1 Corinthians 1 (BOSCB)

1 Pauro, akadanwa nokuda kwaMwari, kuti ave mupostori waKristu Jesu, naSositeni hama yedu, 2 kukereke yaMwari iri muKorinde, kuna vaya vakaitwa vatsvene muna Kristu Jesu uye vakadanwa kuti vave vatsvene pamwe chete navose vari kwose kwose vanodana kuzita raIshe wedu Jesu Kristu, Ishe wavo nowedu: 3 Nyasha norugare ngazvive nemi zvinobva kuna Mwari Baba vedu naShe Jesu Kristu. 4 Ndinogara ndichivonga Mwari nguva dzose nokuda kwenyasha dzake pamusoro penyu muna Kristu Jesu. 5 Nokuti maari makapfumiswa pazvinhu zvose, mukutaura kwenyu kwose uye nomuruzivo rwenyu rwose, 6 nokuti uchapupu hwedu pamusoro paKristu hwakasimbiswa mamuri. 7 Naizvozvo hapana kana chipo chomweya chamunoshayiwa pamunomirira nomwoyo wose kuratidzwa kwaIshe wedu Jesu Kristu. 8 Achakusimbisai kusvikira kumagumo, kuti murege kuva nechamungapomerwa pazuva raIshe wedu Jesu Kristu. 9 Mwari, iye akakudanai kuti muwadzane noMwanakomana wake Jesu Kristu Ishe wedu, akatendeka. 10 Ndinokukumbirai zvikuru, hama, muzita raIshe wedu Jesu Kristu, kuti imi mose mutaure chinhu chimwe, kuti pakati penyu parege kuva nokupesana uye kuti mubatanidzwe zvakanaka pamurangariro mumwe nomukufunga. 11 Hama dzangu, vamwe venyu vokwaKirowe vakandiudza kuti pane gakava pakati penyu. 12 Zvandinoreva ndezvokuti: Mumwe wenyu anoti, “Ini ndiri waPauro,” mumwe oti, “Ini ndiri waAporosi,” mumwewo oti, “Ini ndiri waKefasi,” mumwe zvakare oti, “Ini ndiri waKristu.” 13 Kristu akaparadzaniswa here? Pauro akarovererwa pamuchinjikwa nokuda kwenyu here? Makabhabhatidzwa muzita raPauro here? 14 Ndinovonga Mwari kuti handina kubhabhatidza kana mumwe wenyu, kunze kwaKrispo naGayo, 15 kuti kurege kuva nomumwe wenyu anoti akabhabhatidzwa muzita rangu. 16 Hongu, ndakabhabhatidzawo veimba yaStefanasi; kunze kwaivavo, handirangariri kana ndakabhabhatidzazve mumwe munhu. 17 Nokuti Kristu haana kundituma kuti ndinobhabhatidza asi kuti ndinoparidza vhangeri, kwete namashoko ouchenjeri hwavanhu, kuti muchinjikwa waKristu urege kupedzwa simba rawo. 18 Nokuti shoko romuchinjikwa upenzi kuna vari kuparara, asi kwatiri isu vanoponeswa isimba raMwari. 19 Nokuti kwakanyorwa kuchinzi:“Ndichaparadza uchenjeri hwavakachenjera;ndichakonesa kuziva kwavanoziva.” 20 Akachenjera aripiko? Akadzidza aripiko? Muiti wenharo wenguva ino aripiko? Ko, Mwari haana kuita uchenjeri hwenyika ino upenzi here? 21 Nokuti muuchenjeri hwaMwari, nyika kubudikidza nouchenjeri hwayo, haina kumuziva, Mwari akafadzwa nazvo kuti vanotenda avaponese kubudikidza noupenzi hwezvakaparidzwa. 22 VaJudha vanoda zviratidzo uye vaGiriki vanotsvaka uchenjeri, 23 asi isu tinoparidza Kristu akarovererwa pamuchinjikwa, chigumbuso kuvaJudha noupenzi kune veDzimwe Ndudzi. 24 Asi kuna avo vakadanwa naMwari, zvose vaJudha navaGiriki, Kristu isimba raMwari nouchenjeri hwaMwari. 25 Nokuti upenzi hwaMwari hwakachenjera kupfuura uchenjeri hwomunhu, uye utera hwaMwari hwakasimba kupfuura simba romunhu. 26 Hama dzangu, rangarirai zvamakanga muri pamakadanwa. Havazi vazhinji venyu vaiva namasimba; havasi vazhinji vaikudzwa pakuzvarwa kwavo. 27 Asi Mwari akasarudza zvinhu zvoupenzi zvenyika ino kuti anyadzise vakachenjera; Mwari akasarudza zvisina simba zvenyika ino kuti anyadzise vane simba. 28 Akasarudza zvinhu zvepasi pasi zvenyika ino uye zvakazvidzwa, nezvinhu zvisipo, kuti ashayise simba zvinhu zviripo, 29 kuti kurege kuva nomunhu angazvikudza pamberi pake. 30 Nokuda kwake, imi muri muna Kristu Jesu, uyo akava kwatiri uchenjeri hunobva kuna Mwari, iko kururama, noutsvene uye norudzikinuro rwedu. 31 Naizvozvo, sezvazvakanyorwa zvichinzi, “Anozvikudza ngaazvikudze muna She.”

