1 Chronicles 16 (BOSCB)

1 Vakauya neareka yaMwari vakaiisa mukati metende rayakanga yagadzirirwa naDhavhidhi, vakapa zvipiriso zvinopiswa nezvipiriso zvokuwadzana pamberi paMwari. 2 Dhavhidhi akati apedza kubayira zvipiriso zvinopiswa, akaropafadza vanhu muzita raJehovha. 3 Ipapo akapa mumwe nomumwe womudzimai nomurume wechiIsraeri rofu rechingwa, keke romuchero womuchindwe nekeke ramazambiringa akaoma. 4 Akagadza vamwe vavaRevhi kuti vashumire pamberi peareka yaJehovha, vakumbirire, vavonge uye kuti varumbidze Jehovha, Mwari waIsraeri: 5 Asafi ndiye aiva mukuru wavo, Zekaria wechipiri, kuchitevera Jeyeri Shemiramoti, Jehieri, Matitia, Eriabhi, Bhenaya, Obhedhi-Edhomu naJeyeri. Vaizoridza mitengeranwa nembira; Asafi aizoridza makandira 6 uye Bhenaya naJahazieri vaprista vaizoridza hwamanda nguva dzose pamberi peareka yesungano yaMwari. 7 Zuva iroro Dhavhidhi akapa kwokutanga Asafi navamwe vake pisarema iri rokuvonga Jehovha: 8 Vongai Jehovha, danai kuzita rake;zivisai pakati pendudzi dzose zvaakaita. 9 Muimbirei, muimbirei nziyo dzokurumbidza;taurai zvose zvamabasa ake anoshamisa. 10 Zvirumbidzei muzita rake dzvene;mwoyo yaavo vanotsvaka Jehovha ngaifare. 11 Tarisai kuna Jehovha nokusimba rake;tsvakai chiso chake nguva dzose. 12 Rangarirai zvishamiso zvaakaita,zviratidzo zvake uye nemitongo yaakareva. 13 Haiwa, imi zvizvarwa zvaIsraeri muranda wake,haiwa imi vanakomana vaJakobho vasanangurwa vake. 14 Ndiye Jehovha Mwari wedu;mitongo yake iri munyika yose. 15 Anorangarira sungano yake nokusingaperi,shoko raakarayira, kwechiuru chezvizvarwa. 16 Sungano yaakaita naAbhurahama,mhiko yaakapika kuna Isaka. 17 Akasimbisa kuna Jakobho somutemo,kuna Israeri sesungano isingaperi, achiti: 18 “Kwauri ndichapa nyika yeKenani,sechikamu chenhaka yako.” 19 Pavakanga vari vashoma,vari vashoma kwazvo, vari vatorwa mairi, 20 vakadzungaira kubva kuno rumwe rudzi kusvika kuno rumwe,kubva kuno humwe umambo kusvika kuno humwe. 21 Haana kutendera munhu kuti avadzvinyirire;nokuda kwavo akatuka madzimambo. 22 “Musabata vazodziwa vangu;musaitira vaprofita vangu zvakaipa.” 23 Imbirai Jehovha, pasi pose;paridzai ruponeso rwake zuva nezuva. 24 Zivisai kubwinya kwake pakati pendudzi,mabasa ake anoshamisa pakati pavanhu vose. 25 Nokuti Jehovha mukuru uye anofanira kwazvo kurumbidzwa;anofanira kutyiwa pamusoro pavamwari vose. 26 Nokuti vamwari vose vendudzi zvifananidzo,asi Jehovha akasika matenga. 27 Kubwinya nokukudzwa zviri pamberi pake;simba nomufaro zviri munzvimbo yougaro hwake. 28 Ipai kuna Jehovha, imi mhuri dzendudzi,ipai Jehovha kukudzwa nesimba, 29 ipai Jehovha kukudzwa kunofanira zita rake.Uyai nezvipiriso uye muuye pamberi pake;namatai Jehovha mukubwinya kwoutsvene hwake. 30 Dederai pamberi pake, imi nyika yose!Nyika yakasimbiswa kwazvo; haingazungunuswi. 31 Matenga ngaafare, nyika ngaifare;ngavati pakati pendudzi, “Jehovha anotonga!” 32 Gungwa ngaritinhire nezvose zviri mariri;minda ngaifarisise nezvose zviri mairi. 33 Ipapo miti yesango ichaimba,ichaimba nomufaro pamberi paJehovha,nokuti anouya kuzotonga nyika. 34 Vongai Jehovha nokuti akanaka;rudo rwake runogara nokusingaperi. 35 Danidzirai muchiti, “Tiponesei, imi Mwari Muponesi wedu;tiunganidzei uye mutirwire pandudzi,kuti tigovonga zita renyu dzvenekuti tifarisise mukukurumbidzai.” 36 Rumbidzai Jehovha, Mwari waIsraeri,kubva pakusingaperi kusvikira pakusingaperi.Ipapo vanhu vose vakati, “Ameni” uye vakarumbidza Jehovha. 37 Dhavhidhi akasiya Asafi navamwe vake pamberi peareka yesungano yaJehovha kuti ashumirepo nguva dzose maererano nezvaidiwa zuva rimwe nerimwe. 38 Akasiya Obhedhi-Edhomu navamwe vake makumi matanhatu navasere kuti vashumire navo. Obhedhi-Edhomu mwanakomana waJedhutuni naHosa vaiva vatariri vamasuo. 39 Dhavhidhi akasiya Zadhoki muprista navamwe vaprista pamberi petabhenakeri yaJehovha panzvimbo yakakwirira muGibheoni 40 kuti vape zvipiriso zvinopiswa, kuna Jehovha paaritari yezvipiriso zvinopiswa, nguva dzose, mangwanani namanheru maererano nezvose zvakanga zvakanyorwa muMurayiro waJehovha waakanga apa Israeri. 41 Pakati pavo paiva naHemani naJedhutuni navamwe vose vaiva vakasarudzwa namazita kuti vavonge Jehovha, “Nokuti rudo rwake runogara nokusingaperi.” 42 Hemani naJedhutuni vaiva nebasa rokuridza hwamanda namakandira uye nokuridza zvimwe zviridzwa parwiyo rutsvene. Vanakomana vaJedhutuni vakaitwa vatariri vamasuo. 43 Ipapo vanhu vose vakabvapo, mumwe nomumwe akaenda kumba kwake, uye Dhavhidhi akadzokera kumba kwake kundoropafadza mhuri yake.

