1 Peter 4 (BOSCB)

1 Naizvozvo, sezvo Kristu akatambudzika mumuviri wake, nemiwo muzvishongedze nomurangariro iwoyo, nokuti uyo akatambudzika mumuviri wake akarega chivi. 2 Nokuda kwaizvozvo, haagari upenyu hwake hwose hwapanyika pakuchiva kwavanhu kwakaipa, asi mukuda kwaMwari. 3 Nokuti nguva yakapfuura yakaringana kare yamakapedza muchiita kuda kwavahedheni yamairarama muutere, kuchiva, kudhakwa, kutamba kwakaipa, kuraradza nokunamata zvifananidzo zvinonyangadza. 4 Vanofunga kuti zvinoshamisa kuti imi hamuchapindi pamwe chete navo mukurarama kwokusazvidzora kwavo kuzhinji, uye vanokutukai kwazvo. 5 Asi vachazvidavirira kuna iye akazvigadzirira kutonga vapenyu navakafa. 6 Nokuti nokuda kwaizvozvi vhangeri rakaparidzwa kunyange nokuna vakafa, kuitira kuti vagotongwa nomutoo wavanhu nokuda kwenyama, asi vagorarama nomutoo waMwari nokuda kwomweya. 7 Kuguma kwezvinhu zvose kwava pedyo. Naizvozvo ndangariro dzenyu ngadzichene uye muzvidzore kuti mugogona kunyengetera. 8 Pamusoro paizvozvo zvose dananai norudo rukuru, nokuti rudo runofukidza zvivi zvizhinji. 9 Muitirane rudo kuno mumwe nomumwe wenyu musinganyunyuti. 10 Mumwe nomumwe ngaashandise chipo chaanacho kuti ashandire vamwe, akatendeka muutariri hwenyasha dzaMwari mukuwanda kwadzo. 11 Kana munhu achitaura, ngaadaro somunhu anotaura mashoko chaiwo aMwari. Kana munhu achishumira, ngaazviite nesimba raanopiwa naMwari, kuitira kuti muzvinhu zvose Mwari arumbidzwe kubudikidza naJesu Kristu. Iye ngaave nokubwinya nesimba nokusingaperi-peri. Ameni. 12 Vadikani, musashamiswa nokurwadza kwokutambudzika nemiedzo, sokunge chinhu chisingazivikanwi chaitika kwamuri. 13 Asi farai kuti munogovana naKristu mumatambudziko, kuitira kuti mufare kwazvo pakuonekwa kwokubwinya kwake. 14 Kana muchitukwa nokuda kwezita raKristu, makaropafadzwa, nokuti mweya wokubwinya nowaMwari unogara pamuri. 15 Ngakurege kuva nomumwe wenyu achatambudzika, nemhaka yokuti imhondi, kana mbavha, kana kuti anoita zvimwe zvakaipa zvemhando ipi zvayo, kana kusarega zvavamwe. 16 Kunyange zvakadaro, kana muchitambudzika somuKristu, musanyadziswa, asi rumbidzai Mwari nokuti mune zita iroro. 17 Nokuti inguva yokuti kutonga kutange mumba maMwari; uye kana kuchitanga nesu, zvichazoveiko kuna vaya vasingateereri vhangeri raMwari? 18 Uye,“Kana zvichiremera akarurama kuti aponeswe,ko, asingazivi Mwari nomutadzi vachazovei?” 19 Saka zvino, vaya vanotambudzika nokuda kwaMwari vanofanira kuzviisa kuMusiki wavo akatendeka uye vagoramba vachiita zvakanaka.