In Other Versions

1 Corinthians 1 in the ANGEFD

1 Corinthians 1 in the ANTPNG2D

1 Corinthians 1 in the AS21

1 Corinthians 1 in the BAGH

1 Corinthians 1 in the BBPNG

1 Corinthians 1 in the BBT1E

1 Corinthians 1 in the BDS

1 Corinthians 1 in the BEV

1 Corinthians 1 in the BHAD

1 Corinthians 1 in the BIB

1 Corinthians 1 in the BLPT

1 Corinthians 1 in the BNT

1 Corinthians 1 in the BNTABOOT

1 Corinthians 1 in the BNTLV

1 Corinthians 1 in the BOATCB

1 Corinthians 1 in the BOATCB2

1 Corinthians 1 in the BOBCV

1 Corinthians 1 in the BOCNT

1 Corinthians 1 in the BOECS

1 Corinthians 1 in the BOGWICC

1 Corinthians 1 in the BOHCB

1 Corinthians 1 in the BOHCV

1 Corinthians 1 in the BOHLNT

1 Corinthians 1 in the BOHNTLTAL

1 Corinthians 1 in the BOICB

1 Corinthians 1 in the BOILNTAP

1 Corinthians 1 in the BOITCV

1 Corinthians 1 in the BOKCV

1 Corinthians 1 in the BOKCV2

1 Corinthians 1 in the BOKHWOG

1 Corinthians 1 in the BOKSSV

1 Corinthians 1 in the BOLCB

1 Corinthians 1 in the BOLCB2

1 Corinthians 1 in the BOMCV

1 Corinthians 1 in the BONAV

1 Corinthians 1 in the BONCB

1 Corinthians 1 in the BONLT

1 Corinthians 1 in the BONUT2

1 Corinthians 1 in the BOPLNT

1 Corinthians 1 in the BOSNC

1 Corinthians 1 in the BOTLNT

1 Corinthians 1 in the BOVCB

1 Corinthians 1 in the BOYCB

1 Corinthians 1 in the BPBB

1 Corinthians 1 in the BPH

1 Corinthians 1 in the BSB

1 Corinthians 1 in the CCB

1 Corinthians 1 in the CUV

1 Corinthians 1 in the CUVS

1 Corinthians 1 in the DBT

1 Corinthians 1 in the DGDNT

1 Corinthians 1 in the DHNT

1 Corinthians 1 in the DNT

1 Corinthians 1 in the ELBE

1 Corinthians 1 in the EMTV

1 Corinthians 1 in the ESV

1 Corinthians 1 in the FBV

1 Corinthians 1 in the FEB

1 Corinthians 1 in the GGMNT

1 Corinthians 1 in the GNT

1 Corinthians 1 in the HARY

1 Corinthians 1 in the HNT

1 Corinthians 1 in the IRVA

1 Corinthians 1 in the IRVB

1 Corinthians 1 in the IRVG

1 Corinthians 1 in the IRVH

1 Corinthians 1 in the IRVK

1 Corinthians 1 in the IRVM

1 Corinthians 1 in the IRVM2

1 Corinthians 1 in the IRVO

1 Corinthians 1 in the IRVP

1 Corinthians 1 in the IRVT

1 Corinthians 1 in the IRVT2

1 Corinthians 1 in the IRVU

1 Corinthians 1 in the ISVN

1 Corinthians 1 in the JSNT

1 Corinthians 1 in the KAPI

1 Corinthians 1 in the KBT1ETNIK

1 Corinthians 1 in the KBV

1 Corinthians 1 in the KJV