In Other Versions

1 Chronicles 16 in the ANGEFD

1 Chronicles 16 in the ANTPNG2D

1 Chronicles 16 in the AS21

1 Chronicles 16 in the BAGH

1 Chronicles 16 in the BBPNG

1 Chronicles 16 in the BBT1E

1 Chronicles 16 in the BDS

1 Chronicles 16 in the BEV

1 Chronicles 16 in the BHAD

1 Chronicles 16 in the BIB

1 Chronicles 16 in the BLPT

1 Chronicles 16 in the BNT

1 Chronicles 16 in the BNTABOOT

1 Chronicles 16 in the BNTLV

1 Chronicles 16 in the BOATCB

1 Chronicles 16 in the BOATCB2

1 Chronicles 16 in the BOBCV

1 Chronicles 16 in the BOCNT

1 Chronicles 16 in the BOECS

1 Chronicles 16 in the BOGWICC

1 Chronicles 16 in the BOHCB

1 Chronicles 16 in the BOHCV

1 Chronicles 16 in the BOHLNT

1 Chronicles 16 in the BOHNTLTAL

1 Chronicles 16 in the BOICB

1 Chronicles 16 in the BOILNTAP

1 Chronicles 16 in the BOITCV

1 Chronicles 16 in the BOKCV

1 Chronicles 16 in the BOKCV2

1 Chronicles 16 in the BOKHWOG

1 Chronicles 16 in the BOKSSV

1 Chronicles 16 in the BOLCB

1 Chronicles 16 in the BOLCB2

1 Chronicles 16 in the BOMCV

1 Chronicles 16 in the BONAV

1 Chronicles 16 in the BONCB

1 Chronicles 16 in the BONLT

1 Chronicles 16 in the BONUT2

1 Chronicles 16 in the BOPLNT

1 Chronicles 16 in the BOSNC

1 Chronicles 16 in the BOTLNT

1 Chronicles 16 in the BOVCB

1 Chronicles 16 in the BOYCB

1 Chronicles 16 in the BPBB

1 Chronicles 16 in the BPH

1 Chronicles 16 in the BSB

1 Chronicles 16 in the CCB

1 Chronicles 16 in the CUV

1 Chronicles 16 in the CUVS

1 Chronicles 16 in the DBT

1 Chronicles 16 in the DGDNT

1 Chronicles 16 in the DHNT

1 Chronicles 16 in the DNT

1 Chronicles 16 in the ELBE

1 Chronicles 16 in the EMTV

1 Chronicles 16 in the ESV

1 Chronicles 16 in the FBV

1 Chronicles 16 in the FEB

1 Chronicles 16 in the GGMNT

1 Chronicles 16 in the GNT

1 Chronicles 16 in the HARY

1 Chronicles 16 in the HNT

1 Chronicles 16 in the IRVA

1 Chronicles 16 in the IRVB

1 Chronicles 16 in the IRVG

1 Chronicles 16 in the IRVH

1 Chronicles 16 in the IRVK

1 Chronicles 16 in the IRVM

1 Chronicles 16 in the IRVM2

1 Chronicles 16 in the IRVO

1 Chronicles 16 in the IRVP

1 Chronicles 16 in the IRVT

1 Chronicles 16 in the IRVT2

1 Chronicles 16 in the IRVU

1 Chronicles 16 in the ISVN

1 Chronicles 16 in the JSNT

1 Chronicles 16 in the KAPI

1 Chronicles 16 in the KBT1ETNIK

1 Chronicles 16 in the KBV

1 Chronicles 16 in the KJV