In Other Versions

1 Peter 4 in the ANGEFD

1 Peter 4 in the ANTPNG2D

1 Peter 4 in the AS21

1 Peter 4 in the BAGH

1 Peter 4 in the BBPNG

1 Peter 4 in the BBT1E

1 Peter 4 in the BDS

1 Peter 4 in the BEV

1 Peter 4 in the BHAD

1 Peter 4 in the BIB

1 Peter 4 in the BLPT

1 Peter 4 in the BNT

1 Peter 4 in the BNTABOOT

1 Peter 4 in the BNTLV

1 Peter 4 in the BOATCB

1 Peter 4 in the BOATCB2

1 Peter 4 in the BOBCV

1 Peter 4 in the BOCNT

1 Peter 4 in the BOECS

1 Peter 4 in the BOGWICC

1 Peter 4 in the BOHCB

1 Peter 4 in the BOHCV

1 Peter 4 in the BOHLNT

1 Peter 4 in the BOHNTLTAL

1 Peter 4 in the BOICB

1 Peter 4 in the BOILNTAP

1 Peter 4 in the BOITCV

1 Peter 4 in the BOKCV

1 Peter 4 in the BOKCV2

1 Peter 4 in the BOKHWOG

1 Peter 4 in the BOKSSV

1 Peter 4 in the BOLCB

1 Peter 4 in the BOLCB2

1 Peter 4 in the BOMCV

1 Peter 4 in the BONAV

1 Peter 4 in the BONCB

1 Peter 4 in the BONLT

1 Peter 4 in the BONUT2

1 Peter 4 in the BOPLNT

1 Peter 4 in the BOSNC

1 Peter 4 in the BOTLNT

1 Peter 4 in the BOVCB

1 Peter 4 in the BOYCB

1 Peter 4 in the BPBB

1 Peter 4 in the BPH

1 Peter 4 in the BSB

1 Peter 4 in the CCB

1 Peter 4 in the CUV

1 Peter 4 in the CUVS

1 Peter 4 in the DBT

1 Peter 4 in the DGDNT

1 Peter 4 in the DHNT

1 Peter 4 in the DNT

1 Peter 4 in the ELBE

1 Peter 4 in the EMTV

1 Peter 4 in the ESV

1 Peter 4 in the FBV

1 Peter 4 in the FEB

1 Peter 4 in the GGMNT

1 Peter 4 in the GNT

1 Peter 4 in the HARY

1 Peter 4 in the HNT

1 Peter 4 in the IRVA

1 Peter 4 in the IRVB

1 Peter 4 in the IRVG

1 Peter 4 in the IRVH

1 Peter 4 in the IRVK

1 Peter 4 in the IRVM

1 Peter 4 in the IRVM2

1 Peter 4 in the IRVO

1 Peter 4 in the IRVP

1 Peter 4 in the IRVT

1 Peter 4 in the IRVT2

1 Peter 4 in the IRVU

1 Peter 4 in the ISVN

1 Peter 4 in the JSNT

1 Peter 4 in the KAPI

1 Peter 4 in the KBT1ETNIK

1 Peter 4 in the KBV

1 Peter 4 in the KJV

1 Peter 4 in the KNFD

1 Peter 4 in the LBA

1 Peter 4 in the LBLA

1 Peter 4 in the LNT

1 Peter 4 in the LSV

1 Peter 4 in the MAAL

1 Peter 4 in the MBV

1 Peter 4 in the MBV2

1 Peter 4 in the MHNT

1 Peter 4 in the MKNFD

1 Peter 4 in the MNG

1 Peter 4 in the MNT

1 Peter 4 in the MNT2

1 Peter 4 in the MRS1T

1 Peter 4 in the NAA

1 Peter 4 in the NASB

1 Peter 4 in the NBLA

1 Peter 4 in the NBS

1 Peter 4 in the NBVTP

1 Peter 4 in the NET2

1 Peter 4 in the NIV11

1 Peter 4 in the NNT

1 Peter 4 in the NNT2

1 Peter 4 in the NNT3

1 Peter 4 in the PDDPT

1 Peter 4 in the PFNT

1 Peter 4 in the RMNT

1 Peter 4 in the SBIAS

1 Peter 4 in the SBIBS

1 Peter 4 in the SBIBS2

1 Peter 4 in the SBICS

1 Peter 4 in the SBIDS

1 Peter 4 in the SBIGS

1 Peter 4 in the SBIHS

1 Peter 4 in the SBIIS

1 Peter 4 in the SBIIS2

1 Peter 4 in the SBIIS3

1 Peter 4 in the SBIKS

1 Peter 4 in the SBIKS2

1 Peter 4 in the SBIMS

1 Peter 4 in the SBIOS

1 Peter 4 in the SBIPS

1 Peter 4 in the SBISS

1 Peter 4 in the SBITS

1 Peter 4 in the SBITS2

1 Peter 4 in the SBITS3

1 Peter 4 in the SBITS4

1 Peter 4 in the SBIUS

1 Peter 4 in the SBIVS

1 Peter 4 in the SBT

1 Peter 4 in the SBT1E

1 Peter 4 in the SCHL

1 Peter 4 in the SNT

1 Peter 4 in the SUSU

1 Peter 4 in the SUSU2

1 Peter 4 in the SYNO

1 Peter 4 in the TBIAOTANT

1 Peter 4 in the TBT1E

1 Peter 4 in the TBT1E2

1 Peter 4 in the TFTIP

1 Peter 4 in the TFTU

1 Peter 4 in the TGNTATF3T

1 Peter 4 in the THAI

1 Peter 4 in the TNFD

1 Peter 4 in the TNT

1 Peter 4 in the TNTIK

1 Peter 4 in the TNTIL

1 Peter 4 in the TNTIN

1 Peter 4 in the TNTIP

1 Peter 4 in the TNTIZ

1 Peter 4 in the TOMA

1 Peter 4 in the TTENT

1 Peter 4 in the UBG

1 Peter 4 in the UGV

1 Peter 4 in the UGV2

1 Peter 4 in the UGV3

1 Peter 4 in the VBL

1 Peter 4 in the VDCC

1 Peter 4 in the YALU

1 Peter 4 in the YAPE

1 Peter 4 in the YBVTP

1 Peter 4 in the ZBP