1 Corinthians 1 in the KNFD

1 Corinthians 1 in the LBA

1 Corinthians 1 in the LBLA

1 Corinthians 1 in the LNT

1 Corinthians 1 in the LSV

1 Corinthians 1 in the MAAL

1 Corinthians 1 in the MBV

1 Corinthians 1 in the MBV2

1 Corinthians 1 in the MHNT

1 Corinthians 1 in the MKNFD

1 Corinthians 1 in the MNG

1 Corinthians 1 in the MNT

1 Corinthians 1 in the MNT2

1 Corinthians 1 in the MRS1T

1 Corinthians 1 in the NAA

1 Corinthians 1 in the NASB

1 Corinthians 1 in the NBLA

1 Corinthians 1 in the NBS

1 Corinthians 1 in the NBVTP

1 Corinthians 1 in the NET2

1 Corinthians 1 in the NIV11

1 Corinthians 1 in the NNT

1 Corinthians 1 in the NNT2

1 Corinthians 1 in the NNT3

1 Corinthians 1 in the PDDPT

1 Corinthians 1 in the PFNT

1 Corinthians 1 in the RMNT

1 Corinthians 1 in the SBIAS

1 Corinthians 1 in the SBIBS

1 Corinthians 1 in the SBIBS2

1 Corinthians 1 in the SBICS

1 Corinthians 1 in the SBIDS

1 Corinthians 1 in the SBIGS

1 Corinthians 1 in the SBIHS

1 Corinthians 1 in the SBIIS

1 Corinthians 1 in the SBIIS2

1 Corinthians 1 in the SBIIS3

1 Corinthians 1 in the SBIKS

1 Corinthians 1 in the SBIKS2

1 Corinthians 1 in the SBIMS

1 Corinthians 1 in the SBIOS

1 Corinthians 1 in the SBIPS

1 Corinthians 1 in the SBISS

1 Corinthians 1 in the SBITS

1 Corinthians 1 in the SBITS2

1 Corinthians 1 in the SBITS3

1 Corinthians 1 in the SBITS4

1 Corinthians 1 in the SBIUS

1 Corinthians 1 in the SBIVS

1 Corinthians 1 in the SBT

1 Corinthians 1 in the SBT1E

1 Corinthians 1 in the SCHL

1 Corinthians 1 in the SNT

1 Corinthians 1 in the SUSU

1 Corinthians 1 in the SUSU2

1 Corinthians 1 in the SYNO

1 Corinthians 1 in the TBIAOTANT

1 Corinthians 1 in the TBT1E

1 Corinthians 1 in the TBT1E2

1 Corinthians 1 in the TFTIP

1 Corinthians 1 in the TFTU

1 Corinthians 1 in the TGNTATF3T

1 Corinthians 1 in the THAI

1 Corinthians 1 in the TNFD

1 Corinthians 1 in the TNT

1 Corinthians 1 in the TNTIK

1 Corinthians 1 in the TNTIL

1 Corinthians 1 in the TNTIN

1 Corinthians 1 in the TNTIP

1 Corinthians 1 in the TNTIZ

1 Corinthians 1 in the TOMA

1 Corinthians 1 in the TTENT

1 Corinthians 1 in the UBG

1 Corinthians 1 in the UGV

1 Corinthians 1 in the UGV2

1 Corinthians 1 in the UGV3

1 Corinthians 1 in the VBL

1 Corinthians 1 in the VDCC

1 Corinthians 1 in the YALU

1 Corinthians 1 in the YAPE

1 Corinthians 1 in the YBVTP

1 Corinthians 1 in the ZBP