1 Chronicles 16 in the KNFD

1 Chronicles 16 in the LBA

1 Chronicles 16 in the LBLA

1 Chronicles 16 in the LNT

1 Chronicles 16 in the LSV

1 Chronicles 16 in the MAAL

1 Chronicles 16 in the MBV

1 Chronicles 16 in the MBV2

1 Chronicles 16 in the MHNT

1 Chronicles 16 in the MKNFD

1 Chronicles 16 in the MNG

1 Chronicles 16 in the MNT

1 Chronicles 16 in the MNT2

1 Chronicles 16 in the MRS1T

1 Chronicles 16 in the NAA

1 Chronicles 16 in the NASB

1 Chronicles 16 in the NBLA

1 Chronicles 16 in the NBS

1 Chronicles 16 in the NBVTP

1 Chronicles 16 in the NET2

1 Chronicles 16 in the NIV11

1 Chronicles 16 in the NNT

1 Chronicles 16 in the NNT2

1 Chronicles 16 in the NNT3

1 Chronicles 16 in the PDDPT

1 Chronicles 16 in the PFNT

1 Chronicles 16 in the RMNT

1 Chronicles 16 in the SBIAS

1 Chronicles 16 in the SBIBS

1 Chronicles 16 in the SBIBS2

1 Chronicles 16 in the SBICS

1 Chronicles 16 in the SBIDS

1 Chronicles 16 in the SBIGS

1 Chronicles 16 in the SBIHS

1 Chronicles 16 in the SBIIS

1 Chronicles 16 in the SBIIS2

1 Chronicles 16 in the SBIIS3

1 Chronicles 16 in the SBIKS

1 Chronicles 16 in the SBIKS2

1 Chronicles 16 in the SBIMS

1 Chronicles 16 in the SBIOS

1 Chronicles 16 in the SBIPS

1 Chronicles 16 in the SBISS

1 Chronicles 16 in the SBITS

1 Chronicles 16 in the SBITS2

1 Chronicles 16 in the SBITS3

1 Chronicles 16 in the SBITS4

1 Chronicles 16 in the SBIUS

1 Chronicles 16 in the SBIVS

1 Chronicles 16 in the SBT

1 Chronicles 16 in the SBT1E

1 Chronicles 16 in the SCHL

1 Chronicles 16 in the SNT

1 Chronicles 16 in the SUSU

1 Chronicles 16 in the SUSU2

1 Chronicles 16 in the SYNO

1 Chronicles 16 in the TBIAOTANT

1 Chronicles 16 in the TBT1E

1 Chronicles 16 in the TBT1E2

1 Chronicles 16 in the TFTIP

1 Chronicles 16 in the TFTU

1 Chronicles 16 in the TGNTATF3T

1 Chronicles 16 in the THAI

1 Chronicles 16 in the TNFD

1 Chronicles 16 in the TNT

1 Chronicles 16 in the TNTIK

1 Chronicles 16 in the TNTIL

1 Chronicles 16 in the TNTIN

1 Chronicles 16 in the TNTIP

1 Chronicles 16 in the TNTIZ

1 Chronicles 16 in the TOMA

1 Chronicles 16 in the TTENT

1 Chronicles 16 in the UBG

1 Chronicles 16 in the UGV

1 Chronicles 16 in the UGV2

1 Chronicles 16 in the UGV3

1 Chronicles 16 in the VBL

1 Chronicles 16 in the VDCC

1 Chronicles 16 in the YALU

1 Chronicles 16 in the YAPE

1 Chronicles 16 in the YBVTP

1 Chronicles 16 in the ZBP