTATF3T

Titus 1 in the THAI

Titus 1 in the TNFD

Titus 1 in the TNT

Titus 1 in the TNTIK

Titus 1 in the TNTIL

Titus 1 in the TNTIN

Titus 1 in the TNTIP

Titus 1 in the TNTIZ

Titus 1 in the TOMA

Titus 1 in the TTENT

Titus 1 in the UBG

Titus 1 in the UGV

Titus 1 in the UGV2

Titus 1 in the UGV3

Titus 1 in the VBL

Titus 1 in the VDCC

Titus 1 in the YALU

Titus 1 in the YAPE

Titus 1 in the YBVTP

Titus 1 in the ZBP